Ezira 5

Tsamba yaTatenai kuna Dhariasi

1 Zvino muprofita Hagai naZekaria muprofita, chizvarwa chaIdho, vakaprofita kuvaJudha vakanga vari muJudha muJerusarema, vakaprofita muzita raMwari waIsraeri, akanga ari pamusoro pavo.

2 Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri naJeshua mwanakomana waJozadhaki, vakasimuka kuti vaite basa rokuvakazve imba yaMwari muJerusarema. Uye vaprofita vaMwari vakanga vanavo, vachivabatsira.

3 Panguva iyoyo Tatenai, mubati wenyika yaiva mhiri kwaYufuratesi, naShatari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaenda kwaari uye vakandomubvunza, vachiti, “Ndiani akakupai mvumo yokuvakazve temberi iyi uye nokumisazve masvingo aya?”

4 Vakabvunzazve vakati, “Mazita avarume vari kuvaka imba iyi ndivana ani?”

5 Asi ziso raMwari wavo rakanga rakatarira pamusoro pavakuru vavaJudha, uye havana kuvaregesa basa kusvikira nyaya iyi yaziviswa kuna Dhariasi uye mhinduro yake yakanyorwa yagamuchirwa.

6 Aya ndiwo mashoko etsamba yakanyorerwa mambo Dhariasi naTatenai, mubati mhiri kwaYufuratesi, naShetari-Bhozenai, neshamwari dzavo, namakurukota vakanga vari mhiri kwaYufuratesi.

7 Tsamba yavakatumira kwaari yakanga ina mashoko anoti: Kuna Mambo Dhariasi: Tinokukwazisai.

8 Mambo ngaazive kuti takaenda kudunhu reJudha, kutemberi yaMwari mukuru. Vanhu vari kuivaka namabwe makuru uye vachiisa matanda mumasvingo. Basa riri kuitwa nokushingaira uye riri kupfuurira mberi nokukurumidza mumaoko avo.

9 Takabvunza vakuru vavo tikati kwavari, “Ndiani akakupai mvumo yokuti muvakezve temberi iyi nokumisazve masvingo aya?”

10 Takavabvunzawo kuti mazita avo vainzi vanaani, tichiitira kuti tingonyora mazita avatungamiri vavo kuti togokuzivisai.

11 Iyi ndiyo mhinduro yavakatipa: “Tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, uye tiri kuvakazve temberi yakambovakwa makore mazhinji akapfuura, iyo yakavakwa namambo mukuru weIsraeri uye akaipedza.

12 Asi nokuda kwokuti madzibaba edu akatsamwisa Mwari wokudenga, akavaisa mumaoko aNebhukadhinezari muKaradhea, mambo weBhabhironi, uyo akaparadza temberi ino akatora vanhu akavaendesa kuBhabhironi.

13 “Kunyange zvakadaro, mugore rokutanga raSirasi mambo weBhabhironi, Mambo Sirasi akatema chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve.

14 Akabvisawo midziyo, yegoridhe nesirivha yeimba yaMwari yakanga iri mutemberi yeBhabhironi, yakanga yatorwa naNebhukadhinezari kubva kutemberi muJerusarema akaiuyisa kutemberi yomuBhabhironi. “Ipapo mambo Sirasi akaipa kumurume ainzi Sheshibhazari, waakanga agadza kuti ave mubati,

15 uye akamuudza kuti, ‘Tora midziyo iyi uende nayo undoiisa mutemberi muJerusarema, uye ugovakazve imba yaMwari panzvimbo yayo.’

16 Naizvozvo Sheshibhazari uyu akauya akateya nheyo dzeimba yaMwari muJerusarema. Kubva pazuva iroro kusvikira nhasi yanga ichingovakwa, asi haisati yapera.”

17 “Zvino kana zvichifadza mambo, ngavatsvakisise mumabhuku amadzimambo eBhabhironi kuti vaone kana Mambo Sirasi zvirokwazvo vakamboisa chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve muJerusarema. Naizvozvo mambo ngaatizivise kuda kwake pamusoro penyaya iyi.”

Ezira 6

Chirevo chaDhariasi

1 Ipapo Mambo Dhariasi akatema chirevo, uye vakatsvakisisa mumabhuku enhoroondo dzakare aiva mudura repfuma muBhabhironi.

2 Rugwaro rwakapetwa rwakawanikwa mumuzinda weEkibhatana mudunhu reMedhia, uye izvi ndizvo zvakanga zvakanyorwa parwuri: Chiziviso:

3 Mugore rokutanga raMambo Sirasi, mambo akapa chirevo pamusoro pezvetemberi yaMwari muJerusarema achiti: Temberi ngaivakwezve ive nzvimbo yokubayira zvibayiro, uye nheyo dzayo ngadziteyiwe. Inofanira kuva namakubhiti makumi matanhatua paurefu namakubhiti makumi matanhatu paupamhi,

4 ive nemitsara mitatu yamabwe makuru uye nomutsara mumwe chete wamatanda. Mari yokuvaka ngaitorwe kubva papfuma yamambo.

5 Uyezve midziyo yegoridhe neyesirivha yeimba yaMwari yakatorwa naNebhukadhinezari kubva mutemberi muJerusarema akauya nayo kuBhabhironi, inofanira kudzoserwa panzvimbo yayo mutemberi muJerusarema; inofanira kuiswa muimba yaMwari.

6 Zvino naizvozvo, Tatenai, mubati wenyika iri mhiri kwaYufuratesi, Sheshitari-Bhozenai, iwe namachinda avo omudunhu iro, musapindira pazvinhu izvi.

7 Musakanganisa basa retemberi iyi yaMwari. Regai mubati wavaJudha navakuru vavaJudha vavake imba iyi yaMwari panzvimbo yayo.

8 Pamusoro pezvo, ndinorayira zvino zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, pakuvakwa kweimba iyi yaMwari: Mari yose inodiwa kuripira varume ava ichabva papfuma yamambo ichibva pamitero inoripwa kubva mhiri kwaYufuratesi, kuitira kuti basa rirege kumira.

9 Zvose zvinodiwa, dzingava hando duku, makondohwe, namakwayana makono, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari wokudenga, uye gorosi, munyu, waini namafuta, zvinenge zvakumbirwa navaprista muJerusarema, zvinofanira kupiwa kwavari zuva rimwe nerimwe musingadariki,

10 kuti vagone kupa zvibayiro zvinofadza kuna Mwari wokudenga uye kuti vagone kunyengetererawo upenyu hwamambo nohwavanakomana vake.

11 Pamusoro pezvo, ndinotemawo chirevo, kuti ani naani anoshandura shoko iri, bango rinofanira kubviswa paimba yake, uye anofanira kuturikwa agorovererwa pariri. Uye nokuda kwemhaka iyi, imba yake inofanira kuitwa murwi wamarara.

12 Mwari, akagarisa Zita rake ipapo, ngaaparadze mambo upi noupi kana vanhu vangatambanudza maoko avo kuti vashandure chirevo ichi kana kuparadza temberi iyi muJerusarema. Ini Dhariasi ndini ndatema chirevo ichi. Ngachizadziswe nenzira yakanyanyisa kunaka.

Kupera kweTemberi noKukumikidzwa kwayo

13 Ipapo, nokuda kwechirevo chakanga chatumirwa naMambo Dhariasi, Tatenai mubati wemhiri kwaYufuratesi, naSheshitari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaita izvi nenzira yakanakisisa.

14 Nokudaro vakuru vavaJudha vakaenderera mberi nokuvaka uye vakabudirira vachiparidzirwa naHagai muprofita naZakaria mwanakomana waIdho. Vakavaka temberi vakaipedza sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMwari weIsraeri nechirevo chaSirasi, Dhariasi naAtazekisesi madzimambo ePezhia.

15 Temberi yakapera kuvakwa pazuva rechitatu romwedzi waAdhari, mugore rechitanhatu rokutonga kwamambo Dhariasi.

16 Ipapo vanhu veIsraeri, vaprista, vaRevhi uye navamwe vose vakanga vakatapwa, vakapemberera kukumikidzwa kweimba yaMwari nomufaro.

17 Pakukumikidzwa kweimba iyi yaMwari vakabayira hando zana, makondohwe mazana maviri, namakwayana makono mazana mana uye sechipiriso chechivi chavaIsraeri vose, vakabayira nhongo dzembudzi gumi nembiri, imwe ichimirira rudzi rumwe norumwe rwaIsraeri.

18 Vakagadza vaprista mumapoka avo uye navaRevhi muzvikwata zvawo kuti vaite basa raMwari paJerusarema, sezvazvakanyorwa muBhuku raMozisi.

Pasika

19 Pazuva regumi namana romwedzi wokutanga, vatapwa vakapemberera Pasika.

20 Vaprista navaRevhi vakanga vazvinatsa uye vose vakanga vanatswa. VaRevhi vakabayira vatapwa vose gwayana rePasika, vakabayirawo hama dzavo vaprista naivo vamene.

21 Nokudaro vaIsraeri vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakaidya, pamwe chete navose vakanga vazvitsaura kubva pazviito zvisina kururama zvaiitwa navavakidzani vavo vahedheni, kuti vatsvake Jehovha, Mwari waIsraeri.

22 Kwamazuva manomwe vakapemberera nomufaro Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, nokuti Jehovha akanga avapa mufaro nokushandura mwoyo wamambo weAsiria, kuti avabatsire pakuitwa kwebasa reimba yaMwari, iye Mwari weIsraeri.

Ezira 7

Ezira anouya kuJerusarema

1 Shure kwaizvozvo, panguva yokutonga kwaAtazekisesi mambo wePezhia, Ezira mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waHirikia,

2 mwanakomana waSharumi, mwanakomana waZodhaki, mwanakomana waAhitubhi,

3 mwanakomana waAmaria, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMerayoti,

4 mwanakomana waZerahia, mwanakomana waUzi, mwanakomana waBhuki,

5 mwanakomana waAbhishua, mwanakomana waFinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni muprista mukuru,

6 Ezira uyu akauya kubva kuBhabhironi. Akanga ari mudzidzisi aiziva kwazvo Murayiro waMozisi, wakanga wapiwa naJehovha, Mwari waIsraeri. Mambo akanga amupa zvose zvaakanga akumbira, nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wake rwakanga rwuri pamusoro pake.

7 Vamwe vavaIsraeri, vaisanganisira vaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vamasuo navaranda vomutemberi, vakauyawo kuJerusarema mugore rechinomwe rokutonga kwaMambo Atazekisesi.

8 Ezira akasvika muJerusarema mumwedzi wechishanu wegore rechinomwe ramambo.

9 Akanga atanga rwendo rwake kubva kuBhabhironi zuva rokutanga romwedzi wokutanga akasvika muJerusarema pazuva rokutanga romwedzi wechishanu, nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wake rwakanga rwuri pamusoro pake.

10 Nokuti Ezira akanga akazvipira kunzvera nokutevera Murayiro waJehovha, uye nokudzidzisa mitemo nemirayiro yawo muIsraeri.

Tsamba yaMambo Atazekisesi kuna Ezira

11 Aya ndiwo mashoko etsamba yaMambo Atazekisesi yaakapa Ezira muprista nomudzidzisi, murume akanga akadzidza pamusoro pezvemirayiro nemitemo yaJehovha kuIsraeri:

12 Atazekisesi mambo wamadzimambo, kuna Ezira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga: Kwaziwa.

13 Ini ndinotema chirevo kuti ani naani muIsraeri ari muumambo hwangu, kusanganisira vaprista navaRevhi, avo vanoda zvavo kuenda newe kuJerusarema, ngavaende.

14 Uri kutumwa namambo navapi vake vamazano vanomwe kundobvunzisisa pamusoro peJudha neJerusarema maererano noMurayiro waMwari wako, uri muruoko rwako.

15 Pamusoro pezvo unofanira kutora sirivha negoridhe rakapiwa namambo namakurukota ake nokuda kwavo kuna Mwari waIsraeri, iye agere muJerusarema,

16 pamwe chete nesirivha negoridhe rose raungawana kubva kudunhu reBhabhironi, pamwe chetewo nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo nezvavaprista, zvetemberi yaMwari wavo muJerusarema.

17 Nemari iyi unofanira kutenga hando, makondohwe, namakwayana makono, pamwe chete nezvipiriso zvavo zvezviyo nezvinonwiwa, uye mugozvibayira paaritari yetemberi yaMwari muJerusarema.

18 Ipapo iwe nehama dzako vaJudha mungaita zvenyu zvose zvamunoona zvakafanira nesirivha negoridhe rose rinenge rasara maererano nokuda kwaMwari wenyu.

19 Ipai midziyo yose kuna Mwari weJerusarema iyo yamakapiwa kuti mushumire nayo mutemberi yaMwari wenyu.

20 Uye zvimwe zvose zvinodiwa patemberi yaMwari wako zvaunofanira kuendesa kutemberi, unofanira kuzvitora kubva papfuma yamambo.

21 Zvino ini, Mambo Atazekisesi, ndinorayira vabati vose vehomwe dzemari mhiri kwaYufuratesi kuti mupe nokushingairira zvose zvingakumbirwa naEzira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga,

22 kusvikira pamatarenda esirivha zanaa, nezviyero zanab zvezviyo namabhati zanac ewaini, namabhati zana amafuta amaorivhi, uye nomunyu wose unodiwa.

23 Chinhu chipi nechipi chakarayirwa naMwari wokudenga, ngachiitwe nokushingaira kutemberi yaMwari wokudenga. Ko, ushe hwamambo nohwavanakomana vake huchatsamwireiko?

24 Ndinokuzivisaiwo kuti hamufaniri kuripisa mitero nemiripo kana zvipo kuvaprista, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaranda vomutemberi kana vamwe vashandi vapaimba yaMwari.

25 Uye iwe, Ezira, maererano nouchenjeri hwaMwari wako, hwaunahwo, ugadze vaongorori vemhosva, navatongi kuti vatonge nokururamisira vanhu vose vari mhiri kwaYufuratesi, vose vanoziva mirayiro yaMwari wako. Uye unofanira kudzidzisa vose vasingaizivi.

26 Ani naani asingateereri murayiro waMwari wako uye nomurayiro wamambo, zvirokwazvo anofanira kurangwa norufu, kana kudzingwa, kana kutorerwa pfuma, kana kuiswa mutorongo.

27 Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari wamadzibaba edu, uyo akaisa izvi mumwoyo mamambo, kuti auyise kukudzwa kuimba yaJehovha muJerusarema nenzira yakadai,

28 uye akandiitira nyasha dzake dzakanaka pamberi pamambo namakurukota ake namachinda ake ose ane simba. Nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga rwuri pamusoro pangu, ndikashinga uye ndikakoka varume vaikudzwa pakati pavaIsraeri kuti vaende neni.

Ezira 8

Kunyorwa kwamazita avakuru vemhuri vakadzokera naEzira

1 Ava ndivo vakuru vemhuri naavo vakanyorwa pamwe chete navo vakauya pamwe chete neni kubva kuBhabhironi panguva yokutonga kwaMambo Atazekisesi:

2 kuzvizvarwa zvaFinehasi, Gerishomi; kuzvizvarwa zvaItamari, Dhanieri; kuzvizvarwa zvaDhavhidhi, Hatushi

3 akabva kuzvizvarwa zvaShekania; kuzvizvarwa zvaParoshi, Zekaria, uye pamwe chete naye kwakanyorwa varume zana namakumi mashanu;

4 kuzvizvarwa zvaPahati-Moabhu, Eriehoenai mwanakomana waZekaria, uye pamwe chete naye varume mazana maviri;

5 kuzvizvarwa zvaZatu, Shekania mwanakomana waJahazieri, uye pamwe chete naye varume mazana matatu;

6 kuzvizvarwa zvaAdhini, Ebhedhi mwanakomana waJonatani, uye pamwe chete naye varume makumi mashanu;

7 kuzvizvarwa zvaEramu, Jeshaya mwanakomana waAtaria uye pamwe chete naye varume makumi manomwe;

8 kuzvizvarwa zvaShefatia, Zebhadhia mwanakomana Mikaeri, uye pamwe chete naye varume makumi masere;

9 kuzvizvarwa zvaJoabhu, Obhadhia mwanakomana waJehieri, uye pamwe chete naye varume mazana maviri negumi navasere;

10 kuzvizvarwa zvaBhani, Sheromiti mwanakomana waJosifia, uye pamwe chete naye varume zana namakumi matanhatu;

11 kuzvizvarwa zvaBhebhai, Zekaria mwanakomana waBhebhai, uye pamwe chete naye varume makumi maviri navasere;

12 kuzvizvarwa zvaAzigadhi, Johanani mwanakomana waHakatani, uye pamwe chete naye varume zana negumi;

13 kuzvizvarwa zvaAdhonikami, ivo vokupedzisira, mazita avo vaiti Erifereti, Jeuyeri naShemaya, uye pamwe chete navo varume makumi matanhatu;

14 kuzvizvarwa zvaBhigivhai, Utai naZakuri, uye pamwe chete navo varume makumi manomwe.

Kudzokera kwavatapwa kuJerusarema

15 Ndakavaunganidza vose parwizi runoerera rwakananga kuAhavha, uye takagarapo pamisasa kwamazuva matatu. Pandakacherechedza pakati pavanhu navaprista, handina kuona vaRevhi pakati pavo.

16 Nokudaro ndakadana Eriezeri, Arieri, Shemaya, Erinati, Jaribhi, Erinatani, Natani, Zekaria, naMeshurami, avo vakanga vari vatungamiri naJoyaribhi naErinatani, avo vakanga vari varume vakadzidza,

17 uye ndakavatuma kuna Idho, mutungamiri womuKasifia. Ndakavaudza zvokutaura kuna Idho nehama dzake, varanda vomutemberi muKasifia, kuitira kuti vagouya navashandi vomumba maMwari wedu kwatiri.

18 Nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwakanga rwuri pamusoro pedu, vakauya naSherebhia, murume aikwanisa, akabva kuzvizvarwa zvaMari, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsraeri, uye navanakomana vaSherebhia nehama dzake, varume gumi navasere,

19 uye Hashabhia, pamwe chete naJeshaya aibva kuzvizvarwa zvaMerari, nehama dzake navana vavo, varume makumi maviri.

20 Vakauyawo navaranda vomutemberi mazana maviri namakumi maviri, uwandu hwakanga hwanyorwa naDhavhidhi namakurukota kuti vabatsire vaRevhi. Vose vakanga vakanyorwa mazita avo.

21 Ipapo, paRwizi rweAhavha, ndakatara nguva yokutsanya kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu uye kuti timukumbire kuti atifambise rwendo rwakanaka isu navana vedu nepfuma yedu yose.

22 Nokuti ndakanyara kukumbira mambo kuti atipe varwi navatasvi vamabhiza kuti vatirwire kubva kuvavengi vedu parwendo nokuti takanga taudza mambo kuti, “Ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwuri pamusoro pomunhu wose anotarira kwaari.”

23 Naizvozvo takatsanya uye tikanyengetera kuna Mwari wedu pamusoro paizvozvi, uye akapindura munyengetero wedu.

24 Ipapo ndakatsaura vaprista vaitungamira gumi navaviri, pamwe chete naSherebhia, naHashabhia uye nehama dzavo gumi,

25 uye ndakavaerera zvipiriso zvesirivha negoridhe nemidziyo yakanga yapiwa kuimba yaMwari wedu namambo navapi vake vamazano namakurukota ake uye navaIsraeri vose.

26 Ndakavaerera matarenda mazana matanhatu namakumi mashanua esirivha, nemidziyo yesirivha yairema matarenda zanab, namatarenda zana egoridhe,

27 mbiya dzegoridhe makumi maviri dzaikosha madhariki chiuru chimwe chetec, uye nemidziyo miviri yakaisvonaka yendarira yaibwinya, inokosha segoridhe.

28 Ndakati kwavari, “Imi pamwe chete nemidziyo iyi makatsaurirwa Jehovha. Sirivha negoridhe ndizvo zvipo zvokupa nokuzvidira kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu.

29 Muzvirinde zvakanaka kusvikira mazviyera pamberi pavakuru vavaprista navaRevhi uye navakuru vemhuri dzavaIsraeri paJerusarema mumakamuri eimba yaJehovha.”

30 Ipapo vaprista navaRevhi vakagamuchira sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene yakanga yaerwa kuti iendeswe kuimba yaMwari wedu muJerusarema.

31 Pazuva regumi namaviri romwedzi wokutanga takabva parwizi rweAhavha tichienda kuJerusarema. Ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pamusoro pedu, uye akatidzivirira kubva kuvavengi navakanga vakativandira panzira.

32 Saka takasvika muJerusarema tikazororamo kwamazuva matatu.

33 Pazuva rechina, muimba yaMwari takayera sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene mumaoko aMeremoti mwanakomana waUria, muprista. Ereazari mwanakomana waFinehasi akanga aripowo naye, uye navaRevhi vanoti Jozabhadhi mwanakomana waJeshua naNoadhia mwanakomana waBhinui.

34 Zvinhu zvose zvakaverengwa uwandu hwazvo uye zvikayerwa, uye uremu hwazvo zvose hwakanyorwa panguva iyoyo.

35 Ipapo vatapwa vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakabayira zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari waIsraeri: hando gumi nembiri dzavaIsraeri vose, makondohwe makumi mapfumbamwe namatanhatu, namakwayana makono makumi manomwe namanomwe, uye nhongo dzembudzi gumi nembiri, sechipiriso chechivi. Zvose izvi zvaiva chipiriso chinopiswa kuna Jehovha.

36 Vakapawo zvirevo zvamambo kumachinda amambo uye navabati mhiri kwaYufuratesi, avo vakazopawo rubatsiro kuvanhu nokuimba yaMwari.

Ezira 9

Munyengetero waEzira pamusoro pokuwana vakadzi vokumwe

1 Mushure mokunge zvinhu izvi zvose zvaitwa, vatungamiri vakauya kwandiri vakati, “Vanhu veIsraeri, zvichisanganisira vaprista navaRevhi, havana kuzvitsaura kubva kumarudzi avakavakidzana nawo nezvinonyangadza zvavo, zvakafanana nezvevaKenani, vaHiti, vaPerizi, vaJebhusi, vaAmoni, vaMoabhu, vaIjipita uye navaAmori.

2 Vakatora vanasikana vavo vakavapa kuti vave vakadzi vavo uye nevevanakomana vavo, uye vakasanganisa rudzi rutsvene navanhu vakavapoteredza. Uye vatungamiri namakurukota ndivo vakatanga pakusatendeka uku.”

3 Zvino ndakati ndichinzwa izvi, ndakabvarura nguo yangu nejasi rangu, ndikadzura bvudzi kubva mumusoro mangu nendebvu dzangu uye ndikagara pasi ndashungurudzika.

4 Ipapo vose vakadedera nokuda kwamashoko aMwari waIsraeri vakauya vakaungana pandiri nokuda kwokusatendeka kwavatapwa. Uye ndakagarapo ndakashungurudzika kusvikira nguva yechibayiro chamadekwana.

5 Zvino, panguva yechibayiro chamadekwana, ndakasimuka kubva pakuzvininipisa kwangu, nenguo nejasi rangu zvakabvaruka, uye ndikawira pasi namabvi angu ndikatambanudzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu

6 ndikanyengetera, ndichiti: “Haiwa Mwari wangu, ndinonyara uye ndinotsveruka kuti ndisimudze maoko nechiso changu kwamuri, Mwari wangu, nokuti zvivi zvedu zvakakura kupfuura misoro yedu uye mhosva yedu yasvika kumatenga.

7 Kubva pamazuva amadzitateguru edu kusvikira zvino, mhosva yedu yakura kwazvo. Nokuda kwezvivi zvedu, isu namadzimambo edu uye navaprista vedu takaiswa kumunondo nokuutapwa, nokuparadzwa nokuninipiswa paruoko rwamadzimambo avatorwa sezvazviri nhasi.

8 “Asi zvino, kwenguva duku duku, Jehovha Mwari wedu atiitira nyasha nokutisiyira vakasara uye nokutipa nzvimbo yakasimba muimba yake tsvene, naizvozvo Mwari wedu anopa chiedza kumeso edu uye norusununguko ruduku muuranda hwedu.

9 Kunyange zvedu tiri varanda, Mwari wedu haana kutisiya tiri muuranda hwedu. Akatinzwira tsitsi pamberi pamadzimambo ePezhia: Akatipa, upenyu hutsva kuti tivakezve imba yaMwari wedu nokugadzira matongo ayo, uye atipa rusvingo rwokutidzivirira muJudha nomuJerusarema.

10 “Asi zvino, nhai Mwari wedu, tichatiiko mushure meizvi? Nokuti takarasa mirayiro

11 yamakapa kubudikidza navaranda venyu vaprofita pamakati, ‘Nyika yamuri kupinda kuti ive yenyu inyika yakasvibiswa nokuora kwavanhu vayo. Nezvinonyangadza zvavo vakaizadza noutsvina hwavo kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe rutivi.

12 Naizvozvo, musapa vanasikana venyu kuti vawanikwe navanakomana vavo kana kutora vanasikana vavo kuti vawanikwe navanakomana venyu. Musaita chibvumirano kana ushamwari navo panguva ipi zvayo, kuitira kuti musimbe uye mudye zvinhu zvakanaka zvenyika uye mugoisiyira kuvana venyu senhaka isingaperi.’

13 “Zvakaitika kwatiri zvakaitika nokuda kwamabasa edu akaipa nemhosva yedu huru, asi kunyange zvakadaro, imi Mwari wedu makatiranga zvishoma kupfuura zvaikodzera zvivi zvedu uye makatipa vakasara vakadai.

14 Tingaputsazve here mirayiro yenyu nokuwanana namarudzi anoita zvinhu zvinonyangadza zvakadai? Hamungatitsamwiri zvakafanira kutiparadza, muchitisiya pasina mupenyu kana angasara here?

15 Imi Jehovha, Mwari waIsraeri, makarurama! Tasara nhasi isu sevakasara. Zvino tiri pano pamberi penyu nemhosva yedu, kunyange pasina kana mumwe chete wedu angamira pamberi penyu nokuda kwechivi ichi.”

Ezira 10

Vanhu vanoreurura chivi chavo

1 Ezira paakanga achinyengetera nokureurura, nokuchema achizviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru huru yavarume, vakadzi navana vavaIsraeri yakaungana paari. Naivowo vakachema zvikuru kwazvo.

2 Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wezvizvarwa zvaEramu, akati kuna Ezira, “Takatadzira Mwari wedu nokuwana vakadzi vatorwa kubva kundudzi dzakatipoteredza. Asi kunyange zvakadaro, Israeri ichine tariro.

3 Zvino ngatiitei sungano pamberi paMwari wedu kuti tidzinge vakadzi ava vose navana vavo, maererano nezvakarayirwa naishe wangu naavo vanotya mirayiro yaMwari wedu. Ngazviitwe maererano nomurayiro.

4 Simuka; nyaya iyi yava mumaoko ako. Tichamira newe, saka, tsunga mwoyo uzviite.”

5 Saka Ezira akasimuka akaisa pamhiko vaprista vaitungamira navaRevhi uye navaIsraeri vose kuti vaite zvakanga zvarehwa. Uye vakaita mhiko.

6 Ipapo Ezira akabva pamberi peimba yaMwari akaenda kukamuri raJehohanani mwanakomana waEriashibhi. Paakanga ari ikoko haana kudya zvokudya kana kunwa mvura nokuti akaramba achichema nokuda kwokusatendeka kwavatapwa.

7 Chiziviso chakadanidzirwa muJudha mose nomuJerusarema kuti vatapwa vose vaungane muJerusarema.

8 Ani naani aizokundikana kusvika mumazuva matatu aizotorerwa pfuma yake yose, maererano nokurayira kwamachinda navakuru, uye naiyewo aibva adzingwa kubva paungano yavatapwa.

9 Mukati mamazuva matatu, varume vose veJudha neBenjamini vakanga vaungana muJerusarema. Uye pazuva ramakumi maviri romwedzi wechinomwe, vanhu vose vakagara pachivara pamberi peimba yaMwari, vakasuwa zvikuru nokuda kwechiitiko ichi uye nokuda kwemvura yakanga ichinaya.

10 Ipapo Ezira muprista akasimuka akati kwavari, “Makatadza; makawana vakadzi vatorwa, mukawedzera mhosva yaIsraeri.

11 Zvino reururai kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu, uye mugoita kuda kwake. Zvitsaurei kubva kumarudzi avanhu akakupoteredzai uye kubva kuvakadzi venyu vatorwa.”

12 Ungano yose yakapindura nenzwi guru ikati, “Zvamataura ndizvo! Tinofanira kuita sezvamataura.

13 Asi pane vanhu vakawanda pano uye inguva yokunaya kwemvura; saka hatingamire panze. Pamusoro pezvo basa iri harigoni kuitwa nezuva rimwe chete kana mazuva maviri, nokuti takatadza zvikuru nokuda kwechinhu ichi.

14 Machinda edu ngavamiririre ungano yose. Ipapo mumwe nomumwe mumaguta edu akawana mukadzi mutorwa auye panguva dzakatarwa, pamwe chete navakuru navatongi veguta rimwe nerimwe, kusvikira kutsamwa kwaMwari kukuru kwabviswa kwatiri.”

15 Jonatani mwanakomana waAsaeri naJazeya mwanakomana waTikivha, vachitsigirwa naMeshurami naShabhetai muRevhi, ndivo chete vakapikisa izvi.

16 Nokudaro vatapwa vakaita zvakanga zvataurwa. Ezira muprista akasarudza varume vakanga vari vakuru vemhuri, mumwe chete kubva kumhuri yamadzibaba avo, uye vose vachizivikanwa namazita avo. Pazuva rokutanga romwedzi wegumi vakagara pasi vakatanga kutonga nyaya idzi,

17 uye pazuva rokutanga romwedzi wokutanga vakanga vapedza kutonga varume vose vakanga vawana vakadzi vatorwa.

Mhosva yokuwana vakadzi vatorwa

18 Pakati pezvizvarwa zvavaprista, ava ndivo vakanga vawana vakadzi vatorwa: Kubva kuzvizvarwa zvaJeshua mwanakomana waJozadhaki nehama dzake: Maaseya, Eriezeri, Jaribhu naGedharia.

19 Vose vakapika namaoko avo kuti vachadzinga vakadzi vavo, uye pamhosva dzavo mumwe nomumwe wavo akapa gondohwe kubva pamakwai ake sechipiriso chechivi.

20 Kubva kuzvizvarwa zvaImeri: Hanani naZebhadia.

21 Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu: Maaseya, Eria, Shemaya, Jehieri naUzia.

22 Kubva kuzvizvarwa zvaPashuri: Erioenai, Maaseya, Ishumaeri, Netaneri, Jozabhadhi naErasa.

23 Pakati pavaRevhi: Jozabhadhi, Shimei, Keraya (ndiye ainzi Kerita), Petahia, Judha naEriezeri.

24 Kubva kuvaimbi: Eriashibhi. Kubva kuvarindi vemikova: Sharumi, Teremi naUri.

25 Uye pakati pavamwe vaIsraeri: Kubva kuzvizvarwa zvaParoshi: Ramia, Izia, Marikija, Miyamini, Ereazari, Marikija naBhenaya.

26 Kubva kuzvizvarwa zvaEramu: Matania, Zekaria, Jehieri, Abhidhi, Jeremoti naEria.

27 Kubva kuzvizvarwa zvaZatu: Erioenai, Eriashibhi, Matania, Jeremoti, Zabhadhi naAziza.

28 Kubva kuzvizvarwa zvaBhebhai: Jehohanani, Hanania, Zabhai naAtirai.

29 Kubva kuzvizvarwa zvaBhani: Meshurami, Maruki, naAdhaya, naJashubhi, naSheari naJeremoti.

30 Kubva kuzvizvarwa zvaPahati Moabhu: Adhima, Kerari, Bhenaya, Maaseya, Matania, Bhezareri, Bhinui naManase.

31 Kubva kuzvizvarwa zvaHarimi: Eriezeri, Ishiya, Marikija, Shemaya, Shimeoni,

32 Benjamini, Maruki naShemaria,

33 Kubva kuzvizvarwa zvaHashumi: Matenai, Matata, Zabhadhi, Erifereti, Jeremai, Manase naShimei.

34 Kubva kuzvizvarwa zvaBhani: Maadhai, Amurami, Ueri,

35 Bhenaya, Bhedheya, Keruhi,

36 Vhania, Meremoti, Eriashibhi,

37 Matania, Matenai naJaasu.

38 Kubva kuzvizvarwa zvaBhinui: Shimei,

39 Sheremia, Natani, Adhaya,

40 Makinadhebhai, Shashai, Sharai,

41 Azareri, Sheremia, Shemaria,

42 Sharumi, Amaria naJosefa.

43 Kubva kuzvizvarwa zvaNebho: Jeyeri, Matitia, Zabhadhi, Zebhina, Jadhai, Joere naBhenaya.

44 Vose ava vakanga vawana vakadzi vatorwa, uye vamwe vavo vakanga vava navana navakadzi ava.

2 Makoronike 1

Soromoni anokumbira Uchenjeri

1 Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbisa kwazvo ushe hwake, nokuti Jehovha Mwari wake akanga anaye akamuita kuti ave mukuru kwazvo.

2 Ipapo Soromoni akataura kuIsraeri yose, kuvatungamiri vezviuru nokuvatungamiri vamazana, kuvatongi nokuvatungamiri vose muIsraeri, vakuru vemhuri,

3 uye Soromoni neungano yose vakaenda kunzvimbo yakakwirira yeGibheoni, nokuti Tende Rokusangana raMwari rakanga ririko, iro rakanga ragadzirwa naMozisi muranda waMwari murenje.

4 Zvino Dhavhidhi akanga auyisa areka yaMwari kubva kuKiriati Jearimi kunzvimbo yaakanga aigadzirira nokuti akanga aidzikira tende muJerusarema.

5 Asi aritari yendarira yakanga yagadzirwa naBhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, yakanga iri muGibheoni pamberi peTabhenakeri yaJehovha; saka Soromoni neungano vakandomubvunza ipapo.

6 Soromoni akakwira kuaritari yendarira pamberi paJehovha muTende Rokusangana akandobayira zvipiriso zvinopiswa zvinokwana chiuru pairi.

7 Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chose chaungada kuti ndikupe.”

8 Soromoni akapindura Mwari akati, “Makaratidza unyoro hwenyu hukuru kwazvo kuna Dhavhidhi baba vangu uye mukandiita mambo pachinzvimbo chavo.

9 Zvino, Jehovha Mwari, itai henyu kuti chivimbiso chenyu kuna baba vangu Dhavhidhi chizadzikiswe, nokuti makandiita mambo pamusoro pavanhu vakawanda seguruva renyika.

10 Ndipeiwo uchenjeri noruzivo, kuti ndigotungamirira vanhu ava, nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu vakawanda ava?”

11 Mwari akati kuna Soromoni, “Sezvo uku kuri kudokwairira kwomwoyo wako uye hauna kukumbira upfumi, kana zvakawanda kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, uye nokuti hauna kukumbira upenyu hurefu asi uchenjeri noruzivo kuti utonge vanhu vangu avo vandakuita mambo pamusoro pavo,

12 naizvozvo uchapiwa uchenjeri noruzivo. Uye ini ndichakupawo upfumi, zvakawanda nokukudzwa zvisati zvambowanikwa namadzimambo ose akakutangira zvakare hakunazve mambo achauya shure kwako achava nazvo.”

13 Ipapo Soromoni akaenda kuJerusarema achibva kunzvimbo yakakwirira paGibheoni, kubva paTende Rokusangana. Uye akatonga Israeri.

14 Soromoni akazviunganidzira ngoro namabhiza; aiva nengoro chiuru namazana mana, nezviuru gumi nezviviri zvamabhiza, zvaaichengetera mumaguta engoro uye nokuJerusarema kwaaivawo.

15 Mambo akaita kuti sirivha negoridhe zviwanikwe kwose kwose muJerusarema samatombo uye misidhari ikawanda semionde mujinga mezvikomo.

16 Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokuKuwe, vatengi vamambo vaitenga kubva kuKuwe.

17 Vaitenga ngoro imwe chete kubva kuIjipiti ichiita mashekeri mazana matanhatua esirivha uye bhiza rimwe chete richiita mashekeri zana namakumi mashanub. Ivo vaizoatengeserawo kumadzimambo ose avaHiti navaAramu.

2 Makoronike 2

Kugadzirira kuti Temberi ivakwe

1 Soromoni akada kuvaka temberi yeZita raJehovha uye nomuzinda wakewo.

2 Akatuma varume zviuru makumi manomwe kuti vave vatakuri vamabwe, navarume zviuru makumi masere kuti vave vavezi vamatombo mumakomo uye varume zviuru zvitatu namazana matanhatu kuti vave vatariri vavo.

3 Soromoni akatumira shoko iri kuna Hiramu mambo weTire: “Nditumireiwo matanda emisidhari sezvamakaitira baba vangu Dhavhidhi pamakavatumira misidhari yokuvakisa muzinda wavo kuti vagaremo.

4 Zvino ndava kuda kuvakira Zita raJehovha Mwari wangu temberi ndigoikumikidza kwaari kuti ndigopisira zvinonhuwira pamberi pake, kuti ndigoisa chingwa chakatsaurwa nguva dzose uye kuti ndigoita zvipiriso zvinopiswa mangwanani namanheru oga oga, pamaSabata, paKugara kwoMwedzi napamitambo yakatarwa yaJehovha Mwari wedu. Uyu ndiwo murayiro wakapiwa Israeri nokusingaperi.

5 “Temberi yandichavaka ichange iri huru nokuti Mwari wedu mukuru kupinda vamwari vose.

6 Asi ndiani angakwanisa kumuvakira temberi, sezvo iye asingakwani kunyange matenga okumusoro-soro? Ko, ini ndini aniko kuti ndingamuvakirawo temberi asi chete senzvimbo yokupisira zvipiriso zvinopiswa pamberi pake?

7 “Saka zvino nditumirewo, murume ano unyanzvi hwokushandisa goridhe, nesirivha, ndarira, nesimbi uye nemicheka yepepuru nemitsvuku neyebhuruu, ane ruzivo rwezvokuveza kuti ashande muJudha neJerusarema pamwe chete navarume vakachenjera vakasiyiwa naDhavhidhi baba vangu.

8 “Nditumireiwo misidhari, mipaini namatanda emuarigami kubva kuRebhanoni nokuti ndinoziva kuti vanhu venyu vane unyanzvi mukutema matanda ikoko. Vanhu vangu vachashanda pamwe chete nevako

9 kuti ndiwane matanda mazhinji kwazvo nokuti temberi yandichavaka inofanira kuva huru uye yakanaka zvikuru.

10 Ndichapa varanda vako, vachatema matanda, zviyero zviuru makumi maviria zvegorosi, zviyero zviuru makumi maviri zvehari, mabhati ewaini zviuru makumi mavirib uye mabhati amafuta omuorivhi zviuru makumi maviri.”

11 Hiramu mambo weTire akapindura netsamba kuna Soromoni akati, “Nokuti Jehovha anoda vanhu vake, akakuita mambo wavo.”

12 Uye Hiramu akaenderera mberi achiti, “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe iye akaita denga nenyika! Akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akachenjera, azere noungwaru nokunzwisisa, achavakira Jehovha temberi uye nokuzvivakirawo muzinda wake.

13 “Ndiri kukutumira Hurami-Abhi murume ano unyanzvi kwazvo.

14 Mai vake vaibva kuDhani uye baba vake vaibva kuTire. Akadzidziswa kushanda negoridhe, nesirivha, ndarira, nesimbi, matombo namatanda uye nemicheka yepepuru neyebhuruu, nemitsvuku, nemicheka yakaisvonaka. Ane ruzivo mukuveza kwamarudzi ose uye anogona kuveza achiteedzera zvose zvaanenge arayirwa. Achashanda nemhizha dzenyu pamwe chete nedzaishe wangu Dhavhidhi baba vako.

15 “Zvino ishe wangu ngaatumire varanda vake gorosi nebhari namafuta omuorivhi newaini zvamakavimbisa,

16 isu tichatema matanda ose kubva kuRebhanoni omuonde uye tichaaeredzesa pamagwa nemugungwa achidzika kusvika kuJopa. Munogona ipapo kuzoatora moaendesa kuJerusarema.”

17 Soromoni akaverenga vatorwa vose vaiva muIsraeri mushure mokuverengwa kwavanhu nababa vake Dhavhidhi; uye vakawanikwa vari zviuru zana namakumi mashanu nezvitatu namazana matanhatu.

18 Akarayira zviuru makumi manomwe kuti vave vatakuri vamatombo uye zviuru makumi masere kuti vave vavezi vamatombo muzvikomo, uye zviuru zvitatu namazana matanhatu kuti vave vatariri pamusoro pavo kuti vanhu varambe vachishanda.

2 Makoronike 3

Soromoni anovaka Temberi

1 Ipapo Soromoni akatanga kuvaka temberi yaJehovha muJerusarema pagomo reMoria, apo Jehovha akanga azviratidza kuna baba vake Dhavhidhi. Pakanga pari paburiro raArauna muJebhusi, nzvimbo yakapiwa naDhavhidhi.

2 Akatanga kuvaka pazuva rechipiri mumwedzi wechipiri mugore rechina rokutonga kwake.

3 Nheyo dzakaiswa dzakanga dziri makubhiti makumi matanhatua pakureba uye makubhiti makumi mavirib paupamhi hwayo (kana tichishandisa kubhiti rechiero chakare).

4 Biravira rapamberi petemberi rakanga rakareba makubhiti makumi maviric pamberi paupamhi hweimba uye rakanga rakareba makubhiti makumi maviri kuenda mudenga. Akafukidza mukati mayo negoridhe rakaisvonaka.

5 Akaroverera muimba huru mapuranga emipaini akaifukidza negoridhe rakaisvonaka akaishongedza nemiti yemichindwe nezvishongo zvengetani.

6 Akashongedza temberi namatombo anokosha. Uye goridhe raakashandisa raiva goridhe rokuParivhaimi.

7 Akafukidzawo matanda edenga magwatidziro, madziro, namakonhi etemberi negoridhe, uye akavezera makerubhi pamadziro.

8 Akavaka Nzvimbo Tsvene-tsvene, kureba kwayo kwaienderana noupamhi hwetemberi makubhiti makumi maviri urefu hwayo uye upamhi hwayo makubhiti makumi maviri. Akafukidza mukati mayo namatarenda mazana matanhatud egoridhe rakaisvonaka.

9 Zvipikiri zvegoridhe zvairema mashekeri makumi mashanue. Akafukidzawo nzvimbo dzokumusoro negoridhe.

10 MuNzvimbo Tsvene-tsvene akagadzira makerubhi maviri akavezwa akaafukidza negoridhe.

11 Mapapiro amakerubhi pamwe chete aisvika makubhiti makumi maviri pakureba kwawo. Bapiro rimwe chete rekerubhi rokutanga rakanga rakareba makubhiti mashanuf uye raibata madziro etemberi, rimwe bapiro rayo rakareba makubhiti mashanu richibata rimwe bapiro reimwe kerubhi.

12 Zvimwe chetezvo bapiro rimwe rekerubhi rechipiri rakanga rakareba makubhiti mashanu uye raibata mamwe madziro etemberi uye rimwe racho rakareba zvimwe chetezvo makubhiti mashanu richibata bapiro rekerubhi rokutanga.

13 Mapapiro amakerubhi aiva akareba makubhiti makumi maviri. Akanga akamira namakumbo awo, akatarisa kuimba huru.

14 Akagadzira chidzitiro nezvakarukwa zvebhuruu, zvepepuru, nezvitsvuku nomucheka wakaisvonaka, namakerubhi akasonerwapo.

15 Pamberi petemberi akagadzira mbiru mbiri, dzose pamwe chete dzakanga dzakareba makubhiti makumi matatu namashanug, mbiru imwe neimwe yaiva nomusoro pamusoro payo wakanga wakareba makubhiti mashanu.

16 Akagadzira ngetani dzakarukwa akadziisa pamusoro pembiru. Akagadzirawo matamba zana akaasungirira pangetani.

17 Akamisa mbiru pamberi petemberi, imwe zasi uye imwe kumusoro. Yezasi akaitumidza kuti Jakini uye yokumusoro akaitumidza kuti Bhoazi.

2 Makoronike 4

Nhumbi dzomuTemberi

1 Akavaka aritari yendarira yakanga yakareba makubhiti makumi maviria, uye upamhi hwayo hwaiva makubhiti makumi maviri uye yakareba makubhiti gumib kuenda mudenga.

2 Akaita Gungwa resimbi, rakatenderera pakuvakira kwaro, rakareba makubhiti gumi pamuromo waro kubva kune rumwe rutivi kusvika kune rumwe rutivi uye makubhiti mashanuc kuenda mudenga. Zvaida tambo yakareba makubhiti makumi matatud kuti ikwanise kupoteredza dziva iri.

3 Pazasi pomuromo, zvifananidzo zvehando zvairipoteredza, zviri gumi pakubhiti rimwe chetee. Hando idzi dzakanga dzakaiswa mumitsara miviri dziri chinhu chimwe chete neGungwa.

4 Gungwa rakanga rakamira pamusoro pehando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu dzakatarisa kumavirira, nhatu dzakatarisa zasi, uye nhatu dzakatarisa kumabvazuva. Gungwa rakanga rakagara pamusoro padzo uye kwakanga kwakatarisa pakati.

5 Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sokufara kwechanzaf uye muromo waro wakanga wakaita somuromo womukombe, seruva rehapa. Raizara namabhati zviuru zvitatug.

6 Akagadzirazve madhishi okusukira gumi akaisa mashanu kudivi rezasi, uye mashanu kudivi rokumusoro. Zvinhu zvose zvaizoshandiswa pazvipiriso zvinopiswa zvaisukirwamo, asi Gungwa raizoshandiswa navaprista pakushamba.

7 Akagadzira zvigadziko zvemwenje gumi zvegoridhe, sokurayirwa kwazvakanga zvaitwa akazviisa mutemberi, zvishanu akaisa zasi zvishanu kumusoro.

8 Akagadzira tafura gumi akadziisa mutemberi, shanu zasi uye shanu kumusoro. Akagadzirawo mbiya dzegoridhe zana dzokusasa.

9 Akagadzira chivanze chavaprista, nechivanze chikuru nemikova yechivanze uye akafukidza mikova nendarira.

10 Akaisa Gungwa kudivi rezasi, pakona yezasi yakadziva kumabvazuva.

11 Akagadzirazve hari nefoshoro nembiya dzokusasa. Saka Hurami akapedza basa raakaitira mambo Soromoni mutemberi yaMwari sezvinotevera:

12 mbiru mbiri; misoro miviri yakanga yakaumbwa sembiya pamusoro pembiru.

13 Matamba mazana mana emimbure miviri nemimwe yakanga yakashongedza misoro yakanga yakaumbwa sembiya pamisoro yembiru;

14 zvigadziko namadhishi azvo;

15 Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;

16 hari, foshoro, forogo dzenyama, nemimwe midziyo yose. Zvinhu zvose zvakagadzirwa naHurami-Abhi zvamambo Soromoni zvetemberi yaJehovha zvaiva zvendarira inobwinya.

17 Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu mubani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani.

18 Zvinhu izvi zvose zvakagadzirwa naSoromoni zvakanga zvakawanda kwazvo zvokuti uremu hwendarira yakashandiswa hwakanga husingaverengeki.

19 Soromoni akagadzirazve midziyo yose yakanga iri mutemberi yaMwari yaiti: aritari yegoridhe; tafura dzaiva nechingwa choKuvapo;

20 zvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo kuti ipfute pamberi penzvimbo tsvene yomukati sezvakarayirwa;

21 maruva egoridhe nemwenje nembato (dzaiva dzegoridhe chairo);

22 zvidzimiso zvemwenje, mbiya dzokusasa, madhishi nezvaenga zvomoto zvegoridhe yakaisvonaka namakonhi egoridhe, etemberi: makonhi omukati yapaNzvimbo Tsvene-tsvene namakonhi eimba huru.