Mapisarema 120

Rwiyo rworwendo.

1 Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu, uye anondipindura.

2 Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema, nendimi dzinonyengera.

3 Achaiteiko kwauri, uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera?

4 Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare, namazimbe anopfuta omuti womurara.

5 Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki, kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari!

6 Ndakagara nguva refu pakati pavanovenga rugare.

7 Ndiri munhu worugare; asi pandinotaura, ivo ndevehondo.

Mapisarema 121

Rwiyo rworwendo.

1 Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko?

2 Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi.

3 Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri;

4 zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata.

5 Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri paruoko rwako rworudyi;

6 zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku.

7 Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza, iye acharinda upenyu hwako;

8 Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva zvino uye nokusingaperi.

Mapisarema 122

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1 Ndakafara pavakati kwandiri, “Handei kumba yaJehovha.”

2 Tsoka dzedu dzimire mukati mamasuo ako, iwe Jerusarema.

3 Jerusarema rakavakwa seguta rakapakata kwazvo.

4 Ndiko kunokwira marudzi, iwo marudzi aJehovha, kundorumbidza zita raJehovha maererano nezvakatemerwa Israeri.

5 Zvigaro zvokutonga zvimire ikoko, zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.

6 Nyengetererai rugare rweJerusarema: “Vanokuda dai vagara zvakanaka.

7 Dai mukati mamasvingo ako maita rugare, nokuchengetedzeka mukati menhare dzako.”

8 Nokuda kwehama neshamwari dzangu, ndichati, “Rugare ngaruve mukati mako.”

9 Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu, ndichatsvaka kubudirira kwako.

Mapisarema 123

Rwiyo rworwendo.

1 Ndinosimudzira meso angu kwamuri, kunemi mune chigaro choushe kudenga.

2 Sokutarira kunoita meso enhapwa kuna vatenzi vadzo, sezvinoita meso omurandakadzi achitarira ruoko rwatenzikadzi wake, saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu, kusvikira atinzwira ngoni.

3 Tinzwirei ngoni, imi Jehovha, tinzwirei ngoni, nokuti takatsunga pakuzvidzwa kwakawanda.

4 Takatsunga zvikuru pakumhurwa kunobva kuna vanozvikudza, nokuzvidzwa kuzhinji kunobva kuna vanozvikudza.

Mapisarema 124

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1 Dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu, Israeri ngavati,

2 dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu patakarwiswa navanhu,

3 apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu;

4 mafashamu angadai akatifukidza, mvura zhinji ingadai yakatikukura,

5 mvura zhinji ine hasha ingadai yakatirasira kure.

6 Jehovha ngaarumbidzwe, asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo.

7 Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi; rugombe rwadamburwa uye tapunyuka.

8 Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha, Muiti wedenga nenyika.

Mapisarema 125

Rwiyo rworwendo.

1 Vanovimba naJehohva vakafanana neGomo reZioni, risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi.

2 Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo, saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake kubva zvino nokusingaperi.

3 Tsvimbo yavasakarurama haingagari pamusoro penyika yakagoverwa vakarurama, nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudzira maoko avo kuita zvakaipa.

4 Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka, kuna avo vane mwoyo yakarurama.

5 Asi avo vanotsaukira kunzira dzakaminama, Jehovha achavaparadza pamwe chete navaiti vezvakaipa. Rugare ngaruve pana Israeri.

Mapisarema 126

Rwiyo rwoRwendo.

1 Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni, takanga tava savanhu vairota.

2 Miromo yedu yakanga izere nokuseka, ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro. Ipapo zvakanzi pakati pendudzi, “Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.”

3 Jehovha atiitira zvinhu zvikuru, uye tazara nomufaro.

4 Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha, sehova dzeNegevhi.

5 Avo vanodyara nemisodzi vachakohwa nenziyo dzomufaro.

6 Uyo anobuda achichema, akatakura mbeu yokudyara, achadzoka nenziyo dzomufaro, akatakura zvisote.

Mapisarema 127

Rwiyo rworwendo rwaSoromoni.

1 Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanoshandira pasina. Kana Jehovha asingachengeti guta, varindi vanomira vakarinda pasina.

2 Hazvina maturo kumuka mangwanani nokunonoka kuvata, uchitambudzikira zvokudya, nokuti anopa hope kuna vaanoda.

3 Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha, vana mubayiro unobva kwaari.

4 Semiseve mumaoko emhare ndizvo zvakaita vanakomana voujaya.

5 Akaropafadzwa murume ane goba rizere navo. Havanganyadziswi pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.

Mapisarema 128

Rwiyo rworwendo.

1 Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake.

2 Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.

3 Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako.

4 Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha.

5 Dai Jehovha akuropafadzai kubva kuZioni, mazuva ose oupenyu hwenyu; dai maona henyu kubudirira kweJerusarema,

6 uye mararama kuti muone vana vavana venyu. Rugare ngaruve pana Israeri.

Mapisarema 129

Rwiyo rworwendo.

1 Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, Israeri ngaati,

2 “Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, asi havana kundikunda.

3 Varimi vakarima musana wangu vakaita miforo yavo mirefu.”

4 Asi Jehovha akarurama; akandisunungura pamabote avakaipa.

5 Dai vose vanovenga Zioni vadzorerwa shure nenyadzi.

6 Dai vaita souswa pamusoro pedenga remba, hunooma husati hwakura;

7 mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo, uye anounganidza haangazadzi maoko ake.

8 Dai vanopfuura napo varega kuti, “Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako; tinokuropafadza muzita raJehovha.”