2 Makoronike 35

Josia anopemberera Pasika

1 Josia akapemberera Pasika kuna Jehovha muJerusarema, uye gwayana rePasika rakaurayiwa pazuva regumi neina romwedzi wokutanga.

2 Akamisa vaprista pamabasa avo akavakurudzira kuti vashumire mutemberi yaJehovha.

3 Akati kuvaRevhi, vaidzidzisa Israeri yose uye vakanga vakatsaurirwa kuna Jehovha, “Isai areka yesungano mutemberi yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsraeri. Haifaniri kutakurwa pamapfudzi enyu. Zvino shumirai Jehovha Mwari uye navanhu vake Israeri.

4 Zvigadzirirei nemhuri dzenyu mumapoka enyu, maererano nezvakarayirwa zvakanyorwa naDhavhidhi mambo weIsraeri nomwanakomana wake Soromoni.

5 “Mirai munzvimbo tsvene neboka ravaRevhi pachikamu chiduku cheboka chimwe nechimwe chemhuri dzehama dzenyu.

6 Urayai makwayana ePasika muzvinatse mugadzirire makwayana kuitira hama dzenyu, muchiita zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.”

7 Josia akapa vamwe vanhu vose vakanga varipo makwai nembudzi zvaisvika zviuru makumi matatu sezvipiriso zvePasika, uyewo nemombe zviuru zvitatu, zvose izvi zvakabva mupfuma yamambo.

8 Machinda ake akapawo nokuda kwavo kuvanhu nokuvaprista navaRevhi. Hirikia, Zekaria naJehieri, mutariri mukuru wetemberi yaMwari akapa vaprista zvipiriso zviuru zviviri namazana matanhatu nemombe mazana matatu.

9 Uyewo Konania pamwe chete naShemaya naNetaneri vanun’una vake, naHashabhia, Jeyeri naJozabhadhi, vatungamiri vavaRevhi, vakapa zvipiriso zvePasika zviuru zvishanu nemombe mazana mashanu zvavaRevhi.

10 Nguva yokushumira yakarongwa vaprista vakamira munzvimbo dzavo vaine vaRevhi mumapoka avo sezvakanga zvarayirwa namambo.

11 Makwayana ePasika akaurayiwa, vaprista vakasasa ropa ravakapiwa, vaRevhi vachivhiya mhuka idzi.

12 Vakaisa parutivi zvipiriso zvinopiswa kuti vazvipe kuzvikamu zvamapoka emhuri dzavanhu kuti vazvipe kuna Jehovha sezvazvakanyorwa mubhuku raMozisi. Vakaita zvimwe chetezvo nemombe.

13 Vakagocha mhuka dzePasika pamoto nenzira yakarayirwa, vakabikira zvipiriso zvitsvene muhari, mumakate nomumakango uye vakapa vanhu vose nokukurumidza.

14 Vapedza izvi, vakatanga kugadzirira zvavo nezvavaprista, nokuti vaprista vezvizvarwa zvaAroni vakabayira zvipiriso zvinopiswa namafuta azvo kusvikira usiku. Saka vaRevhi vakazvigadzirira ivo navaprista vorudzi rwaAroni.

15 Vaimbi, zvizvarwa zvaAsafi, vakanga vari munzvimbo dzakanga dzarayirwa naDhavhidhi, Asafi, Hemani naJedhutuni muoni wamambo. Vachengeti vamasuo pasuo rimwe nerimwe vaisafanira kusiya nzvimbo dzavo nokuti dzimwe hama dzavo vaRevhi vaivagadzirirawo zvavo.

16 Saka panguva iyoyo basa rose raJehovha rakaitwa kuti vapemberere Pasika nezvipiriso zvinopiswa paaritari yaJehovha sezvakanga zvarayirwa naMambo Josia.

17 VaIsraeri vakanga varipo vakapemberera Pasika panguva iyoyo vakacherechedza Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso kwamazuva manomwe.

18 Pasika haina kunge yambocherechedzwa saizvozvi muIsraeri kubva pamazuva omuprofita Samueri; uye hakuna kana mumwe chete pamadzimambo eIsraeri akanga apemberera Pasika sezvakaitwa naJosia navaprista, vaRevhi neJudha yose neIsraeri vakanga varipo navanhu veJerusarema.

19 Pasika iyi yakapembererwa mugore regumi norusere rokutonga kwaJosia.

Kufa kwaJosia

20 Mushure maizvozvi zvose, Josia paakanga agadziridza zvinhu mutemberi, Neko mambo weIjipiti, akakwira kundorwa paKakemishi paYufuratesi, uye Josia akabudawo kundosangana naye kuti varwe.

21 Asi Neko akatuma nhume kwaari achiti, “Ibopoto ripiko riripo pakati pangu newe, nhai mambo weJudha? Handina kuuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandiri kurwisana nayo. Mwari andiudza kuti ndikurumidze; saka mira kurwisana naMwari, ari kurutivi rwangu, kana kuti achakuparadza.”

22 Kunyange zvakadaro Josia haana kubva kwaari asi akazvishandura kuti arwe naye muhondo. Haana kuda kuteerera zvakanga zvataurwa naNeko sokurayira kwaMwari asi akaenda kundorwa naye pabani reMegidho.

23 Vawemburi vouta vakapfura Mambo Josia, uye iye akati kumachinda ake, “Ndibvisei pano; ndakuvara zvakaipisisa.”

24 Saka vakamutora vakamuburitsa mungoro yake vakamuisa mune imwe ngoro yaakanga anayo, vakauya naye kuJerusarema, kwaakandofira. Akavigwa mumakuva amadzibaba ake, uye Judha yose neJerusarema vakamuchema.

25 Jeremia akanyora dzimbo dzokuchema Josia, uye kusvikira nhasi vaimbi vechirume navakadzi vose vanorangarira Josia munziyo idzodzo.

26 Zvimwe zvakaitwa naJosia panguva yokutonga kwake, namabasa okuzvipira kwake maererano nezvakanyorwa mumirayiro waJehovha,

27 zvose zvaakaita kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri neJudha.

2 Makoronike 36

1 Uye vanhu vomunyika iyi vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia vakamuita mambo muJerusarema panzvimbo yababa vake.

Jehoahazi Mambo weJudha

2 Jehoahazi akanga ana makore makumi maviri namatatu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwemwedzi mitatu.

3 Mambo weIjipiti akamubvisa paumambo muJerusarema akatemera Judha kuti iripe matarenda zanaa esirivha netarendab regoridhe.

4 Mambo weIjipiti akaita Eriakimu mukoma waJehoahazi, kuti ave mambo pamusoro peJudha neJerusarema akashandura zita raEriakimu kuti anzi Jehoyakimi. Asi Neko akatora munun’una waEriakimu Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti.

Jehoyakimi Mambo weJudha

5 Jehoyakimi akanga aina makore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe chete akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake.

6 Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akamurwisa akamusunga nengetani dzendarira kuti amutore aende naye kuBhabhironi.

7 Nebhukadhinezari akatorawo midziyo yomutemberi yaJehovha akaenda nayo kuBhabhironi akandoiisa mutemberi yake ikoko.

8 Zvimwe zvakaitwa panguva yokutonga kwaJehoyakimi, zvinhu zvinonyangadza zvaakaita nezvose zvakawanikwa zvaakakanganisa, zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri neJudha. Uye Jehoyakini mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Jehoyakini Mambo weJudha

9 Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwemwedzi mitatu namazuva gumi. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha.

10 Pakupera kwegore, Mambo Nebhukadhinezari akatuma shoko rokuti auyiswe kuBhabhironi pamwe chete nemidziyo inokosha kubva mutemberi yaJehovha, akaita munun’una waJehoyakini, Zedhekia, mambo pamusoro peJudha neJerusarema.

Zedhekia Mambo weJudha

11 Zedhekia akanga ava namakore makumi maviri nerimwe paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe.

12 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha uye haana kuzvininipisa pamberi pomuprofita Jeremia, akataura shoko raJehovha.

13 Akamukirawo Mambo Nebhukadhinezari akanga amuita kuti ape mhiko muzita raMwari. Akaomesa mutsipa akaomesa mwoyo wake uye akaramba kutendeukira kuna Jehovha, Mwari weIsraeri.

14 Uyezve vakuru vose vavaprista navanhu vakanyanya kutadza vachitevera zvinonyangadza zvose zvendudzi vakasvibisa imba yaJehovha yaakanga akudza kwazvo muJerusarema.

Kuwa kweJerusarema

15 Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akatuma shoko rake kubudikidza nenhume dzake nguva nenguva, nokuti akaitira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara.

16 Asi vakashora nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake vakadadira vaprofita vake kusvikira hasha dzaMwari dzavamukira uye pasisina zvingagadziridzwa.

17 Akauyisa mambo wavaBhabhironi kuti azovarwisa uye akauraya majaya avo nomunondo munzvimbo tsvene, uye hapana waakasiya, jaya kana mhandara, varume vakuru kana vatana. Mwari akavapa vose kuna Nebhukadhinezari.

18 Akatakura midziyo yose yaiva mutemberi yaMwari akaenda nayo kuBhabhironi, zvose zvikuru nezvidiki nepfuma yomutemberi yaJehovha nepfuma yaMambo namachinda ake.

19 Vakapisa temberi yaMwari vakaputsa rusvingo rweJerusarema; vakapisa mizinda yose uye vakaparadza zvose zvaikosha imomo.

20 Akatakura vose vakanga vasara muutapwa avo vakanga vapunyuka kubva pamunondo uye vakava varanda vake nevevanakomana vake kusvikira pakutanga umambo hwePezhia kutonga.

21 Nyika yakava namaSabata ayo ezororo; panguva yose yokuparadzwa kwayo yakazorora, kusvikira makore makumi manomwe apera kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremia rizadziswe.

22 Mugore rokutanga raSirasi mambo wePezhia, kuitira kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremia rizadziswe, Jehovha akasunda mwoyo waSirasi mambo wePezhia kuti aparadzire kuumambo hwake hwose uye kuti azvinyore achiti,

23 “Zvanzi naSirasi mambo wePezhia, ‘Jehovha Mwari wedenga, andipa umambo hwose hwapanyika uye akandigadza kuti ndimuvakire temberi paJerusarema muJudha. Ani naani wavanhu vake vari pakati penyu, Jehovha Mwari wake ave naye, uye ngaaende ikoko.’ ”

1 Makoronike 1

Zvinyorwa zvenhoroondo kubva kuna

Adhamu kusvika kuna Abhurahama

Kusvika kuvanakomana vaNoa

1 Adhamu, Seti, Enoshi,

2 Kenani, Maharareri, Jaredhi,

3 Inoki, Metusera, Rameki, Noa.

4 Vanakomana vaNoa vaiva: Shemu, Hamu, naJafeti.

VaJafeti

5 Vanakomana vaJafeti vaiva: Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Tubhari, Mesheki naTirasi.

6 Vanakomana vaGomeri vaiva: Ashikenazi, Rifati naTogama.

7 Vanakomana vaJavhani vaiva: Erisha, Tashishi, muKitimi nomuRodhanimi.

VaHamu

8 Vanakomana vaHamu vaiva: Kushi, Miziraimi, Puti naKenani.

9 Vanakomana vaKushi vaiva: Sebha, Havhira, Sabata, Raama naSabhiteka. Vanakomana vaRaama vaiva: Shebha naDedhani.

10 Kushi aiva baba vaNimurodhi; uyo akakura akava murwi mukuru panyika.

11 Miziraimi aiva baba vavaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi,

12 vaPataini, vaKasiruhi (umo makazobvawo vaFiristia) navaKafitori.

13 Kenani aiva baba vaSidhoni dangwe rake, nevaHiti,

14 vaJebhusi vaAmori, vaGirigashi,

15 vaHivhi, vaAriki, vaSini,

16 vaArivhadhi, vaZemari nevaHamati.

VaSemi

17 Vanakomana vaShemu vaiva: Eramu, Ashua, Arifakadhi, Rudhi naAramu. Vanakomana vaAramu vaiva: Uzi, Huri, Geteri naMesheki.

18 Arifakadhi aiva baba vaShera uye aiva baba vaEbheri.

19 Vanakomana vaviri vakaberekerwa Ebheri: mumwe ainzi Peregi, nokuti panguva yake nyika yakanga yakakamurana; munun’una wake ainzi Jokitani.

20 Jokitani aiva baba vaArimodhadhi, Sherefi, Hazarimavheti, Jera,

21 Hadhorami, Uzari, Dhikira,

22 Obhari, Abhimaeri, Shebha,

23 Ofiri, Havhira, naJobhabhi. Ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.

24 Shemu, Arifakisadhi, Shera,

25 Ebheri, Peregi, Reu,

26 Serugi, Nahori, Tera

27 naAbhuramu (iye Abhurahama).

Mhuri yaAbhurahama

28 Vanakomana vaAbhurahama vaiva: Isaka naIshumaeri.

Zvizvarwa zvaHagari

29 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvavo: Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisani,

30 Mishima, Dhuma, Masa, Hadhadhi, Tema,

31 Jeturi, Nafishi, naKedhema. Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri.

Zvizvarwa zvaKetura

32 Vanakomana vakaberekwa naKetura, murongo waAbhurahama vaiva: Zimirani, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua. Vanakomana vaJokishani vaiva: Shebha naDhedhani.

33 Vanakomana vaMidhiani vaiva: Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Ava vose vaiva zvizvarwa zvaKetura.

Zvizvarwa zvaSara

34 Abhurahama aiva baba vaIsaka. Vanakomana vaIsaka vaiva: Esau naIsraeri.

35 Vanakomana vaSeiri vaiva: Erifazi, Reueri, Jeushi, Jaramu, naKora.

36 Vana vaErifazi vaiva: Temani, Omari, Zefa, Gatami, naKenazi; naTimina, vakabereka Amareki.

37 Vanakomana vaReueri vaiva: Nahati, Zera, Shama naMiza.

38 Vanakomana vaSeiri vaiva: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, Dhishoni, Ezeri naDhishani.

39 Vanakomana vaRotani vaiva: Hori naHomami, Timina aiva hanzvadzi yaRotani.

40 Vanakomana vaShobhari vaiva: Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami. Vanakomana vaZibheoni vaiva: Aya naAna.

41 Mwanakomana waAna ainzi Dhishoni. Vanakomana vaDhishoni vaiva: Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.

42 Vanakomana vaEzeri vaiva: Bhirihani, Zaavhani naAkani. Vanakomana vaDhishani vaiva: Uzi naArani.

Vatongi veEdhomu

43 Aya ndiwo aiva madzimambo aitonga muEdhomu kusati kwava namambo upi zvake aitonga muIsraeri vaiva: Bhera mwanakomana waBheori, guta rake rainzi Dhinihabha.

44 Bhera paakafa, Jobhabhu mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo.

45 Jobhabhu paakafa, Hushami aibva kunyika yevaTemani akamutevera paumambo.

46 Hushami paakafa, Hadhadhi mwanakomana waBedhadhi uyo akakunda Midhiani munyika yaMoabhu akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Avhiti.

47 Hadhadhi paakafa Samira aibva kuMasireka akamutevera paumambo.

48 Samira paakafa, Shauri aibva kuRehobhoti parwizi akamutevera paumambo.

49 Shauri paakafa Bhaari Hanani mwanakomana waAkibhoni akamutevera paumambo.

50 Bhaari Hanani paakafa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Pau uye mudzimai wake ainzi Mehetabheri mwanasikana waMezahabhi.

51 Hadhadhi akafawo. Madzishe eEdhomu aiva: Timina, Arivha, Jeteti

52 Ohoribhama, Era, Pinoni,

53 Kenazi, Temani, Mibhizari,

54 Magidhieri naIrami. Aya ndiwo aiva madzishe eEdhomu.

1 Makoronike 2

Vanakomana vaIsraeri

1 Ava ndivo vaiva vanakomana vaIsraeri: Rubheni, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Zebhuruni,

2 Dhani, Josefa, Benjamini, Nafutari, Gadhi naAsheri.

Judha Kuvanakomana vaHezironi

3 Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani naShera. Vatatu ava akavaberekerwa naShua mudzimai wechiKenani. Eri dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha. Saka Jehovha akamuuraya.

4 Tamari muroora waJudha akamuberekera Perezi naZera. Judha aiva navanakomana vashanu vose pamwe chete.

5 Vanakomana vaPerezi vaiva: Hezironi naHamuri.

6 Vanakomana vaZera vaiva: Zimuri, Etani, Hemani, Karikori naDharidha; vose vaiva vashanu.

7 Mwanakomana waKarimi aiva: Akari, uyo akauyisa matambudziko pamusoro peIsraeri nokutyora murayiro wokusatora zvinhu zvakaereswa.

8 Mwanakomana waEtani ainzi Azaria.

9 Vanakomana vaHezironi vaiva: Jerameeri, Rami naKarebhu.

Kubva kuna Rami mwanakomana waHezironi

10 Rami aiva baba vaAminadhabhi, uye Aminadhabhi aiva baba vaNashoni mutungamiri wavanhu veJudha.

11 Nashoni aiva baba vaSarimoni, Sarimoni ari baba vaBhoazi,

12 Bhoazi aiva baba vaObhedhi uye Obhedhi aiva baba vaJese.

13 Jese aiva baba vaEriabhi dangwe rake; mwanakomana wake wechipiri ainzi Abhinadhabhi, wechitatu ainzi Shimea,

14 wechina ainzi Netaneri, wechishanu ainzi Radhai,

15 wechitanhatu ainzi Ozemi uye wechinomwe ainzi Dhavhidhi.

16 Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi. Vanakomana vatatu vaZeruya vaiva Abhishai, Joabhu naAsaheri.

17 Abhigairi aiva amai vaAmasa, baba vaAmasa vainzi Jeteri muIshumaeri.

Karebhu mwanakomana waHezironi

18 Karebhu mwanakomana waHezironi akabereka vana nomudzimai wake Azubha (uye naJerioti). Ava ndivo vaiva vanakomana vake: Jesheri Shobhabhi naAridhoni.

19 Azubha paakafa Karebhu akaroora Efurati uyo akamuberekera Huri.

20 Huri aiva baba vaUri uye Uri aiva baba vaBhezareri.

21 Shure kwaizvozvo, Hezironi akavata nomwanasikana waMakiri baba vaGireadhi; akanga amuwana paakanga ava namakore makumi matanhatu; akamuberekera Segubhi.

22 Segubhi aiva baba vaJairi, uyo aitonga maguta makumi maviri namatatu muGireadhi.

23 Asi Geshuri naAramu vakatapa Habhoti Jairi pamwe chete neKenoti namaguta akaripoteredza, maguta makumi matanhatu. Ava vose vaiva vorudzi rwaMakiri baba vaGireadhi.

24 Mushure mokunge Hezironi afira muKarebhu Efurata, Abhija mudzimai waHezironi akamuberekera Ashuri baba vaTekoa.

Jerameeri mwanakomana waHezironi

25 Vanakomana vaJerameeri dangwe raHezironi vaiva: Rami dangwe rake, Bhuna, Oreni, Ozemi naAhija.

26 Jerameeri akanga ane mumwe mukadzi, zita rake ainzi Atara. Akanga ari amai vaOnami.

27 Vanakomana vaRami dangwe raJerameeri vaiva: Maazi, Jamini naEkeri.

28 Vanakomana vaOnami vaiva: Shamai naJadha. Vanakomana vaShamai vaiva: Nadhabhi naAbhishuri.

29 Mukadzi waAbhishuri ainzi Abhihairi akamuberekera Abhani naMoridhi.

30 Vanakomana vaNadhabhi vaiva: Seredhi naApaimi. Seredhi akafa asina vana.

31 Mwanakomana waApaimi ainzi Ishi uyo aiva baba vaSheshani. Sheshani aiva baba vaArai.

32 Vanakomana vaJadha, munun’una waShamai vaiva: Jeteri naJonatani. Jeteri akafa asina vana.

33 Vanakomana vaJonatani vaiva: Pereti naZaza. Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvorudzi zvaJerameeri.

34 Sheshani aiva asina vanakomana, aiva navanasikana chete. Aiva nomuranda wechiIjipita ainzi Jara.

35 Sheshani akapa mwanasikana wake kuti ave mukadzi womuranda wake. Jara akamuberekera Atai.

36 Atai aiva baba vaNatani, Natani aiva baba vaZabadhi,

37 Zabadhi baba vaEfirari, Efirari baba vaObedhi,

38 Obedhi baba vaJehu, Jehu baba vaAzaria,

39 Azaria baba vaHerezi, Herezi baba vaEreasa,

40 Ereasa baba vaSisimai, Sisimai baba vaSharumi,

41 Sharumi baba vaJekamia, uye Jekamia aiva baba vaErishama.

Dzimba dzaKarebhu

42 Vanakomana vaKarebhu munun’una waJerameeri vaiva: Mesha dangwe rake, uyo aiva baba vaZifi uye nomwanakomana wake Maresha, uyo aiva baba vaHebhuroni.

43 Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Kora, Tapuwa, Rekemu naShema.

44 Shema aiva baba vaRahamu, uye Rahamu baba vaJorikeami. Rekemu aiva baba vaShamai.

45 Mwanakomana waShamai ainzi Maoni, uye Maoni aiva baba vaBheti Zuri.

46 Mumwe murongo waKarebhu ainzi Efa ndiye aiva amai vaHarani, Moza naGazezi. Harani aiva baba vaGazezi.

47 Vanakomana vaJadhai vaiva: Regemu, Jotamu, Geshani, Pereti, Efa naShaafi.

48 Mumwe murongo waKarebhu ainzi Maaka ndiye aiva amai vaShebheri naTirana.

49 Akaberekawo Shaafi baba vaMadhimana naShevha baba vaMakibhena naGibhea. Mwanasikana waKarebhu ainzi Akisa.

50 Izvi ndizvo zvizvarwa zvaKarebhu. Vanakomana vaHuri dangwe raEfurata: Shobhari baba vaKiriati Jearimi,

51 Sarima baba vaBheterehema, naHarefi baba vaBheti Gadheri.

52 Zvizvarwa zvaShobhari baba vaKiriati Jearimi zvaiva: Haroe, hafu yavaManahati,

53 uye dzimba dzaKiriati Jearimi dzaiva: vaItiri, vaPuti, vaShumati navaMishirai. Kuna ivava kwakabva vaZorati navaEshitaori.

54 Zvizvarwa zvaSarima zvaiva: Bheterehema, vaNetofati, Atiroti Bheti Joabhu, hafu yavaManahati, vaZori,

55 uye dzimba dzavanyori vaigara paJabhezi dzaiva: vaTirati, vaShimeati navaSukati. Ava ndivo vaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhi.

1 Makoronike 3

Vanakomana vaDhavhidhi

1 Ava ndivo vanakomana vaDhavhidhi vaakaberekerwa ari kuHebhuroni: Dangwe rake rainzi Amunoni mwanakomana waAhinoami weJezireeri. Wechipiri ainzi Dhanieri, mwanakomana waAbhigairi weKarimeri;

2 wechitatu, Abhusaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri; wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti,

3 wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari uye wechitanhatu Itireami nomukadzi wake Egira.

4 Ava vatanhatu vakaberekerwa Dhavhidhi muHebhuroni umo maakatonga kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu. Dhavhidhi akazotonga muJerusarema kwamakore makumi matatu namatatu

5 uye ava ndivo vana vaakaberekerwa ikoko. Vaiva: Shamua, Shobhabhi, Natani naSoromoni. Ava vana vakaberekwa naBhatishebha mwanasikana waAmieri.

6 Kwaivawo naIbhari, Erisua, Erifereti

7 Noga, Nefegi, Jafia,

8 Erishama, Eriadha naErifereti, vose vaiva vapfumbamwe.

9 Ava vose vaiva vanakomana vaDhavhidhi, tisingaverengi vanakomana vake vaakaita navarongo vake. Uye Tamari aiva hanzvadzi yavo.

Madzimambo eJudha

10 Mwanakomana waSoromoni ainzi Rehobhoamu, Abhija mwanakomana wake, Asa mwanakomana wake, Jehoshafati mwanakomana wake,

11 Jehoramu mwanakomana wake, Ahazia mwanakomana wake, Joashi mwanakomana wake,

12 Amazia mwanakomana wake, Azaria mwanakomana wake, Jotamu mwanakomana wake,

13 Ahazi mwanakomana wake, Hezekia mwanakomana wake, Manase mwanakomana wake,

14 Amani mwanakomana wake Josia mwanakomana wake.

15 Vanakomana vaJosia vaiva: Johanani dangwe, Jehoyakimi wechipiri, Zedhekia wechitatu naSharumi wechina.

16 Vakatevera Jehoyakimi vaiva: Jehoyakini mwanakomana wake naZedhekia.

Veimba yoUmambo shure kwoUtapwa

17 Zvizvarwa zvaJehoyakini mutapwa zvaiva: Shearitieri mwanakomana wake,

18 Marikirami, Pedhaya, Shenazari, Jekamia, Hoshama naNedhabhia.

19 Vanakomana vaPedhaya vaiva: Zerubhabheri naShimei. Vanakomana vaZerubhabheri vaiva: Meshurami naHanania. Sheromiti aiva hanzvadzi yavo.

20 Kwaivawo navamwe vashanu vaiti: Hashubha, Oheri, Bherekia, Hasadhia naJushabhi-Hesedhi.

21 Zvizvarwa zvaHanania zvaiva: Peratia naJeshaya, navanakomana vaRefaya, vaArinani vaObhadhia navaShekania.

22 Zvizvarwa zvaShekania zvaiva: Shemaya navanakomana vake vaiti: Hatushi, Igari, Bharia, Nearia naShafati, vatanhatu vose pamwe chete.

23 Vanakomana vaNearia vaiva: Erioenai, Hizikia naAzirikamu, vatatu pamwe chete.

24 Vanakomana vaErioenai vaiva: Hodhavhia, Eriashibhi, Peraya, Akubhi, Johanani, Dheraya naAnani, vanomwe pamwe chete.

1 Makoronike 4

Dzimwe Dzimba dzaJudha

1 Zvizvarwa zvaJudha zvaiva: Perezi, Hezironi, Karimi, Huri naShobhari.

2 Reaya mwanakomana waShobhari aiva baba vaJahati, uye Jahati ari baba vaAhumai naRahadhi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaZorati.

3 Ava ndivo vaiva vanakomana vaEtami: Jezireeri, Ishima naIdhibashi. Hanzvadzi yavo yainzi Hazereriponi.

4 Penueri aiva baba vaGedhori uye Ezeri aiva baba vaHusha. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaHuri dangwe raEfurata baba vaBheterehema.

5 Ashuri baba vaTekoa vaiva navakadzi vaviri, Hera naNaara.

6 Naara akamuberekera Ahuzami, Heferi, Temeni naHaashashitari. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaNaara.

7 Vanakomana vaHera vaiva: Zareti, Zonani, Etinani

8 naKozi uyo aiva baba vaAnubhi naHazobhebha nevedzimba dzaAhareri mwanakomana waHaruni.

9 Jabhezi aikudzwa zvikuru kukunda vanun’una vake. Mai vake vakamutumidza kuti Jabhezi vachiti, “Ndakamubereka mukurwadziwa.”

10 Jabhezi akachema kuna Mwari waIsraeri achiti, “Haiwa, dai mandiropafadza mukakurisa nyika yangu! Ruoko rwenyu ngaruve neni uye rundichengete kune zvinokuvadza kuitira kuti ndisarwadziwa.” Uye Mwari akamupa zvaakakumbira.

11 Kerubhi, munun’una waShuha aiva baba vaMehiri uyo aiva baba vaEshitoni.

12 Eshitoni aiva baba vaBheti Rafa, Pasea naTehina baba vaIri Nahashi. Ava ndivo vaiva varume veReka.

13 Vanakomana vaKenazi vaiva: Otinieri naSeraya. Vanakomana vaOtinieri vaiva: Hatati naMeonotai.

14 Meonotai aiva baba vaOfira. Seraya aiva baba vaJoabhu, baba vaGeharashimi. Vakapiwa zita iri nokuti vaiva mhizha.

15 Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune vaiva: Iru, Era naNaami. Mwanakomana waEra ainzi Kenazi.

16 Vanakomana vaJehareri vaiva: Zifi, Zifa, Tiria naAsareri.

17 Vanakomana vaEzira vaiva: Jeteri, Meredhi, Eferi, naJaroni. Mumwe wavakadzi vaMeredhi akavaberekera Miriamu, Shamai naIshibha baba vaEshitemoa.

18 Mukadzi wake wechiJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, Hebheri baba vaSoko, naJekutiri baba vaZanoa. Ava ndivo vaiva vana vomwanasikana waFaro ainzi Bhitia akanga aroorwa naMeredhi.

19 Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vaiva: baba vaKeira muGarimi naEshitemoa muMaakati.

20 Vanakomana vaShimoni vaiva: Amunoni, Rina, Bheni, Hanani naTironi. Zvizvarwa zvaIshi zvaiva: Zoheti naBheni Zoheti.

21 Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha vaiva: Eri baba vaReka, Raadha baba vaMaresha nedzimba dzavairuka mucheka wakaisvonaka paBheti Ashibea.

22 Jokimi, varume veKezebha naJoashi naSarafi vaitonga muMoabhu naJashubhi Rehemi. (Zvinyorwa izvi ndezvakare.)

23 Vaiva vaumbi vehari vaigara paNetaimi nepaGedhera; vaigarapo vachishandira mambo.

Simeoni

24 Zvizvarwa zvaSimeoni zvaiva: Nemueri, Jamini, Jaribhi, Zera naShauri;

25 Sharumi aiva mwanakomana waShauri, Mibhisami ari mwanakomana wake naMishima mwanakomana wake.

26 Zvizvarwa zvaMishima zvaiva: Hamueri mwanakomana wake, Zakuri mwanakomana wake naShimei mwanakomana wake.

27 Shimei aiva navanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu, asi vanun’una vake vaiva vasina vana vakawanda; saka rudzi rwavo haruna kuwanda sokuwanda kwavanhu vavaJudha.

28 Vaigara muBheerishebha Moradha, Hazari Shuari,

29 Bhiriha, Ezemi, Toradhi,

30 Bhehieri, Horima, Zikiragi,

31 Bheti Makabhoti, Hazari Susimi, Bheti Bhiri naShaaraimi. Aya ndiwo aiva maguta avo kusvikira pakutonga kwaDhavhidhi.

32 Misha yaiva yakaapoteredza yaiva: Etami, Aini, Rimini, Tokeni neAshani, maguta mashanu

33 nemisha yose yakanga yakaapoteredza kusvika kuBhaarati. Idzi ndidzo nzvimbo dzavaigara. Uye vaichengeta zvinyorwa zvenhoroondo yavo.

34 Meshobhabhi, Jamireki, Josha mwanakomana waAmazia,

35 Joere, Jehu mwanakomana waAsieri,

36 uye Erioenai, Jaakobha, Jeshohaya, Asaya, Adhieri, Jesimieri, Bhenaya,

37 naZiza mwanakomana waSifi, mwanakomana waAroni mwanakomana waJedhaya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya.

38 Varume vakanyorwa pamusoro namazita avo vaiva vatungamiri vedzimba dzavo. Mhuri dzavo dzakakura kwazvo

39 uye vakaenda kumucheto kweGedhori kurutivi rwokumabvazuva nomupata vachitsvakira makwai avo mafuro.

40 Vakawana mafuro akanaka kwazvo akapfuma, uye nyika yakanaka ine nzvimbo huru ine runyararo norugare. VaHamu ndivo vakanga vachimbogaramo kare.

41 Varume vane mazita akanyorwa vakauya pamazuva aHezekia mambo waJudha. Vakarwisa vaHamu mumatende avo navaMeuniwo vaivapo vakavaparadza zvachose kusvikira nhasi. Ipapo vakazogarapo munzvimbo yavo nokuti paiva namafuro amakwai avo.

42 Uye mazana mashanu avo vaiva vaSimeoni vachitungamirirwa naPeratia, Nearia, Refaya naUzieri, vanakomana vaIshi, vakandorwisa nyika yamakomo yeSeiri.

43 Vakauraya vaAmareki vakanga vasara avo vakanga vapunyuka, uye vakagarapo kusvikira nhasi.

1 Makoronike 5

Rubheni

1 Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri. (Ndiye aiva dangwe, asi paakasvibisa nhoo yewaniso yababa vake, kodzero dzoudangwe hwake dzakapiwa kuvanakomana vaJosefa mwanakomana waIsraeri; saka haana kuzoverengerwawo munhoroondo dzamadzitateguru ake maererano nekodzero yokuberekwa kwake.

2 Uye kunyange zvazvo Judha aiva akasimba kwazvo kupfuura vana vababa vake vose, uye kunyange zvazvo mutongi akazobuda maari, kodzero youdangwe yaiva yaJosefa.)

3 Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri vaiva: Hanoki, Paru, Hezironi naKarimi.

4 Zvizvarwa zvaJoere zvaiva: Shemaya mwanakomana wake,

5 naMika mwanakomana wake, naReaya mwanakomana wake, naBhaari mwanakomana wake.

6 Uye naBheera mwanakomana wake uyo akatorwa akaiswa muutapwa naTigirati-Pireseri mambo weAsiria. Bheera akanga ari mutungamiri wavaRubheni.

7 Hama dzavo nedzimba dzavo dzakanyorwa munhoroondo dzamadzitateguru avo dzaiva: Jeyeri aiva Ishe, naZekaria uye

8 Bhera mwanakomana waAzazi, mwanakomana waShema, mwanakomana waJoere. Vakagara munzvimbo yaibva kuAroeri kusvikira kuNebho neBhaari Meoni.

9 Kumabvazuva vakatora nyika kusvikira pamuganhu wegwenga rinosvika kuRwizi Yufuratesi nokuti zvipfuwo zvavo zvakanga zvawanda muGireadhi.

10 Panguva yokutonga kwaSauro vakarwa naHagiri vakavakunda vakagara mumatende avaHagiri mudunhu rose rokumabvazuva eGireadhi.

Gadhi

11 VaGadhi vakanga vakavakidzana navo muBhashani kusvikira kuSareka:

12 Joere ndiye aiva ishe, Shafami ari wechipiri, kuchizotevera Janai naShafati, muBhashani.

13 Hama dzavo, tichiverenga mhuri dzavo, dzaiva: Mikaeri, Meshurami, Shobha, Jorai, Jakani, Zia naEbheri, vanomwe pamwe chete.

14 Ava ndivo vaiva vanakomana vaAbhihairi mwanakomana waHuri, mwanakomana waJarowa, mwanakomana Gireadhi, mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waJeshishai, mwanakomana waJadho, mwanakomana waBhuzi.

15 Ahi mwanakomana waAbhidhieri, mwanakomana waGuni, ndiye aiva mukuru wemhuri yavo.

16 VaGadhi vaigara muGireadhi, muBhashani nomumisha yaro yakaripoteredza, uye nomumafuro ose eSharoni kusvikira kwaanogumira.

17 Izvi zvose zvakanyorwa munhoroondo dzamadzitateguru avo munguva yokutonga kwaJotamu mambo weJudha naJerobhoamu mambo weIsraeri.

18 VaRubheni, vaGadhi norudzi rwehafu rwaManase vaiva navarume zviuru makumi mana nezvina namazana manomwe namakumi matanhatu vakanga vakagadzirira kundorwa, varume vakasimba vaigona kushandisa nhoo nomunondo, uye vaigona kushandisa uta, uye vakanga vakadzidziswa kurwa.

19 Vakarwa navaHagiri, vaJeturi, vaNafishi navaNodhabhi.

20 Vakabatsirwa pakurwa navo, uye Mwari akaisa vaHagiri, navose vaiva kurutivi rwavo, mumaoko avo, nokuti vakanga vachema kwaari vari pakurwa. Iye akapindura minyengetero yavo nokuti vakavimba naye.

21 Vakapamba zvipfuwo zvavaHagiri zvaiti: ngamera zviuru makumi mashanu zvengamera, zviuru mazana maviri ane makumi mashanu zvamakwai nezviuru zviviri zvembongoro. Vakatapawo zviuru zana zvavanhu,

22 uye vamwe vazhinji vakaurayiwa nokuti kurwa uku kwaiva kwaMwari. Uye vakagara munyika iyoyi kusvikira pakutapwa.

Rudzi rwehafu rwaManase

23 Vanhu verudzi rwehafu rwaManase vaiva vazhinji vakagara munyika yaibva kuBhashani ichisvika kuBhari Hemoni ndiko kuSeniri (Gomo reHemoni).

24 Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavo: Eferi, Erieri, Azireri, Jeremia, Hadhavhia naJadhieri. Ava vaiva varwi vakashinga, varume vembiri uye vari vakuru vedzimba dzavo.

25 Asi vakanga vasina kutendeka kuna Mwari wamadzibaba avo, vakaita ufeve hwokunamata vamwari vavanhu venyika iyi avo vakanga vaparadzwa naMwari pamberi pavo.

26 Saka Mwari waIsraeri akamutsa mweya waPuri mambo weAsiria iwo mweya waTigirati-Pireseri mambo weAsiria, akatapa vaRubheni, vaGadhi norudzi rwehafu rwaManase. Akavatora akandovaisa kuHarahi, Habhori, Hara nokurwizi Gozani uko kwavari kusvikira zuva ranhasi.

1 Makoronike 6

Revhi

1 Vanakomana vaRevhi vaiva Gerishoni, Kohati naMerari.

2 Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri.

3 Vana vaAmiramu vaiva: Aroni, Mozisi naMiriamu. Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naItamari.

4 Ereazari aiva baba vaFinehasi, Finehasi baba vaAbhishua.

5 Abhishua baba vaBhuki, Bhuki baba vaUzi,

6 Uzi baba vaZerahia, Zerahia baba vaMerayoti,

7 Merayoti baba vaAmaria, Amaria baba vaAhitubhi,

8 Ahitubhi baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaAhimaazi,

9 Ahimaazi baba vaAzaria, Azaria baba vaJohanani,

10 Johanani baba vaAzaria (ndiye aibata basa somuprista mutemberi yakavakwa naSoromoni muJerusarema).

11 Azaria baba vaAmaria, Amaria baba vaAhitubhi.

12 Ahitubhi baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaSharumi,

13 Sharumi baba vaHirikia, Hirikia baba vaAzaria,

14 Azaria baba vaSeraya uye Seraya baba vaJehozadhaki.

15 Jehozadhaki akadzingwa apo Jehovha akaendesa Judha neJerusarema kuutapwa noruoko rwaNebhukadhinezari.

16 Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari.

17 Aya ndiwo mazita avanakomana vaGerishoni: Ribhini naShimei.

18 Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri.

19 Vanakomana vaMerari vaiva: Mairi naMushi. Idzi ndidzo dzimba dzavaRevhi dzakanyorwa maererano namazita amadzibaba avo:

20 VaGerishoni: Ribhini mwanakomana wake, Jehati mwanakomana wake naZima mwanakomana wake,

21 Joa mwanakomana wake Idho mwanakomana wake, Zera mwanakomana wake naJaterai mwanakomana wake.

22 Zvizvarwa zvaKohati zvaiva: Aminadhabhi mwanakomana wake, Kora mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,

23 Erikana mwanakomana wake, naEbhiasafi mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,

24 naTahati mwanakomana wake, Urieri mwanakomana wake, Uzia mwanakomana wake naShauri mwanakomana wake.

25 Zvizvarwa zvaErikana zvaiva: Amasai, Ahimoti,

26 Erikana mwanakomana wake Zofai mwanakomana wake, naNahati mwanakomana wake,

27 naEriabhi mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake, naSamueri mwanakomana wake,

28 Vanakomana vaSamueri vaiva: Joere dangwe rake naAbhija mwanakomana wake wechipiri.

29 Zvizvarwa zvaMerari zvaiva: Mari, Ribhini mwanakomana wake, Uza mwanakomana wake,

30 Shimea mwanakomana wake, Hagia mwanakomana wake naAsaya mwanakomana wake.

Vaimbi vomuTemberi

31 Ava ndivo varume vakagadzwa naDhavhidhi kuti vafambise basa rokuimba muimba yaJehovha mushure mokunge areka yawana pokuzorora imomo.

32 Vaishumira nokuimba pamberi petabhenakeri, muTende Rokusangana, kusvikira Soromoni avaka temberi yaJehovha muJerusarema. Vaibata basa ravo maererano nemitemo yavakanga vakadzikirwa.

33 Ava ndivo varume vaibata basa pamwe chete navanakomana vavo: kubva kuvaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoere, mwanakomana waSamueri,

34 mwanakomana waErikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa,

35 mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasi,

36 mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoere, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waZefania.

37 mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri, mwanakomana waEbhiasafi; mwanakomana waKora,

38 mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi mwanakomana waIsraeri.

39 Uye mubatsiri waHemani pabasa ainzi Asafi akanga amire kurudyi rwake: Asafi mwanakomana waBherekia mwanakomana waShimea,

40 mwanakomana waMikaeri, mwanakomana Bhaaseya, mwanakomana waMarikia,

41 mwanakomana waEtini, mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya,

42 mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima, mwanakomana waShimei,

43 mwanakomana waJahati, mwanakomana waGerishoni, mwanakomana waRevhi;

44 uye kubva kuvabatsiri vavo, vaMerari, kuruboshwe rwake, vaiva: Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi, mwanakomana waMaruki,

45 mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waAmazia, mwanakomana waHirikia,

46 mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waShemeri, x

47 mwanakomana waMari, mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari, mwanakomana waRevhi.

48 Vamwe vavo vaRevhi vakapiwa mamwe mabasa ose omutabhenakeri, imba yaMwari.

49 Asi Aroni nezvizvarwa zvake ndivo vaiisa zvipiriso paaritari yezvipiriso zvinopiswa uye nepaaritari yezvinonhuwira maererano nezvose zvaiitwa paNzvimbo Tsvene-tsvene, vachiyananisira Israeri maererano nazvose zvakanga zvarayirwa Mozisi muranda waMwari.

50 Izvi ndizvo zvizvarwa zvaAroni: Ereazari mwanakomana wake, Finehasi mwanakomana wake, Abhishua mwanakomana wake

51 Bhuki mwanakomana wake, Uzi mwanakomana wake naZerahia mwanakomana wake,

52 Merayoti mwanakomana wake, Amaria mwanakomana wake, Ahitubhi mwanakomana wake,

53 Zadhoki mwanakomana wake naAhimazi mwanakomana wake.

54 Idzi ndidzo dzakanga dziri nzvimbo dzavo dzavakagoverwa dzokugara senyika yavo (dzakapiwa kuzvizvarwa zvaAroni, avo vaibva kuimba yaKohati, nokuti mugove wokutanga wakanga uri wavo).

55 Vakapiwa Hebhuroni iri muJudha namafuro ose akaipoteredza.

56 Asi minda nemisha yose yakapoteredza guta iri yakapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.

57 Saka zvizvarwa zvaAroni zvakapiwa Hebhuroni (Guta routiziro) uye Ribhina, Jatiri, Eshitemoa,

58 Hireni, Debhiri,

59 Ashani, Juta, Bheti Shemeshi pamwe chete namafuro awo.

60 Uye kubva kurudzi rwaBenjamini vakapiwa Gibheoni, Gebha Aremeti neAnatoti pamwe chete namafuro awo. Maguta aya, akagoverwa pakati pedzimba dzavaKohati akanga ari gumi namatatu pamwe chete.

61 Zvimwe zvizvarwa zvaKohati zvakagoverwa maguta gumi kubva kudzimba dzorudzi rwehafu rwaManase.

62 Zvizvarwa zvaGerishoni imba neimba zvakagoverwawo maguta gumi namatatu kubva kumarudzi aIsakari, Asheri naNafutari uye nokubva kuchikamu chorudzi rwaManase chiri muBhashani.

63 Zvizvarwa zvaMerari, imba neimba zvakagoverwa maguta gumi namaviri kubva kumarudzi aRubheni, Gadhi naZebhuruni.

64 Saka vaIsraeri vakapa vaRevhi maguta aya namafuro awo.

65 Kubva kurudzi rwaJudha, rwaSimeoni norwaBenjamini vakagoverwa maguta ayo akanga arehwa namazita.

66 Vamwe vedzimba dzaKohati vakapiwa kuti ive nyika yavo, maguta kubva kurudzi rwaEfuremu.

67 Munyika yamakomo yaEfuremu vakapiwa Shekemu (guta routiziro) neGezeri,

68 neJokimeami, neBheti Horoni,

69 Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo.

70 Uye kubva kurudzi rwehafu rwaManase vaIsraeri vakapawo Aneri neBhireamu pamwe chete namafuro awo kuvaKohati vakanga vasara.

71 VaGerishoni vakagamuchirawo zvinotevera: Kubva kuimba yorudzi rwehafu rwaManase vakagamuchira Gorani muBhashani neAshitarotiwo pamwe chete namafuro awo:

72 kubva kurudzi rwaIsakari vakagamuchira Kedheshi neDhabherati,

73 Ramoti, neAnemi, pamwe chete namafuro awo;

74 kubva kurudzi rwaAsheri vakagamuchira Mashari, neAbhidhoni,

75 Hukoki neRehobhi pamwe chete namafuro awo;

76 uye kubva kurudzi rwaNafutari vakagamuchira Kedheshi muGarirea, neHamoni neKirataimi pamwe chete namafuro awo.

77 VaMerari (vaRevhi vose vakanga vasara) vakagamuchira zvinotevera: Kubva kurudzi rwaZebhuruni vakagamuchira Jokineami, Karita Rimono, neTabhori pamwe chete namafuro awo;

78 kubva kurudzi rwaRubheni mhiri kworwizi Jorodhani kumabvazuva kweJeriko vakagamuchirwawo Bhezeri murenje, Jaza,

79 Kedhemoti neMefaati pamwe chete namafuro awo;

80 uye kubva kurudzi rwaGadhi vakagamuchira Ramoti muGireadhi, Mahanaimi,

81 Heshibhoni neJazeri pamwe chete namafuro awo.

1 Makoronike 7

Isakari

1 Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Puwa, Jashubhi, naShimironi; vose vaiva vana.

2 Vanakomana vaTora vaiva: Uzi, Refaya, Jerieri, Jamai, Ibhisami naSamueri, vakuru vedzimba dzavo. Pamazuva okutonga kwaDhavhidhi, zvizvarwa zvaTora zvakaverengwa savarwi munhoroondo yavo zvakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana matanhatu.

3 Mwanakomana waUzi aiva: Izirahia. Vanakomana vaIzirahia vaiva: Mikaeri, Obhadhia, Joere naIshia. Vose vari vashanu vaiva madzishe.

4 Munhoroondo yemhuri yavo, vakanga vaine varume zviuru makumi matatu nezvitanhatu vakanga vakagadzirira kurwa, nokuti vakanga vaine vakadzi vazhinji navanakomana vazhinji.

5 Hama dzavo vakanga vari varume vokurwa vari vedzimba dzose dzaIsakari, sokunyorwa kwazvakanga zvakaita munhoroondo yavo, vose vaisvika zviuru makumi masere nezvinomwe.

Benjamini

6 Vanakomana vaBenjamini vatatu vaiva: Bhera, Bhekeri, naJedhiaeri.

7 Vanakomana vaBhera vaiva: Ezibhoni, Uzi, Uzieri, Jerimoti naIri, vese vakuru vedzimba vashanu pamwe chete. Munhoroondo yavo varwi vakanyorwa vaiva varume zviuru makumi maviri nezviviri namakumi matatu navana.

8 Vanakomana vaBhekeri vaiva: Zemira, Joashi, Eriezeri, Erioenai, Omiri, Jeremoti, Abhija, Anatoti naAremeti. Vose ava vaiva vakomana vaBhekeri.

9 Munhoroondo yavo, vakuru vemhuri vakanyorwa uye vari varwi vaiva zviuru makumi maviri namazana maviri.

10 Mwanakomana waJedhiaeri ainzi Bhirihani. Vanakomana vaBhirihani vaiva: Jehushi, Benjamini, Ehudhi, Kenana, Zetani, Tashishi naAhishahari.

11 Vanakomana ava vose vaJedhiaeri vaiva vakuru vemhuri. Paiva nezviuru gumi nezvinomwe namazana maviri avarume vokurwa vakanga vakagadzirira kuenda kuhondo.

12 VaShupi navaHupi vaiva zvizvarwa zvaIri, uye vaHushi vaiva zvizvarwa zvaAheri.

Nafutari

13 Vanakomana vaNafutari vaiva: Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi, zvizvarwa zvaBhiriha.

Manase

14 Zvizvarwa zvaManase zvaiva: Asirieri chizvarwa chake kubudikidza nomurongo wake muAramu. Iye akaberekawo Makiri baba vaGireadhi.

15 Makiri akatora mukadzi kubva pakati pavaHupi navaShupi. Zita rehanzvadzi yake rainzi Maaka. Chimwezve chizvarwa chainzi Zerofehadhi, akanga aine vanasikana chete.

16 Mukadzi waMakiri Maaka akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Pereshi. Munun’una wake ainzi Shereshi, uye vanakomana vake vaiva Uramu naRakemu.

17 Mwanakomana waUramu ainzi Bhedhani. Ava ndivo vaiva vanakomana vaGireadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase.

18 Hanzvadzi yake Hamoreketi akabereka Ishodhi, Abhiezeri naMara.

19 Vanakomana vaShimidha vaiva: Ahiani, Shekemu, Riki naAniami.

Efuremu

20 Zvizvarwa zvaEfuremu zvaiva: Shutera, Bheredhi mwanakomana wake, Tahati mwanakomana wake, Ereadha mwanakomana wake, Tahati mwanakomana wake,

21 Zabhadhi mwanakomana wake naShutera mwanakomana wake. Ezeri naEreadha vakaurayiwa navarume veGati vakanga vakaberekerwa munyika iyi pavakaburikira kundopamba zvipfuwo zvavo.

22 Baba wavo Efuremu akavachema kwamazuva mazhinji uye hama dzake dzakauya kuzomunyaradza.

23 Ipapo akarara nomukadzi wake zvakare akava nemimba uye akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Bheria nokuti mumhuri yake makanga maita dambudziko.

24 Mwanasikana wake ainzi Sheera, uye akavaka Bheti Horoni, yeZasi neyokumusoro uyewo neUzeni Sheera.

25 Refa aiva mwanakomana wake, Reshefi mwanakomana wake, Tera mwanakomana wake, Tahani mwanakomana wake,

26 Radhani mwanakomana wake, Amihudhi mwanakomana wake, Erishama mwanakomana wake,

27 Nuni mwanakomana wake naJoshua mwanakomana wake.

28 Nyika dzavo nemisha yavo zvaisanganisira Bheteri nemisha yose yakaripoteredza, Naarani kumabvazuva, Gezeri nemisha yaro, kumavirira neShekemu nemisha yaro kuenda kunosvika kuAya nemisha yaro.

29 Pamiganhu yaManase paiva neBheti Shani, Taanaki, Megidho neDhori pamwe chete nemisha yawo. Zvizvarwa zvaJosefa mwanakomana waIsraeri zvaigara mumaguta aya.

Asheri

30 Vanakomana vaAsheri vaiva: Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yainzi Sera.

31 Vanakomana vaBheria vaiva: Hebheri naMarikieri, uyo aiva baba vaBhirizaiti.

32 Hebheri aiva baba vaJafireti, Shomeri naHotami uye nehanzvadzi yavo Shua.

33 Vanakomana vaJafireti vaiva: Pasaki, Bhimari naAshivhati. Ava ndivo vaiva vanakomana vaJafireti.

34 Vanakomana vaShomeri vaiva: Ahi, Roga, Hubhai naAramu.

35 Vanakomana vomunun’una wake Heremu vaiva: Zofa, Imina, Shereshi, naAmari.

36 Vanakomana vaZofa vaiva: Sua, Haneferi, Shuari, Bheri, Imira,

37 Bhezeri, Hodhi, Shama Shirisha, Itirani, naBheera.

38 Vanakomana vaJeteri vaiva: Jefune, Pisipa naAra.

39 Vanakomana vaUra vaiva: Ara, Hanieri, naRizia.

40 Vose ava vaiva zvizvarwa zvaAsheri vakuru vemhuri yavo, varume vakanga vakasarudzika, varwi vakanga vakashinga uye vari vatungamiri vakasanangurika. Uwandu hwavarume vakanga vakagadzirira kurwa sezvazvakanyorwa munhoroondo yavo hwaiva zviuru makumi maviri nezvitanhatu.

1 Makoronike 8

Nhoroondo yaSauro muBhenjamini

1 Benjamini aiva baba vaBhera dangwe rake, Ashibheri mwanakomana wechipiri, Ahara wechitatu,

2 Noha wechina naRafa wechishanu.

3 Vanakomana vaBhera vaiva: Adha, Gera, Abhihudhi,

4 Abhishua, Naamani Ahoa,

5 Gera, Shefufani naHurami.

6 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEhudhi vakanga vari vakuru vemhuri yeavo vaigara muGebha vakazodzingwa vakaendeswa kuManahati:

7 Naamani, Ahifa naGera, uyo akavadzinga uya aiva baba vaUza naArihudhi.

8 Vanakomana vakaberekerwa Shaharaimi muMoabhu mushure mokunge arambana navakadzi vake Hushini naBhaara.

9 Nomukadzi wake Hodheshi akabereka Johabhi, Zibhia, Mesha Marikami,

10 Jeuzi, Sakia naMirima. Ava ndivo vaiva vanakomana vake, vakuru vemhuri.

11 NaHushimi akabereka Abhitubhi naEripaari.

12 Vanakomana vaEripaari vaiva: Ebheri, Mishamu, Shemedhi (uyo akavaka Ono neRodhi pamwe chete nemisha yakaapoteredza)

13 naBheria naShema, avo vakanga vari vakuru vemhuri dzaavo vaigara muAijaroni uye vakadzinga vagari veGati.

14 Ahiyo, Shashaki, Jeremoti,

15 Zebhabhia, Aradhi, Edheri,

16 Mikaeri, Ishipa naJoha vaiva vanakomana vaBeria.

17 Zebhadhia, Meshurami, Hiziki, Hebheri,

18 Ishimerai, Iziria naJobhabhi vaiva vanakomana vaEripaari.

19 Jakimi, Zikiri, Zabhidhi,

20 Erienai, Ziretai, Erieri,

21 Adhaya, Bheraya naShimirati vaiva vanakomana vaShimei.

22 Ishipani, Ebheri, Erieri,

23 Abhidhoni, Zikiri, Hanani,

24 Hanania, Eramu Anitotiya,

25 Ifidheya naPenueri vaiva vanakomana vaShashaki.

26 Shamisherai, Sheharia, Ataria,

27 Jaareshia, Eria, naZikiri vaiva vanakomana vaJerohamu.

28 Vose ava vaiva vakuru vemhuri, vari madzishe sezvazvakanyorwa munhoroondo dzavo. Uye vaigara muJerusarema.

29 Jeyeri, baba vaGibheoni vaigara muGibheoni. Zita romukadzi wake rainzi Maaka,

30 uye mwanakomana wake wedangwe ainzi Abhidhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Neri, Nadhabhi,

31 Gedhori, Ahio, Zekeri,

32 uye Mikiroti, uyo aiva baba vaShimea. Ivo vaigarawo pedyo nehama dzavo muJerusarema.

33 Neri aiva baba vaKishi, Kishi aiva baba vaSauro, uye Sauro aiva baba vaJonatani, Mariki-Shua, Abinadhabhi, naEshibhaari.

34 Mwanakomana waJonatani ainzi MeriBhaari uyo aiva baba vaMika.

35 Vanakomana vaMika vaiva: Pitoni, Mereki Tarea, naAhazi.

36 Ahazi aiva baba vaJehoadha, Jehoadha aiva baba vaAremeti, Azimavheti naZimiri uye Zimiri aiva baba vaMoza.

37 Moza aiva baba vaBhinea Rafa aiva mwanakomana wake, Ereasa mwanakomana wake naAzeri mwanakomana wake.

38 Azeri aiva navanakomana vatanhatu, uye aya ndiwo mazita avo: Arizakami, Bhokeru, Ishumaeri, Shearia, Obhadhia naHanani. Vose ava vaiva vanakomana vaAzeri.

39 Vanakomana vomunun’una wake Esheki vaiva: Uramu dangwe rake, Jeushi mwanakomana wake wechipiri naErifereti wechitatu.

40 Vanakomana vaUramu vaiva varwi voumhare vaigona kushandisa uta. Vaiva navanakomana navazukuru vazhinji vaisvika zana namakumi mashanu pamwe chete. Vose ava vaiva zvizvarwa zvaBhenjamini.