Mapisarema 100

Pisarema rokuvonga.

1 Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose.

2 Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro.

3 Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari. Ndiye akatiita, uye tiri vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.

4 Pindai pamasuo ake nokuvonga nomuvanze dzake nokurumbidza; chimuvongai uye murumbidze zita rake.

5 Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi; kutendeka kwake kunoramba kuripo kumarudzi namarudzi.

Mapisarema 101

Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu; kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.

2 Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa. muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo usina chaungapomerwa.

3 Handingaisi chinhu chakaipa pamberi pangu. Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi; haanganamatiri kwandiri.

4 Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni; handichazovi nechokuita nechakaipa.

5 Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda, iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare; ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza, iyeye handingamuregi akadaro.

6 Meso angu achava pamusoro pavakatendeka vari munyika, kuti vagare neni; iye ane mafambiro asina chaangapomerwa, achandishumira.

7 Hakuna munhu anonyengera achagara mumba mangu; hakuna munhu anotaura nhema achamira pamberi pangu.

8 Mangwanani oga oga ndichaita kuti vanyarare, vakaipa vose vari panyika; ndichauraya vaiti vezvakaipa vose, vabve muguta raJehovha.

Mapisarema 102

Munyengetero womunhu anotambudzika. Paanenge aziya uye odurura kuchema kwake pamberi paJehovha.

1 Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; kuchemera kwangu rubatsiro ngakusvike kwamuri.

2 Regai kundivanzira chiso chenyu pandinenge ndichitambudzika. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; pandinokudanai, ndipindurei nokukurumidza.

3 Nokuti mazuva angu anopera soutsi; mapfupa angu anopisa samazimbe anopfuta.

4 Mwoyo wangu warohwa uye waoma souswa; ndinokanganwa kudya zvokudya zvangu.

5 Nokuda kwokugomera kwangu kukuru ndaonda zvokuti ganda rangu ranamatira pamapfupa.

6 Ndafanana nezizi romugwenga, sezizi riri pakati pamatongo.

7 Ndinovata ndakasvinura, ndava seshiri iri yoga pamusoro pedenga.

8 Zuva rose vavengi vangu vanondituka; avo vanondipengera vanoshandisa zita rangu sechituko.

9 Nokuti ndinodya madota sechokudya changu, uye ndinovhenganisa zvokunwa zvangu nemisodzi,

10 nokuda kwehasha dzenyu huru, nokuti makandisimudza mukandikanda parutivi.

11 Mazuva angu akaita somumvuri wamadekwana; ndinosvava souswa.

12 Asi imi, iyemi Jehovha, munogara pachigaro choushe nokusingaperi; mukurumbira wenyu uripo kusvikira kumarudzi namarudzi.

13 Imi muchasimuka mugonzwira Zioni tsitsi, nokuti ndiyo nguva yokurinzwira nyasha; nguva yakatarwa yasvika.

14 Nokuti matombo aro anokosha kuvaranda venyu; guruva raro chairo rinovaendesa kugomba.

15 Ndudzi dzichatya zita raJehovha, madzimambo ose enyika achatya kubwinya kwenyu.

16 Nokuti Jehovha achavakazve Zioni, agozviratidza pakubwinya kwake.

17 Achadavira minyengetero yavanotambura; haangazvidzi chikumbiro chavo.

18 Izvi ngazvinyorerwe marudzi amangwana, kuti vanhu vasati vasikwa vagorumbidza Jehovha vachiti,

19 “Jehovha akatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira, ari kudenga akacherechedza pasi,

20 kuti anzwe kugomera kwavasungwa agosunungura avo vakatongerwa rufu.”

21 Saka zita raJehovha richaparidzwa muZioni, nokurumbidzwa kwake muJerusarema,

22 panoungana marudzi noushe kuti vanamate Jehovha.

23 Panguva youpenyu hwangu akatapudza simba rangu; akapfupisa mazuva angu.

24 Saka ndakati, “Regai kundibvisa, imi Mwari wangu, pakati pamazuva angu; makore enyu anoramba aripo kusvikira kumarudzi namarudzi.

25 Pamavambo makateya nheyo dzenyika, uye kudenga denga ndiro basa ramaoko enyu.

26 Izvo zvichaparara, asi imi munogara muripo; zvose zvichasakara senguo. Senguo muchavabvisa uye vacharaswa.

27 Asi imi mucharamba makadaro, uye makore enyu haatongogumi.

28 Vana vavaranda venyu vachagara pamberi penyu; zvizvarwa zvavo zvichasimbiswa pamberi penyu.”

Mapisarema 103

Pisarema raDhavhidhi.

1 Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu; zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene.

2 Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake,

3 iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose,

4 anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi,

5 anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka, kuti uduku hwako huvandudzwe sohwegondo.

6 Jehovha anoita zvakarurama, uye anoruramisira vose vakadzvinyirirwa.

7 Akazivisa nzira dzake kuna Mozisi, namabasa ake kuvanhu veIsraeri:

8 Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo.

9 Haangarambi achipomera mhosva, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi;

10 haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.

11 Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya;

12 sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.

13 Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;

14 nokuti anoziva kuti takaumbwa sei, anorangarira kuti tiri guruva.

15 Kana ari munhu zvake, mazuva ake akaita souswa, anokura seruva resango;

16 mhepo inorova napamusoro paro onei raenda, uye nzvimbo yaranga riri haicharirangaririzve.

17 Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi, rudo rwaJehovha rwuri pana avo vanomutya, nokururama kwake kuvana vavana vavo,

18 naavo vanochengeta sungano yake uye vanorangarira zvaakatema.

19 Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga, uye ushe hwake hunotonga zvinhu zvose.

20 Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake, nemi vane simba vanoita zvaakarayira, vanoteerera shoko rake.

21 Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzose dzokudenga, imi varanda vake vanoita kuda kwake.

22 Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose kwose kwose kuno umambo hwake. Rumbidza Jehovha, mweya wangu.

Mapisarema 104

1 Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makashongedzwa nokubwinya noumambo.

2 Iye anozviputira muchiedza saanozviputira nenguo; anotatamura matenga kunge tende

3 uye anogadzika matanda edzimba dzake pamusoro pemvura yadzo zhinji. Anoita makore ngoro dzake, uye anokwira pamapapiro emhepo.

4 Anoita mhepo nhume dzake, namazhenje omoto varanda vake.

5 Anoteya nyika pamusoro penheyo dzayo; haingatongozungunuswi.

6 Makaifukidza nokwakadzika somunofukidza nenguo; mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo.

7 Asi pakutuka kwenyu mvura zhinji yakatiza, pakunzwa mutinhiro wenyu iyo yakatiza;

8 yakayerera napamusoro pamakomo, ikadzika nomumipata, ichienda kunzvimbo yamakairayira.

9 Makatara muganhu waisingadariki; haichazombofukidzizve nyika.

10 Anoita kuti matsime adire mvura mumipata; inoyerera napakati pamakomo.

11 Anonwisa mhuka dzose dzesango mvura; mbizi dzinopedza nyota yadzo.

12 Shiri dzedenga dzinovaka matendere adzo pedyo nemvura; dzinorira dziri pakati pamatavi.

13 Anodiridza makomo ari padzimba dzake dzapamusoro; nyika inogutswa nezvibereko zvebasa rake.

14 Anomeresa uswa hwemombe, nembeu kuti vanhu vasakure, achibudisa zvokudya kubva pasi:

15 iyo waini inofadza mwoyo womunhu, namafuta anopenyesa chiso chake, nechingwa chinosimbisa mwoyo wake.

16 Miti yaJehovha inodiridzwa zvakanaka, iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima.

17 Shiri dzinoruka matendere adzo ipapo; dambiramurove rakaita imba yaro mumiti yomupaini.

18 Makomo marefu ndeengururu; mapako ndiwo utiziro hwembira.

19 Mwedzi unotara nguva, uye zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro.

20 Munouyisa rima, usiku hugovapo, uye zvikara zvose zvesango zvinobuda kundovhima.

21 Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama, uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari.

22 Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure; dzinodzokera dzondovata mumapako adzo.

23 Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana.

24 Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko! Makaaita ose nenjere; nyika izere nezvisikwa zvenyu.

25 Hero gungwa, rakakura uye rakapamhamha, rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa, zvipenyu zvikuru nezviduku.

26 Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena, yamakaumba kuti itambemo.

27 Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.

28 Pamunozvipa, zvinozviunganidza; pamunozarura ruoko rwenyu, izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka.

29 Pamunovanza chiso chenyu, izvo zvinovhundutswa; pamunozvitorera mweya, izvo zvinofa uye zvinodzokera kuguruva.

30 Pamunotuma Mweya wenyu, izvo zvinosikwa, uye munovandudza chiso chenyika.

31 Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafare nebasa rake,

32 iye anotarira nyika, yobva yabvunda, iye anobata makomo obva apwititika utsi.

33 Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.

34 Kurangarira kwangu ngakumufadze, pandinofara muna Jehovha.

35 Asi vatadzi ngavaparadzwe panyika, uye vakaipa ngavarege kuzovapozve. Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Rumbidzai Jehovha.

Mapisarema 105

1 Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi.

2 Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.

3 Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare.

4 Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose.

5 Rangarirai zvishamiso zvaakaita, mabasa ake, nezvaakatonga zvaakareva,

6 imi vana vaAbhurahama muranda wake, haiwa vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake.

7 Ndiye Jehovha Mwari wedu; kutonga kwake kuri munyika yose.

8 Anorangarira sungano yake nokusingaperi, iro shoko raakarayira, kumarudzi ane chiuru,

9 sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.

10 Akaisimbisa kuna Jakobho somutemo, nokuna Israeri sesungano isingaperi achiti,

11 “Ndichapa nyika yeKenani kwauri somugove wenhaka yako.”

12 Pavaiva vashoma pakuwanda, zvirokwazvo vari vashoma, uye vari vaeni mairi,

13 vakadzungaira vachibva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi. Kubva kuno humwe ushe vachienda kuno humwe.

14 Haana kutendera munhu kuvadzvinyirira; akatuka madzimambo nokuda kwavo achiti,

15 “Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”

16 Akadana nzara panyika ikaparadza zvose zvaiuyisa zvokudya;

17 uye akatuma munhu pamberi pavo, iye Josefa, akatengeswa senhapwa.

18 Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo mutsipa wake ukaiswa mumatare esimbi,

19 kusvikira zvaakareva zvazadziswa, kusvikira shoko raJehovha raratidza kutendeka kwake.

20 Mambo akatuma shoko kuti asunungurwe, vatongi vavanhu vakamuregedza.

21 Iye akamuita tenzi weimba yake, nomutongi wepfuma yake yose,

22 kuti arayire machinda ake sezvaaida uye adzidzise vakuru vake njere.

23 Ipapo Israeri akapinda muIjipiti; Jakobho akagara somweni munyika yaHamu.

24 Jehovha akawanza vanhu vake chose; akavaita vazhinji kwazvo kupinda vavengi vavo,

25 avo vaakashandura mwoyo yavo kuti ivenge vanhu vake, kuti varangane pamusoro pavaranda vake.

26 Akatuma Mozisi muranda wake, naAroni, waakanga asarudza.

27 Vakaita zviratidzo zvinoshamisa pakati pavo, izvo zvishamiso zvake munyika yaHamu.

28 Akatumira rima akaita kuti nyika ive murima, nokuti havana kumukira shoko rake here?

29 Akashandura mvura yavo zhinji ikava ropa, zvikaita kuti hove dzavo dzife.

30 Nyika yavo yakazara namatatya, akapinda mudzimba dzamadzimambo avo.

31 Iye akataura mapupira enhunzi akauya, nenda munyika yavo yose.

32 Akashandura mvura yavo ikava chimvuramabwe, nemheni munyika yavo yose;

33 akarova mizambiringa yavo nemionde yavo, akaparadza miti yomunyika yavo.

34 Akataura, mhashu dzikauya, namagutaguta asingaverengeki;

35 zvakadya miriwo minyoro yose munyika yavo, zvikadya zvibereko zvevhu ravo.

36 Ipapo akarova matangwe munyika yavo, zvibereko zvokutanga zvesimba roujaya hwavo.

37 Akabudisa Israeri akaremerwa nesirivha negoridhe, kwakanga kusina akagumburwa pakati pamarudzi avo.

38 Ijipiti yakafara pavakabva, nokuti kutya vaIsraeri kwakanga kwavabata.

39 Akatatamura gore rikava chifukidzo, uye moto kuti uvhenekere usiku.

40 Vakakumbira, iye akavauyisira zvihuta, uye akavagutsa nechingwa chakabva kudenga.

41 Akazarura dombo, mvura ikatubuka; ikayerera mugwenga sorwizi.

42 Nokuti akarangarira mhiko yake tsvene yaakapa Abhurahama muranda wake.

43 Akabudisa vanhu vake nomufaro, vasanangurwa vake nokupembera kwomufaro;

44 akavapa nyika dzendudzi, vakagara nhaka yakanga yatamburirwa navamwe,

45 kuti vachengete zvaakatema uye vacherechedze mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha.

Mapisarema 106

1 Rumbidzai Jehovha. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

2 Ndianiko angaparidza mabasa aJehovha esimba, kana kureva kurumbidzwa kwake kwose?

3 Vakaropafadzwa vanochengeta kururamisira, vanogara vachiita zvakarurama.

4 Ndirangarirei, imi Jehovha, pamunoratidza nyasha kuvanhu venyu, pamunovaponesa, mundibatsirewo,

5 kuti ndifadzwe nokubudirira kwavasanangurwa venyu, kuti ndigovane pamufaro wavanhu venyu, uye ndibatane nenhaka yenyu pakurumbidza.

6 Takatadza, sezvakaita madzibaba edu; takaita zvakaipa uye takaita mabasa akaipa.

7 Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti, havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu; havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji, asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku.

8 Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, kuti simba rake guru rizivikanwe.

9 Akarayira Gungwa Dzvuku iro rikapwa; uye akavafambisa napakadzika sevanopfuura nomugwenga.

10 Akavaponesa kubva muruoko rwomuvengi; akavadzikinura kubva muruoko rwomuvengi.

11 Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; hakuna mumwe wavo akapona.

12 Ipapo vakatenda vimbiso dzake vakaimba vachimurumbidza.

13 Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita, uye vakasamirira kurayira kwake.

14 Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga; vakaedza Mwari murenje.

15 Saka akavapa zvavakakumbira, asi akatuma mweya wokuonda pamusoro pavo.

16 Vakaitira Mozisi godo mumusasa, naAroni, akanga akatsaurirwa kuna Jehovha.

17 Nyika yakazaruka ikamedza Dhatani; ikaviga boka raAbhiramu.

18 Moto wakapfuta pakati pavateveri vavo; murazvo ukaparadza vakaipa.

19 Vakaumba mhuru paHorebhi, vakanamata chifananidzo chakaumbwa.

20 Vakatsinhanhisa kubwinya kwavo nomufananidzo wehando, inodya uswa.

21 Vakakanganwa Mwari akavaponesa, uyo akanga aita zvinhu zvikuru muIjipiti,

22 mabasa anoshamisa munyika yaHamu namabasa anotyisa paGungwa Dzvuku.

23 Saka akati, achavaparadza, dai Mozisi, musanangurwa wake, asina kumira pamberi pake kuti adzore hasha dzake pakuvaparadza.

24 Ipapo vakazvidza nyika inofadza; havana kutenda zvaakavimbisa.

25 Vakanyunyuta vari mumatende avo vakasateerera Jehovha.

26 Saka akapika akasimudza ruoko rwake kuti achavaparadza murenje,

27 achaparadza zvizvarwa zvavo pakati pendudzi, agovaparadzira munyika dzose.

28 Vakazvibatanidza pamwe chete naBhaari wePeori, uye vakadya zvibayiro zvakabayirwa vamwari vakafa.

29 Vakatsamwisa Jehovha namabasa avo akaipa, uye denda rikavapo pakati pavo.

30 Asi Finehasi akasimuka, akaita zvakarurama, denda rikaguma.

31 Izvozvo zvakanzi kwaari kururama kusvikira kumarudzi namarudzi nokusingaperi.

32 Vakatsamwisa Jehovha pamvura zhinji yeMeribha, uye Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo;

33 nokuti vakamukira Mweya waMwari, Mozisi akataura nehasha nomuromo wake.

34 Havana kuparadza marudzi sokurayirwa kwavakaitwa naJehovha,

35 asi vakavhengana nendudzi, vakatora tsika dzavo.

36 Vakanamata zvifananidzo zvavo, izvo zvakazova musungo kwavari.

37 Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo kumadhimoni.

38 Vakateura ropa risina mhosva, iro ropa ravanakomana vavo neravanasikana vavo, vavakabayira kuzvifananidzo zveKenani, nyika ikasvibiswa neropa ravo.

39 Vakazvisvibisa nezvavakaita; vakazviitisa ufeve namabasa avo.

40 Naizvozvo Jehovha akatsamwira vanhu vake, akasema nhaka yake.

41 Akavaisa mumaoko endudzi, uye vakatongwa navavengi vavo.

42 Vavengi vavo vakavadzvinyirira, uye vakavaisa pasi pesimba ravo.

43 Akavarwira kakawanda, asi ivo vakanga vakarerekera pakumumukira vakaparadzwa muchivi chavo.

44 Asi akatarisa kutambudzika kwavo paakanzwa kuchema kwavo;

45 akarangarira sungano yake nokuda kwavo, uye akazvidemba nokuda kworudo rwake rukuru.

46 Akaita kuti vanzwirwe tsitsi navose vakavatapa.

47 Tiponesei, imi Jehovha Mwari wedu, uye mutiunganidze kubva kundudzi, kuti tigovonga zita renyu dzvene. Tigofara mukurumbidzwa kwenyu.

48 Jehovha ngaarumbidzwe, iye Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose ngavati, “Ameni!” Rumbidzai Jehovha.

Mapisarema 107

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.

2 Vakadzikinurwa naJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwomuvengi,

3 avo vaakaunganidza kubva panyika dzose, kubva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi.

4 Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga, vachishayiwa nzira yokuenda kuguta rwavangagara.

5 Vakanga vava vane nzara nenyota, uye upenyu hwavo hwakanga hwoparara.

6 Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, akavarwira pakutambura kwavo.

7 Akavafambisa nenzira yakarurama kuenda kuguta ravaizogara.

8 Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira,

9 nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.

10 Vamwe vakagara murima nokusviba kwakadzika dzika, vari vasungwa vanotambudzika muzvisungo zvamatare,

11 nokuti vakanga vamukira mashoko aMwari uye vakazvidza kurayira kwoWokumusorosoro.

12 Saka akaita kuti vashande zvinorwadza; vakagumburwa, uye pakanga pasina anovabatsira.

13 Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo.

14 Akavabudisa murima nomukusviba kwakadzika dzika, uye akadambura ngetani dzavo.

15 Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira,

16 nokuti anopwanya masuo endarira, uye akagura mazariro esimbi.

17 Vamwe vakava mapenzi nokuda kwenzira dzavo dzokumukira, uye vakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavo.

18 Vakasema zvokudya zvose, uye vakaswedera pamasuo orufu.

19 Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo.

20 Akatuma shoko rake uye akavaporesa; akavanunura kubva paguva.

21 Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira.

22 Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro.

23 Vamwe vakafamba rwendo pagungwa nezvikepe; vakanga vari vashambadziri pamvura zhinji.

24 Vakaona mabasa aJehovha, mabasa ake anoshamisa pakadzika.

25 Nokuti akataura uye akamutsa dutu rikasimudza mafungu.

26 Vakaenda kumusoro kumatenga vakaendawo pasi kwakadzika; mukutambudzika kwavo kushinga kwavo kwakanyongodeka.

27 Vakandeya vakadzedzereka savanhu vadhakwa; vakasvika pamagumo amano avo.

28 Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavabudisa pakutambura kwavo.

29 Akanyaradza dutu remhepo nezevezeve; mafungu egungwa akanyarara kuti mwiro.

30 Vakafara parakadzikama, uye akavatungamirira pakadzikama pavaida.

31 Ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu.

32 Ngavamukudze paungano yavanhu, uye vamurumbidze pagungano ramakurukota.

33 Akashandura nzizi dzikava gwenga, hova dzinoerera dzikava nyika ine nyota,

34 uye nyika yezvibereko ikava gwenga romunyu, nokuda kwezvakaipa zvavaigaramo.

35 Akashandura gwenga rikava madziva emvura, nenyika yakaoma ikava zvitubu zvinoerera;

36 ndipo paakagarisa vane nzara. uye vakavaka guta ravangagara.

37 Vakadyara minda, uye vakasima minda yemizambiringa, ikabereka mukohwo wakanaka;

38 akavaropafadza, uye akavawanza zvikuru, uye haana kutendera zvipfuwo zvavo kuparara.

39 Ipapo vakava vashoma, uye vakaninipiswa vakadzvinyirirwa, nenjodzi uye nokusuwa;

40 iye anodurura kuzvidzwa pamusoro pamakurukota, akaita kuti vadzungaire musango risina nzira.

41 Akasimudza vanoshayiwa kubva mukutambudzika kwavo, uye akawedzera mhuri dzavo samapoka amakwai.

42 Vakarurama vanozviona vagofara, asi vakaipa vose vanodzivirwa miromo yavo.

43 Ani naani akachenjera ngaachengete zvinhu izvi, uye arangarire rudo rukuru rwaJehovha.

Mapisarema 108

Rwiyo. Pisarema raDhavhidhi.

1 Mwoyo wangu wakasimba, Mwari imi; ndichaimba uye ndichaimba zvakanaka nomwoyo wangu wose.

2 Muka iwe mutengeranwa nembira! Ndichamutsa mambakwedza.

3 Haiwa Jehovha ndichakurumbidzai pakati pendudzi; ndichaimba nezvenyu pakati pamarudzi. Kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.

4 Nokuti rudo rwenyu rukuru, kupfuura kudenga denga;

5 Kudzwai, imi Mwari, kumusoro kwokudenga, uye kurumbidzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

6 Tiponesei uye mutibatsire noruoko rwenyu rworudyi, kuti vamunoda varwirwe.

7 Mwari akataura ari panzvimbo yake tsvene achiti, “Pakukunda kwangu ndichaganhura Shekemu, uye ndigoyera Mupata weSukoti.

8 Gireadhi ndeyangu, Manase ndowangu; Efuremu inguwani yangu, Judha itsvimbo yangu.

9 Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokugezera, pamusoro paEdhomu ndichapotsera shangu dzangu; pamusoro paFiristia ndichapembera mukukunda.”

10 Ndianiko achandiuyisa muguta rakakomberedzwa namasvingo? Ndianiko achanditungamirira kuEdhomu?

11 Ko, hamuzimi here, imi Mwari, iyemi makatiramba uye mukasazobudazve kuenda nehondo dzedu?

12 Tibatsirei pamuvengi wedu, nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo.

13 Tichapiwa kukunda naMwari, uye achatsika-tsika vavengi vedu.

Mapisarema 109

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Mwari, imi wandinorumbidza, regai kunyarara,

2 nokuti vanhu vakaipa vanonyengera vakandishamira miromo yavo; vakataura nhema pamusoro pangu nendimi dzavo.

3 Vakandikomba namashoko okuvenga; vanorwa neni pasina mhosva.

4 Pachinzvimbo choushamwari hwangu navo, vanondipa mhosva, asi ini ndiri munhu wokunyengetera.

5 Vanonditsivira zvakaipa pane zvakanaka, uye vanondivengera ushamwari hwangu.

6 Tumai munhu akaipa kuti apikisane naye; mupomeri ngaamire kuruoko rwake rworudyi.

7 Paanotongwa, ngaawanikwe ane mhosva, uye minyengetero yake ngaimupe mhaka.

8 Mazuva ake ngaave mashoma; mumwe ngaatore nzvimbo youkuru hwake.

9 Vana vake ngavave nherera, uye mukadzi wake ave chirikadzi.

10 Vana vake ngavave vapemhi vanodzungaira; ngavadzingwe vabve mumatongo emisha yavo.

11 Waakakwereta ngaatore zvose zvaanazvo; vatorwa ngavapambe zvose zvaakashandira.

12 Ngakurege kuva neanomunzwira ngoni kana kunzwira tsitsi nherera dzake.

13 Zvizvarwa zvake ngazvirove, mazita avo adzimwe parudzi runotevera.

14 Mhosva yamadzibaba ake ngairangarirwe pamberi paJehovha; chivi chamai vake ngachirege kumbodzimwa.

15 Zvivi zvavo ngazvirambe zviri pamberi paJehovha, kuti aparadze chirangaridzo chavo panyika.

16 Nokuti haana kumbofunga kuita zvakanaka, asi akavhima varombo kusvika parufu, vanoshayiwa navane mwoyo yakaputsika.

17 Aifarira kutaura chituko, ngachichiuya pamusoro pake; iye asina kufadzwa nokuropafadza, ngakuve kure naye.

18 Aifuka kutuka senguo yake; zvakapinda mumuviri wake semvura, nomumapfupa ake samafuta.

19 Ngazvive sejasi rakamonerwa paari, sebhanhire rakasungirirwa paari nokusingaperi.

20 Uyu ngauve muripo waJehovha kuvapomeri vangu, kuna avo vanotakura zvakaipa pamusoro pangu.

21 Asi imi, Ishe Jehovha, ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu; ndirwirei, kubudikidza nokunaka kworudo rwenyu.

22 Nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa, uye mwoyo wangu wakuvara mukati mangu.

23 Ndinopera somumvuri wamadekwana; ndinozunzwa semhashu.

24 Mabvi angu apera simba nokutsanya; muviri wangu waonda uye ndaonda kwazvo.

25 Ndiri chinhu chinosekwa navapomeri vangu; pavanondiona, vanodzungudza misoro yavo.

26 Ndibatsirei, imi Jehovha Mwari wangu; ndiponesei zvakafanira rudo rwenyu.

27 Ngavazive kuti ndirwo ruoko rwenyu, kuti imi, iyemi Jehovha, makazviita.

28 Ivo vangatuka havo, asi imi mucharopafadza; vachanyadziswa pavanorwisa, asi muranda wenyu achafara.

29 Vapomeri vangu vachafukidzwa nenyadzi, uye vachaputirwa nokunyara sokunge nejasi.

30 Ndicharumbidza Jehovha nomuromo wangu zvikuru; paungano huru, ndichamurumbidza.

31 Nokuti anomira kuruoko rworudyi rwouyo anoshayiwa, kuti amuponese pane avo vanomupomera mhosva.