Jobho 30

1 “Asi zvino vanondiseka, varume vaduku kwandiri, madzibaba avo ndaiashora zvokuti handaivaisa pakati pembwa dzinofudza makwai angu.

2 Ko, simba ramaoko avo rakanga rine basa rei kwandiri, sezvo simba ravo rakanga rapera?

3 Vaiponda nokuda kwokushayiwa uye nenzara, vakadzivaira usiku munyika yakaoma mumatongo nomunyika yakaparara.

4 Vakaunganidza miriwo inovava kubva mumakwenzi, uye zvokudya zvavo zvakanga zviri mudzi womuti womurara.

5 Vakabviswa pakati pavanhu vokwavo, vachitukwa kunge vakanga vari mbavha.

6 Vakamanikidzwa kuti vagare mukati mehova dzakaoma, pakati pamatombo nomumakomba, muvhu.

7 Vakarira pakati pamakwenzi, uye vakamanikidzana pasi porukato.

8 Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita, vakadzingwa kubva munyika.

9 “Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo; ndava shumo pakati pavo.

10 Vanondisema uye vanomira kure neni; havazezi kundipfira kumeso.

11 Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza, havazvidzori pamberi pangu.

12 Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni.

13 Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira.

14 Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo.

15 Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore.

16 “Uye zvino upenyu hwangu hwava kure kure; mazuva okutambudzika anondibata.

17 Usiku hunobaya mapfupa angu; kurwadza kwokurumwa kwangu hakuzorori.

18 Nesimba rake guru Mwari anobva afanana nechipfeko kwandiri; anondisunga somutsipa wenguo yangu.

19 Anondikanda mumatope, uye ndava seguruva namadota.

20 “Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri; ndinosimuka, asi munongonditarisa zvenyu.

21 Munondishandukira noutsinye; munondirova nesimba roruoko rwenyu.

22 Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo; munonditenderedza mudutu.

23 Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose.

24 “Zvirokwazvo, hakuna munhu anobata munhu ari kushushikana paanochemera rubatsiro pakutambudzika kwake.

25 Ko, handina kuchema avo vaitambura here? Ko, mweya wangu hauna kuva neshungu pamusoro pavarombo here?

26 Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika; pandakatarisira chiedza, ipapo rima rakasvika.

27 Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri; mazuva okutambudzika anondivinga.

28 Ndinodzungaira ndichisvibiswa, asi kwete nezuva; ndinosimuka pakati peungano ndichichemera rubatsiro.

29 Ndava hama yamakava, neshamwari yamazizi.

30 Ganda rangu riri kusviba uye riri kufunuka; muviri wangu unopisa nefivha.

31 Mbira dzangu dzashanduka dzikava kuchema, uye nyere yangu yava inzwi rokuungudza.

Jobho 31

1 “Ndakaita sungano nameso angu kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva.

2 Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko, iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose?

3 Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa, nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here?

4 Ko, iye haaoni nzira dzangu nokuverenga nhambwe dzangu dzose here?

5 “Kana ndichinge ndofamba nenzira yenhema kana tsoka dzangu dzamhanyira kunyengera,

6 Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka uye achaziva kuti handina mhosva,

7 kana tsoka dzangu dzatsauka pagwara, kana mwoyo wangu ukatevera meso angu, kana dai maoko angu asvibiswa,

8 ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara, uye mbesa dzangu ngadzidzurwe.

9 “Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi, kana dai ndaivandira pamusuo wewandigere naye,

10 ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume, uye vamwe varume ngavavate naye.

11 Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa, chivi chinofanira kutongwa.

12 Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa; ungadai wakadzura mukohwo wangu.

13 “Kana ndichinge ndaramba kururamisira varanda vangu, pavanoshushikana neni,

14 ndichaita sei pandichasangana naMwari? Ndichatiiko ndikanzi ndizvidavirire?

15 Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here? Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanaamai vedu here?

16 “Kana ndakaramba zvido zvevarombo kana kurega meso echirikadzi achineta,

17 kana ndakazvichengetera chingwa, ndisingachigoveri nherera,

18 asi kubva paujaya hwangu ndakamurera sezvinoitwa nababa, uye kubva pakuberekwa kwangu ndakatungamirira chirikadzi,

19 kana ndakaona mumwe achiparara nokuda kwokushaya zvokufuka, kana munhu anoshayiwa asina nguo,

20 uye mwoyo wake ukasandiropafadza kuti adziyirwe namakushe amakwai angu,

21 kana ndasimudzira nherera ruoko rwangu ndichiziva kuti ndinozivikanwa padare redzimhosva,

22 ipapo ruoko rwangu ngaruve papfudzi rangu, ngaruvhunike napafundo.

23 Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari, uye handina kuita zvinhu zvakadaro nokuti ndaitya kubwinya kwake.

24 “Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe, kana kuti kugoridhe rakaisvonaka, ‘Ndiwe chivimbo changu,’

25 kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru, mukomborero wakabva mumaoko angu,

26 kana ndakava nehanya nezuva pakubwinya kwaro, kana mwedzi uchifamba mukubwinya,

27 zvokuti mwoyo wangu wakanyengereka pakavanda, uye ruoko rwangu rukazviremekedza nokuzvisveta,

28 zvino izvozviwo zvingangova zvivi zvinofanira kutongwa, nokuti ndainge ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusoro.

29 “Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu, kana kufara zvikuru pamusoro penhamo yakamuwira,

30 handina kutendera muromo wangu kutadza, nokudana chituko pamusoro poupenyu hwavo,

31 kana vanhu veimba yangu vasina kumboti, ‘Ndianiko asina kumbogutswa nenyama yaJobho?’

32 Hapana mutorwa akavata usiku hwose munzira dzomumusha, nokuti musuo wangu wakaramba wakazarurirwa vashanyi.

33 Kana ndakavanza chivi changu saAdhamu, nokuviga mhosva yangu mumwoyo mangu,

34 nokuda kwokuti ndaitya kwazvo vanhu vazhinji, uye ndakatya kwazvo kuzvidza kwevemhuri, zvokuti ndakaramba ndinyerere ndikasabuda kunze,

35 “Haiwa, dai ndaiva nomumwe angandinzwa! Ndinonyora runyoro rwangu ndichizvidzivirira iye zvino, Wamasimba Ose ngaandipindure; muponesi wangu ngaanyore rugwaro rwezvaanondipomera.

36 Zvirokwazvo ndaimutakura pamapfudzi angu, ndairupfeka sekorana.

37 Ndaimupa kuzvidavirira kwangu kwenhambwe imwe neimwe; ndaiswedera kwaari somuchinda.

38 “Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri uchindipa mhosva, uye miforo yose ikanyorova nemisodzi,

39 kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingaripi, kana ndakaparadza upenyu hwavanourinda,

40 ipapo rukato ngarumere pachinzvimbo chegorosi, nesora pachinzvimbo chebhari.” Mashoko aJobho apera.

Jobho 32

Erihu

1 Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake.

2 Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari.

3 Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva.

4 Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari.

5 Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.

6 Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.

7 Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’

8 Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.

9 Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.

10 “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; nemiwo ndichakuudzai zvandinoziva.

11 Ndakambomirira pamaitaura, ndakateerera pfungwa dzenyu; pamakanga muchitsvaka mashoko,

12 ndakanyatsokuteererai. Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho; hakuna pamuri akapindura mashoko ake.

13 Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri; regai Mwari amukonese, kwete munhu.’

14 Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri, uye handingamupinduri pakukakavadzana kwenyu.

15 “Vashamiswa uye havachina rokureva; vapererwa namashoko.

16 Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara, zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?

17 Neniwo ndichava nechokutaura; neniwo ndichareva zvandinoziva.

18 Nokuti ndizere namashoko, uye mweya uri mandiri unondimanikidza;

19 mukati mangu ndafanana newaini iri mubhodhoro rakadzivirwa, sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.

20 Ndinofanira kutaura kuti ndisununguke; ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.

21 Handina munhu wandinofanira kutsaura, uye handingabati kumeso munhu upi zvake;

22 nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso, muiti wangu aizokurumidza kunditora.

Jobho 33

1 “Asi zvino, Jobho, chinzwa mashoko angu; rerekera nzeve yako pane zvose zvandinoreva.

2 Ndava kuchizoshamisa muromo wangu; mashoko angu ari pamuromo worurimi rwangu.

3 Mashoko angu anobva pamwoyo wakarurama; muromo wangu uchataura chokwadi chandinoziva.

4 Mweya waMwari wakandiita; kufema kwaWamasimba Ose kunondipa upenyu.

5 Ndipindure zvino, kana uchigona; zvigadzirire ugotarisana neni.

6 Ini ndakangoita sewe pamberi paMwari; neniwo ndakatorwa muvhu.

7 Kutyisa kwangu hakungakuvhundutsi, uye ruoko rwangu harungakuremeri.

8 “Asi wakati ini ndichizvinzwa, ndakanzwa mashoko acho chaiwo,

9 ‘Ndakachena uye handina chivi; ndakanaka uye handina mhosva.

10 Asi Mwari awana mhosva neni; anonditi muvengi wake.

11 Anosunga makumbo angu nezvisungo; anocherechedza nzira dzangu dzose.’

12 “Asi ndinokuudza kuti pachinhu ichi hauna kururama, nokuti Mwari mukuru kukunda munhu.

13 Seiko uchimunyunyutira kuti haasi kupindura mashoko omunhu?

14 Nokuti Mwari anotaura zvino neimwe nzira, pane imwe nguva neimwe nzira, kunyange munhu asingazvioni.

15 Mukurota, uye muchiratidzo chousiku, hope huru padzinowira vanhu, pavanotsimwaira pamibhedha yavo,

16 angangotaura munzeve dzavo uye agovavhundutsa neyambiro zhinji,

17 kuti adzore munhu pakuita zvakaipa, uye nokuita kuti arege kuzvikudza,

18 kuti achengetedze mweya wake pagomba, uye kuti upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.

19 Kana kuti munhu angarangwa panhoo yokurwadziwa, achiramba achitambudzika mumapfupa ake,

20 saka upenyu hwake chaihwo hunosemburwa nezvokudya, uye mweya wake unosema zvokudya zvakaisvonaka.

21 Anoonda kusvikira apera, uye mapfupa ake, akanga asingaonekwi, zvino obuda kunze.

22 Mweya wake unoswedera kugomba, uye upenyu hwake kunhume dzorufu.

23 “Asi kana kurutivi rwake kuine mutumwa somurevereri, mumwe kubva pakati muchiuru, kuti audze munhu zvakamunakira,

24 kuti amunzwire tsitsi agoti, ‘Murwirei kuti arege kuenda kugomba; ndamuwanira dzikinuro,’

25 ipapo nyama yake inovandudzwa ikafanana neyomwana; inovandudzwa ikaita sapamazuva oujaya hwake.

26 Anonyengetera kuna Mwari agowana nyasha kwaari, anoona chiso chaMwari agopembera nomufaro; anodzoserwazve kururama kwake naMwari.

27 Ipapo anosvika kuvanhu agoti, ‘Ndakatadza, uye ndakaminamisa zvakanga zvakarurama, asi handina kuwana zvaindikodzera.

28 Akadzikinura mweya wangu pakupinda mugomba, uye ndichararama ndichifadzwa nechiedza.’

29 “Mwari anoita zvinhu zvose izvi kumunhu, kaviri, kunyange katatu,

30 kudzora mweya wake pakupinda mugomba, kuti chiedza choupenyu chivhenekere paari.

31 “Chinzwa, Jobho, uye urerekere nzeve dzako kwandiri; nyarara, uye ini ndichataura.

32 Kana unacho chokureva, ndipindure; taurisa, nokuti ndinoda kuti ururamisirwe.

33 Asi kana zvisakadaro, chinzwa zvino kwandiri; nyarara, uye ndichakudzidzisa uchenjeri.”

Jobho 34

1 Ipapo Erihu akati:

2 “Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera; nditeererei, imi vanhu vedzidzo.

3 Nokuti nzeve inoedza mazwi sokuravira kunoita rurimi chokudya.

4 Ngatinzverei pachedu kuti chakarurama ndechipi; ngatidzidzei pamwe chete kuti chakanaka ndechipi.

5 “Jobho anoti, ‘Handina mhosva, asi Mwari anoramba kundiruramisira.

6 Kunyange ndakarurama, ndinonzi ndiri murevi wenhema; kunyange ndisina mhaka, miseve yake inobaya ronda risingarapiki.’

7 Ndianiko munhu akaita saJobho, anonwa kushorwa semvura?

8 Anofambidzana navanoita zvakaipa; anowirirana navanhu vakaipa.

9 Nokuti anoti, ‘Munhu haana chaanobatsirwa nacho, paanoedza kufadza Mwari.’

10 “Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa. Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi.

11 Iye anoripira munhu pane zvaanenge aita; anomupisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake.

12 Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa, kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira.

13 Ndianiko akamugadza pamusoro penyika? Ndianiko akamuita mutariri wepasi pose?

14 Kana kwaiva kufunga kwake, uye akatora mweya wake nokufema kwake,

15 marudzi ose avanhu aiparara pamwe chete, uye munhu aizodzokerazve kuguruva.

16 “Kana uchinzwisisa teerera izvi; chinzwa zvandinoreva.

17 Ko, munhu anovenga kururamisira angatonga here? Ko, muchapomera akarurama uye ane simba here?

18 Ko, haazi iye oga anoti kumadzimambo, ‘Hamubatsiri imi,’ uye kumakurukota, ‘Makaipa imi,’

19 asingaitiri machinda zvakanaka nokuti machinda, uye asingaitiri zvakanaka vapfumi kupfuura varombo, nokuti vose ibasa ramaoko ake.

20 Vanofa kamwe kamwe, pakati pousiku; vanhu vanovhundutswa vagoparara; vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.

21 “Meso ake ari panzira dzavanhu; anoona nhambwe imwe neimwe yavo.

22 Hakuna nzvimbo ine rima, hakuna mumvuri worufu, pangavanda vaiti vezvakaipa.

23 Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu, kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa.

24 Anoparadza vane simba asina kumbobvunza, agogadza vamwe panzvimbo yavo.

25 Nokuti anocherechedza mabasa avo, anovabvisa usiku ivo ndokupwanyika.

26 Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo, pavanoonekwa nomunhu wose,

27 nokuti vakatsauka pakumutevera uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake.

28 Vakakonzera kuchema kwavarombo kuti kusvike pamberi pake, saka akanzwa kuchema kwavanoshayiwa.

29 Asi kana akaramba anyerere ndiani angamupa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angamuona? Zvakadaro iye ari pamusoro pazvose, munhu nendudzi,

30 kuti abvise munhu asina Mwari pakutonga, kuti asaisira vanhu misungo.

31 “Ngatiti munhu oti kuna Mwari, ‘Ndine mhaka asi handichatadzizve.

32 Ndidzidzisei zvandisingagoni kuona; kana ndakaita zvakaipa, handichazviitizve.’

33 Ko, Mwari angafanira kukupa mubayiro sezvaunoda iwe here, zvaunoramba kutendeuka? Unofanira kusarudza iwe, kwete ini; saka nditaurire zvaunoziva.

34 “Imi vanhu vokunzwisisa taurai, vanhu vakachenjera munondinzwa muti kwandiri,

35 ‘Jobho anotaura asina zivo; mashoko ake haana uchenjeri.’

36 Haiwa, dai Jobho aedzwa kusvikira pakupedzisira, nokuti anopindura somunhu akaipa!

37 Pachivi chake anowedzera kumukira; anouchira maoko ake pakati pedu sezvisina basa, uye anowedzera mashoko ake okurwa naMwari.’

Jobho 35

1 Ipapo Erihu akati:

2 “Munofunga kuti izvi zvakarurama here? Iwe zvaunoti, ‘Ndicharuramisirwa naMwari.’

3 Kunyange zvakadaro unomubvunza uchiti, ‘Zvinondibatsirei, uye ndinowaneiko kana nokusatadza.’

4 “Ndinoda kupindura iwe neshamwari dzako dzaunadzo.

5 Tarira kumusoro kudenga uone; nan’anidza makore akakwirira kumusoro.

6 Kana ukatadza, zvinomurwadza zvakadiniko? Kana zvivi zvako zvakawanda, zvinoita sei kwaari?

7 Kana wakarurama, unomupeiko iye, kana kuti anogamuchireiko kubva muruoko rwako?

8 Kuipa kwako kunongobata munhu akaita sewe, uye kururama kwako ndokwavanakomana vavanhu chete.

9 “Vanhu vanoridza mhere vari pasi pomutoro wokumanikidzwa; vanokumbira kusunungurwa kubva muruoko rwoune simba.

10 Asi hakuna munhu anoti, ‘Aripiko Mwari muiti wangu, anopa nziyo panguva yousiku,

11 anodzidzisa zvakawanda kwatiri kupfuura mhuka dzenyika nokutiita vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.’

12 Haapinduri kana vanhu vachiridza mhere, nokuda kwokuzvikudza kwavakaipa.

13 Zvirokwazvo, Mwari haateereri chikumbiro chavo chisina maturo; Wamasimba Ose haazviteereri izvozvo.

14 Ndoda, zvino, achateerera here zvaunoti hauzi kumuona, uye mhaka yako iri pamberi pake here zvokuti unofanira kumumirira,

15 uyezve, kuti kutsamwa kwake hakumborangi, uye haana hanya zvake nezvakaipa?

16 Saka Jobho anoshamisa muromo wake achitaura zvisina maturo; anowanza mashoko ake asingazivi.”

Jobho 36

1 Erihu akaenderera mberi achiti:

2 “Imbondiitirai mwoyo murefu kwechimwezve chinguva, ipapo ndichakuratidzai kuti pane zvimwe zvakawanda zvokutaura, ndakamiririra Mwari.

3 Ndinowana zivo yangu kure; ndichataura kururama kuMuiti wangu.

4 Muzive kuti mashoko angu haasi enhema; mumwe akakwana pazivo anemi.

5 “Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu; ane simba, uye haabvi pane zvaakafunga.

6 Haaregi vakaipa vari vapenyu, asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo.

7 Haabvisi meso ake pana vakarurama; anovasimudzira nokusingaperi.

8 Asi kana vanhu vakasungwa nengetani, vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika,

9 iye anovaudza zvavanenge vaita, kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru.

10 Anovaita kuti vateerere kurayirwa, uye anovarayira kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo.

11 Kana vakateerera uye vakamushandira, vachapedza mazuva avo ose mukubudirira uye makore avo vari mukugutsikana.

12 Asi kana vasingateereri, vachapera nomunondo, uye vachafa vasina zivo.

13 “Vasina Mwari mumwoyo yavo vanochengeta pfundipfundi, kunyange paanovasunga, havaridzi mhere kuti vabatsirwe.

14 Vanofa panguva yeujaya hwavo, pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe.

15 Asi vaya vanotambudzika anovarwira pakutambudzika kwavo; anotaura kwavari panguva yokurwadziwa kwavo.

16 “Iye ari kukukwezvai kubva pamuromo wenhamo, kuti akuisei panzvimbo yakasununguka isina zvipinganidzo, kuzvivaraidzo zvokutafura yenyu izere nezvokudya zvakaisvonaka.

17 Asi zvino maremedzwa nokutonga kwakafanira vakaipa; kutonga uye kururamisira zvakubatai imi.

18 Muchenjerere kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai nepfuma; musarega fufuro huru ichikutsausai.

19 Ko, pfuma yenyu kana kushingaira kwesimba renyu kungakutsigirai kuti murege kutambudzika here?

20 Regai kushuva usiku, kuti mukwekweredzere vanhu kure nemisha yavo.

21 Chenjerai kuti murege kudzokera kune zvakaipa, izvo zvamunoda pachinzvimbo chokutambudzika.

22 “Mwari anokudzwa musimba rake. Ndianiko mudzidzisi akafanana naye?

23 Ndianiko akamurayira nzira dzake, kana kuti kwaari, ‘Makanganisa imi?’

24 Rangarirai kukudza basa rake, iro rakarumbidzwa navanhu munziyo.

25 Marudzi ose avanhu akariona; vanhu vanoritarisa vari kure.

26 Haiwa Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu! Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki.

27 “Anokwevera madonhwe emvura kumusoro, iwo anoshanduka achinaya semvura kuhova;

28 makore anodurura unyoro hwawo uye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu.

29 Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore, namatinhiriro aanoita ari mumba make?

30 Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake, ichituhwina makadzika megungwa.

31 Ndiyo nzira yaanotanga nayo ndudzi neyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda.

32 Anozadza maoko ake nemheni agorayira kuti irove paanoda.

33 Kutinhira kwake kunozivisa dutu remvura riri kuuya; kunyange mombe dzinoratidza kusvika kwaro.

Jobho 37

1 “Hana yangu inorova nokuda kwezvizvi, uye mwoyo wangu unotomuka uchibva panzvimbo yawo.

2 Teererai! Teererai kutinhira kwenzwi rake, nokuunga kunobva pamuromo wake.

3 Anosunungura mheni yake pasi pedenga rose, agoituma kumigumo yenyika.

4 Shure kwaizvozvo inzwi rokutinhira kwake rinosvika; anotinhira nenzwi roumambo hwake.

5 Inzwi raMwari rinotinhira nenzira dzinoshamisa; iye anoita zvinhu zvikuru zvinopfuura kunzwisisa kwedu.

6 Iye anoti kuchando, ‘Donhera panyika,’ uye kumvura inonaya, ‘Naya nesimba.’

7 Kuitira kuti vanhu vose vaakasika vazive basa rake, iye anoita kuti munhu mumwe nomumwe ambomira kushanda.

8 Mhuka dzinovanda; dzinoramba dziri mumapako adzo.

9 Dutu rinobuda pakamuri yaro, chando chinobva pakuvhuvhuta kwemhepo.

10 Kufema kwaMwari kunobudisa mazaya echando, uye mvura zhinji inooma kuita chando.

11 Anozadza makore nounyoro; anoparadzira mheni yake nomumakore.

12 Anoafambisa sezvaanoda pamusoro penyika yose, kuti aite zvose zvaanoarayira.

13 Anouyisa makore kuzoranga vanhu, kana kuzodiridza nyika yake uye kuti aratidze rudo rwake.

14 “Teerera izvi, Jobho, imbomira ugorangarira zvishamiso zvaMwari.

15 Unoziva here kudzorwa kwamakore naMwari nokupenyesa kwaanoita mheni yake?

16 Unoziva maturikirwo akaitwa makore here, izvo zvishamiso zvaiye akakwana muruzivo?

17 Iyemi munopiswa nenguo dzenyu panonyaradza nyika nemhepo yezasi,

18 ko, mungagona kubatana naye pakutatamura matenga here, iwo akaoma kunge chionioni chendarira yakaumbwa.

19 “Tiudzei zvatingareva kwaari; hatigoni kureva mhaka yedu nokuda kwerima redu.

20 Ko, anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Ko, pano munhu angakumbira kumedzwa here?

21 Zvino hakuna munhu angatarira kuzuva, nokuvhenekera kwaro riri mumatenga, mushure mokunge mhepo yaachenesa.

22 Anouya nokubwinya kunoyevedza achibva nokumusoro; Mwari anouya nokubwinya kunotyisa.

23 Wamasimba Ose haanzwisisiki uye anokudzwa nesimba; iye haamanikidzi nokuda kwokururamisira uye nokururama kwake kukuru.

24 Naizvozvo, vanhu vanomutya, ko, haana hanya navose vakachenjera pamwoyo here?”

Jobho 38

Jehovha anotaura

1 Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati:

2 “Ndianiko uyo anodzima zano rangu namashoko asina zivo?

3 Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.

4 “Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa.

5 Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi?

6 Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai, kana kuti ndianiko akaisa ibwe rapakona,

7 panguva yaiimba nyeredzi dzamangwanani pamwe chete, uye vatumwa vose vachipembera nomufaro?

8 “Ndianiko akapfigira gungwa mikova parakatsemuka richibva muchizvaro,

9 pandakaita makore kuti ave nguo yaro, uye ndikariputira murima guru,

10 pandakariisira miganhu yaro, uye ndikaisa magoni aro namazariro panzvimbo yawo,

11 pandakati, ‘Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri; pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako’?

12 “Wakambopa mutemo kumangwanani here, kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo,

13 kuti abate magumo enyika, uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi?

14 Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo.

15 Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo, uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika.

16 “Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here, kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika?

17 Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here? Wakamboona masuo omumvuri worufu here?

18 Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here? Ndiudze kana uchiziva zvose izvi.

19 “Ko, nzira inoenda kunogara chiedza ndeipi? Ko, rima rinogarepi?

20 Ungagona kuzviisa kunzvimbo yazvo here? Unoziva nzira inoenda kwazvinogara here?

21 Zvirokwazvo iwe unoziva, nokuti wakangova waberekwa? Wararama kwamakore mazhinji kwazvo.

22 “Wakambopinda mudura rechando here, kana kuona dura rechimvuramabwe,

23 zvandakachengetera nguva dzokutambudzika, mazuva ehondo nookurwa?

24 Ko, nzira inoenda kunogoverwa mheni ndeipi, kana nzvimbo inoparadzirwa pamusoro penyika mhepo dzokumabvazuva?

25 Ndianiko anodziura mugero wemvura zhinji, uye nzira yechimvuramabwe,

26 kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu, gwenga risina munhu mariri,

27 kugutsa nyika yakaparadzwa nokuita kuti imere uswa?

28 Ko, mvura ina baba here? Ndianiko baba vamadonhwe edova?

29 Chando chinobva muchizvaro chaaniko? Ndianiko anobereka mazaya echando achibva kudenga,

30 panooma mvura ikaita sedombo, pamusoro pokwakadzika pachioma nechando?

31 “Ungagona kusunga nyeredzi dzechimutanhatu here? Iwe ungasunungura mabote eOrioni here?

32 Ungabudisa mapoka enyeredzi panguva yadzo here, kana kutungamirira Akuturo navana vayo?

33 Unoziva mitemo yokumatenga here? Ungagona kumisa umambo hwaMwari pamusoro penyika here?

34 “Ko, iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore here, nokuzvifukidza namafashamu emvura?

35 Ko, iwe unotuma mheni panzira yayo here? Ko, zvinodzoka kuzokuzivisa iwe here kuti isu tiri pano?

36 Ndianiko akaisa uchenjeri mumwoyo, kana kupa kunzwisisa kundangariro?

37 Ndianiko ane uchenjeri hwokuverenga makore? Ndianiko angagona kuteura matende emvura okudenga,

38 kana guruva raoma, uye mavhinga enyika anamatirana?

39 “Ko, iwe ungavhimira shumbakadzi chokudya here, uye ungagutsa shumba panzara yadzo here,

40 kana dzichitsivama mumapako adzo kana dzakavandira mudenhere?

41 Ndianiko anopa gunguo zvokudya kana vana varo vachichema kuna Mwari, uye vachidzungaira pose pose nokushayiwa zvokudya?

Jobho 39

1 “Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Unocherechedza kana nondo dzichibereka vana vadzo here?

2 Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here? Unoziva nguva yadzinobereka here?

3 Dzinotsivama pasi dzogobereka vana vadzo; kurwadziwa kwadzo kwapera.

4 Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango; vanoenda uye havadzokizve.

5 “Ndianiko akaregedza mbizi ichienda? Ndianiko akasunungura tambo dzayo?

6 Ndakaipa renje kuti uve musha wayo, nyika yomunyu sougaro hwayo.

7 Inoseka bope riri muguta; hainzwi kudaidzira kwomuchairi.

8 Inoita zvikomo mafuro ayo uye inotsvaka zvinhu zvose zvinenge zviri zvinyoro.

9 “Ko, nyati ingatenda kukushandira here? Ko, ichagara mudanga rako usiku here?

10 Ko, ungagona kuifambisa mumafaro namahanisi here? Ko, ingarima makoronga mushure mako here?

11 Ungavimba nesimba rayo guru here? Ko, ungaisiyira basa rako rinorema here?

12 Ungavimba nayo kuti ikuvigire zviyo zvako uye igozviunganidza paburiro rako here?

13 “Mapapiro emhou anobhururuka nomufaro mukuru, asi haangazvienzanisi namapapiro uye neminhenga yedambira murove.

14 Inokandira mazai ayo muvhu ndokuarega achidziyirwa mujecha,

15 isina hanya kuti rutsoka rungaapwanya, kuti mhuka dzesango dzingaatsika.

16 Inobata vana vayo noukasha, kunge vasati vari vayo; haina hanya kuti yakatambudzika pasina,

17 nokuti Mwari haana kuisa njere mairi kana kuipa mugove wepfungwa dzakanaka.

18 Asi kana ikatambanudza mapapiro ayo kuti imhanye, inoseka bhiza nomutasvi varo.

19 “Iwe unopa bhiza simba raro kana kushongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here?

20 Ndiwe unoita kuti rikwakuke semhashu, richivhundutsira nokupfeza, kwokuzvikudza kwaro here?

21 Rinoteta risingatyi, richifarira simba raro, rigobuda richienda kundorwa.

22 Rinoseka kutya, harina charinotya; haritizi munondo.

23 Gaba rinorira naparutivi paro, pamwe chete nepfumo rinovaima uye bakatwa.

24 Neshungu rinodya ivhu; harigoni kumira rakadzikama kana richinzwa kurira kwehwamanda.

25 Pakurira kwehwamanda rinopfeza, roti, ‘Hekani!’ Iro rinofembedza hwema hwehondo ichiri kure, kudanidzira kwavakuru vehondo uye mheremhere yehondo.

26 “Ko, rukodzi runobhururuka nouchenjeri hwako here parunotambanudza mapapiro arwo rwakananga zasi?

27 Ko, gondo rinobhururuka nokuda kwokurayira kwako here richindovaka dendere raro pakakwirira?

28 Rinogara pamawere uye rinovatapo usiku; shongwe yedombo ndiyo nhare yaro.

29 Riri ipapo rinotsvaka zvokudya zvaro; meso aro anozviona zvichiri kure.

30 Vana varo vanodya ropa, uye pane chakaurayiwa ndipo pariri.”