Mapisarema 50

Pisarema raAsafi.

1 Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira.

2 Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya.

3 Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza.

4 Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti:

5 “Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano neni nechibayiro.”

6 Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi.Sera

7 “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura, imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu: Ndini Mwari, Mwari wenyu.

8 Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu, kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu.

9 Handisi kuda hando inobva mudanga rako, kana mbudzi inobva muzvirugu zvako,

10 nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru.

11 Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo, uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu.

12 Kana dai ndaiva nenzara, handaikuudza iwe, nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi.

13 Ko, ndinodya nyama yehando kana kunwa ropa rembudzi here?

14 Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari, zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro,

15 uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika; ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.”

16 Asi kuna vakaipa, Mwari anoti, “Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu, kana kuisa sungano yangu pamiromo yako?

17 Unovenga kurayira kwangu, uye unorasira mashoko angu shure kwako.

18 Paunoona mbavha, unowadzana nayo; unogoverana nemhombwe mugove wako.

19 Unoshandisa muromo wako kuita zvakaipa, uye unorovedza rurimi rwako kukunyengera.

20 Unogara uchipomera hama yako nokuitira mwanakomana wamai vako makuhwa.

21 Zvinhu izvi wakazviita ini ndikaramba ndinyerere; wakafunga kuti ndakafanana newe. Asi ndichakutsiura uye ndichaisa mhosva iyi pamberi pako.

22 “Fungai izvi, imi vanokanganwa Mwari, kuti ndirege kukubvambura-bvamburai mukashaya angakununurai:

23 Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza, uye anogadzira nzira kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari.”

Mapisarema 51

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Panguva yakauya muprofita Natani kwaari shure kwokuita upombwe kwaDhavhidhi naBhatishebha.

1 Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari, nokuda kworudo rwenyu rusingaperi; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu huru.

2 Shambidzai zvakaipa zvangu zvose uye mundinatse kubva pachivi changu.

3 Nokuti ndinoziva kudarika kwangu, uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.

4 Ndakakutadzirai imi, iyemi moga nokuita chinhu chakaipa pamberi penyu, kuti munzi makarurama pamunotaura uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu.

5 Zvirokwazvo ndakanga ndiri mutadzi pandakaberekwa, ndiri mutadzi kubva pandakaumbwa mudumbu ramai vangu.

6 Zvirokwazvo imi munoda chokwadi pakati pomwoyo; munondidzidzisa uchenjeri panzvimbo yomukatikati.

7 Ndinatsei nehisopi, ipapo ndichachena; ndishambidzei, ipapo ndichachena sechando.

8 Ndiitei kuti ndinzwe mufaro nokufarisisa; itai kuti mapfupa amakapwanya afare.

9 Vanzai chiso chenyu pazvivi zvangu uye mudzime zvakaipa zvangu zvose.

10 Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari, uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.

11 Regai kundirasa pamberi penyu kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri.

12 Dzoreraizve kwandiri mufaro woruponeso rwenyu, uye mundipe mweya unoda, kuti undiraramise.

13 Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu, uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.

14 Ndiponesei pamhosva yeropa, imi Mwari, iyemi Mwari anondiponesa, ipapo rurimi rwangu ruchaimba zvokururama kwenyu.

15 Haiwa Ishe, zarurai miromo yangu, ipapo muromo wangu uchaparidza rumbidzo yenyu.

16 Hamufariri chibayiro, ndingadai ndakuvigirai, imi hamufariri zvipiriso zvinopiswa.

17 Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamuzoushori.

18 Pamufaro wenyu wakanaka, itai kuti Zioni ribudirire; muvake masvingo eJerusarema.

19 Ipapo pachava nezvibayiro zvakarurama, zvipiriso zvinopiswa zvakazara zvinokufadzai; ipapo hando dzichabayirwa paaritari yenyu.

Mapisarema 52

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. Dhoegi muEdhomu paakanga aenda kuna Sauro akamuudza kuti: “Dhavhidhi aenda kumba kwaAhimereki.”

1 Ko, unozvikudzirei pane zvakaipa, iwe murume wesimba? Unozvikudzirei zuva rose, iyewe unonyadzisa pamberi paMwari?

2 Rurimi rwako runofarira zvokuparadza; rwakaita sechisvo chakarodzwa, iyewe unogara uchingonyengera.

3 Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka, kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi.Sera

4 Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza, iwe rurimi runonyengera!

5 Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi: Achakubvuta agokubvisa mutende rako; achakudzura kubva munyika yavapenyu.Sera

6 Vakarurama vachazviona uye vachatya; vachamuseka vachiti,

7 “Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake, asi aivimba nepfuma yake zhinji, uye aisimba nokuparadza vamwe!”

8 Asi ini ndakaita somuti womuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari; ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari, nokusingaperi-peri.

9 Ndichakurumbidza, nokusingaperi nokuda kwezvamakaita; ndichavimba nezita renyu, nokuti zita renyu rakanaka. Ndichakurumbidzai pamberi pavatsvene venyu.

Mapisarema 53

Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo eMaharati. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi.

1 Benzi rinoti mumwoyo maro, “Mwari hakuna.” Vakaora, uye nzira dzavo dzakaipa; hakuna anoita zvakanaka.

2 Mwari anotarira ari kudenga, pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, kana aripo anotsvaka Mwari.

3 Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure, vakava vakaora pamwe chete; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.

4 Ko, vaiti vezvakaipa havangadzidzi here, vaya vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa, uye vasingadani kuna Mwari?

5 Havo, vakazadzwa nokutya, ipo pasina chavangatya. Mwari akaparadzira mapfupa avanhu vaikurwisa; makavanyadzisa, nokuti Mwari akavazvidza.

6 Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwabuda kubva muZioni; Mwari paachadzosera nhaka yavanhu vake; Jakobho ngaafarisise uye Israeri ngaafarisise!

Mapisarema 54

Kumutungamiri wokuimba nomitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. VaZefati pavakaenda kuna Sauro kundoti, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pakati pedu here?”

1 Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu; ndiruramisirei nesimba renyu.

2 Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari; teererai kumashoko omuromo wangu.

3 Vatorwa vanondirwisa; vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasingazivi Mwari.Sera

4 Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu; ishe ndiye anonditsigira.

5 Zvakaipa ngazvimonere pana avo vanondireva; muvaparadze pakutendeka kwenyu.

6 Ndichakubayirai chipiriso chokungopa; ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha, nokuti rakanaka.

7 Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose, uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.

Mapisarema 55

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi.

1 Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, imi Mwari; regai kushaya hanya nokukumbira kwangu;

2 ndinzwei, uye ndipindureiwo. Pfungwa dzangu dzinondinetsa uye ndiri kushushikana,

3 pandinonzwa inzwi romuvengi wangu, pandinodzvokorwa navakaipa; nokuti vanodururira matambudziko pamusoro pangu, uye vanondituka mukutsamwa kwavo.

4 Mwoyo wangu unorwadziwa mukati mangu; kutyisa kworufu kunondiwira.

5 Kutya nokudedera zvakandibata; kutya kukuru kwakandifukidza.

6 Ini ndakati, “Haiwa, dai ndina mapapiro enjiva! Ndaibhururukira kure ndikandozorora hangu,

7 ndaitizira kure kwazvo, ndikandogara mugwenga;Sera

8 ndaikurumidza kundovanda panzvimbo yangu, kure nemafungu nedutu.”

9 Nyonganisai vakaipa, imi Ishe, kanganisai mutauro wavo, nokuti ndinoona mhirizhonga nokurwa muguta.

10 Masikati nousiku vanopoterera masvingo aro chinyararire; utsinye nokumanikidza zviri mukati maro.

11 Masimba okuparadza azere muguta; kutyisidzira nenhema hazvibvi munzira dzaro.

12 Dai ndatukwa nomuvengi, ndaigona kushinga hangu; dai muvengi aindimukira, ndaigona kumuvanda hangu.

13 Asi ndiwe, munhu akaita seni, mumwe wangu, shamwari yangu yapedyo,

14 yandaimbofarira kuwadzana nayo pataifamba navazhinji mumba maMwari.

15 Rufu ngaruwane vavengi vangu vasingafungiri; ngavaburukire muguva vari vapenyu, nokuti kuipa kwakawana pokugaro pakati pavo.

16 Asi ini ndinodana kuna Mwari, uye Jehovha anondiponesa.

17 Madekwana, mangwanani namasikati ndinochema mukushushikana, uye iye anonzwa inzwi rangu.

18 Anondidzikinura ndisina kukuvara kubva pahondo inondirwisa, kunyange zvazvo vazhinji vachindipikisa.

19 Mwari, agere pachigaro choushe nokusingaperi, achavanzwa agovaninipisa,Seraivo vanhu vasingamboshanduri nzira dzavo, uye vasingatyi Mwari.

20 Mumwe wangu anorova shamwari dzake; anoputsa sungano yake.

21 Mutauro wake unotsvedzerera samafuta, asi kurwa kuri mumwoyo make; mashoko ake anopfavisa kukunda mafuta, asi minondo yakavhomorwa.

22 Kanda kufunganya kwako pana Jehovha uye iye achakusimbisa; haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.

23 Asi imi, iyemi Mwari, muchaburutsira vakaipa pasi mugomba rokuora; vanhu vanokarira ropa navanyengeri havangararami hafu yamazuva avo. Asi kana ndirini, ndinovimba nemi.

Mapisarema 56

Kumutungamiri wokuimba. Namaririro e“Njiva pamiOuki iri kure.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakabatwa navaFiristia paGati.

1 Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha; zuva rose vanorwa neni.

2 Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose; vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo.

3 Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi.

4 Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi. Ko, munhu anofa angandiitei?

5 Zuva rose vanomonyorora mashoko angu; vanogara vachirangana kundikuvadza.

6 Vanorangana, vanovandira, vanocherechedza mafambiro angu, vachishuva kundiuraya.

7 Ngavasapukunyuka savasina mhaka; koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari.

8 Nyorai kuchema kwangu; isai misodzi yangu parugwaro rwenyu, ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?

9 Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure pandinodanidzirai kuti ndibatsirwe. Nechinhu ichi, ndichaziva kuti Mwari ari kurutivi rwangu.

10 Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza,

11 muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu. Ko, munhu angandiitei?

12 Ndinosungwa nemhiko kwamuri, imi Mwari; ndichakuvigirai zvipo zvangu zvokuvonga.

13 Nokuti makandirwira parufu, uye netsoka dzangu pakugumburwa, kuti ndifambe pamberi penyu muchiedza choupenyu.

Mapisarema 57

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakatiza kubva kuna Sauro akapinda mubako.

1 Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, ndinzwirei ngoni, nokuti mweya wangu unovanda mamuri. Ndichavanda mumumvuri wamapapiro enyu, kusvikira njodzi yapfuura.

2 Ndinodanidzira kuna Mwari Wokumusoro-soro, kuna Mwari anozadzisa chinangwa chake kwandiri.

3 Anotuma kubva kudenga agondiponesa, achituka vaya vanondidzingirira nehasha;SeraMwari anotumira rudo rwake nokutendeka kwake.

4 Ndiri pakati peshumba; ndinovata pakati pemhuka dzinokara, ivo vanhu vana meno amapfumo nemiseve, vane ndimi dzinopinza seminondo.

5 Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

6 Vanowaririra tsoka dzangu mimbure, ndakakotamiswa pasi nenhamo. Vakachera gomba panzira yangu, asi vakawiramo vamene.Sera

7 Mwoyo wangu wakasimba, imi Mwari, mwoyo wangu wakasimba; ndichaimba uye ndichaimba rwiyo.

8 Chimuka iwe mweya wangu! Mukai imi mutengeranwa nembira! Ini ndichamutsa mambakwedza.

9 Ndichakurumbidzai imi, iyemi Ishe, pakati pendudzi; ndichakuimbirai pakati pamarudzi.

10 Nokuti rudo rwenyu rukuru, runosvika kudenga denga; kutendeka kwenyu kunosvika kumusoro.

11 Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

Mapisarema 58

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami.

1 Ko, imi vatongi munotaura kururamisira here? Munotonga pakati pavanhu nokururamisira here?

2 Kwete, munofunga kusaruramisira mumwoyo menyu, uye maoko enyu anomanikidza panyika.

3 Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka; kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema.

4 Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka, vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo,

5 isingateereri maimbiro en’anga kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru.

6 Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari; bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba!

7 Ngavatsakatike semvura yapera kuerera; pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare.

8 Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba, kufanana negambemwedzi, ngavarege kuona zuva.

9 Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto, ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa.

10 Vakarurama vachafara pavachatsivirwa, pavachashambidza tsoka dzavo muropa ravakaipa.

11 Ipapo vanhu vachati, “Zvirokwazvo vakarurama vachiri kungowana mubayiro; zvirokwazvo Mwari ariko anotonga nyika.”

Mapisarema 59

Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro unoti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Sauro paakanga atuma varume kundorinda imba yaDhavhidhi kuti amuuraye.

1 Ndirwirei pavavengi vangu, imi Mwari; Ndidzivirirei kubva kuna avo vanondimukira.

2 Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa.

3 Tarirai kundivandira kwavakaita! Vanhu vanotyisa vanondirangana pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha.

4 Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa. Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu!

5 Haiwa Jehovha, Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mukai murange ndudzi dzose; musanzwira ngoni vakaipa navapanduki.Sera

6 Vanodzoka madekwana, vachihon’a sembwa, uye vachinyahwaira muguta.

7 Onai zvavanorutsa mumiromo yavo: vanorutsa minondo kubva pamiromo yavo, uye vanoti, “Ndiani angatinzwa?”

8 Asi imi, iyemi Jehovha, munovaseka; munodadira ndudzi dzose.

9 Haiwa imi simba rangu, ndinokurindirai; imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu,

10 Mwari anondida achanditungamirira. uye achanditendera kuti ndifare pamusoro pavanondireva.

11 Asi musavauraya, imi Ishe nhoo yedu, zvimwe vanhu vangu vangakanganwa. Musimba renyu itai kuti vadzungaire, uye muvaderedze.

12 Nokuda kwezvivi zvemiromo yavo, nokuda kwamashoko emiromo yavo, ngavabatwe pakuzvikudza kwavo. Nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura,

13 vaparadzei nehasha dzenyu, vaparadzei kusvikira vapera. Ipapo zvichazivikanwa kumigumo yenyika kuti Mwari anotonga pamusoro paJakobho.Sera

14 Vanodzoka madekwana, vachihon’a sembwa, uye vachinyahwaira muguta.

15 Vanodzungaira vachitsvaka zvokudya, uye vanohuhudza kana vasina kuguta.

16 Asi ini ndichaimba nezvesimba renyu, ndichaimba nezvorudo rwenyu mangwanani; nokuti imi muri nhare yangu, utiziro hwangu panguva dzokutambudzika.

17 Haiwa imi simba rangu, ndinokuimbirai nziyo dzokurumbidza; imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu, Mwari anondida.