1 Makoronike 19

Hondo navaAmoni

1 Mukufamba kwenguva, Nahashi mambo wavaAmoni akafa uye mwanakomana wake akamutevera paumambo.

2 Dhavhidhi akafunga akati, “Ndicharatidza mwoyo wakanaka kuna Hanuni mwanakomana waNahashi nokuti baba vake vakaratidza mwoyo wakanaka kwandiri.” Saka Dhavhidhi akatuma nhume kundonyaradza Hanuni pamusoro pababa vake. Vanhu vaDhavhidhi pavakasvika kuna Hanuni munyika yavaAmoni kuzomunyaradza,

3 machinda avaAmoni akati kuna Hanuni, “Unofunga here kuti Dhavhidhi ari kukudza baba vako nokutuma vanhu vake kuti vauye kuzokunyaradza? Vanhu vake havana kuuya kuzoshora nyika yedu here kuti vaitore?”

4 Saka Hanuni akabata vanhu vaDhavhidhi, akavagera ndebvu dzavo, akacheka nguo dzavo napakati kumagaro, akavadzinga.

5 Mumwe munhu akauya akaudza Dhavhidhi pamusoro pavarume ava, Dhavhidhi akatuma nhume kuti dzindosangana navo nokuti vakanga vanyadziswa kwazvo. Mambo akati, “Garai paJeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzakura, mugozodzoka.”

6 VaAmoni vakati vaziva kuti vakanga vava chinhu chinonhuwa mumhino dzaDhavhidhi, Hanuni navaAmoni vakatumira chiuru chamatarendaa esirivha kuti vandokumbira ngoro navachairi vadzo kubva kuAramu Naharaimu, Aramu Maaka nokuZobha.

7 Vakakumbira ngoro zviuru makumi matatu nezviviri navachairi vadzo, pamwe chete namambo weMaaka navarwi vake, uye akauya akadzika musasa pedyo neMedebha, ukuwo vaAmoni vachiungana kubva mumaguta avo, uye vakabuda kundorwa.

8 Paakanzwa izvi, Dhavhidhi akatuma Joabhu kuti abude nehondo yose yavarume vokurwa.

9 VaAmoni vakabudawo vakagadzirira kurwa uye vakamira vari mumitsetse yokurwa pasuo reguta ravo, uye madzimambo akanga auya akanga ari pachawo musango.

10 Joabhu akaona kuti kwaiva nemitsetse yavanhu vakagadzirira kurwa mberi kwake neshure kwake; saka akasarudza mamwe wamapoka avarwi vapamusoro muIsraeri akavaendesa kuti vandorwa navaAramu.

11 Akaisa vamwe varume vose pasi paAbhishai munun’una wake uye vakaendeswa kuti vandorwa navaAmoni.

12 Joabhu akati, “Kana vaAramu vandikundaka, ipapo iwe unofanira kuzondinunura; asi kana vaAmoni vakakukunda, ipapo ini ndichakununura.

13 Simba uye ngatirwirei vanhu vedu namaguta aMwari wedu takashinga. Jehovha achaita zvakanaka pamberi pake.”

14 Ipapo Joabhu navarwi vaiva naye vakaenda kundorwa navaAramu, ivo vakatiza pamberi pavo.

15 VaAmoni pavakaona kuti vaAramu vakanga vava kutiza, ivo vakatizawo pamberi pomunun’una wake Abhishai vakamhanyira mukati meguta. Ipapo Joabhu akadzokera kuJerusarema.

16 Mushure mokunge vaAramu vaona kuti vakanga vakundwa neIsraeri vakatumira nhume kundokokorodza vamwe vaAramu mberi kweRwizi, Shofaki mutungamiri wehondo yaHadhadhezeri achivatungamirira.

17 Dhavhidhi paakaudzwa izvi, akaunganidza Israeri yose ndokuyambuka Jorodhani; akaswedera kwavari kundovarwisa uye akaronga mitsetse yehondo akatarisana navo. Dhavhidhi akaita kuti mitsetse yake isangane navaAramu muhondo uye ivo vakarwa naye.

18 Asi vakatiza pamberi paIsraeri, uye Dhavhidhi akauraya zviuru zvinomwe zvavachairi vengoro, nezviuru makumi mana zvavarwi vetsoka. Akaurayawo Shofaki mutungamiri wehondo yavo.

19 Varanda vaHadhadhezeri pavakaona kuti vakanga vakundwa neIsraeri, vakayanana naDhavhidhi uye vakava pasi pake.

Saka vaAramu havana kuzoda kubatsira vaAmoni zvakare.

1 Makoronike 20

Kutapwa kweRabha

1 Munguva yechirimo, panguva iyo madzimambo anoenda kuhondo, Joabhu, akatungamirira mauto akashonga zvombo zvokurwa. Akaparadza nyika yavaAmoni uye akaenda kuRabha akandorikomba, asi Dhavhidhi akasara muJerusarema. Joabhu akarwisa Rabha akarisiya raparara.

2 Dhavhidhi akatora korona kubva pamusoro wamambo wavo, uremu hwayo hwakaonekwa kuti hwaiva tarendaa regoridhe uye yakanga ina mabwe anokosha uye yakaiswa pamusoro paDhavhidhi. Akapamba zvinhu zvizhinji kwazvo muguta iri

3 uye akabudisa vanhu vakanga varimo, akavatongera kuti vashande namajeko namapiki namatemo. Dhavhidhi akaita saizvozvi kumaguta ose avaAmoni. Ipapo Dhavhidhi nehondo yake yose akadzokera kuJerusarema.

Hondo navaFiristia

4 Nokufamba kwenguva, hondo yakatanga navaFiristia paGezeri. Panguva iyoyi Sibhekai muHushati akauraya Sipai, mumwe wezvizvarwa zvavaRefa, vaFiristia vakakundwa.

5 Mune kumwe kurwisana navaFiristia, Erihanani mwanakomana waJairi akauraya Rami munun’una waGoriati muGiti, aiva nepfumo raiva nomubato wakafanana nedanda romuruki.

6 Mune kumwe kurwisana zvakare, kwakaitika paGati paiva nomumwe murume mukuru kwazvo aiva neminwe mitanhatu muruoko rumwe norumwe nezvigunwe zvitanhatu kugumbo rimwe nerimwe, zvose pamwe chete zvaiva makumi maviri nezvina. Aivawo worudzi rwaRafa.

7 Paakatuka Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea, munun’una waDhavhidhi akamuuraya.

8 Izvi ndizvo zvizvarwa zvaRafa muGati, uye vakaurayiwa naDhavhidhi navanhu vake.

1 Makoronike 21

Dhavhidhi anoverenga varwi

1 Satani akamukira Israeri akakurudzira Dhavhidhi kuti averenge vaIsraeri.

2 Saka Dhavhidhi akati kuna Joabhu navatungamiri vamapoka avarwi, “Endai mundoverenga vaIsraeri vose kubva kuBheerishebha kusvikira kuDhani. Uye mugozondiudza kuitira kuti ndizive kuti vangani variko.”

3 Asi Joabhu akapindura akati, “Jehovha ngavawedzere uwandu hwavarwi vake kakapetwa kazana. Ishe wangu mambo, ava vose havasi pasi petsoka dzenyu here? Seiko ishe wangu muchida kuita izvi? Sei muchida kuuyisa mhosva kuna Israeri?”

4 Zvisinei, shoko ramambo rakakunda raJoabhu, saka Joabhu akabvapo akaenda muIsraeri yose uye akadzokera kuJerusarema.

5 Joabhu akataurira Dhavhidhi uwandu hwavarwi achiti muIsraeri yose maiva navanhu vaigona kubata munondo vaisvika miriyoni nezana rezviuru zvavarume, vachisanganisira zviuru makumi manomwe muJudha.

6 Asi Joabhu haana kusanganisira Revhi naBenjamini mukuverenga uku, nokuti kurayira kwamambo kwakanga kwakaipa kwazvo kwaari.

7 Kurayira uku kwakanga kwakaipawo pamberi paMwari, saka akaranga Israeri.

8 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Ndakatadza zvikuru pandakaita chinhu ichi. Zvino ndokumbirawo kuti mubvise kuipa kwomuranda wenyu. Ndakaita sebenzi kwazvo.”

9 Jehovha akati kuna Gadhi muoni waDhavhidhi,

10 “Enda undotaurira Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndinokupa zvinhu zvitatu zvokusarudza. Zvisarudzire chaunoda kuti ndikuitire ndichikuranga.’ ”

11 Saka Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Sarudza pakati peizvi:

12 Makore matatu enzara, mwedzi mitatu yokutsvairwa pamberi pavavengi vako, minondo yavo ichikuparadzai, kana kuti mazuva matatu omunondo waJehovha, mazuva edenda munyika mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsraeri. Zvino saka zvisarudzirei kuti ndinganopindura sei uyo akandituma.”

13 Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri mukutambudzika kukuru kwazvo. Rega hako ndiwire mumaoko aJehovha nokuti tsitsi dzake dzakakura kwazvo, asi musandirega ndichiwira mumaoko avanhu.”

14 Saka Jehovha akatumira denda muIsraeri uye zviuru makumi manomwe zvavarume veIsraeri zvakawira pasi zvikafa.

15 Uye Jehovha akatuma mutumwa kuti aparadze Jerusarema, asi mutumwa uya paakanga achiita izvi Jehovha akazviona uye akazvidemba nokuda kwedambudziko iri akati kumutumwa aiparadza vanhu, “Zvakwana! Dzosa ruoko rwako.’ ” Mutumwa waJehovha ipapo akanga akamira paburiro raArauna muJebhusi.

16 Dhavhidhi akatarisa kumusoro akaona mutumwa waJehovha akamira pakati pedenga nenyika, aine munondo muruoko rwake akarutambanudzira pamusoro peJerusarema. Ipapo Dhavhidhi navakuru vose vakapfeka masaga, vakawira pasi vakatsikitsira zviso zvavo.

17 Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Handisini here ndakarayira kuti varwi vose vaverengwe? Ndini ndakatadza ndikaita zvakaipa, ava vanongova makwai chete. Vakaiteiko? Haiwa Jehovha, Mwari wangu, regai ruoko rwenyu ruwire pandiri ini nemhuri yangu, asi musarega denda iri riri pamusoro pavanhu venyu.”

18 Ipapo mutumwa waJehovha akarayira Gadhi kuti ataurire Dhavhidhi kuti akwire andovakira Jehovha aritari muburiro raArauna muJebhusi.

19 Saka Dhavhidhi akakwira mukuteerera shoko rakanga rataurwa naGadhi muzita raJehovha.

20 Arauna paakanga achipura zviyo, akacheuka akaona mutumwa; vanakomana vake vana vaaiva navo vakandohwanda.

21 Ipapo Dhavhidhi akaswedera, uye Arauna paakatarisa akamuona, akasiya buriro akakotamira pasi pamberi paDhavhidhi akaisa chiso chake pasi.

22 Dhavhidhi akati kwaari, “Ndipeiwo nzvimbo yeburiro rako kuti ndigovakira Jehovha aritari, kuti denda riri pavanhu rimiswe. Nditengeserewo nomutengo waro wakazara.

23 Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ritorei henyu! Ishe wangu mambo ngavaite zvinovafadza. Tarirai ndichakupai nzombe yezvibayiro zvinopiswa, matanda okupurisa dzive huni, uye zviyo zvive zvipiriso zvoupfu. Ndichakupai zvose izvi.”

24 Asi mambo Dhavhidhi akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kutenga nomutengo wakazara. Handingatori ndichipa Jehovha zvinhu zvako iwe kana kubayira chipiriso chinopiswa chandisina kuripira.”

25 Saka Dhavhidhi akaripira Arauna mashekeri mazana matanhatua egoridhe kuti apiwe nzvimbo iyi.

26 Dhavhidhi akavaka aritari kuna Jehovha ipapo uye akapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyanana. Akadana kuna Jehovha uye Jehovha akamupindura nomoto wakabva kudenga ukaenda paaritari, yezvipiriso zvinopiswa.

27 Ipapo Jehovha akataurira mutumwa iye akadzorera munondo wake mumuhara wawo.

28 Panguva iyoyo Dhavhidhi paakaona kuti Jehovha akanga amupindura paburiro raArauna muJebhusi, akapa zvipiriso ipapo.

29 Tabhenakeri yaJehovha yakanga yagadzirwa naMozisi murenje. Nearitari yezvipiriso zvinopiswa zvakanga zviri panzvimbo yakakwirira paGibheoni panguva iyoyo.

30 Asi Dhavhidhi haaikwanisa kuenda pamberi payo kundobvunza nezvaMwari nokuti aitya munondo womutumwa waJehovha.

1 Makoronike 22

1 Ipapo Dhavhidhi akati, “Imba yaJehovha Mwari inofanira kuva pano, pamwe chete nearitari yezvipiriso zvinopisirwa Israeri.”

Kugadzirira kuvaka Temberi

2 Saka Dhavhidhi akarayira kuti vatorwa vose vaigara muIsraeri vaungane pamwe chete, uye kubva mukati mavo akasarudza vacheki vamatombo kuti vagadzire matombo akavezwa zvakanaka okuvakisa imba yaMwari.

3 Akapa simbi dzakawanda kwazvo kuti dzigoshandiswa kugadzirisa zvipikiri zvamagonhi apamasuo nezvikorekedzo uye ndarira yakawanda kupfuura yaigona kuiswa pachikero.

4 Akapawo zvakare matanda emisidhari akawanda kupfuura aigona kuverengwa, nokuti vaSidhoni nevaTire vakanga vavigira Dhavhidhi matanda akawanda.

5 Dhavhidhi akati, “Mwanakomana wangu Soromoni mudiki kwazvo uye haasati ava noruzivo, uye imba ichavakirwa Jehovha inofanira kuva huru kwazvo, inorumbidzwa nokukudzwa kwazvo pamberi pamarudzi ose. Saka ndichaigadzirira.” Saka Dhavhidhi akagadzirira zvikuru kwazvo asati afa.

6 Ipapo akadana mwanakomana wake Soromoni akamurayira kuti avake imba yaJehovha, Mwari weIsraeri.

7 Dhavhidhi akati kuna Soromoni, “Mwanakomana wangu zvaiva mumwoyo mangu kuti ndivakire Zita raJehovha Mwari wangu imba.

8 Asi shoko iri raJehovha rakauya kwandiri richiti, ‘Wakadeura ropa zhinji uye ukarwa hondo dzakawanda. Iwe haungavakiri Zita rangu imba, nokuti wakadeura ropa rakawanda kwazvo pamberi pouso hwangu.

9 Asi uchava nomwanakomana achava murume worugare nokuzorora, uye ndichamupa zororo kubva kuvavengi vake kumativi ose. Zita rake achanzi Soromoni uye ndichapa Israeri runyararo norugare panguva yokutonga kwake.

10 Iyeye ndiye achavakira Zita rangu imba. Achava mwanakomana wangu uye ini ndichava baba vake. Uye ndichasimbisa chigaro choumambo hwake pamusoro peIsraeri nokusingaperi.”

11 “Zvino mwanakomana wangu, Jehovha ave newe, uye uve nokubudirira uye uvake imba yaJehovha Mwari wako sezvaakati uchaita.

12 Jehovha ngaakupe uchenjeri nokunzwisisa paachakuisa pakutonga pamusoro peIsraeri, kuitira kuti uchengete murayiro waJehovha Mwari wako.

13 Ipapo uchava nokubudirira kana ukachenjerera kuchengetedza mitemo nemirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha kuti ape Israeri. Iva nesimba utsunge mwoyo. Usatya uye usaora mwoyo.’

14 “Ndakatambura zvikuru kwazvo kuti ndipe kutemberi yaJehovha matarenda zviuru zanaa zvegoridhe, matarenda miriyonib esirivha, ndarira nesimbi yakawanda zvokuti haangayerwe pachikero, namatanda namatombo. Uye unogona kuwedzera pamusoro pazvo.

15 Une varume vebasa vazhinji kwazvo: vacheki vamatombo, vavezi vamatanda navamwe varume vane unyanzvi mumabasa ose akasiyanasiyana

16 mune zvegoridhe nesirivha, ndarira nesimbi navarume voumhizha vasingaverengeki. Zvino chitanga basa uye Jehovha ave newe.”

17 Ipapo Dhavhidhi akarayira vatungamiri vose veIsraeri kuti vabatsire mwanakomana wake Soromoni.

18 Akati kwavari, “Ko, Jehovha Mwari wenyu haasi nemi here? Uye haana kukupai zororo kumativi ose here? Nokuti akaisa vagari venyika iyi muruoko rwangu, uye nyika iri pasi paJehovha uye nepasi pavanhu vake.

19 Zvino zvipirei mwoyo nemweya kutsvaka Jehovha Mwari wenyu. Tangai kuvaka nzvimbo tsvene yaJehovha Mwari, kuitira kuti mugouyisa areka yesungano yaJehovha nemidziyo mitsvene yaMwari mutemberi ichavakirwa Zita raJehovha.”

1 Makoronike 23

VaRevhi

1 Dhavhidhi paakanga akwegura ava namakore mazhinji, akaita mwanakomana wake Soromoni mambo pamusoro peIsraeri.

2 Akaunganidzawo vatungamiri vose veIsraeri pamwe chete navaprista navaRevhi.

3 VaRevhi vose vana makore makumi matatu zvichienda mberi vakaverengwa, uye varume vose vakasvika zviuru makumi matatu nezvisere.

4 Dhavhidhi akati, “Pane ava, zviuru makumi maviri nezvina vachava vatariri vebasa rokuvakwa kwetemberi yaJehovha uye zviuru zvitanhatu vachava vakuru navatongi.

5 Zviuru zvina vachava vachengeti vamasuo uye zviuru zvina vacharumbidza Jehovha nezviridzwa zvandakapa nokuda kwechikonzero ichi.”

6 Dhavhidhi akapatsanura vaRevhi akavaisa mumapoka zvichienderana navanakomana vaRevhi vaiti: Gerishoni, Kohati naMerari.

VaGerishoni

7 VokwaGerishoni vaiva: Radhani naShimai.

8 Vanakomana vaRudhani vaiva: Jehieri dangwe, Zetami naJoere, vatatu pamwe chete.

9 Vanakomana vaShimei vaiva: Sheromoti, Hazieri naHarani, vatatu pamwe chete. Ava ndivo vaiva vakuru vemhuri dzaRadhani.

10 Uye vanakomana vaShimei vaiva: Jahati, Ziza, Jeushi naBheria. Ava ndivo vaiva vanakomana vaShimei, vana pamwe chete.

11 Jahati aiva wokutanga, Ziza ari wechipiri, asi Jeushi naBheria vakanga vasina vanakomana vakawanda; saka vakaverengwa semhuri imwe chete ine basa rimwe chete.

VaKohati

12 Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri, vana pamwe chete.

13 Vanakomana vaAmiramu vaiva: Aroni naMozisi. Aroni akatsaurwa iye nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kuti anatse zvinhu zvaiva zvitsvene tsvene, kuti vape zvipiriso pamberi paJehovha, kushumira pamberi pake uye kutaura maropafadzo muzita rake nokusingaperi.

14 Vanakomana vaMozisi munhu waMwari vakaverengwa sechikamu chorudzi rwaRevhi.

15 Vanakomana vaMozisi vaiva: Gerishomi naEriezeri.

16 Zvizvarwa zvaGerishomi: Shubhaeri ndiye aiva wokutanga.

17 Zvizvarwa zvaEriezeri zvaiva: Rahabhia ndiye aiva wokutanga. Eriezeri haana kuzoita vamwe vanakomana, asi Rahabhia akaita vanakomana vakawanda kwazvo.

18 Vanakomana vaIzhari: Sheromiti ndiye aiva wokutanga.

19 Vanakomana vaHebhuroni: Jeria ndiye wokutanga, Amaria wechipiri, Jahazieri wechitatu naJekameami wechina.

20 Vanakomana vaUzieri: Mika wokutanga naIshia wechipiri.

VaMerari

21 Vanakomana vaMerari, vaiva: Mari naMushi. Vanakomana vaMari vaiva: Ereazari naKishi.

22 Ereazari akafa asina vanakomana: aingova navanasikana chete. Hama dzavo, vanakomana vaKishi vakavaroora.

23 Vanakomana vaMushi vaiva: Mari, Edheri, naJerimoti, vatatu pamwe chete.

24 Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaRevhi nemhuri dzavo, vakuru vemhuri sezvazvakanga vakanyorwa pasi pamazita avo uye vachiverengwa mumwe nomumwe, zvichireva vashandi vaiva namakore makumi maviri naanopfuura vaishanda mutemberi yaJehovha.

25 Nokuti Dhavhidhi akanga ati, “Sezvo Jehovha, Mwari waIsraeri apa zororo kuvanhu vake uye akauya kuzogara muJerusarema nokusingaperi,

26 vaRevhi havachafaniri kuramba vachitakura tabhenakeri kana mimwe midziyo yose yaishandiswa pabasa rayo.”

27 Maererano nokurayira kwaDhavhidhi kwokupedzisira, vaRevhi vakaverengwa kubva pana vana makore makumi maviri anopfuura ipapo.

28 Basa ravaRevhi raiva rokubatsira zvizvarwa zvaAroni, mukubata basa romutemberi yaJehovha: kuvatariri voruvanze, makamuri omumativi, kunatsa zvinhu zvose zvaiera, nokuita mamwe mabasa paimba yaMwari.

29 Vaiva vachengeti vechingwa chaiiswa patafura, upfu hwakatsetseka hwezvipiriso zvezviyo, zvingwa zvitete zvisina mbiriso, kubika nokusanganisa, uye zviero zvose zvouwandu noukuru.

30 Vaifanirawo zvakare kumira mangwanani oga oga vachitenda nokurumbidza Jehovha. Vaifanira kuita zvimwe chetezvo manheru

31 uye napose paipiwa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha pamaSabata uye napamitambo yokugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakarairwa. Vaifanira kushanda pamberi paJehovha nguva dzose nouwandu hwaidiwa uye nenzira yavakanga varayirwa kuti vaiite.

32 Nokudaro vaRevhi vakaita mabasa omuTende Rokusangana, romuNzvimbo Tsvene uye vari pasi pehama dzavo zvizvarwa zvaAroni, mubasa roushumiri mutemberi yaJehovha.

1 Makoronike 24

Mapoka aVaprista

1 Aya ndiwo aiva mapoka avanakomana vaAroni: Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naIthamari.

2 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa baba vavo vasati vafa, uye vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari vakashumira savaprista.

3 Achibatsirwa naZadhoki chizvarwa chaEreazari naAhimereki chizvarwa chaItamari, Dhavhidhi akavapatsanura akavaisa mumapoka kuti vaite basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa.

4 Vatungamiri vazhinji vakanyanyowanikwa pane zvizvarwa zvaEreazari kupfuura pakati pezvizvarwa zvaItamari uye vakaiswa mumapoka zvakakodzerana: vakuru gumi navatanhatu kubva kuzvizvarwa zvaEreazari uye vakuru vasere kubva kuzvizvarwa zvaItamari.

5 Vakavaisa mumapoka zvakakodzerana, nokukanda mijenya nokuti paiva navabati venzvimbo tsvene navabati vaMwari pakati pezvizvarwa zvaEreazari nezvizvarwa zvaItamari.

6 Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri, muRevhi, akanyora mazita avo pamberi pamambo, napamberi pavabati vaiti: Zadhoki muprista, Ahimereki mwanakomana waAbhiatari navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi mhuri imwe chete ichitorwa kubva kuna Ereazari uye imwe chete kubva kuna Itamari.

7 Mujenya wokutanga wakawira pana Jehoyaribhi, wechipiri pana Jedhaya,

8 wechitatu kuna Harimi, wechina kuna Seorimi,

9 wechishanu kuna Marikia, wechitanhatu kuna Miyamini,

10 wechinomwe kuna Jakozi, wechisere kuna Abhija,

11 wepfumbamwe kuna Jeshua, wegumi kuna Shekania,

12 wegumi nomumwe kuna Eriashibhi, wegumi nembiri kuna Jakimi,

13 wegumi nenhatu kuna Hupa, wegumi neina kuna Jeshebheabhi,

14 wegumi neshanu kuna Bhiriga, wegumi nenhanhatu kunaImeri,

15 wegumi nenomwe kuna Heziri, wegumi nesere kuna Hapizezi,

16 wegumi nepfumbamwe kuna Petahia, wemakumi maviri kuna Jehezikeri,

17 wemakumi maviri nomumwe kuna Jakini, wemakumi maviri nembiri kuna Gamuri,

18 wemakumi maviri nenhatu kuna Dheraya uye wemakumi maviri neina kuna Maazia.

19 Iri ndiro raiva basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa pavakapinda mutemberi yaJehovha, maererano nemitemo yavakanga vapiwa nababa wavo Aroni sokurayirwa kwaakanga aitwa naJehovha, Mwari waIsraeri.

Vamwe vaRevhi vose

20 Kana zviri zvimwe zvizvarwa zvaRevhi: kubva kuvanakomana vaAmiramu, Shubhaeri; kubva kuvanakomana vaShubhaeri: Jedheya.

21 Kana ari Rehabhia, kuvanakomana vake: Ishia aiva wokutanga.

22 Kubva kuva Izhari: Sheromoti; kubva kuvanakomana vaSheromoti: Jahati.

23 Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Jeria wokutanga, Amaria wechipiri, Jehazieri wechitatu naJekameami wechina.

24 Mwanakomana waUzieri aiva: Mika; kubva kuvanakomana vaMika: Shamiri.

25 Munun’una waMika: Ishi; kubva kuvanakomana vaIshia: Zekaria.

26 Vanakomana vaMerari vaiva: Mari naMushi. Mwanakomana waJaazia aiva: Bheno.

27 Vanakomana vaMerari vaiva: kubva kuna Jaazia: Bheno, Shoshami, Zakuri, naIbhiri.

28 Kubva kuna Mari: Ereazari, uye akanga asina vanakomana.

29 Kubva kuna Kishi mwanakomana waKishi aiva: Jerameeri.

30 Uye vanakomana vaMushi vaiti: Mari, Edheri naJerimoti. Ava ndivo vaiva vaRevhi maererano nemhuri dzavo.

31 Vakakandawo mijenya sezvaingoita hama dzavo zvizvarwa zvaAroni, pamberi paMambo Dhavhidhi naZadhoki, Ahimereki navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi. Mhuri dzomukoma pane vose dzaingoverengwa zvimwe chetezvo sedzomudiki pane vose.

1 Makoronike 25

Vaimbi

1 Dhavhidhi, pamwe chete navatungamiri vehondo: vakatsaura vamwe vavanakomana vaAsafi, Hemari naJedhutuni kuti vaite ushumiri hwokuprofita kuchiridzwa mbira, mitengeranwa namakandira. Aya ndiwo mazita avarume vaiita basa iri.

2 Kubva kuvanakomana vaAsafi: Zakuri, Josefa, Netania naAsarera. Vanakomana vaAsafi vaitungamirirwa naAsafi uyo aiprofita achitungamirirwa namambo.

3 Kana ari Jedhutuni, kuvanakomana vake: Gedharia, Zeri, Jeshaya, Shimei, Hashabhia naMatitia, vatanhatu pamwe chete, vachitungamirirwa nababa vavo Jedhutuni uyo aiprofita achishandisa mbira mukuvonga nokurumbidza Jehovha.

4 Kana ari Hemani, kubva kuvanakomana vake: Bhukia, Matania, Uzieri, Shubhaeri naJerimoti; Hanania, Hanani, Eriata, Gidhariti naRomamitiEzeri; Joshibhekasha, Maroti, Hotiri naMahazioti.

5 Vose ava vaiva vanakomana vaHemani muoni wamambo. Akavapiwa kubudikidza nezvivimbiso zvaMwari kuti amukudze. Mwari akapa Hemani vanakomana gumi navana, navanasikana vatatu.

6 Varume vose ava vaitungamirirwa namadzibaba avo, mukuimba mutemberi yaJehovha, namakandira nemitengeranwa nembira, kuti vaite ushumiri paimba yaMwari. Asafi, Jedhutuni naHemani vaiva pasi pamambo.

7 Pamwe chete nehama dzavo, vose vakadzidzira uye vakava nyanzvi mukuimbira Jehovha, vaisvika mazana maviri amakumi masere ana vasere.

8 Vaduku navakuru pamwe chete, mudzidzisi pamwe chete nomudzidzi, vakakanda mijenya pakupiwa mabasa avo.

9 Mujenya wokutanga waiva waAsafi, wakawira pana Josefa, vanakomana vake nehama dzake, gumi navaviri; wechipiri kuna Gedharia, iye nehama dzake navanakomana vake– gumi navaviri;

10 wechitatu kuna Zakari, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

11 wechina kuna Iziri, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

12 wechishanu kuna Netania, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

13 wechitanhatu kuna Bhukia, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

14 wechinomwe kuna Jesarera, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

15 worusere kuna Jeshaya, vanakomana vake nehama dzake– navaviri;

16 wepfumbamwe kuna Matania, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

17 wegumi kuna Shimei, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

18 wegumi nomumwe kuna Azareri, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

19 wegumi nemiviri kuna Hashabhia, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

20 wegumi nemitatu kuna Shubhaeri, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

21 wegumi nemina kuna Matitia, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

22 wegumi nemishanu kuna Jerimoti, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

23 wegumi nemitanhatu kuna Hanania, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

24 wegumi nemisere kuna Joshibhekasha, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

25 wegumi nemisere kuna Hanani, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

26 wegumi nemipfumbamwe kuna Maroti, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

27 wamakumi maviri kuna Eriata, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

28 wamakumi maviri nomumwe kuna Hotiri, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

29 wamakumi maviri nemitatu kuna Gidhariti, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

30 wamakumi maviri nemitatu kuna Mahazioti, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

31 wamakumi maviri nemina kuna Romamiti-Ezeri, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri.

1 Makoronike 26

Vachengeti veMikova

1 Mapoka avachengeti vemikova aiva: Kubva kuvaKorati: Mesheremia mwanakomana waKore, mumwe wavanakomana vaAsafi.

2 Mesheremia aiva navanakomana vaiti: Zekaria dangwe, Jedhiaeri wechipiri Zebhadhia wechitatu, Jatinieri wechina,

3 Eramu wechishanu, Jehoanani wechitanhatu, naEriehoenai wechinomwe.

4 Obedhi-Edhomu aivawo navanakomana vaiti: Shemaya dangwe, Jehozabhadhi wechipiri, Joa wechitatu, Sakari wechina, Netaneri wechishanu,

5 Amieri wechitanhatu, Isakari wechinomwe naPeuretai wechisere (Nokuti Mwari akanga aropafadza Obedhi-Edhomu.)

6 Mwanakomana wake Shemaya aivawo navanakomana vaiva: vatungamiri mumhuri yababa vavo nokuti vaiva varume vaikwanisa.

7 Vanakomana vaShemaya vaiti: Otini, Refaeri, Obedhi naErizabhadhi; hama dzake Erihu naSemakia vaivawo varume vaikwanisa.

8 Vose ava vaiva zvizvarwa zvaObedhi-Edhomu, Ivo navanakomana vavo nehama dzavo vaiva varume vaikwanisa vaine simba rokuita basa, zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu, vaisvika makumi matanhatu navaviri pamwe chete.

9 Mesheremia aiva navanakomana nehama vakanga vari varume voumhare vaisvika gumi navasere pamwe chete.

10 Hosa muMerati aiva navanakomana vaiti: Shimiri wokutanga (kunyange zvake akanga asiri dangwe baba vake vakamuita wokutanga.)

11 Hirikia wechipiri, Tabharia wechitatu naZakaria wechina. Vanakomana nehama dzaHosa vaiva gumi navatatu vose pamwe chete.

12 Aya mapoka avachengeti vamasuo, kubudikidza navakuru vavo, vaiva nemabasa okushumira mutemberi yaJehovha, sezvaingoitawo hama dzavo.

13 Mijenya yakakandwa nokuda kwesuo rime nerimwe, maererano nemhuri dzavo, vadiki nevakuru pamwe chete.

14 Mijenya weSuo Rokumabvazuva wakawira pana Sheremia. Zvino mujenya yakakandwa nokuda kwomwanakomana wake Zekaria, mupi wamazano akachenjera uye mujenya weSuo Rokumusoro wakawira paari.

15 Mujenya weSuo Rezasi wakawira pana Obedhi-Edhomu, uye mujenya wedura wakawira kuvanakomana vake.

16 Mijenya yeSuo Rokumadokero neSuo reSharebeti kunzira yokumusoro yakawira kuna Shupimi naHosa. Murindi aimira parutivi rwomumwe murindi.

17 Kumabvazuva kwainge kuine vaRevhi vatanhatu pazuva, kurutivi rwokumusoro kuine vana pazuva, zasi kuine vana pazuva uye vaviri panguva imwe chete padura.

18 Kana rwuri ruvanze rwokumadokero kwaiva navana kunzira navaviri paruvanze chaipo.

19 Aya ndiwo aiva mapoka avachengeti vemasuo avo vaiva zvizvarwa zvaKora naMerari.

Vabati veHomwe yeMari naMamwe Machinda

20 Hama dzavo vaRevhi vaiva vachengeti vepfuma yomumba yaMwari nepfuma yezvinhu zvakakumikidzwa.

21 Zvizvarwa zvaRadhani, avo vaiva vaGerishoni kubudikidza naRadhani uye vaiva vatungamiri vemhuri dzaRadhani muGerishoni vaiti: Jehieri,

22 vanakomana vaJeheri, Zetami, nomunun’una wake Joere. Vaiva nebasa rokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha.

23 Kubva kuvaAmiramu, vaIzhari, vaHebhuroni navaUzieri:

24 Shubhaeri chizvarwa chaGerishoni mwanakomana waMozisi, ndiye aiva mukuru pakuchengetwa kwepfuma.

25 Hama dzake kubudikidza naEriezeri dzaiva: Rehabhia mwanakomana wake, Jeshaya mwanakomana wake, Joramu mwanakomana wake, Zikiri mwanakomana wake naSheromiti mwanakomana wake.

26 Sheromiti nehama dzake vaiva nebasa rokuchengetedza pfuma yose yezvinhu zvakakumikidzwa naMambo Dhavhidhi, navakuru vemhuri dzavo vaiva vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana uye navamwe vatungamiri.

27 Zvimwe zvezvakapambwa muhondo vakazvikumikidza kuti zvishandiswe pakugadziridza temberi yaJehovha.

28 Uye zvose zvakakumikidzwa naSamueri muoni naSauro naJoabhu mwanakomana waZeruya, nezvimwe zvinhu zvose zvakakumikidzwa zvaichengetwa naSheromiti nehama dzake.

29 Kubva kuvaIzhari: Kenania navanakomana vake vakapiwa mabasa ekure netemberi vari machinda navatongi muIsraeri.

30 Kubva kuvaHebhuroni: Hashabhia nehama dzake, varume chiuru namazana manomwe vaikwanisa ndivo vaiva vakuru muIsraeri kumadokero kweJorodhani pabasa rose raJehovha napabasa rose ramambo.

31 Kana vari vaHebhuroni, Jeria ndiye aiva mukuru wavo maererano nezvinyorwa zvenhoroondo dzemhuri dzavo maererano nezvinyorwa zvenhoroondo, uye varume pakatsvakwa muzvinyorwa zvenhoroondo, uye varume vaikwanisa vakawanikwa pakati pavaHebhuroni vakawanikwa paJazeri muGireadhi.

32 Jeria aiva nehama zviuru zviviri namazana manomwe vaiva varume vaikwanisa uye vari vakuru vemhuri dzavo, uye Mambo Dhavhidhi akavaita kuti vave vatariri vavaRubheni, vaGhadhi, norudzi rwehafu rwaManase kuti vagadzirise nyaya dzose dzezvaMwari uye nyaya dzose dzamambo.

1 Makoronike 27

Mapoka eHondo

1 Aya ndiwo mazita avaIsraeri, vakuru vemhuri, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, namachinda avo, vaishandira mambo mune zvose pamusoro pamapoka avarwi ainge ari pabasa mwedzi nomwedzi mugore rose. Boka rimwe nerimwe raiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

2 Aitungamirira boka rokutanga mwedzi wokutanga, aiva Jashobheami mwanakomana waZabhidhieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

3 Aiva chizvarwa chaPerezi nomukuru wavakuru vavavarwi vose mumwedzi wokutanga.

4 Aitungamirira boka remwedzi wechipiri ainzi Dhavhidhi muAhohi; Mikiroti ndiye aiva mutungamiri weboka rake. Muboka rake maiva nezviuru makumi maviri nezvina.

5 Mukuru wavarwi wechitatu mumwedzi wechitatu ainzi Bhenaya mwanakomana waJehoyadha muprista. Ndiye aiva mukuru uye muboka maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

6 Uyu ndiye Bhenaya uya aiva mumwe woumhare pakati paMakumi Matatu uye aiva pamusoro paMakumi Matatu vacho. Mwanakomana wake Amizabhadhi ndiye aitungamirira boka rake.

7 Wechina pamwedzi wechina, aiva Asaheri munun’una waJoabhu; mwanakomana wake Zebhadia ndiye akamutevera pakutungamirira boka iri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

8 Wechishanu pamwedzi wechishanu, aiva mutungamiri Shamihuti muIzirahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

9 Wechitanhatu pamwedzi wechitanhatu, aiva Ira mwanakomana waIkeshi muTekoi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

10 Wechinomwe pamwedzi wechinomwe, aiva Herezi muPeroni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

11 Worusere, pamwedzi worusere, aiva Sibhekai muHushati muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

12 Wechipfumbamwe, mumwedzi wechipfumbamwe, aiva Abhiezeri muAnatoti, muBenjamini. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

13 Wegumi, mumwedzi wegumi, aiva Maharai muNetofati, muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

14 Wegumi nomumwe, mumwedzi wegumi nomumwe, aiva Benaya muPiratoni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

15 Wegumi navaviri, mumwedzi wegumi nemiviri, aiva Heridhai muNetofati, aibva mumhuri yaOtinieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

Machinda aMarudzi

16 Machinda pamusoro pamarudzi aIsraeri aiti: pamusoro pavaRubheni: Eriezeri mwanakomana waZikiri; pamusoro pavaSimeoni: Shefatia mwanakomana waMaaka;

17 pamusoro paRaiti: Hashabhia mwanakomana waKemueri; pamusoro paAroni: Zadhoki;

18 pamusoro paJudha: Erihu, munun’una waDhavhidhi; pamusoro paIsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri;

19 pamusoro paZebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhia; pamusoro paNafutari: Jerimoti mwanakomana waAzirieri;

20 pamusoro pavaEfuremu: Hoshea mwanako-mana waAzazia; pamusoro porudzi rwehafu rwaManase: Joere mwanakomana waPedhaya;

21 pamusoro porudzi rwehafu rwaManase muGireadhi: Idho mwanakomana waZekaria; pamusoro paBenjamini: Jaashaeri mwanakomana waAbhineri;

22 pamusoro paDhani: Azareri mwanakomana waJerohami. Ava ndivo vaiva machinda pamusoro pamarudzi avaIsraeri.

23 Dhavhidhi haana kuverenga varume vaiva namakore makumi maviri zvichidzika, nokuti Jehovha akanga avimbisa kuti vaIsraeri vaizowanda senyeredzi dziri mudenga.

24 Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga varume ava asi haana kuzopedza. Kutsamwa kwakauya pamusoro peIsraeri nokuda kwokuverengwa uku, saka uwandu uhu hauna kuiswa mubhuku renhoroondo dzegore negore raMambo Dhavhidhi.

Vatariri vaMambo

25 Azimavheti mwanakomana waAdhieri aiva muchengeti wamatura amambo. Jonatani mwanakomana waUzia aiva muchengeti wamatura kumaruwa okure, mumaguta, mumisha neshongwe dzavarindi.

26 Eziri mwanakomana waKerubhi aiva mutariri pamusoro wavashandi vomuminda vairima minda.

27 Shimei muRamati aiva mutariri weminda yemizambiringa. Zabhidhi muShifimi aiva mutariri wezvibereko zveminda yemizambiringa zvokuzoisa muzvirongo zvewaini.

28 Bhaari-Hanani muGedheri aiva mutariri wemiorivhi nemionde yakanga iri mujinga mezvikomo zvokumadokero. Joashi aiva mutariri wamafuta omuorivhi.

29 Shitirai muSharoni, aiva mutariri wemombe dzaiva mumipata.

30 Obhiri muIshumaeri aiva mutariri wengamera Jedheya muMeronoti aiva mutariri wembongoro.

31 Jazizi muHagiri aiva mutariri wamakwai. Ava ndivo vaiva vabati vaichengeta zvinhu zvamambo Dhavhidhi.

32 Jonatani, babamunini vaDhavhidhi vaiva mupi wamazano, murume woruzivo nomunyori. Jehieri mwanakomana waHakimoni aiva muchengeti wavanakomana vamambo.

33 Ahitoferi aiva mupi wamazano kuna mambo. Hushai muAriki aiva shamwari yamambo.

34 Ahitoferi akazoteverwa pachinzvimbo naJehoyadha mwanakomana waBhenaya uye naAbhiatari. Joabhu ndiye aiva mutungamiri wehondo yamambo.

1 Makoronike 28

Urongwa hwaDhavhidhi pamusoro peTemberi

1 Dhavhidhi akarayira vabati veIsraeri vose kuti vaungane paJerusarema: vabati pamusoro pamarudzi, vatungamiri vamapoka aishandira mambo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, navabati vaichengeta zvinhu nezvipfuwo zvamambo uye navanakomana vake, pamwe chete navabati vomumuzinda wamambo, varume vane simba nemhare dzose dzakashinga.

2 Mambo Dhavhidhi akasimuka akamira akati, “Teererai kwandiri, hama dzangu navanhu vangu. Zvakanga zviri mumwoyo mangu kuti ndivake imba senzvimbo yokuzororera yeareka yesungano yaJehovha, kuti zvive chitsikiro chetsoka dzaMwari wedu, uye ndakaita urongwa hwokuivaka.

3 Asi Mwari akati kwandiri, ‘Iwe hausi kuzovakira Zita rangu imba, nokuti uri murwi uye wakateura ropa.’

4 “Asi Jehovha, Mwari waIsraeri, akandisarudza kubva kumhuri yangu yose kuti ndive mambo pamusoro paIsraeri nokusingaperi. Akasarudza Judha kuti ave mhuri yangu, uye kubva muvanakomana vababa vangu akafadzwa nokundiita mambo pamusoro peIsraeri.

5 Pavanakomana vangu vose, uye Jehovha akandipa vakawanda kwazvo, iye akasarudza mwanakomana wangu Soromoni kuti agare pachigaro choumambo hwaJehovha pamusoro paIsraeri.

6 Akati kwandiri, ‘Soromoni mwanakomana wako ndiye achavaka imba yangu nezvivanze zvangu, ndichava baba vake.

7 Ndichasimbisa umambo hwake nokusingaperi kana iye akatsungirira mukuita zvandakarayira panguva ino.’

8 “Saka zvino ndinokurayira pamberi peIsraeri yose uye napamberi peungano yaJehovha, uye Mwari wedu achinzwa: Chenjerera kuti utevere kurayira kwose kwaJehovha senhaka kuvana vako nokusingaperi.

9 “Newewo mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nomwoyo wose uye nepfungwa dzako dzose, nokuti Jehovha anonzvera mwoyo uye anonzwisisa chinangwa chipi nechipi chiri mupfungwa. Ukamutsvaga achawanikwa newe, asi kana ukamurasa, iye achakuramba nokusingaperi.

10 Funga zvino, senzvimbo tsvene. Iva nesimba uye uite basa iri.”

11 Ipapo Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni urongwa hwebiravira retemberi dzimba dzayo, matura ayo, makamuri ayo okumusoro, makamuri ayo omukati uye nenzvimbo yokuyananisira.

12 Akamupa urongwa hwazvose zvakanga zvaiswa noMweya mupfungwa make pamusoro pezvivanze zvetemberi yaJehovha namakamuri ose akapoteredza, pamusoro pamatura epfuma yetemberi yaMwari napamusoro pamatura ezvinhu zvakakumikidzwa.

13 Akamurayira zvokuita pamusoro pamapoka avaprista navaRevhi uye napamusoro pebasa rose rokushumira mutemberi yaJehovha, uyewo napamusoro pemidziyo yaizoshandiswa mubasa rayo.

14 Akarayira uremu hwegoridhe remidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira, nouremu hwesirivha yemidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira:

15 Uremu hwegoridhe rezvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo, nouremu hwechigadziko chomwenje chimwe nechimwe, nemwenje yacho, maererano nokushandiswa kwechigadziko chemwenje chimwe nechimwe.

16 Uremu hwegoridhe retafura imwe neimwe yechingwa chakatsaurwa; uremu hwesirivha yetafura dzesirivha;

17 uremu hwegoridhe rakanatswa reforogo, ndiro dzokusasa nemikombe; uremu hwegoridhe nedhishi rimwe nerimwe regoridhe; uremu hwesirivha yedhishi rimwe nerimwe resirivha;

18 uye uremu hwegoridhe rakanatswa nearitari yezvinonhuwira. Akamupawo mufananidzo wengoro iyo ina makerubhi egoridhe akatambanudza mapapiro awo achifukidza areka yesungano yaJehovha.

19 Dhavhidhi akati, “Zvose izvi ndakazviziviswa zvanyorwa noruoko rwaJehovha, urongwa hwamabasa ake ose.”

20 Dhavhidhi akatiwo kumwanakomana wake Soromoni, “Simba utsunge mwoyo, uye uite basa iri. Usatya kana kuora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari, Mwari wangu anewe. Haachazokusiyi kana kukurasa, kusvikira basa rose rokushandira temberi yaJehovha rapera.

21 Mapoka avaprista navaRevhi akagadzirira kuisa basa rose rapatemberi yaMwari, uye murume wose anoda uye ane umhizha hupi nehupi pamabasa amaoko achakubatsira pabasa iri rose. Vabati vose navanhu vose vachateerera kurayira kwako kwose.”