Mapisarema 60

Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro we“Ruva reMahapa reSungano.” Rwiyo rweMikitami rwaDhavhidhi. Rwokudzidzisa. Paakarwa neAramu Naharaimi neAramu Zobha, uye panguva yakadzoka Joabhu akaparadza zviuru gumi nezviviri zvavaEdhomu muMupata woMunyu.

1 Makatiramba, imi Mwari, uye mukatirwisa; makanga makatsamwa, zvino tidzorei henyu!

2 Makazungunusa nyika mukaitsemura napakati; gadzirai henyu mitswe yayo, nokuti iri kudengenyeka.

3 Makaratidza vanhu venyu nguva dzakaoma; makatipa waini inotidzedzeresa.

4 Asi kuna vanokutyai, makasimudza mureza kuti urege kupfaranyurwa neuta.Sera

5 Tiponesei uye tibatsirei noruoko rwenyu rworudyi, kuti avo vamunoda varwirwe.

6 Mwari akataura ari muimba yake tsvene achiti: “Ndichaganhura Shekemu nesimba uye ndichayera Mupata weSukoti.

7 Gireadhi nderangu, uye Manase ndowangu; Efuremu inguwani yangu yakasimba, Judha itsvimbo yangu.

8 Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambira, pamusoro paEdhomu ndipo pandinokanda shangu yangu; pamusoro paFiristia ndinopururudza mukukunda.”

9 Ndianiko achandiisa kuguta rakakomberedzwa? Ndianiko achanditungamirira kuenda kuEdhomu?

10 Hamusimi, iyemi Mwari, iyemi makatiramba here, uye mukarega kubuda nehondo dzedu?

11 Tibatsirei pavavengi vedu, nokuti rubatsiro rwavanhu haruna maturo.

12 NaMwari wedu, tichakunda, uye achatsikira vavengi vedu pasi.

Mapisarema 61

Kumutungamiri wokuimba, nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raDhavhidhi.

1 Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari; rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu.

2 Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri, ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya; nditungamirirei kudombo rakareba kundipfuura.

3 Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu.

4 Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi, uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu.Sera

5 Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari; makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu.

6 Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo, makore ake kumarudzi namarudzi.

7 Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi; gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire.

8 Ipapo ndichagara ndichirumbidza zita renyu nenziyo, uye ndichazadzisa mhiko dzangu zuva nezuva.

Mapisarema 62

Kumutungamiri wokuimba, Jedhutuni. Pisarema raDavhidhi.

1 Mweya wangu unozorora muna Mwari oga; ruponeso rwangu runobva kwaari.

2 Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi.

3 Muchasvika kupiko muchingorova munhu? Ko, imi mose muchamukanda pasi here, iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa?

4 Vanofunga kwazvo zvokumuwisira pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira; vanofarira nhema. Vanoropafadza nemiromo yavo, Asi vachituka mumwoyo yavo.Sera

5 Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga; tariro yangu inobva kwaari.

6 Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingazungunuswi.

7 Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari; ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu.

8 Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu kwaari, nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu.Sera

9 Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo, asi vanokudzwa inhema bedzi; kana vakayerwa havaremi, havazi chinhu; vose pamwe chete vanongova mweya.

10 Regai kuvimba noupambi kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba; kunyange pfuma yenyu ichiwanda, regai kuisa mwoyo yenyu pairi.

11 Chinhu chimwe chakataurwa naMwari, zvinhu zviviri zvandakanzwa: Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba,

12 uye kuti imi, iyemi Ishe, mune rudo. Zvirokwazvo muchapa mubayiro kumunhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.

Mapisarema 63

Pisarema raDhavhidhi paakanga ari murenje reJudha.

1 Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu, ndinokutsvakai nomwoyo wose; mwoyo wangu une nyota kwamuri, muviri wangu unokupangai, munyika yakaoma uye yasakara isina mvura.

2 Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene, uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu.

3 Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai.

4 Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu, uye ndichasimudza maoko angu muzita renyu.

5 Mweya wangu uchagutswa kunge wadya zvakakora kwazvo; muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo.

6 Ndinokurangarirai ndiri pamubhedha wangu; ndinokufungai panguva dzose dzousiku.

7 Nokuti muri mubatsiri wangu, ndinoimba ndiri mumumvuri wamapapiro enyu.

8 Mweya wangu unonamatira kwamuri; ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.

9 Vanotsvaka upenyu hwangu vachaparadzwa; vachaburukira kwakadzika kwepasi.

10 Vachaiswa kumunondo vagova zvokudya zvamakava.

11 Asi mambo achafara muna Mwari; vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza, asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa.

Mapisarema 64

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndinzweiwo, imi Mwari, pandinotaura chichemo changu; dzivirirai upenyu hwangu pakutyisidzira kwavavengi.

2 Ndivanzei pakurangana kwavakaipa, ndibve pazhowezhowe yeungano yavaiti vezvakaipa.

3 Vanorodza ndimi dzavo seminondo, uye vanonanga namashoko avo semiseve inouraya.

4 Vanopfura vari pakavanda munhu asina mhosva; vanomupfura pakarepo, vasingatyi.

5 Vanokurudzira mumwe nomumwe wavo pakufunga zvakaipa, vanotaura pamusoro pokuteya misungo yavo, uye vanoti, “Ndianiko achaiona?”

6 Vanorangana kusaruramisira vachiti, “Tafunga zano rakakwana!” Zvirokwazvo mwoyo nomurangariro womunhu zvinonyengera.

7 Asi Mwari achavapfura nemiseve; pakarepo vachawira pasi.

8 Achaita kuti ndimi dzavo dzivashandukire, uye achavaisa pakuparadzwa; vose vanovaona vachavadzungudzira misoro vachivaseka.

9 Marudzi ose avanhu achatya; achaparidza mabasa aMwari, uye achafungisisa zvaakaita.

10 Vakarurama ngavafare muna Jehovha uye vavande maari; vose vakarurama mumwoyo ngavamurumbidze!

Mapisarema 65

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.

1 Kurumbidzwa kwakakumirirai, imi Mwari, muZioni; kwamuri mhiko dzedu dzichazadziswa.

2 Haiwa, imi munonzwa munyengetero, vanhu vose vachauya kwamuri.

3 Patakanga takafukidzwa nezvivi, makakanganwira kudarika kwedu.

4 Vakaropafadzwa avo vamunosarudza navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu! Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu, zvetemberi yenyu tsvene.

5 Munotipindura namabasa okururama anotyisa, imi Mwari Muponesi wedu, tariro yemigumo yepasi pose namakungwa ari kure kure,

6 iyemi makaumba makomo nesimba renyu, makazvishongedza nesimba,

7 iyemi makanyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungu aro, nokupopota kwendudzi.

8 Vanogara kure kure vanotya zvishamiso zvenyu; uko kunobuda mambakwedza uye madekwana achipera, munodanidzira nziyo dzomufaro.

9 Mune hanya nenyika uye munoidiridza; munoipfumisa kwazvo. Hova dzaMwari dzizere nemvura kuti dzivigire vanhu zviyo, nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira.

10 Munozadza mihoronga yacho nemvura, uye munoenzanisa mihomba yacho; munoinyorovesa nemvura inopfunha munoropafadza zvibereko zvayo.

11 Munoshongedza gore nekorona yezvakawanda zvenyu, uye ngoro dzenyu dzinopfachukira nezvakawanda.

12 Uswa hwomurenje hwopfachukira; zvikomo zvakafukidzwa nomufaro.

13 Mafuro azara namapoka emakwai, uye mipata yafukidzwa nezviyo; zvinodanidzira nomufaro uye zvinoimba.

Mapisarema 66

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo. Pisarema.

1 Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose!

2 Imbirai mukurumbira wezita rake; murumbidze zvikuru kukudzwa kwake!

3 Muti kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei! Simba renyu iguru zvokuti vavengi venyu vanodedera pamberi penyu.

4 Nyika yose inokukotamirai; vanokuimbirai nziyo dzokurumbidza, vanoimba nziyo dzokurumbidza zita renyu.”Sera

5 Uyai muone zvaitwa naMwari, mabasa ake anotyisa sei pakati pavanhu!

6 Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma, vakafamba nomumvura zhinji netsoka dzavo, uyai, ngatifarei maari.

7 Anotonga nokusingaperi nesimba rake, meso ake anocherechedza ndudzi, vanomumukira ngavarege kumisidzana naye.Sera

8 Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu, inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike;

9 iye akachengetedza upenyu hwedu netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka.

10 Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza; mukatinatsa sesirivha.

11 Makatipinza mutorongo mukatitakudza mitoro pamisana yedu.

12 Makabvumira vanhu kukwira pamisoro yedu; takapinda mumoto nomumvura, asi makatiisa kunzvimbo ine zvakawanda.

13 Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu, ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri,

14 mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu, uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo.

15 Ndichakubayirai mhuka dzakakora nechipiriso chamakondohwe; ndichabayirawo hando nembudzi.Sera

16 Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; regai ndikuudzei zvaakandiitira.

17 Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.

18 Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu, Ishe aidai asina kundinzwa;

19 asi zvirokwazvo Mwari akateerera akanzwa inzwi rangu mumunyengetero.

20 Mwari ngaarumbidzwe, iye asina kuramba munyengetero wangu. Kana kudzivisa rudo rwake kwandiri!

Mapisarema 67

Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema. Rwiyo.

1 Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu,Sera

2 kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose.

3 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.

4 Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika.Sera

5 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.

6 Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.

7 Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.

Mapisarema 68

Mutungamiri mukuru wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.

1 Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe; vavengi vake ngavatize pamberi pake.

2 Sokupeperetswa kunoitwa utsi nemhepo, saizvozvo vapeperetsei; sokunyauka kunoita namo pamberi pomoto, vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.

3 Asi vakarurama ngavafare, uye vafarisise pamberi paMwari; ngavafare uye vapembere.

4 Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, murumbidzei zvikuru iye anofamba pamusoro pamakore, zita rake ndiJehovha, uye farai pamberi pake.

5 Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi, ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.

6 Vakanga vari voga Mwari akavagarisa mumhuri, anosesedza vasungwa vachiimba; asi mhandu dzinogara panyika yatsva nezuva.

7 Pamakatungamirira vanhu venyu, imi Mwari, pamakafamba napakati perenje,Sera

8 nyika yakazungunuka, matenga akadurura mvura, pamberi paMwari, iye weSinai, pamberi paMwari, iye Mwari waIsraeri.

9 Imi Mwari, makanayisa mvura zhinji; mukaita kuti nhaka yenyu yakaneta ifefeterwe.

10 Vanhu venyu vakagaramo, uye imi Mwari, kubva pane, zvakawanda zvenyu, makariritira varombo.

11 Ishe akataura shoko, vakadzi vakaparidza shoko vaiva vazhinji kwazvo:

12 “Madzimambo navarwi vakakurumidza kutiza; mumisasa, vanhu vakagovana zvakapambwa.

13 Kunyange pamunenge makavata pakati pemoto yemisasa, mapapiro enjiva yangu akafukidzwa nesirivha, minhenga yayo negoridhe rinovaima.”

14 Wamasimba Ose paakaparadzira madzimambo munyika, zvakanga zvakaita sechando chawira pamusoro peZarimoni.

15 Makomo eBhashani makomo oushe; makomo eBhashani akati twi.

16 Munotaririreiko negodo, imi makomo akati twi, pagomo rakasarudzwa naMwari kuti atongepo, pachagarwa naJehovha pachake nokusingaperi?

17 Ngoro dzaMwari dzinosvika makumi ezviuru nezviuru zvezviuru; Ishe akasvika panzvimbo yake tsvene achibva kuSinai.

18 Pamakakwira kumusoro, makatungamirira vatapwa mumudungwe wenyu; mukagamuchira zvipo zvaibva kuvanhu, kunyange zvaibva kuna vakapanduka, kuti imi, iyemi Jehovha Mwari, mugarepo.

19 Ishe ngaarumbidzwe, Mwari Muponesi wedu, anotakura mitoro yedu zuva nezuva.Sera

20 Mwari wedu ndiMwari anoponesa; kupunyuka parufu kunobva kuna Ishe Jehovha.

21 Zvirokwazvo Mwari achapwanya misoro yavavengi vake, panhongonya dzine vhudzi dzaavo vanorambira muzvivi zvavo.

22 Ishe anoti, “Ndichavabvisa kubva kuBhashani; ndichavabudisa kubva kwakadzika kwegungwa,

23 kuti unyike tsoka dzako muropa ravavengi vako, ndimi dzembwa dzako dzichiwanawo mugove wadzo.”

24 Mudungwe wenyu wakaonekwa, imi Mwari, mudungwe waMwari wangu naMambo achipinda munzvimbo tsvene.

25 Mberi kuna vaimbi, vachiteverwa navaridzi vemitengeranwa; pamwe chete navarandakadzi vachiridza matambureni.

26 Rumbidzai Mwari paungano huru; rumbidzai Mwari pagungano raIsraeri.

27 Tarirai, rudzi ruduku rwaBhenjamini runovatungamirira, hawo machinda mazhinji aJudha, uye hawo machinda aZebhuruni neaNafutari.

28 Danai simba renyu, imi Mwari; tiratidzei simba renyu, imi Mwari, sezvamakaita kare.

29 Nokuda kwetemberi yenyu paJerusarema, madzimambo achakuvigirai zvipo.

30 Tukai mhuka dziri pakati petsanga, mapoka ehando ari pakati pemhuru dzendudzi. Ngaiuye nesirivha, yakazvininipisa. Paradzirai ndudzi dzinofarira kurwa.

31 Nhume dzichabva kuIjipiti; Etiopia ichazviisa pasi paMwari.

32 Imbirai Mwari, imi ushe hwepasi, rumbidzai Ishe nenziyo,Sera

33 kuna iye anotasva matenga akare kumusoro, iye anobudisa inzwi rake, inzwi rine simba.

34 Paridzai simba raMwari, iye ano ushe huri pamusoro peIsraeri, ane simba riri kudenga denga.

35 Munotyisa imi Mwari, muri panzvimbo yenyu tsvene; Mwari waIsraeri anopa ushe nesimba kuvanhu vake. Mwari ngaarumbidzwe!

Mapisarema 69

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo a“Maruva eMahapa.” Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndiponesei, imi Mwari, nokuti mvura zhinji yakwira kusvikira pamutsipa wangu.

2 Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pangatsika makumbo angu. Ndapinda mumvura yakadzika; ndafukidzwa namafashamu.

3 Ndaneta nokuridza mhere yokuti ndibatsirwe; huro dzangu dzaoma, meso angu aneta, nokumirira Mwari wangu.

4 Vanondivenga ndisina mhosva vakawanda kupfuura bvudzi romusoro wangu; vanondivenga ndisina mhosva vazhinji, avo vanotsvaka kundiparadza. Ndinomanikidzwa kudzosera zvandisina kuba.

5 Munoziva upenzi hwangu, imi Mwari; mhaka yangu haina kuvanzika kwamuri.

6 Vaya vane tariro mamuri ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Ishe, Jehovha Wamasimba Ose; vanokutsvakai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Mwari waIsraeri.

7 Nokuti ndinotsunga kusekwa hangu nokuda kwenyu, uye nyadzi dzafukidza chiso changu.

8 Ndiri mutorwa kuhama dzangu, nomweni kuvanakomana vamai vangu;

9 nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza, uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu.

10 Pandinochema nokutsanya, ndinofanira kushinga pakusekwa;

11 pandinofuka nguo dzamasaga, vanhu vanondiita shumo.

12 Vaya vanogara pasuo vanondiseka, uye ndiri rwiyo rwezvidhakwa.

13 Asi ndinonyengetera kwamuri, imi Mwari, panguva inokufadzai; murudo rwenyu rukuru, imi Mwari, ndipindurei noruponeso rwenyu rwechokwadi.

14 Ndinunurei mumatope, musandirega ndichinyura; ndirwirei kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika.

15 Musatendera mvura yamafashamu kuti indifukidze, kana kwakadzika kuti kundimedze kana kuti gomba rizarure muromo waro pamusoro pangu.

16 Ndipindurei, imi Jehovha, zvichibva pakunaka kworudo rwenyu; dzokerai henyu kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu huru.

17 Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; ndipindurei nokukurumidza, nokuti ndava mudambudziko.

18 Swederai pedyo mundinunure; ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.

19 Munoziva kusekwa kwangu, kunyadziswa nokusakudzwa kwangu; vavengi vangu vose vari pamberi penyu.

20 Kusekwa kwaputsa mwoyo wangu, uye kwandisiya ndisisina chingandibatsira; Ndakatsvaka vangandinzwira ngoni, asi ndakavashaya, vangandinyaradza, asi ndakavashayazve.

21 Vakaisa nduru mune zvokudya zvangu, uye vakandipa vhiniga pandaiva nenyota.

22 Tafura yagadzirwa pamberi pavo ngaive musungo; ngaive shamhu yokuranga neriva.

23 Meso avo ngaapofumadzwe kuti varege kuona, uye misana yavo iminame nokusingaperi.

24 Dururirai hasha dzenyu pamusoro pavo; kutsamwa kwenyu kunotyisa ngakuvakurire.

25 Nzvimbo yavo ngaisiyiwe; ngaparege kuva nomunhu anogara mumatende avo.

26 Nokuti vanotambudza vaya vamakarova, uye vanotaura pamusoro pokurwadziwa kwavakakuvadzwa nemi.

27 Vapei mhosva pamusoro pemhosva; ngavarege kuva nomugove woruponeso rwenyu.

28 Ngavadzimwe mubhuku roupenyu, uye varege kuverengwa pamwe chete navakarurama.

29 Ndiri pakurwadziwa nenhamo; ruponeso rwenyu imi Mwari, ngarundidzivirire.

30 Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, uye ndichamukudza nokuvonga.

31 Izvi zvichafadza Jehovha kukunda nzombe, kupfuura hando nenyanga dzayo, namahwanda ayo.

32 Varombo vachazviona uye vachafara, imi vanotsvaka Mwari, mwoyo yenyu ngairarame!

33 Jehovha anonzwa vanoshayiwa uye haashori vanhu vake vakatapwa.

34 Denga nenyika ngazvimurumbidze, makungwa nezvose zvinofamba, imomo,

35 nokuti Mwari achaponesa Zioni agovakazve maguta aJudha. Ipapo vanhu vachagarako, vagoritora;

36 Vana vavaranda vake vacharipiwa senhaka, uye avo vanoda zita rake vachagara ikoko.