2 VaTesaronika 1

1 Pauro, Sirasi naTimoti,

Kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu:

2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari ivo Baba nokuna Ishe wedu Jesu Kristu.

Kuvonga noKunyengetera

3 Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri kukura.

4 Naizvozvo, pakati pekereke dzaMwari tinozvirumbidza pamusoro pokutsungirira kwenyu uye nokutenda kwenyu nomukutambudzika kwose nokuedzwa kwamunotsunga makuri.

5 Zvose izvi ndizvo zvinoratidza kuti kutonga kwaMwari kwakarurama, uye nokuda kwaizvozvi muchanzi makafanirwa noumambo hwaMwari, ihwo hwamunotamburira.

6 Mwari akarurama: Achatsiva nokutambudzika kuna avo vanokutambudzai,

7 uye agozorodza imi vari kutambudzika, uye nesuwo. Izvi zvichaitika Ishe Jesu paacharatidzwa kubva kudenga mumurazvo womo-to unopfuta ane vatumwa vake vane simba.

8 Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu.

9 Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, uye vachapfigirwa kunze pamberi paIshe, uye napaukuru hwesimba rake,

10 pazuva raanouya kuzokudzwa muvanhu vake vatsvene uye sechishamiso pakati paavo vose vakatenda. Izvi zvinosanganisira imi, nokuti makatenda uchapupu hwedu kwamuri.

11 Nomurangariro uyu, isu tinoramba tichikunyengetererai, kuti Mwari wedu ati makafanira kudana kwake, uye kuti nesimba rake azadzise zvinangwa zvenyu zvose zvakanaka uye basa rose rakamutswa nokutenda kwenyu.

12 Tinonyengeterera izvi kuitira kuti zita raIshe wedu Jesu rikudzwe mamuri, uye imi maari, maererano nenyasha dzaMwari wedu naIshe Jesu Kristu.

2 VaTesaronika 2

Munhu w

oKutsauka

1 Pamusoro pezvokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu uye nokuungana kwedu kwaari, tinokukumbirai, hama,

2 kuti murege kuzungunuswa kana kuvhundutswa nechimwe chiprofita, chiziviso kana tsamba inonzi yakabva kwatiri, ichiti zuva raShe ratosvika.

3 Musarega munhu upi zvake achikunyengerai nenzira ipi zvayo, nokuti zuva iro harisviki kusvikira kumukira kwaitika uye munhu wokutsauka aratidzwa, iye munhu akatongerwa kuparadzwa.

4 Achapikisa uye achazvisimudzira pamusoro pezvinhu zvinonzi Mwari kana zvinonamatwa, nokudaro anozvigadza mutemberi yaMwari achizviita Mwari.

5 Hamurangariri here kuti pandaiva nemi ndaisikuudzai zvinhu izvi?

6 Uye iye zvino munoziva chinomudzivisa, kuti aratidzwe nenguva yakafanira.

7 Nokuti chakavanzika chesimba rokutsauka chotoshanda basa; asi uyo anomudzivisa zvino acharamba achiita izvozvo kusvikira iye abviswa.

8 Uye ipapo munhu wokutsauka achazoratidzwa, uyo achaparadzwa naIshe Jesu nokufema kwomuromo wake, achimuparadza nokubwinya kwokuuya kwake.

9 Kuuya kwomunhu wokutsauka kuchaitika sebasa raSatani kuchiratidza nemhando dzose dzezvishamiso zvenhema, zviratidzo neminana,

10 uye nokuipa kwose kunonyengera avo vanoparara. Vanoparara nokuti vakaramba kuda chokwadi uye kuti vagoponeswa.

11 Nokuda kwaizvozvi, Mwari anovatumira mweya une simba wokunyengera kuti vatende nhema

12 uye kuti vose vagotongwa, avo vasina kutenda chokwadi, asi vakafarira zvakaipa.

Mirai neSimba

13 Asi tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama dzinodiwa naIshe, nokuti kubva pakutanga Mwari akakusarudzai kuti muponeswe nebasa rokuchenesa roMweya uye nokutenda chokwadi.

14 Akakudanirai izvi nevhangeri redu, kuti mugovane mukubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu.

15 Saka zvino, hama mirai nesimba uye mubatirire kudzidziso dzatakakudzidzisai, neshoko romuromo kana netsamba.

16 Ishe wedu Jesu Kristu pachake uye Mwari Baba vedu, iye akatida uye nenyasha dzake akatipa upenyu husingaperi, kurudziro netariro yakanaka,

17 ngaakurudzire mwoyo yenyu uye akusimbisei mumabasa nomumashoko ose akanaka.

2 VaTesaronika 3

Chikumbiro choMunyengetero

1 Pakupedzisira, hama, mutinyengetererewo kuti shoko raShe rikurumidze kuparadzirwa uye kuti rikudzwe, sezvazvakanga zvakaita kwamuri.

2 Uye munyengetere kuti tirwirwe kubva pano wakaipa, nokuti havasi vose vanotenda.

3 Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kunowakaipa.

4 Tinotenda muna She kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatinokurayirai.

5 Mwari ngaatungamirire mwoyo yenyu murudo rwaMwari uye nomukutsungirira kwaKristu.

Yambiro pamusoro poUsimbe

6 Muzita raIshe Jesu Kristu, tinokurayirai hama, kuti mubve pahama imwe neimwe inoita zvousimbe uye isingararami maererano nedzidziso yamakagamuchira kubva kwatiri.

7 Nokuti imi pachenyu munoziva kuti munofanira kutevera sei muenzaniso wedu. Takanga tisiri simbe patakanga tinemi,

8 uye hatina kudya chokudya chomunhu tisingaripi. Asi, takashanda usiku namasikati, tichishanda zvikuru uye tichitambudzika kuitira kuti tirege kuva mutoro kwamuri.

9 Takaita izvi, kwete nokuda kwokuti hatina kodzero yokuti tibatsirwe pakadaro, asi kuitira kuti tive muenzaniso kwamuri wokuti mutevere.

10 Nokuti kunyange pataiva nemi, takakupai murayiro uyu wokuti: “Kana munhu asingashandi, ngaarege kudya.”

11 Tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vane usimbe. Havashandi; havaregi zvavamwe.

12 Vanhu vakadaro tinovarayira uye tinovakurudzira muna Ishe Jesu Kristu kuti vashande chinyararire vagodya chingwa chavanoshandira.

13 Uye kana murimi, hama, musaneta pakuita zvakanaka.

14 Kana pano munhu asingateereri kurayira kwedu mutsamba iyi, mumungwarire. Musafambidzana naye, kuitira kuti anyare.

15 Asi musamutora somuvengi, asi mumuyambire sehama.

Mashoko Okupedzisira

16 Zvino Ishe worugare ngaakupei rugare nguva dzose nomunzira dzose.

17 Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu, chinova ndicho chiratidzo mutsamba dzangu dzose.

18 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose.

1 VaTesaronika 1

1 Pauro, Sirasi naTimoti,

Kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu:

Nyasha norugare ngazvive nemi.

Anovonga vaTesaronika paKutenda kwavo

2 Tinogara tichivonga Mwari nokuda kwenyu mose, tichikutaurai muminyengetero yedu.

3 Tinoramba tichirangarira pamberi paMwari wedu naBaba vedu, basa renyu rinobva pakutenda, nokushanda kwenyu kunobva parudo, uye nokutsungirira kwenyu kunobva patariro iri muna Ishe Jesu Kristu.

4 Nokuti tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kuti akakusarudzai,

5 nokuti vhangeri redu harina kuuya kwamuri namashoko bedzi, asi nesimbawo, noMweya Mutsvene uye nokuziva kwakadzama. Munoziva kuti takagara sei pakati penyu nokuda kwenyu.

6 Makava vateveri vedu uye navaIshe; pakati pokutambudzika kukuru, makagamuchira shoko nomufaro unopiwa naMweya Mutsvene.

7 Nokudaro makava muenzaniso kuvatendi vose vari muMasedhonia neAkaya.

8 Shoko raShe rakanzwika kubva kwamuri kwete muMasedhonia neAkaya bedzi, kutenda kwenyu muna Mwari kwakazivikanwa kwose kwose. Naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu pamusoro pazvo,

9 nokuti ivo pachavo vanozivisa kuti takagamuchirwa sei navo. Vanotaura kuti makadzokera sei kuna Mwari muchibva kuzvifananidzo kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi,

10 uye kuti mumirire Mwanakomana wake anobva kudenga, uyo waakamutsa kubva kuvakafa, Jesu, anotinunura kubva pakutsamwa kuchauya.

1 VaTesaronika 2

Ushumiri hwaPauro muTesaronika

1 Munoziva, hama, kuti kushanya kwedu kwamuri hakuna kuva pasina.

2 Takanga tambotambudzika uye tikatukwa muFiripi, sezvamunoziva, asi norubatsiro rwaMwari wedu hatina kurega kukuparidzirai vhangeri rake pakati pokupikiswa kukuru.

3 Nokuti chikumbiro chatinoita hachibvi pakukanganisa kana pamufungo usina kunaka, uye hatisi kuedza kukunyengerai.

4 Asi, tinotaura savanhu vakatenderwa naMwari kuti tipiwe vhangeri. Hatisi kuedza kufadza vanhu asi Mwari, iye anoedza mwoyo yedu.

5 Munozviziva kuti isu hatibati kumeso, uye hatina kuisa chifukidzo chokufukidza kukarira pfuma, Mwari ndiye chapupu chedu.

6 Takanga tisingatsvaki kurumbidzwa kunobva kuvanhu, kwete kunobva kwamuri kana ani zvake.

Savapostori vaKristu tingadai takava mutoro kwamuri,

7 asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, samai vanochengeta vana vavo vaduku.

8 Taikudai zvikuru zvokuti takafara kuti tigoverane nemi, kwete vhangeri raMwari bedzi, asi noupenyu hweduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.

9 Zvirokwazvo munorangarira, hama, kutambudzika kwedu nokuomerwa kwedu; takashanda usiku namasikati kuti tirege kuremedza munhu upi zvake patakanga tichiparidza vhangeri raMwari kwamuri.

10 Imi muri zvapupu, uye naMwariwo, kuti takanga tiri vatsvene sei, vakarurama uye vasina chavangapomerwa pakati penyu imi vanotenda.

11 Nokuti munoziva kuti takabata mumwe nomumwe wenyu sababa vanobata vana vavo,

12 tichikukurudzirai tichikunyaradzai uye tichikukurudzirai kuti murarame zvakafanira kuna Mwari, iye anokudanai kuumambo hwake nokukubwinya kwake.

13 Nesuwo tinotenda Mwari nguva dzose, nokuti pamakagamuchira shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira, kwete seshoko ravanhu, asi sezvariri, iro shoko raMwari, riri kubata mamuri imi vanotenda.

14 Nokuti imi, hama, makava vateveri vekereke dzaMwari dziri muJudhea, dziri muna Kristu Jesu: Makatambudzwa navanhu vomunyika menyu saizvozvo kereke idzodzo dzakatambudzwa zvimwe chete navaJudha,

15 ivo vakauraya Ishe Jesu uye navaprofita uye vakatidzinga nesuwo. Havana kufadza Mwari uye vanorwa navanhu vose

16 mukushinga kwavo kutidzivisa kuti titaure kuvahedheni kuti vaponeswe. Nenzira iyi vanoramba vachiunganidza zvivi zvavo kusvikira kumagumo. Kutsamwa kwaMwari kwazosvika pamusoro pavo pakupedzisira.

Chishuvo chaPauro kuti aone vaTesaronika

17 Asi, hama, patakanga taparadzaniswa nemi kwechinguva chiduku (pakuonekwa, kwete mupfungwa), mukushuva kwedu kukuru takaedza chose kukuonai.

18 Nokuti takanga tichida kuuya kwamuri, chokwadi, ini Pauro, ndakada kuita izvozvo, nguva nenguva, asi Satani akatidzivisa.

19 Nokuti tariro yedu ndeipiko, mufaro wedu kana korona yatichazvirumbidza nayo pamberi paIshe wedu Jesu paanouya? Ko, hamuzimi here?

20 Zvirokwazvo ndimi kubwinya kwedu nomufaro wedu.

1 VaTesaronika 3

1 Saka patakanga tisingagoni kuramba takamira, takafunga kuti zvaiva nani kuti tisare toga paAtene.

2 Takatuma Timoti, anova ndiye hama yedu nomushandi waMwari pamwe chete nesu pakuparadzira vhangeri raKristu, kuti akusimbisei nokukukurudzirai mukutenda kwenyu,

3 kuti parege kuva nomunhu anozungunutswa nemiedzo iyi. Munozviziva chose kuti takanga takagadzirirwa izvozvo.

4 Kunyanya pataiva nemi, takaramba tichikuudzai kuti tichatambudzwa. Uye zvakabva zvaita saizvozvo, sezvamunoziva kwazvo.

5 Nokuda kwaizvozvo, pandakanga ndisisagoni kutsunga, ndakatuma shoko kuti ndizive nezvokutenda kwenyu. Ndakatya kuti zvimwe muedzi angadaro akakuedzai uye kubata kwedu kwakava pasina.

Mashoko aTimoti anokurudzira

6 Asi Timoti achangosvika kwatiri zvino achibva kwamuri uye akauya namashoko akanaka ezvokutenda kwenyu norudo rwenyu. Akatiudza kuti munogara muchifunga zvakanaka nezvedu uye kuti munoshuva kutiona, sezvatinoshuva nesuwo kukuonai.

7 Naizvozvo, hama, mukutambudzika kwedu kwose uye nokutambudzwa kwedu, takakurudzirwa pamusoro penyu nokuda kwokutenda kwenyu.

8 Nokuti zvino tiri vapenyu chose, sezvo imi mumire nesimba muna She.

9 Tichavonga Mwari zvizere sei nokuda kwenyu kuti tidzorere mufaro wose watinawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu?

10 Usiku namasikati tinonyengetera zvikuru kuti tikuoneizve uye kuti tizadzise zvinotayira pakutenda kwenyu.

11 Zvino Mwari wedu, Baba pachavo naIshe wedu Jesu ngavatizarurire nzira kuti tiuye kwamuri.

12 Ishe ngaakurise rudo rwenyu uye rupfachukire kuno mumwe nomumwe nokuvanhu vose, sezvinoita rwedu kwamuri.

13 Ngaasimbise mwoyo yenyu kuitira kuti mushayiwe chamunopomerwa uye muve vatsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu navatsvene vake vose.

1 VaTesaronika 4

Kuraramira Kufadza Mwari

1 Pakupedzisira, hama, takakurayirai kuti munofanira kurarama sei kuitira kuti mugofadza Mwari, sezvamuri kurarama. Zvino tinokukumbirai uye tinokukurudzirai muna She Jesu kuti murambe muchiita izvi uye muchiwedzera.

2 Nokuti munoziva zvatakakurayirai nesimba raIshe Jesu.

3 Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene:

4 kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa,

5 asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari;

6 uye kuti pane izvozvi parege kuva nomunhu anotadzira hama yake kana kumutorera chinhu. Ishe acharanga vanhu nokuda kwezvivi zvakadaro zvose, sezvatakakuudzai kare uye tikakuyambirai.

7 Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuti tirarame upenyu hutsvene.

8 Naizvozvo, uyo anoramba kurayira uku haasi kuramba munhu asi Mwari, iye anokupai Mweya wake Mutsvene.

9 Zvino kana rwuri rudo kuhama, hatitsvaki kukunyorerai, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kuti mudanane.

10 Uyezve, munoda hama dzose muMasedhonia yose. Asi tinokukurudzirai, hama, kuti muite izvozvo uye muchiwedzera.

11 Shingirirai kuti mugare upenyu hworunyararo, muchibata basa renyu namaoko enyu, sezvatakakuudzai,

12 kuitira kuti upenyu hwamazuva ose huwane kukudzwa navari kunze uye kuitira kuti murege kusendamira kuno mumwe munhu.

Kuuya kwaShe

13 Hama, hatidi kuti muve vasingazivi pamusoro paavo vavete, kana kuchema savamwe vavo, vasina tariro.

14 Isu tinotenda kuti Jesu akafa uye akamukazve, nokudaro isu tinotenda kuti Mwari achauyisa pamwe chete naJesu avo vakavata maari.

15 Samashoko aShe pachake, tinokuudzai kuti isu vachiri vapenyu, vachasara kusvikira pakuuya kwaShe, zvirokwazvo hatizotangiri avo vakavata.

16 Nokuti Ishe pachake achaburuka achibva kudenga, nokurayira kukuru, nenzwi romutumwa mukuru uye nokurira kwehwamanda yaMwari, uye vakafa muna Kristu vachatanga kumuka.

17 Shure kwaizvozvo, isu vachiri vapenyu uye vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore kuti tisangane naShe mudenga. Nokudaro tichava naShe nokusingaperi.

18 Naizvozvo kurudziranai namashoko aya.

1 VaTesaronika 5

1 Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei,

2 nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku.

3 Vanhu pavanenge vachiti, “Rugare norunyararo,” kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki.

4 Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha.

5 Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima.

6 Saka zvino, ngatiregei kuita savamwe vavete, asi ngatisvinurei uye tive vanozvidzora.

7 Nokuti avo vanovata, vanovata usiku, uye avo vanodhakwa, vanodhakwa usiku.

8 Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani.

9 Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.

10 Akatifira isu kuitira kuti, kunyange takasvinura kana tivete, tigare pamwe chete naye.

11 Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.

Kurayira Kwokupedzisira

12 Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze avo vanoshanda nesimba pakati penyu, vari pamusoro penyu muna She uye vanokurayirai.

13 Muvakudze zvikuru murudo nokuda kwebasa ravo. Garai murunyararo nomumwe nomumwe wenyu.

14 Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose.

15 Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose.

16 Farai nguva dzose;

17 rambai muchinyengetera;

18 vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.

19 Musadzima moto woMweya;

20 musazvidza zviprofita.

21 Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka.

22 Regai zvakaipa zvose.

23 Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.

24 Iye anokudanai akatendeka uye achazviita.

25 Hama, tinyengeterereiwo.

26 Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene.

27 Ndinokurayirai pamberi paIshe kuti tsamba iyi iverengerwe hama dzose.

28 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.

VaKorose 1

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu,

2 Kuhama tsvene uye dzakatendeka dziri muna Kristu paKorose:

Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba ngazvive nemi.

Kuvonga noKunyengetera

3 Tinogara tichivonga Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, patinokunyengetererai,

4 nokuti takanzwa nezvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose,

5 kutenda norudo zvinobva patariro yamakachengeterewa kudenga uye iyo yamakatonzwa nezvayo mushoko rezvokwadi, iro vhangeri

6 rakasvika kwamuri. Munyika yose vhangeri iri riri kubereka zvibereko uye richikura sezvarakanga richiita pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa uye mukanzwisisa nyasha dzaMwari muzvokwadi yose.

7 Makazvidzidza kubva kuna Epafrodhito, muranda pamwe chete nesu anodikanwa, mushumuri akatendeka waKristu nokuda kwedu,

8 uye akatiudzawo nezvorudo rwenyu muMweya.

9 Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai uye tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya uye nokunzwisisa.

10 Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari,

11 muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo

12 muchivonga ivo Baba, vakaita kuti mukodzere kugovana nhaka yavatsvene muumambo hwechiedza.

13 Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima uye akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda,

14 watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi.

Ukuru hwaKristu

15 Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose.

16 Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye.

17 Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari.

18 Ndiye musoro womuviri, iyo kereke; ndiye wokutanga uye ndiye dangwe ravakamuka kuvakafa, kuitira kuti pazvinhu zvose iye ave mukuru.

19 Nokuti Mwari akafadzwa nazvo kuti uzere hwake hwose hugare maari,

20 uye kubudikidza naye ayananise kwaari zvinhu zvose, zvingava zvinhu zviri panyika kana zvinhu zviri kudenga, nokuita rugare kubudikidza neropa rake, rakateerwa pamuchinjikwa.

21 Kare makanga muri vatorwa kuna Mwari uye maiva vavengi mupfungwa dzenyu nokuda kwetsika dzenyu dzakaipa.

22 Asi zvino akakuyananisai nomuviri waKristu kubudikidza norufu kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, vasina chavanopomerwa uye makasunungurwa kubva pakupomerwa

23 kana muchirambira mukutenda kwenyu, makasimbiswa uye makasimba, musingazungunuswi kubva patariro iri muvhangeri. Ndiro vhangeri ramakanzwa uye rakaparidzirwa kuzvisikwa zvose pasi pedenga, uye iro ini, Pauro, ndakaitwa muranda nokuda kwaro.

Kushandira Kereke kwaPauro

24 Zvino ndinofara mune zvamakatamburirwa imi, uye ndinozadzisa munyama yangu izvo zvichiri kushayikwa maererano nokutambudzika kwaKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke.

25 Ini ndava muranda wayo nokutumwa kwandakaitwa naMwari kuti ndiise kwamuri shoko raMwari nokuzara kwaro,

26 chakavanzika chakanga chakavigwa kubvira kare uye kumarudzi namarudzi, asi zvino zvakazarurirwa vatsvene.

27 Kuna ivo, Mwari akasarudza kuti azivise pakati pavahedheni, pfuma inobwinya yechakavanzika ichi, iye Kristu mamuri, tariro yokubwinya.

28 Tinomuparidza, tichirayira uye tichidzidzisa munhu wose nouchenjeri hwose, kuitira kuti tiise munhu wose akakwana muna Kristu.

29 Nokuda kwaizvozvi, ndinoshanda nesimba, ndichirwisa nesimba rake rose, rinoshanda zvikuru mandiri.

VaKorose 2

1 Ndinoda kuti muzive kuti ndiri kurwa sei pamusoro penyu uye naavo vari paRaodhikea, navose vasina kuonana neni pachangu.

2 Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu,

3 maari pfuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwamo.

4 Ndinokuudzai izvi kuitira kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko anobata kumeso.

5 Nokuti kunyange ndisipo pamuri mumweya uye ndinofara ndichiona kuti mugere zvakanaka sei uye kuti makasimba sei mukutenda kwenyu muna Kristu.

Kusunungurwa paTsika dzaVanhu noUpenyu muna Kristu

6 Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saShe, rambai muchifamba maari,

7 mune midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga.

8 Muone kuti parege kuva nomunhu anokutapai nokutaura kusina maturo kunonyengera, kunosendamira patsika dzavanhu uye nezvokuvamba kwenyika ino, asingateveri Kristu.

9 Nokuti muna Kristu kuzara kwouMwari kunogara maari pamuviri,

10 nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba.

11 Nemiwo makadzingiswa maari, mukubviswa kwomunhu wezvivi, kwete nokudzingiswa kunoitwa namaoko avanhu, asi nokudzingiswa kunoitwa naKristu,

12 makavigwa pamwe chete mukubhabhatidzwa uye mukamutswa pamwe chete naye nokutenda kwenyu musimba raMwari, akamumutsa kuvakafa.

13 Pamakanga makafa muzvivi zvenyu uye nokusadzingiswa kwomunhu wenyu wekare, Mwari akakuitai vapenyu muna Kristu. Akatikanganwira zvivi zvedu zvose,

14 akadzima mutemo wakanyorwa, nezvirevo zvawo, uyo wakanga uchirwa nesu uye waimira uchipikisana nesu; akaubvisa, achiuroverera pamuchinjikwa.

15 Uye akati abvisa ushe namasimba, akazvibudisa pachena, akazvikunda nomuchinjikwa.

16 Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata.

17 Izvi mumvuri wezvinhu zvaizouya, kunyange zvakadaro, chokwadi chinowanikwa muna Kristu.

18 Musarega munhu upi zvake anofarira kuzvininipisa kwenhema uye kunamata vatumwa achikutorerai mubayiro wenyu. Munhu akadaro anorondedzera zvikuru pamusoro pezvaakaona, uye nokufunga kwake kwenyama anozvikudza pasina.

19 Akarasika kubva paMusoro, uyo kubva pauri muviri wose, wakasimbiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nemitezo yawo uye namarunda, unokura sezvinoda Mwari.

20 Sezvo makafa pamwe chete naKristu kune mitemo yenyika ino, seiko muchiita kunge muchiri vayo, munozviisa pasi pemitemo yayo here inoti:

21 “Usabata! Usaravira! Usagunzva!”?

22 Izvi zvose zvichaparadzwa nokubata kwazvo, nokuti zvakavakwa pamirayiro yavanhu nokudzidzisa kwavanhu.

23 Zvirokwazvo mitemo yakadai inoita seino uchenjeri, nokunamata kwavo kwokuzvipa, kuzvininipisa kwavo kwenhema uye nokubata kwavo muviri kwakaipa, asi havakoshesi kudzivisa kuchiva kwomuviri.