2 Samueri 3

1 Hondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi yakatora nguva refu isati yapera. Dhavhidhi akaramba achisimba asi imba yaSauro yakaramba ichipererwa nesimba.

2 Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana paHebhuroni: Dangwe rake raiva Amunoni mwanakomana waAbhinoami weJezireeri;

3 wechipiri, Kiriabhu mwanakomana waAbhigairi chirikadzi yaNabhari weKarimeri; wechitatu, Abhisaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri;

4 wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti; wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari;

5 uye wechitanhatu, Itireamu mwanakomana womukadzi waDhavhidhi Egira. Ava ndivo vakaberekerwa Dhavhidhi paHebhuroni.

Abhineri anoenda kudivi raDhavhidhi

6 Munguva yehondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi, Abhineri akanga achisimbisa chinzvimbo chake muimba yaSauro.

7 Zvino Sauro aiva nomukadzi womurongo ainzi Rizipa mwanasikana waAiya. Uye Ishi-Bhosheti akati kuna Abhineri, “Wakararirei nomurongo wababa vangu?”

8 Abhineri akatsamwa zvikuru nezvakanga zvataurwa naIshi-Bhosheti ndokupindura achiti, “Ko, ndiri musoro wembwa kurutivi rwaJudha here? Nhasi uno ndakatendeka, kuimba yababa vako Sauro nokumhuri yake zvose neshamwari dzake. Handina kukuisa mumaoko aDhavhidhi. Kunyange zvakadaro iye zvino unondipomera mhaka pamusoro pomukadzi uyu!

9 Mwari ngaarove Abhineri, zvive zvinorwadza kwazvo, kana ndikasaitira Dhavhidhi izvo zvaakapikirwa naJehovha

10 nokubvisa umambo muimba yaSauro ndichisimbisa chigaro choushe chaDhavhidhi pamusoro peIsraeri neJudha kubva paDhani kusvikira kuBheerishebha.”

11 Ishi-Bhosheti haana kuzomboti bufuzve kuna Abhineri, nokuti akanga ava kumutya.

12 Ipapo Abhineri akatumira nhume kuna Dhavhidhi kuti dzindopa mashoko ake okuti, “Ko, nyika ino ndeyani? Itai sungano neni, uye ini ndichakubatsirai kuti Israeri yose iuye kwamuri.”

13 Dhavhidhi akati, “Zvakanaka, ndichaita sungano newe. Asi ndinoda chinhu chimwe chete kubva kwauri: Usasvika pamberi pangu kunze kwokunge wauya naMikari mwanasikana waSauro paunouya kuzondiona.”

14 Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro, kundoti, “Ndipe Mikari mudzimai wangu, wandakatsidzirana naye nezvikanda zvokudzingiswa zvapamberi zvavaFiristia vane zana.”

15 Naizvozvo Ishi-Bhosheti akatuma nhume kundomutora kumurume wake Paritieri mwanakomana waRaishi.

16 Zvisinei, murume wake akamuperekedza, achichema ari mumashure make dakara vanosvika kuBhahurimi. Ipapo Abhineri akati kwaari, “Dzokera kumba!” iye ndokudzokera hake.

17 Abhineri akakurukura navakuru veIsraeri akati, “Pava nenguva muchida kugadza Dhavhidhi kuti ave mambo wenyu.

18 Saka chizviitai iye zvino! Nokuti Jehovha akavimbisa Dhavhidhi achiti, ‘Noruoko rwomuranda wangu Dhavhidhi ndichanunura vanhu vangu Israeri kubva muruoko rwavavengi vavo vose.’ ”

19 Abhineri akataura navaBhenjamini pachake. Ipapo akabva akaenda kundoudza Dhavhidhi paHebhuroni zvose zvakanga zvichida kuzoitwa navaIsraeri neimba yose yaBhenjamini.

20 Zvino Abhineri, uyo akanga ana varume makumi maviri, akati asvika kuna Dhavhidhi paHebhuroni, Dhavhidhi akamugadzirira mabiko pamwe chete navarume vaaiva navo.

21 Ipapo Abhineri akati kuna Dhavhidhi, “Nditenderei kuti ndiende iye zvino ndinounganidzira ishe wangu mambo Israeri yose, kuti vaite sungano nemi, uye kuti mubate ushe pamusoro pezvose zvinodiwa nomwoyo wenyu.” Saka Dhavhidhi akaendesa Abhineri, iye akaenda norugare.

Joabhu anouraya Abhineri

22 Panguva iyoyo varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka kubva kundopamba uye vakauya nezvakawanda zvavakanga vapamba. Asi Abhineri akanga achisiri pamwe naDhavhidhi muHebhuroni, nokuti Dhavhidhi akanga amutendera kuenda, uye akanga aenda norugare.

23 Joabhu paakasvika navarwi vose vaaiva navo, akaudzwa kuti Abhineri mwanakomana waNeri akanga auya kuna mambo uye kuti mambo akanga amutendera kuti aende uye akanga aenda norugare.

24 Naizvozvo Joabhu akaenda kuna mambo akati, “Ko, chii chamaita? Tarirai, Abhineri akauya kwamuri. Ko, makaregerei achienda? Zvino atoenda zvake!

25 Munomuziva imi Abhuneri mwanakomana waNeri; anga auya kuzokunyengerai uye kuzoongorora mafambiro enyu nokusora zvose zvamuri kuita.”

26 Ipapo Joabhu akabva pana Dhavhidhi ndokutumira nhume kuti dzitevere Abhineri, uye vakadzoka naye kubva patsime reSira. Asi Dhavhidhi haana kuzviziva.

27 Kuzoti Abhineri adzoka paHebhuroni, Joabhu akamutora akaenda naye parutivi, pakati pesuo sokunge aida kutaura naye muchivande. Zvino ipapo, kuti atsive ropa raAsaheri munun’una wake, Joabhu akamubaya padumbu, ndokubva afa.

28 Shure kwokunge Dhavhidhi anzwa nezvazvo, akati, “Ini noushe hwangu hatina mhosva nokusingaperi pamberi paJehovha pamusoro peropa raAbhuneri mwanakomana waNeri.

29 Ropa rake ngarive pamusoro waJoabhu nepaimba yababa vake yose! Imba yaJoabhu ngairege kushaya munhu ane ronda risingapori, kana ana maperembudzi, kana anofamba nomudonzvo, kana anourayiwa nomunondo, kana anoshayiwa zvokudya.”

30 (Joabhu nomunun’una wake Abhishai vakaponda Abhineri nokuti akanga auraya Asaheri munun’una wavo muhondo paGibheoni.)

31 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Joabhu navanhu vose vaiva naye, “Bvarurai nguo dzenyu mupfeke masaga mufambe muchiungudza pamberi paAbhineri.” Mambo Dhavhidhi pachake akafamba ari shure kwengoro yaiva nechitunha.

32 Vakaviga Abhineri paHebhuroni, uye mambo akaridza mhere paguva raAbhineri. Vanhu vose vakachemawo.

33 Mambo akaimba rwiyo urwu rwokuchema Abhineri:

“Ko, Abhineri aifanira kufa nomufiro webenzi here?

34 Maoko ako akanga asina kusungwa,

makumbo ako akanga asina kuiswa mumatare.

Wakafa sokufa kwomunhu anofira pamberi pavanyangadzi.”

Uye vanhu vose vakamuchemazve.

35 Ipapo vose vakauya vakagombedzera Dhavhidhi kuti awane chaangadya achiri masikati; asi Dhavhidhi akaita mhiko, achiti, “Mwari ngaandirove, uye zvakanyanyisa, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva risati ravira!”

36 Vanhu vose vakazviona uye vakafara; zvirokwazvo, chose chakaitwa namambo chakavafadza.

37 Naizvozvo musi uyu vanhu vose neIsraeri yose, vakaziva kuti mambo akanga asingatenderani nokuurayiwa kwaAbhineri mwanakomana waNeri.

38 Ipapo mambo akati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti nhasi kwafa jinda uye munhu anokosha muIsraeri?

39 Uye kuti nhasi, kunyange ndiri mambo akazodzwa, handina simba, uye vanakomana vaZeruya ava vava nesimba kupfuura ini. Jehovha ngaaripire munyangadzi zvinoenderana nokuipa kwamabasa ake!”

2 Samueri 4

Ishi-Bhosheti anourayiwa

1 Zvino Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro paakanzwa kuti Abhineri akanga afa paHebhuroni, akapererwa nesimba, uye Israeri yose yakavhunduka.

2 Zvino mwanakomana waSauro akanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka avapambi. Mumwe ainzi Bhaana mumwe achinzi Rekabhu; vakanga vari vanakomana vaRimoni muBheeroti aibva kurudzi rwaBhenjamini (Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini,

3 nokuti vanhu veBheeroti vakatizira kuGitaimu uye vakagarako savatorwa kusvikira nhasi.)

4 Jonatani mwanakomana waSauro aiva nomwanakomana aiva chirema makumbo ose. Aiva namakore mashanu panguva yakasvika shoko pamusoro paSauro naJonatani richibva kuJezireeri. Mureri wake akamusimudza akatiza, asi paaimhanya kuti aende, mwana akadonha akabva aremara. Zita rake ainzi Mefibhosheti.

5 Zvino Rekabhu naBhaana, vanakomana vaRimoni muBheeroti, vakabuda vakananga kumba kwa Ishi-Bhosheti, vakasvikako masikati zuva richipisa iye ari pakuzorora kwake kwamasikati.

6 Vakapinda mukati memba vachiita sevanondotora gorosi, ndokubva vamubaya napadumbu. Ipapo Rekabhu nomunun’una wake Bhaana vakabva vatiza.

7 Vakanga vapinda mumba panguva yaakanga akarara pamubhedha wake muimba yokurara. Pavakamubaya vakamuuraya, ndokugura musoro wake. Vakautora, ndokufamba usiku nenzira yeArabha.

8 Vakandosvika nomusoro wa IshiBhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati kuna mambo, “Hounoi musoro waIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, muvengi wenyu, uyo aida kutora upenyu hwenyu. Nhasi Jehovha atsivira ishe wangu mambo pamusoro paSauro navana vake.”

9 Dhavhidhi akapindura Rekabhu naBhaana, vanakomana vaRimoni muBheeroti akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uyo akandinunura munjodzi dzose,

10 pandakaudzwa nomumwe murume kuti, ‘Sauro afa,’ iye achifunga kuti ari kuuya nenhau dzakanaka, ndakamubata ndikamuuraya paZikiragi. Ndiwo mubayiro wandakamupa pamashoko ake!

11 Ko, zvino zvichava sei, kana vanhu vakaipa vachinge vauraya munhu asina mhosva mumba make uye ari pamubhedha wake, handingatsvaki ropa rake pamaoko enyu here, kuti ndikubvisei panyika!”

12 Saka Dhavhidhi akarayira majaya ake, ivo vakavauraya. Vakadimura maoko namakumbo avo ndokurembedza miviri yavo padziva reHebhuroni. Asi vakatora musoro wa Ishi-Bhosheti vakandouviga muguva raAbhineri paHebhuroni.

2 Samueri 5

Dhavhidhi anozodzwa kuti ave Mambo weIsraeri

1 Marudzi ose avaIsraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni akati, “Tiri nyama yenyu neropa renyu.

2 Panguva yakapfuura, Sauro paakanga ari mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsraeri kuhondo dzavo. Zvino Jehovha akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu Israeri, uye uchava mutongi wavo.’ ”

3 Vakuru vose veIsraeri vakati vauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, mambo akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri.

4 Dhavhidhi akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga kwamakore makumi mana.

5 MuHebhuroni akatonga Judha kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu, uye muJerusarema akatonga Israeri yose neJudha kwamakore makumi matatu namatatu.

Dhavhidhi anokunda Jerusarema

6 Mambo navanhu vakafamba vachienda kuJerusarema kundorwisa vaJebhusi, vaigarako. VaJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, “Haungapindi muno; kunyange mapofu kana zvirema vanokwanisa kukudzinga.” Vakafunga pachavo vachiti, “Dhavhidhi haambokwanisi kupinda muno.”

7 Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akakunda nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi.

8 Pazuva iro, Dhavhidhi akati, “Wose anoda kukunda vaJebhusi ngaatange apinda nomugero wemvura kuti asvike pane ‘zvirema namapofu’ vanova ndivo vavengi vaDhavhidhi.” Ndokusaka zvichinzi, “ ‘Mapofu nezvirema’ vasapinda muimba yaMambo.”

9 Dhavhidhi akagara munhare uye akaitumidza kuti Guta raDhavhidhi. Akavaka nzvimbo yose yakaipoteredza, kubva panheyo dzaitsigira rusvingo zvichipinda mukati.

10 Simba rake rakaramba richiwedzerwa, nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose aiva naye.

11 Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi, namatanda omusidhari, navavezi navavaki vanoshandisa matombo uye vakavakira Dhavhidhi muzinda.

12 Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga amusimbisa samambo weIsraeri uye akanga asimudzira umambo hwake nokuda kwavanhu vake Israeri.

13 Mushure mokunge abva paHebhuroni, Dhavhidhi akazvitorera vamwe varongo navakadzi muJerusarema, uye akaberekerwa vamwe vanakomana navanasikana.

14 Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shobhabhi, Natani, Soromoni,

15 Ibhari, Erishua, Shamua, Nefegi, Jafia,

16 Erishama, Eriadha naErifereti.

Dhavhidhi anokunda vaFiristia

17 VaFiristia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakakwira vose kundomutsvaka, asi Dhavhidhi akazvinzwa ndokubva aburukira kunhare.

18 Zvino vaFiristia vakanga vauya vakapararira muMupata weRefaimu.

19 Saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFiristia? Ko, muchavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akamupindura akati, “Enda, nokuti zvirokwazvo ndichaisa vaFiristia mumaoko ako.”

20 Naizvozvo Dhavhidhi akaenda kuBhaari Perazimu, uye ikoko akavakunda. Akati, “Sokupaza kunoita mvura, Jehovha apaza vavengi vangu pamberi pangu.” Naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Bhaari Perazimu.

21 VaFiristia vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo, Dhavhidhi navanhu vake vakazvitakura vakaenda nazvo.

22 VaFiristia vakadzokazve uye vakapararira muMupata weRefaimu;

23 saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha, iye akapindura akati, “Musakwira makavananga, asi potererai nokumashure kwavo ugovarwisa mberi kwemiti yemibharisamu.

24 Pamunongonzwa ruzha rwokufamba kwavanhu pamusoro pemiti yemibharisamu, mubve mafamba nokukurumidza, nokuti zvichareva kuti Jehovha aenda mberi kwenyu kuti aparadze hondo yavaFiristia.”

25 Naizvozvo Dhavhidhi akaita sezvaakanga arayirwa naJehovha, uye akaparadza vaFiristia kubva paGibheoni kusvika kuGezeri.

2 Samueri 6

Areka inouyiswa kuJerusarema

1 Dhavhidhi akaunganidza zvakare varume veIsraeri vakanga vasarudzwa, vaisvika makumi matatu ezviuru.

2 Akasimuka akaenda navanhu vose vaakanga anavo kuBhaara reJudha, kundotora areka yaMwari kubva ikoko, iyo inodanwa neZita, iro zita raJehovha Wamasimba Ose, agere pakati pamakerubhi ari pamusoro peareka.

3 Vakaisa areka yaMwari mungoro itsva uye vakauya nayo kubva kumba kwaAbhinadhabhu, pachikomo. Uza naAhio, vanakomana vaAbhinadhabhu, ndivo vakanga vachifambisa ngoro itsva iyi

4 areka yaMwari iri pamusoro payo, uye Ahio akanga achifamba mberi kwayo.

5 Dhavhidhi neimba yose yeIsraeri vakapemberera Jehovha nesimba ravo rose, vachiimba nokuridza zviridzwa zvamarudzi ose zvomusipuresi, rudimbwa, mbira, matamborini, ngoma dzamatare namakandira.

6 Vakati vasvika paburiro raNakoni, Uza akatambanudza ruoko rwake ndokubata areka yaMwari, nokuti nzombe dzakanga dzagumburwa.

7 Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro paUza nokuda kwokutadza kwake; naizvozvo Mwari akamuuraya ipapo parutivi peareka yaMwari.

8 Ipapo Dhavhidhi akatsamwa nokuti Jehovha akanga atsamwira Uza, nokudaro kusvika zvino nzvimbo iyi inodaidzwa kuti Perezi Uza.

9 Dhavhidhi akatya Jehovha pazuva iri uye akati, “Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?”

10 Haana kuda kutora areka yaJehovha kuti aende nayo kuGuta raDhavhidhi. Asi akaitsautsira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.

11 Areka yaJehovha yakagara mumba maObhedhi-Edhomu muGiti kwemwedzi mitatu, Jehovha akamuropafadza iye neimba yake yose.

12 Zvino Mambo Dhavhidhi akaudzwa kuti, “Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaanazvo, nokuda kweareka yaMwari.” Saka Dhavhidhi akaburuka akandotora areka yaMwari kubva muimba yaObhedhi-Edhomu akakwira nayo kuGuta raDhavhidhi achipemberera nomufaro.

13 Zvino avo vakanga vakatakura areka yaJehovha vaiti vakafamba nhambwe nhanhatu, vobayira nzombe nemhuru yakakodzwa.

14 Dhavhidhi, akapfeka efodhi yomucheka, akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose,

15 iye neimba yaIsraeri yose vakakwira neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.

16 Areka yaJehovha payakanga yopinda muGuta raDhavhidhi, Mikari mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye paakaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumwoyo make.

17 Vakasvika neareka yaJehovha vakaigadzika panzvimbo yayo mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, uye Dhavhidhi akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha.

18 Zvino akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha Wamasimba Ose.

19 Ipapo akazotorazve chingwa, keke ramadheti nekeke ramazambiringa akaomeswa akazvipa kuno mumwe nomumwe weungano yose yavaIsraeri, varume navakadzi. Uye vanhu vose vakaenda kudzimba dzavo.

20 Dhavhidhi paakadzokera kumba kuti andoropafadza veimba yake, Mikari mwanasikana waSauro akabuda kundosangana naye akati, “Mambo weIsraeri azvikudza sei nhasi, zvaabvisa nguo dzoushe pamberi pavarandakadzi vavaranda vake sezvinoitwa nebenzi ripi zvaro.”

21 Dhavhidhi akati kuna Mikari, “Ndazviita pamberi paJehovha, iye akandisarudza pachinzvimbo chababa vako kana mumwe munhu upi zvake muimba yake uye akandiita kuti ndive mutongi wavanhu vaJehovha, vaIsraeri; naizvozvo ndichapembera pamberi paJehovha.

22 Ndichazvideredza kupfuura izvi, uye ndichazvininipisa pachangu. Asi kana vari varandakadzi vawareva, ndichakudzwa navo.”

23 Uye Mikari mwanasikana waSauro haana kubereka vana kusvikira pazuva rokufa kwake.

2 Samueri 7

Sungano yaMwari naDhavhidhi

1 Zvino mambo akati agara mumuzinda wake uye Jehovha amupa zororo kubva kuvavengi vake vose vaiva vakamupoteredza,

2 akati kuna Natani muprofita, “Tarira ndiri pano ndigere mumuzinda wakavakwa nemisidhari, asi areka yaMwari igere mutende.”

3 Natani akapindura mambo akati, “Endai mberi muite zvose zvamunazvo mupfungwa dzenyu, nokuti Jehovha anemi.”

4 Usiku ihwohwo shoko raJehovha rakasvika kuna Natani, richiti:

5 “Enda undoudza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiwe here ungandivakira imba yandingagara?

6 Ini handina kumbogara mumba kubva zuva randabudisa vaIsraeri muIjipiti kusvikira nhasi. Ndanga ndichifamba munzvimbo nenzvimbo ndichigara mutende.

7 Pose pandaifamba navaIsraeri vose, ndakamboti here kuno mumwe wavatongi vavo vandakarayira kuti vafudze vanhu vangu vaIsraeri, “Makaregerei kundivakira imba yemisidhari?”’

8 “Naizvozvo zvino, udza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Ndakakutora kubva kumafuro kwawaifudza makwai kuti uve mutongi wavanhu vangu vaIsraeri.

9 Ndakava newe kwose kwawakaenda, uye ndakaparadza vavengi vako vose ndikavabvisa pamberi pako. Zvino zita rako ndichariita guru, richafanana namazita avakuru vari panyika.

10 Uye ndichapa vanhu vangu vaIsraeri nzvimbo uye ndichavasima kuti vave nomusha wavo pachavo kuti vasazokanganiswazve. Vanhu vakaipa havachazovamanikidzizve, sezvavakaita pakutanga

11 nezvavakaita kubva panguva yandakagadza vatungamiri vavanhu vangu vaIsraeri. Ndichakuzorodzai kubva kuvavengi venyu vose.

“ ‘Jehovha anoti kwauri Jehovha pachake achakumisira imba:

12 Zvino kana mazuva ako akwana uye wazorora namadzibaba ako, ndichamutsa mwana wako kuti atore ushe hwako, achabuda mauri, uye ndichasimbisa ushe hwake.

13 Iye ndiye achavakira Zita rangu imba, uye ndichasimbisa chigaro choushe hwake nokusingaperi.

14 Ini ndichava baba vake, iye achava mwana wangu. Kana akakanganisa, ini ndichamuranga neshamhu yavanhu, uye nokurangwa kunoitwa navanhu.

15 Asi rudo rwangu haruzombobva paari, sokubvisa kwandakaruita pana Sauro, uyo wandakabvisa pamberi pako.

16 Imba yako noumambo hwako zvichagara pamberi pangu nokusingaperi; chigaro chako choushe chichasimbiswa nokusingaperi.’ ”

17 Natani akazivisa Dhavhidhi mashoko ose ezvaakanga aratidzwa.

Munyengetero waDhavhidhi

18 Zvino Mambo Dhavhidhi akapinda akandogara pamberi paJehovha, akati:

“Ko, ini ndini aniko zvangu, nhai Ishe Jehovha, uye mhuri yangu chiiko, zvamandisvitsa pano?

19 Uyezve sezvinonzi izvi hazvina kukwana pamberi penyu, nhai Ishe Jehovha, mataurazve nezveramangwana reimba yomuranda wenyu. Nhai Ishe Jehovha Mwari, izvi ndizvo zvamunogara muchiitira vanhu here?

20 “Ko, Dhavhidhi angareveizve kwamuri? Nokuti munoziva muranda wenyu, Ishe Jehovha.

21 Nokuda kweshoko renyu uye maererano nokuda kwenyu, maita chinhu ichi chikuru uye machizivisa kumuranda wenyu.

22 “Haiwa muri mukuru, imi Ishe Jehovha! Hakuna mumwe akafanana nemi, uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa nenzeve dzedu.

23 Uye ndorupi rumwe rudzi rwakaita savanhu venyu vaIsraeri, irwo rudzi panyika rwakadzikinurwa naMwari kuti vave vanhu vake, uye kuti azviitire zita, uye kuti aite zvinhu zvikuru zvinoshamisa nokudzinga marudzi navamwari vawo pamberi pavanhu venyu, vamakadzikinura kubva muIjipiti?

24 Makasimbisa vanhu venyu vaIsraeri kuti vave venyu nokusingaperi, uye imi, Jehovha, mava Mwari wavo.

25 “Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari, simbisai nokusingaperi shoko renyu ramakataura pamusoro pomuranda wenyu neimba yake. Itai sezvamakavimbisa,

26 kuti zita renyu rikudzwe nokusingaperi. Zvino vanhu vachati, ‘Jehovha Wamasimba Ose ndiye Mwari weIsraeri!’ Zvino imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu.

27 “Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, makaratidza izvi kumuranda wenyu, muchiti, ‘Ndichakuvakira imba.’ Naizvozvo muranda wenyu atsunga kunyengetera, munyengetero uyu.

28 Haiwa Ishe Jehovha, muri Mwari! Mashoko enyu ndeechokwadi, uye mavimbisa zvinhu zvakanaka kumuranda wenyu.

29 Zvino ngazvikufadzei kuti muropafadze imba yomuranda wenyu, kuti irambe iri pamberi penyu nokusingaperi; nokuti imi Jehovha Mwari, mazvitaura, uye namaropafadzo enyu, imba yomuranda wenyu icharopafadzwa nokusingaperi.”

2 Samueri 8

Kukunda kwaDhavhidhi

1 Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akakunda vaFiristia uye vakava pasi pake, uye akatora Metegi Ama kubva mumaoko avaFiristia.

2 Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu. Akavavatisa pasi akavayera netambo. Aiti akaera kaviri netambo vanhu ivavo vourayiwa, asi avo vaipinda pachiero chetatu vaitenderwa kurarama. Naizvozvo vaMoabhu vakaitwa varanda naDhavhidhi uye vakabvisiswa mutero.

3 Pamusoro paizvozvo, Dhavhidhi akarwisa Hadhadhezari mwanakomana waRehobhi, mambo weZobha, paakaenda kundotorazve nyika yaiva mujinga morwizi Yufuratesi.

4 Dhavhidhi akamutorera ngoro dzamabhiza chiuru, vachairi vengoro zviuru zvinomwe navarwi vaifamba netsoka zviuru makumi maviri. Akaremadza makumbo eshure amabhiza ose kusiya kwezana rimwe chete raikweva ngoro.

5 Zvino vaAramu veDhamasiko vakati vauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya zviuru makumi maviri nezviviri pakati pavo.

6 Akaisa mapoka avarwi munyika yava Arame yeDhamasiko, vaAramu vakava varanda vake vakabvisiswa mutero. Jehovha akaita kuti Dhavhidhi akunde kwose kwose kwaakaenda.

7 Dhavhidhi akatora nhoo dzegoridhe dzakanga dziri dzamakurukota aHadhadhezeri, akauya nadzo kuJerusarema.

8 Mambo Dhavhidhi akatora ndarira zhinji kwazvo kubva paTebha neBherotai, maguta akanga ari aHadhadhezeri.

9 Zvino Tou mambo weHamati akati anzwa kuti Dhavhidhi akanga akunda hondo yose yaHadhadhezeri,

10 akatuma mwanakomana wake Joramu kuna Mambo Dhavhidhi kundomukwazisa nokumukorokotedza pamusoro pokukunda kwaakanga aita Hadhadhezeri pakurwa, uye akanga amborwisana naTou. Joramu akauya nemidziyo yesirivha neyegoridhe neyendarira.

11 Mambo Dhavidhi akakumikidza midziyo iyi kuna Jehovha, sezvaakanga aita nesirivha negoridhe yakanga yabva kundudzi dzose dzaakanga akunda dzinoti:

12 Edhomu neMoabhu, vaAmoni navaFiristia, neAmareki. Akakumikidzazve zvaakanga apamba kubva kuna Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhi, mambo weZobha.

13 Uye Dhavhidhi akava nomukurumbira paakadzoka kundouraya gumi rezviuru nezviuru zvisere zvavaEdhomu paMupata weMunyu.

14 Akaisa mapoka avarwi munyika yose yeEdhomu, vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi. Jehovha akaita kuti Dhavhidhi akunde kwose kwaakaenda.

Makurukota aDhavhidhi

15 Dhavhidhi akabata ushe pamusoro peIsraeri yose, achiita zvakarurama nezvakanaka kuvanhu vose.

16 Joabhu mwanakomana waZeruya aiva mukuru wehondo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva muchengeti wemidziyo,

17 Zadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiatari vaiva vaprista; Seraya aiva munyori;

18 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutariri wavaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vapi vamazano vamambo.

2 Samueri 9

Dhavhidhi naMefibhosheti

1 Dhavhidhi akabvunza akati, “Ko, kuchine mumwe akasara here weimba yaSauro wandingaitira tsitsi nokuda kwaJonatani?”

2 Zvino kwakanga kuno muranda weimba yaSauro ainzi Zibha.

Vakamudana kuti auye kuna Dhavhidhi, mambo akati kwaari, “Ndiwe Zibha here?” Iye akapindura akati, “Ndini muranda wenyu.”

3 Mambo akabvunza akati, “Hakuna mumwe akasara weimba yaSauro wandingaratidza tsitsi dzaMwari here?”

Zibha akapindura mambo akati, “Kuchine mwanakomana waJonatani; akaremara makumbo ose.”

4 Mambo akabvunza akati, “Aripiko?”

Zibha akapindura akati, “Ari kuimba yaMakiri mwanakomana waAmieri kuRo Dhebhari.”

5 Saka Mambo Dhavhidhi akarayira kuti andotorwa kubva kuRo Dhebhari, pamba paMakiri mwanakomana waAmieri.

6 Zvino Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro akati asvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake kuti aratidze rukudzo.

Dhavhidhi akati, “Mefibhosheti!” Iye akapindura akati, “Ndini muranda wenyu.”

7 Dhavhidhi akati kwaari, “Usatya hako, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira tsitsi nokuda kwababa vako Jonatani. Ndichadzosera kwauri nyika yose yakanga iri yasekuru vako Sauro, uye uchadya patafura yangu nguva dzose.”

8 Mefibhosheti akakotamira pasi akati, “Muranda wenyu chiiko, zvamunorangarira imbwa yakafa yakaita seni?”

9 Ipapo mambo akadana Zibha, muranda waSauro, akati kwaari, “Ndapa muzukuru wavatenzi vako zvose zvakanga zviri zvaSauro nemhuri yake.

10 Iwe navana vako navaranda vako ndimi muchamurimira minda mugokohwa zvirimwa, kuti muzukuru wavatenzi vako awane zvokudya. Mefibhosheti, muzukuru wavatenzi vako, achadya patafura yangu nguva dzose.” Zvino Zibha aiva navanakomana gumi navashanu navaranda makumi maviri.

11 Ipapo Zibha akati kuna mambo, “Muranda wenyu achaita zvose zvamunomurayira kuti aite imi, ishe wangu namambo. Naizvozvo Mefibhosheti akadya patafura yaDhavhidhi somumwe wavanakomana vamambo.”

12 Mefibhosheti akanga ane mwanakomana mudiki ainzi Mika, uye vose veimba yaZibha vakanga vari varanda vaMefibhosheti.

13 Saka Mefibhosheti akagara muJerusarema nokuti aigara achidya patafura yamambo, uye akanga akaremara tsoka dzake dzose.

2 Samueri 10

Dhavhidhi anokunda VaAmoni

1 Nokufamba kwenguva mambo wavaAmoni akafa, mwanakomana wake Hanuni akamutevera paumambo.

2 Dhavhidhi akafunga kuti, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi tsitsi, sokundiitira tsitsi kwakaita baba vake.” Naizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kundobata Hanuni maoko pamusoro pababa vake.

Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika kunyika yavaAmoni,

3 machinda avaAmoni akati kuna Hanuni mambo wavo, “Munofunga here imi kuti Dhavhidhi ari kuremekedza baba venyu nokutumira kwaaita vanhu vake kuzochema nemi? Dhavhidhi haana kuvatuma here kuti vazoongorora guta nokurishora kuti vagoriparadza?”

4 Naizvozvo Hanuni akabata vanhu vaDhavhidhi, akavaveura rumwe rutivi rwendebvu, akacheka zvipfeko zvavo napakati kumagaro, ndokuvadzinga.

5 Zvino Dhavhidhi akati audzwa nezvazvo, akatuma nhume kundosangana navarume ava, nokuti vakanga vanyadziswa zvikuru. Mambo akati, “Chimbogarai henyu paJeriko kudzamara ndebvu dzenyu dzakura, mugozouya.”

6 Zvino vaAmoni pavakaziva kuti vakanga vonhuwa pamberi paDhavhidhi, vakatenga varwi vetsoka zviuru makumi maviri zvavaAramu kubva kuBheti Rehobhi neZobha, pamwe chete namambo weMaaka navarume chiuru chimwe, uye navarume zviuru gumi nezviviri vaibva kuTobhi.

7 Paakazvinzwa, Dhavhidhi akatumira Joabhu navarume vose veboka ravarwi.

8 VaAmoni vakabuda pasuo reguta ravo ndokubva vazvironga kuti varwe, uye vaAramu veZobha neRehobhi navarume veTobhi neveMaaka vakanga vari voga mubani.

9 Joabhu akaoona kuti akanga akombwa navarwi mberi neshure; naizvozvo akasarudza dzimwe mhare dzavaIsraeri ndokuvaendesa kundorwisa vaAramu.

10 Akaisa vamwe vose pasi paAbhishai mukoma wake ndokuvatuma kundorwisa vaAmoni.

11 Joabhu akati, “Kana vaAramu vakandikurira iwe wozouya kuzondinunura; asi kana vaAmoni vakakukurira ipapo ini ndichauya kuzokununura.

12 Iva nesimba tirwire vanhu vedu namaguta aMwari wedu takashinga. Jehovha achaita zvinomufadza.”

13 Zvino Joabhu navarwi vake vakaenda kundorwisa vaAramu, ivo vakatiza pamberi pake.

14 VaAmoni pavakaona vaAramu vachitiza, vakatiza pamberi paAbhishai, ndokupinda muguta. Saka Joabhu akadzoka kundorwisa vaAmoni akasvika kuJerusarema.

15 VaAramu vakati vaona kuti vakundwa navaIsraeri, vakaunganazve.

16 Hadhadhezari akakokera vaAramu kubva mhiri kwoRwizi; vakaenda kuHeramu vachitungamirirwa naShobhaki mutungamiri wehondo yaHadhadhezari.

17 Dhavhidhi akati azvinzwa, akaunganidza vaIsraeri vose, vakayambuka Jorodhani uye vakaenda kuHeramu. VaAramu vakazvigadzirira kuti vasangane naDhavhidhi uye vakarwa naye.

18 Asi vakatiza pamberi pavaIsraeri, Dhavhidhi akauraya mazana manomwe avachairi vengoro dzamabhiza nezviuru makumi mana zvavarwi vetsoka. Akabaya Shobhaki mutungamiri wehondo yavo, akafira ipapo.

19 Madzimambo ose akanga ari varanda vaHadhadhezari akati aona kuti akundwa navaIsraeri, akayanana navaIsraeri uye akava pasi pavo. Saka vaAramu vakatya kubatsira vaAmoni zvakare.

2 Samueri 11

Dhavhidhi naBhatishebha

1 Munguva yechirimo, madzimambo paanoenda kundorwa, Dhavhidhi akatuma Joabhu navaranda vamambo nehondo yose yeIsraeri. Vakandoparadza vaAmoni uye vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi akasara muJerusarema.

2 Zvino rimwe zuva madekwana Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake akafamba pamusoro pedenga romuzinda. Aripo padenga akaona mukadzi aishamba. Mukadzi uyu akanga akanaka kwazvo,

3 uye Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza nezvomukadzi uyu. Murume akatumwa akati, “Ko, uyu haasi Bhatishebha here mwanasikana waEriamu mukadzi waUria muHiti?”

4 Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora. Akauya kwaari, iye akarara naye; nokuti akanga azvinatsa pakusachena kwake. Ipapo akadzokera kumba kwake.

5 Mukadzi uyu akabata pamuviri ndokubva atuma shoko kuna Dhavhidhi achiti, “Ndava nemimba.”

6 Saka Dhavhidhi akatuma shoko kuna Joabhu akati, “Nditumire Uria muHiti.” Saka Joabhu akamutumira kuna Dhavhidhi.

7 Uria akati asvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti Joabhu aiva akadini hake, zvose navarwi uye kuti hondo yaifamba sei.

8 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Uria, “Enda hako kuimba yako unoshamba tsoka dzako.” Naizvozvo Uria akabva pamuzinda wamambo, uye achangoenda, mambo akamutumira chipo.

9 Asi Uria akarara pasuo romuzinda navaranda vose vatenzi wake akasaenda kumba kwake.

10 Zvino Dhavhidhi paakaudzwa kuti, “Uria haana kuenda kumba kwake,” akamubvunza akati, “Hauna kubva parwendo here? Sei usina kuenda kumba kwako?”

11 Uria akati kuna Dhavhidhi, “Areka navaIsraeri pamwe chete navaJudha vagere mumatende, uye tenzi wangu Joabhu navanhu vaishe wangu vari mumisasa kusango. Ko, ini ndaigozoenda sei kumba kwangu kuti ndidye ndichinwa nokurara nomudzimai wangu? Zvirokwazvo noupenyu hwenyu, handingaiti chinhu chakadaro!”

12 Ipapo Dhavhidhi akati kwaari, “Chigara hako pano kwezuva rimwe chete, mangwana ndigokutendera hangu kuti udzokere.” Naizvozvo Uria akagara muJerusarema zuva iroro neraitevera.

13 Akakokwa naDhavhidhi, akadya nokunwa naye, uye Dhavhidhi akaita kuti adhakwe. Asi ava madekwana Uria akabuda akandovata panhoo yake pamwe chete navaranda vatenzi wake; haana kuenda kumba kwake.

14 Chifumi chamangwana Dhavhidhi akanyora tsamba kuna Joabhu akaituma naUria.

15 Akanyora mairi achiti, “Isa Uria pamberi paya panorwiwa zvinotyisa zvikuru. Ipapo iwe umusiye ari oga kuti abayiwe afe.”

16 Saka Joabhu paakanga akakomba guta, akaisa Uria panzvimbo yaaiziva kuti ndipo paiva navarume voumhare.

17 Varume veguta pavakabuda vakarwa naJoabhu, vamwe vevarume vehondo yaDhavhidhi vakakundwa; uye Uria muHiti akafawo.

18 Joabhu akatumira Dhavhidhi mashoko amafambiro akanga aita hondo.

19 Akarayira nhume achiti, “Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mafambiro aita hondo,

20 hasha dzamambo dzingakwira, uye angangokubvunza achiti, ‘Ko, sei maswedera pedyo zvakadaro neguta muchirwa? Manga musingazivi here kuti vaizokupfurai nemiseve vari parusvingo?

21 Ndianiko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhi-Bhesheti? Haasi munhukadzi here akakanda guyo pamusoro pake richibva parusvingo, zvokuti akafira paTebhezi? Sei maswedera pedyo norusvingo?’ Kana akakubvunza izvi, ipapo uti kwaari, ‘Muranda wenyu Uria muHiti afawo.’ ”

22 Nhume yakaenda, uye yakati yasvika, yakaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yarayirwa naJoabhu.

23 Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Varume avo vatikurira vakatibudira pachena, asi isu tavasairira kusvikira vasvika pasuo reguta.

24 Ipapo vapfuri vapfura varanda venyu vari parusvingo, uye vamwe vavaranda vamambo vafa. Uyewo, muranda wenyu Uria muHiti afa.”

25 Dhavhidhi akarayira nhume achiti, “Uti kuna Joabhu, ‘Izvi ngazvirege kukushungurudza; munondo haubayi rutivi rumwe asi nokunouyawo wabaya. Ramba uchirwisa guta uriparadze.’ Taura izvi kuna Joabhu kuti umukurudzire.”

26 Zvino mukadzi waUria paakanzwa kuti murume wake akanga afa, akamuchema.

27 Zvino mazuva okuchema akati apera, Dhavhidhi akamuuyisa kumba kwake, akava mukadzi wake, uye akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi chakaitwa naDhavhidhi hachina kufadza Jehovha.

2 Samueri 12

Natani anotsiura Dhavhidhi

1 Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Paakasvika kwaari, akataura akati, “Pakanga pana varume vaviri mune rimwe guta, mumwe akanga akapfuma mumwe ari murombo.

2 Mupfumi uyu akanga ana makwai mazhinji kwazvo uye nemombe zhinji,

3 asi murombo akanga asina chinhu kusara kwegwayana rimwe chete raakanga atenga. Akarirera, rikakura naye navana vake. Raidya pamwe chete naye, richinwira pamukombe waayinwira, uye richirara pamaoko ake. Rakanga rakaita somwanasikana kwaari.

4 “Zvino muenzi aipfuura hake akasvika kumupfumi uya, asi mupfumi uyu haana kuda kubata rimwe ramakwai ake kana mombe kuti agadzirire zvokudya mupfuuri uyu akanga asvika kwaari. Asi iye akatora gwayana romurombo akarigadzirira uya akanga asvika kwaari.”

5 Dhavhidhi akatsamwira munhu uyu zvikuru kwazvo akati kuna Natani, “Chokwadi naJehovha mupenyu, munhu akaita zvinhu zvakadai anofanira kufa!

6 Anofanira kuripira gwayana iri kakapetwa runa pamusoro, nokuti akaita zvinhu zvakadai uye akasava netsitsi.”

7 Ipapo Natani akati kuna Dhavhidhi, “Ndimi munhu uyo! Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri, ‘Ndakakuzodza kuti uve mambo weIsraeri, uye ndakakununura kubva paruoko rwaSauro.

8 Ndakapa kwauri imba yatenzi wako, uye vakadzi vatenzi wako ndakavaisa mumaoko ako. Ndakakupa imba yaIsraeri neyaJudha. Uye dai zvose izvi zvakava zvishoma, ndaidai ndakakupa zvimwezve.

9 Ko, wakazvidzirei shoko raJehovha nokuita zvisakarurama pamberi pake? Wakauraya Uria muHiti nomunondo uye ukatora mukadzi wake ukamuita wako. Wakamuuraya nomunondo wavaAmoni.

10 Naizvozvo, munondo hauchazobvi mumba mako, nokuti wakandizvidza uye ukatora mukadzi waUria muHiti kuti ave wako.’

11 “Zvanzi naJehovha, ‘Kubva mumba mako chaimo ndichauyisa njodzi pamusoro pako. Ndichatora vakadzi vako iwe wakatarira ndigovapa kuno mumwe ari pedyo newe, uye acharara navo masikati machena.

12 Iwe wakaita muchivande, asi ini ndichazviita masikati machena pamberi peIsraeri yose.’ ”

13 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Natani, “Ndakatadzira Jehovha.” Natani akapindura akati, “Jehovha akuregerera chitadzo chako. Haungafi hako kwete.

14 Asi nokuda kwokuti waita izvi, waita kuti vavengi vaJehovha vamuzvidze kwazvo, mwanakomana uyu wauchaberekerwa achafa.”

15 Mushure mokunge Natani adzokera kumba, Jehovha akarova mwana akaberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUria, akabva arwara.

16 Dhavhidhi akanyengeterera mwana kuna Mwari. Akatsanya uye akapinda mumba make akapedza usiku nousiku akarara pasi.

17 Vakuru veimba yake vakamira paakanga ari, vachida kuti amuke pasi paakanga ari, asi iye akaramba, uye haana kuda kuti adye navo.

18 Pazuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana akanga afa, nokuti vakafunga kuti, “Apo mwana paakanga achiri mupenyu, takataura naDhavhidhi asi haana kuda kutiteerera. Zvino tichamuudza sei kuti mwana afa? Achazvikuvadza zvikada.”

19 Dhavhidhi akaona kuti varanda vake vakanga vachizevezerana ndokubva aziva kuti mwana akanga afa. Akabvunza akati, “Mwana afa kanhi?” Vakapindura vakati, “Hongu afa.”

20 Ipapo Dhavhidhi akamuka pasi paakanga ari. Mushure mokunge ashamba, akazora mafuta, uye akapfeka zvimwe zvipfeko, akapinda mumba maJehovha akanamata. Ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya vakamupa, akadya.

21 Varanda vake vakamubvunza vakati, “Ko, muri kuitirei zvinhu zvakadai? Mwana paakanga achiri mupenyu makatsanya uye mukachema, asi zvino mwana afa, momuka modya!”

22 Iye akapindura akati, “Apo mwana paakanga achiri mupenyu, ndakatsanya uye ndikachema. Ndaifunga kuti, ‘Ndiani anoziva? Zvimwe Jehovha angandinzwira nyasha akaita kuti mwana ararame.’

23 Asi zvino zvaafa, ndichatsanyireiko? Ko, ndingamudzosazve here? Ini ndichaenda kwaari, asi iye haangadzoki kwandiri.”

24 Zvino Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, uye akaenda kwaari akandorara naye. Akabereka mwanakomana, vakamutumidza kuti Soromoni. Jehovha akamuda;

25 uye nokuti Jehovha akamuda, akatuma shoko nokuna Natani muprofita kuti amutumidze kuti Jedhidhia.

26 Zvino Joabhu akandorwa naRabha wavaAmoni uye akatora nhare yamambo.

27 Ipapo Joabhu akatuma nhume kuna Dhavhidhi, achiti, “Ndarwisa Rabha uye ndikatora nzvimbo inobva mvura yeguta iri.

28 Naizvozvo unganidzai varwi vose mukombe guta mugorikunda. Zvikasadaro ini ndichatora guta, uye rinozotumidzwa zita rangu.”

29 Naizvozvo Dhavhidhi akaunganidza hondo yose ndokubva aenda kuRabha, akandorirwisa akaritora.

30 Akabvisa korona pamusoro wamambo wavo, kurema kwayo kwaisvika tarenda rimwe chetea uye yakanga yakanamirwa mabwe anokosha, uye yakaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvinhu zvizhinji kwazvo kubva muguta iri

31 uye akabudisa vanhu vakanga varimo, akavapa basa ravaishanda namajeko, mapiki namatemo, uye akavapa basa rokukanya zvidhina. Akaita izvi kumaguta ose avaAmoni. Ipapo Dhavhidhi nehondo yose vakadzokera kuJerusarema.