Jobho 10

1 “Ndinosema upenyu hwangu chaihwo, naizvozvo ndicharega kunyarara pakunyunyuta kwangu ndigotaura neshungu dzomwoyo wangu.

2 Ndichati kuna Mwari: Musandipa mhosva asi mundiudze mhaka yangu nemi.

3 Ko, kundimanikidza kunokufadzai, kuti muzvidze basa ramaoko enyu, muchinyemwerera kurangano dzavakaipa here?

4 Ko, imi muna meso enyama here? Munoona sokuona kunoita munhu anofa here?

5 Ko, mazuva enyu akaita saavaya vanofa, kana makore enyu samakore omunhu,

6 kuti munzvere mhosva dzangu nokuongorora chivi changu,

7 kunyange muchiziva kuti handina mhosva, uye kuti hakuna anogona kundinunura paruoko rwenyu here?

8 “Maoko enyu akandiumba nokundiita. Ko, zvino modzoka kuzondiparadza here?

9 Rangarirai kuti makandiumba sevhu. Ko, zvino mondidzoserazve kuvhu here?

10 Ko, hamuna kundidurura somukaka here nokundigwambisa sechizi,

11 mukandifukidza neganda nenyama mukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here?

12 Makandipa upenyu mukandinzwira ngoni, uye nehanya yenyu mukachengeta mweya wangu.

13 “Asi izvi ndizvo zvamakaviga mumwoyo menyu, uye ndinoziva kuti izvi zvaiva mupfungwa dzenyu.

14 Kana ndakatadza, imi maizenge makanditarisa, uye hamaizotendera kudarika kwangu kuti kurege kurangwa.

15 Kana ndine mhosva, ndine nhamo! Kunyange dai ndisina mhosva, handingasimudzi musoro wangu, nokuti ndizere nenyadzi uye ndakanyura mukutambudzika kwangu.

16 Kana ndikazvikudza, imi munondironda sezvinoita shumba, uyezve munoratidza simba renyu rinotyisa pamusoro pangu.

17 Munouya nezvapupu zvenyu zvitsva kuzondipomera mhosva uye munowedzera hasha dzenyu pamusoro pangu, hondo dzenyu dzinondirwisa, mapoka namapoka.

18 Ko, zvino makandibudisirei mudumbu? Ndinoshuva kuti dai ndakafa hangu pasati pava neziso randiona.

19 Dai chete ndakanga ndisina kumbovapo hangu, kana kutakurwa ndichiendeswa kubwiro ndichangobva mudumbu ramai vangu!

20 Ko, mazuva angu haasi ava mashoma kutopera here? Ibvai kwandiri kuti ndimbofara hangu kwakanguva,

21 ndisati ndaenda kusingadzokwi, kunyika yerima nomumvuri worufu,

22 kunyika yerima guru, yomumvuri mukuru worufu nenyonganyonga, iko kunoti kunyange chiedza chakangofanana nerima.”

Jobho 11

Zofari

1 Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:

2 “Mashoko aya ose haangapindurwi here? Ko, mutauri uyu anofanira kururamisirwa here?

3 Ko, kubvotomoka kwako kunganyaradza vanhu here? Ko, pangashaya anokutsiura paunenge uchihomera here?

4 Iwe unoti kuna Mwari, ‘Zvandinotenda zvakarurama uye ndakachena pamberi penyu.’

5 Haiwa, ndinoda sei kuti dai Mwari ataura, kuti dai ashamisa hake muromo wake pamusoro pako,

6 uye akuzarurire zvakavanzika zvouchenjeri, nokuti uchenjeri hwechokwadi huri paviri Uzive izvi: Mwari akatokanganwa kare zvimwe zvivi zvako.

7 “Ko, unganzwisisa zvakavanzika zvaMwari here?

8 Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko?

9 Chiero chazvo chakareba kupfuura nyika uye zvakapamhamha kupfuura gungwa.

10 “Kana iye akasvika akakupfigira mujeri uye akakoka dare remhosva, ndianiko angapikisana naye?

11 Zvirokwazvo anoziva vanhu vanonyengera; uye paanoona chakaipa, anoshaya hanya here?

12 Asi munhu asina kuchenjera haangagoni kuva akangwara kupfuura kuti mwana wembizi angaberekwa nomunhu.

13 “Asi kana mwoyo wako ukanamatira kwaari, uye iwe ukatambanudzira maoko ako kwaari,

14 kana ukaisa kure zvivi zviri muruoko rwako, uye ukasatendera chakaipa kugara mutende rako,

15 ipapo uchasimudza chiso chako usina nyadzi, uchamira wakasimba uye usingatyi.

16 Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako, uchangoirangarira semvura yakapfuura.

17 Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru, uye rima richaita samangwanani.

18 Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko; ucharingaringa ugozorora murugare.

19 Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa, uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako.

20 Asi meso avakaipa achaneta, uye vachashayiwa pokuvanda; tariro yavo ichava yokufa.”

Jobho 12

Jobho

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Zvirokwazvo imi muri vanhu, uye kungwara kuchafa nemi!

3 Asi neni ndinonzwisisa semi; handisi muduku kwamuri. Ndianiko asingazivi zvinhu zvose izvi?

4 “Ndava chiseko kushamwari dzangu, kunyange ndakadana kuna Mwari akapindura, ndava chiseko zvacho, kunyange ndakarurama uye ndisina chandingapomerwa!

5 Vanhu vagere zvakanaka vanoshora vane nhamo, vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka.

6 Matende amakororo haakanganiswe, uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka, ivo vanotakura vamwari vavo mumaoko avo.

7 “Asi bvunzai mhuka, uye dzichakudzidzisai, kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudzai;

8 kana taurai kunyika, ichakudzidzisai, kana hove dzegungwa ngadzikuzivisei.

9 Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?

10 Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake, nokufema kwavanhu vamarudzi ose.

11 Ko, nzeve haiedzi mashoko sorurimi runoravira chokudya here?

12 Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here? Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here?

13 “Uchenjeri nesimba ndezvaMwari; mano nokunzwisisa ndezvake.

14 Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve; munhu waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi.

15 Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo; kana akairegedzera, nyika inoparadzwa.

16 Simba nokukunda ndezvake; akanyengerwa nomunyengeri vose ndevake.

17 Anodzinga makurukota asina nguo nokuita kuti vatongi vave mapenzi.

18 Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo ndokusunga zviuno zvavo nomucheka.

19 Anodzinga vaprista vasina nguo uye anobvisa pachigaro vanhu vakanguri vadzika midzi.

20 Anofumbira miromo yavapi vamazano vavanovimba navo, uye anobvisa kunzwisisa kwavakuru.

21 Anodurura kushorwa pamakurukota uye anokutunura zvombo zvavane simba.

22 Iye anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima, uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza.

23 Iye anokurisa ndudzi, uye anodziparadza; anowanza ndudzi, anodziparadzira.

24 Anotorera vatungamiriri venyika kunzwisisa kwavo; anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira.

25 Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza; anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa.

Jobho 13

1 “Meso angu akaona izvi zvose, nzeve dzangu dzakanzwa dzikazvinzwisisa.

2 Zvamunoziva imi, neniwo ndinozviziva handisi muduku kwamuri.

3 Asi ndinoshuva kutaura naWamasimba Ose nokuzvidavirira mhaka yangu kuna Mwari.

4 Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema; muri varapi vasina maturo, imi mose!

5 Haiwa, dai bedzi mainyarara henyu! Nokuti kungava kungwara kwamuri.

6 Chinzwai zvino kuzvidavirira kwangu; teererai munzwe kudemba kwemiromo yangu.

7 Ko, mungataura, zvakaipa pachinzvimbo chaMwari here? Ko, mungataura zvinonyengera nokuda kwake here?

8 Mungamuitira rusaruro here? Mungarwira Mwari here?

9 Ko, zvingava zvakanaka here kana akakuedzai? Ko, mungamunyengera sokunyengera kwamunoita vanhu here?

10 Zvirokwazvo iye angakutsiurai kana mukaratidza rusaruro muchivande.

11 Ko, kubwinya kwake hakungakutyisei here? Ko, kutyisa kwake hakungawiri pamusoro penyu here?

12 Mashoko enyu anotendwa itsumo dzamadota; nhare dzenyu inhare dzevhu.

13 “Nyararai uye regai nditaure; ipapo chinouya kwandiri ngachiuye hacho.

14 Ko, ndinozviisirei mungozi ndichibatira upenyu hwangu mumaoko angu?

15 Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye, zvirokwazvo ndichadzivirira nzira dzangu pamberi pake.

16 Zvirokwazvo, uku ndiko kuchava kuponeswa kwangu, nokuti hakuna munhu asingatendi Mwari achasvika pamberi pake!

17 Teereresai kumashoko angu, nzeve dzenyu ngadzigamuchire zvandinoreva.

18 Zvino ndagadzirisa mhaka yangu, ndinoziva kuti ndicharuramisirwa.

19 Pana angagona kundipa mhaka here? Kana aripo, ndichanyarara ndigofa hangu,

20 “Haiwa Mwari, nditsidzirei hangu zvinhu zviviri izvi. Uye ipapo handingavandi pamberi penyu.

21 Bvisai ruoko rwenyu kure neni, uye murege kundivhundutsa nokutyisa kwenyu.

22 Ipapo mugondidana ndigodavira. Kana kuti murege nditaure, imi mugopindura.

23 Zvivi zvandakaita nezvikanganiso zvangu zvinganiko? Ndiratidzei kudarika kwangu nechivi changu.

24 Munovanzireiko chiso chenyu muchindiita muvengi wenyu?

25 Ko, muchatambudza shizha rinopeperetswa nemhepo here? Ko, muchadzingana nehundi yakaoma here?

26 Nokuti munonyora zvinhu zvinovava pamusoro pangu, uye munondigarisa nhaka yezvivi zvoujaya hwangu.

27 Munosunga tsoka dzangu nezvisungo; munocherechedza nzira dzangu dzose nokuisa mutaro panotsika tsoka dzangu.

28 “Saizvozvo munhu anopera kufanana nechinhu chakaora, senguo yakadyiwa nezvipfukuto.

Jobho 14

1 “Munhu akazvarwa nomukadzi ane mazuva mashoma azere nokutambudzika.

2 Anobuda seruva agosvava; anotiza somumvuri, haagari.

3 Ko, munotarira nameso enyu kumunhu wakadai here? Ko, muchamuuyisa kuzotongwa pamberi penyu here?

4 Ndianiko angabudisa chinhu chakanaka kubva pane chakaipa? Hakuna!

5 Mazuva omunhu akatarwa; makatema kuwanda kwemwedzi yake, mukamutarira miganhu yaasingagoni kudarika.

6 Naizvozvo regai kumutarisa uye musiye ari oga, kusvikira apedza nguva yake somunhu anoshanda.

7 “Asi kumuti kune tariro: Kana ukatemwa, unobukirazve, uye mabukira awo matsva haasvavi.

8 Midzi yawo ingava yakwegura hayo muvhu nehunde yawo yafa muvhu,

9 asi uchabukira pakunhuwira kwemvura ugobudisa matavi somuti uchangomera.

10 Asi munhu anofa agoradzikwa pasi; anofema kokupedzisira uye haazovipozve.

11 Sokupera kunoita mvura mugungwa, kana kupwa nokuoma kworwizi,

12 saizvozvo munhu anovata pasi asingazomuki; kusvikira matenga asisikozve, vanhu havazomukizve kana kumutswa pakuvata kwavo.

13 “Haiwa, dai mandiviga henyu muguva chete, uye mandiviga kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura! Dai chete manditarira nguva, uye ipapo mugondirangarira!

14 Kana munhu akafa, angazoraramazve here? Mazuva ose okushanda kwangu kwakaoma, ndicharindira kusvikira kuvandudzwa kwangu kwasvika.

15 Muchadana uye ini ndichakupindurai; muchashuva chisikwa chamakaita namaoko enyu.

16 Zvirokwazvo muchaverenga nhambwe dzangu ipapo, asi musingarondi chivi changu.

17 Kudarika kwangu kuchasungirwa musaga; muchafukidzira chivi changu.

18 “Asi sokupfupfunyuka kunoita gomo rigoondomoka, uye sokubviswa kwedombo panzvimbo yaro,

19 semvura inochera mabwe, uye sokuyerera kwemvura zhinji inokukura ivhu, saizvozvo munoparadza tariro yomunhu.

20 Munomukunda kamwe chete zvachose, uye akasazovapo; munoshandura chiso chake mobva mamudzinga.

21 Kana vanakomana vake vachikudzwa, iye haazvizivi; kana vakamuninipisa, iye haazvioni.

22 Anongonzwa kurwadza kwomuviri wake chete, agozvichema iye pachake bedzi.”

Jobho 15

Erifazi

1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:

2 “Ko, munhu akangwara angapindura zvisina njere here, kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva?

3 Ko, angakakavara namashoko asina maturo, nokutaura mashoko asina basa here?

4 Asi munotorwisa kururuma uye munodzivisa kunamata Mwari.

5 Chivi chako chinorunzira muromo wako; uye unotevera rurimi rwavanyengeri.

6 Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu, miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.

7 “Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here? Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here?

8 Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari? Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?

9 Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu? Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu?

10 Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu, varume vatochembera kupinda baba vako.

11 Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here, iwo mashoko manyoro akataurwa kwauri?

12 Ko, mwoyo wako wakurasireiko. uye meso ako, anobwairireiko,

13 zvokuti unoitira Mwari hasha ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako?

14 “Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka, kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti ave akarurama?

15 Kana Mwari akasavimba navatsvene vake, kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,

16 ko, kuzoti munhu, anosemesa uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!

17 “Nditeerere ndigokutsanangurira; rega ndikuudze zvandakaona,

18 zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,

19 ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:

20 Munhu akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye.

21 Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, udyi hunomurwisa.

22 Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima; munondo ndiwo waakatarirwa.

23 Anofamba-famba achitsvaka zvokudya zvamagora; anoziva kuti zuva rerima raswedera.

24 Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya; zvinomukunda, samambo amirira kurwisa,

25 nokuti anokungira Mwari chibhakera chake nokuzvikudza pamusoro paWamasimba Ose,

26 achimhanyira kwaari achimuzvidza ane nhoo hobvu, yakasimba.

27 “Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta uye chiuno chake chakafuta nenyama,

28 iye achagara mumaguta akaparadzwa nomudzimba dzisingagarwi nomunhu, dzimba dzokoromoka kuva marara.

29 Haachazovizve mupfumi uye pfuma yake haingagari, kana nepfuma yake haingazadzi nyika.

30 Haangapunyuki rima; murazvo uchasvavisa mabukira ake, uye kufema kwomuromo waMwari kuchamurasira kure.

31 Ngaarege kuzvinyengera nokuvimba nezvisina maturo, nokuti haana chaachawana pakupedzisira.

32 Acharipirwa zvakazara nguva yake isati yasvika, uye matavi ake haangawandi.

33 Achafanana nomuzambiringa wabvisirwa mazambiringa asati aibva, kufanana nomuti womuorivhi wotunga maruva awo.

34 Nokuti ungano yavasingadi Mwari ichashaya zvibereko, uye moto uchaparadza matende avaya vanofarira fufuro.

35 Vanobata mimba yokutambudzika vagozvara zvakaipa; dumbu ravo rinogadzira kunyengera.”

Jobho 16

Jobho

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina!

3 Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?

4 Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri panzvimbo yangu; Ndaigona kutaura mashoko okukupikisai nokukudzungudzirai musoro wangu.

5 Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.

6 “Asi kana ndikatura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikataura, iko hakubvi.

7 Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose.

8 Makandisunga ini, uye zvava chapupu; kuonda kunondimukira uye kunondipupurira zvakaipa.

9 Mwari anondirova nokundibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.

10 Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.

11 Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata.

12 Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira;

13 vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi.

14 Nguva nenguva anondirwisa; anomhanyira kwandiri somurwi.

15 “Ndasonera ganda rangu nguo dzamasaga, uye ndaviga huma yangu muguruva.

16 Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu;

17 asi zvazvo maoko angu haadi kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena.

18 “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!

19 Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro.

20 Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;

21 anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake.

22 “Makore mashoma bedzi achapfuura, ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.

Jobho 17

1 Mweya wangu waputsika, mazuva angu aitwa mashoma, guva rakandimirira.

2 Zvirokwazvo vaseki vakandipoteredza; meso angu anofanira kuramba akatarisa kutsamwa kwavo.

3 “Ndipei, imi Mwari chitsidzo chamunoda. Ndianiko achandiisira rubatso?

4 Makapofumadza ndangariro dzavo pakunzwisisa; naizvozvo hamungavatenderi kukunda.

5 Kana munhu akaramba shamwari dzake nokuda kwomubayiro, meso avana vake achaneta.

6 “Mwari akandiita shumo kuvanhu vose, munhu anopfirwa mate kumeso kwake navanhu.

7 Meso angu aneta nokuchema; muviri wangu wose wangova mumvuri zvawo.

8 Vanhu vakarurama vanokatyamadzwa nazvo; vasina mhaka vachamukira vasingadi Mwari.

9 Kunyange zvakadaro, vakarurama vachabatirira panzira dzavo, uye vana maoko akachena vachanyanya kusimba.

10 “Asi uyai, imi mose, edzaizve! Handingawani munhu akangwara pakati penyu.

11 Mazuva angu apfuura, urongwa hwangu hwaparadzwa, saizvozvowo zvishuvo zvomwoyo wangu.

12 Vanhu ava vanoshandura usiku kuti huve masikati; mukati merima ivo vanoti, ‘Chiedza chiri pedyo.’

13 Kana musha wandinotarisira uri guva chete, kana ndikawaridzira mubhedha wangu murima,

14 kana ndikati kukuora, ‘Ndiwe baba vangu,’ nokuhonye ndikati, ‘Ndiwe mai vangu’ kana ‘Hanzvadzi yangu,’

15 ko, tariro yangu iripi zvino? Ndianiko angandionera tariro yangu?

16 Ichaburukira kumasuo orufu here? Tichaburukira muguruva pamwe chete here?”

Jobho 18

Bhiridhadhi

1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

2 “Muchapedza kutaura uku riiniko? Chimbofungai, ipapo tigotaurirana hedu.

3 Tinotorerweiko semombe nokurangarirwa samapenzi pamberi penyu?

4 Iyemi munozvibvamburanya mukutsamwa kwenyu, ko, nyika ingasiyiwa nokuda kwenyu here? Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here?

5 “Mwenje wavakaipa unodzimwa; murazvo womoto wake unopera kupisa.

6 Chiedza chiri mutende rake chinova rima; mwenje uri parutivi rwake unodzima.

7 Simba renhambwe dzake rinorukutika; mano ake pachake anomuwisira pasi.

8 Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure, uye anodzungaira ari mumaburi awo.

9 Musungo unomubata chitsitsinho; rugombe runomubatisisa.

10 Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake; musungo wakaradzikwa munzira yake.

11 Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose, uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose.

12 Pfumvu inomudokwairira; njodzi yakamugaririra paanowa.

13 Inodya zvikamu zveganda rake; dangwe rorufu rinopedza mitezo yake.

14 Anodzurwa kubva patende raanovimba naro agoendeswa kuna mambo anotyisa.

15 Moto unogara mutende rake; safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake.

16 Moto unogara mutende rake; uye matavi ake anosvava kumusoro.

17 Kurangarirwa kwake kunopera panyika; haana zita munyika.

18 Anobviswa pachiedza achiendeswa murima, uye anodzingwa panyika.

19 Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake, hakuna akasara kwaaimbogara.

20 Vanhu vokumavirira vakakatyamara namagumo ake; vanhu vokumabvazuva vakabatwa nokutya.

21 Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomunhu akaipa; iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”

Jobho 19

Jobho

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Mucharamba muchinditambudza nokundipwanya namashoko kusvikira riiniko?

3 Zvino kava kagumi kose muchingonditsoropodza; munondirwisa musina nenyadzi dzose.

4 Kana chiri chokwadi kuti ndakatsauka, kukanganisa kwangu kuchagara neni ndoga.

5 Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu mukashandisa kuripiswa kuri pamusoro pangu,

6 zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira uye akakundikomberedza nomumbure wake.

7 “Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro; kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo.

8 Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura; akaisa rima munzira dzangu.

9 Akandibvisira kukudzwa kwangu, uye akabvisa korona mumusoro mangu.

10 Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera; anodzura tariro yangu kunge muti,

11 Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu; anondiverenga pakati pavavengi vake.

12 Mauto ake anouya nesimba; anovaka muchinjiziri wokurwa neni, anokomba tende rangu.

13 “Akaisa hama dzangu kure neni; vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose.

14 Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni; shamwari dzangu dzandikanganwa.

15 Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure; vanondiona somutorwa.

16 Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri, kunyange ndikamunyengetedza nomuromo wangu chaiwo.

17 Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu; ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo.

18 Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka; pandinosvika vanondituka.

19 Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema; vaya vandinoda vandishandukira.

20 Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda; ndangopunyuka namatadza amazino angu chete.

21 “Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu, ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova.

22 Munonditeverereiko sezvinoita Mwari? Ko, hamungaguti nenyama yangu here?

23 “Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo, dai ainyorwa hawo pabhuku,

24 dai ainyorwa nechinyoreso chesimbi pamutobvu, kana ainyorwa padombo nokusingaperi!

25 Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika.

26 Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu;

27 ini pachangu ndichamuona nameso angu pachangu, iyeni kwete mumwe. Haiwa mwoyo wangu unopanga sei mukati mangu!

28 “Kana muchiti, ‘Haiwa tichamutambudza sei, sezvo mudzi wenhamo uri maari,’

29 munofanira kutya munondo imi pachenyu, nokuti hasha dzichauyisa kurangwa nomunondo, ipapo muchaziva kuti pano kutongwa.”