2 Samueri 13

Amunoni naTamari

1 Munguva iyoyo, Amunoni mwanakomana waDhavhidhi akachiva Tamari, hanzvadzi yaAbhusaromu mwanakomana waDhavhidhi yakanga yakanaka kwazvo.

2 Amunoni akatambudzika kusvikira pakurwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake, nokuti hazvaigona kuti amuite chimwe chinhu.

3 Zvino Amunoni aiva neshamwari yake yainzi Jonadhabhu mwanakomana waShimea, mukoma waDhavhidhi. Jonadhabhu akanga ari munhu aiva namano.

4 Akabvunza Amunoni akati, “Seiko, iwe mwanakomana wamambo, uchipunyaira mangwanani oga oga? Haungandiudzewo here?” Amunoni akati kwaari, “Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunun’una wangu Abhusaromu.”

5 Jonadhabhu akati, “Enda unorara unyepedzere kurwara. Zvino kana baba vako vauya kuzokuona, uti kwavari, ‘Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye andipe zvokudya. Ndinoda kuti agadzire zvokudya ini ndichiona kuti ndimuone uye ipapo ndigodya zvichibva mumaoko ake.’ ”

6 Saka Amunoni akavata pasi akanyepedzera kurwara. Zvino mambo paakauya kuzomuona, Amunoni akati kwaari, “Ndinokumbira kuti Tamari hanzvadzi yangu auye andibikire chingwa chakaisvonaka ndichiona, kuti ndigodya zvichibva mumaoko ake.”

7 Dhavhidhi akatumira shoko kuna Tamari kumba kwamambo akati, “Enda kumba kwehanzvadzi yako Amunoni umugadzirire zvokudya.”

8 Zvino Tamari akaenda kumba kwaAmunoni hanzvadzi yake, uyo akanga akarara pasi. Akatora mukanyiwa, akakanya, akaumba chingwa uye akachibika iye achiona.

9 Akatora pani ndokumupa chingwa, asi iye akaramba kudya. Amunoni akati, “Vanhu vose ngavabude muno.” Saka vanhu vose vakabuda.

10 Amunoni ndokubva ati kuna Tamari, “Uya nezvokudya muno mumba mangu mokurara ndidye zvichibva muruoko rwako.” Zvino Tamari akatora chingwa chaakanga abika akaenda nacho mumba yokurara yehanzvadzi yake Amunoni.

11 Asi akati achimupa kuti adye, iye akamubata akati, “Uya urare neni, hanzvadzi yangu.”

12 Iye akati kwaari, “Kwete, hanzvadzi yangu! Usandichinya. Chinhu chakadai hachifaniri kuitwa muIsraeri! Usaita chinhu chakaipa zvakadai.

13 Ko, ini ndichavei? Uchava somumwe wamapenzi akaipa muIsraeri. Ndapota, taura namambo; haangamborambi kuti ndiroorwe newe.”

14 Asi iye akaramba kumuteerera, uye nokuti akanga ane simba kumudarika, akamubata chibharo.

15 Ipapo Amunoni akabva amuvenga nokuvenga kukuru kwazvo, akamuvenga kupfuura kumuda kwaaiva ambomuita. Amunoni akati kwaari, “Muka uende!”

16 Iye akati kwaari, “Kwete! Kundidzinga muno kwakashata kudarika zvawatondiita nechakare.” Asi iye akaramba kumuteerera.

17 Akadana muranda wake akati kwaari, “Dzinga mukadzi uyu abve muno uye ukiye mukova kana achinge abuda.”

18 Ipapo muranda wake akumubudisa panze akakiya mukova shure kwake. Akanga akapfeka nguo yaikosha zvikuru yaipenya, nokuti ndidzo nguo dzaipfekwa navanasikana vamambo vaiva mhandara.

19 Tamari akazvizodza madota akabvarura nguo inokosha yaakanga akapfeka. Akabata musoro wake ndokuenda achichema zvikuru.

20 Hanzvadzi yake Abhusaromu akati kwaari, “Ko, ndiAmunoni, hanzvadzi yako, anga anewe here? Chinyarara zvako, hanzvadzi; iye ihanzvadzi yako. Usanyanyozvidya mwoyo nazvo.” Uye Tamari akagara mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake, akava mukadzi akasurukirwa.

21 Zvino mambo Dhavhidhi akati anzwa zvose izvi, akatsamwa kwazvo.

22 Abhusaromu haana kana kumbotaura shoko kuna Amunoni, rakanaka kana rakaipa; akavenga Amunoni nokuti akanga akanyadzisa hanzvadzi yake Tamari.

Abhusaromu anouraya Amunoni

23 Mushure mamakore maviri; vavevuri vamakwai aAbhusaromu pavakanga vari paBhaari Hazori pedyo nomuganhu weEfuremu, akakoka vanakomana vose vamambo kuti vauye ikoko.

24 Abhusaromu akaenda kuna mambo akandoti, “Muranda wenyu aita kuti vavevuri vauye. Ndapota, ko, mambo namakurukota ake haangauyi kuzova neni here?”

25 Mambo akapindura akati, “Kwete, mwanakomana wangu. Hatifaniri kuenda tose; tingazova mutoro kwauri.” Kunyange zvazvo akamugombedzera, akaramba kuenda, asi akamuropafadza.

26 Ipapo Abhusaromu akati, “Kana zvisingaiti, chitenderai henyu munun’una wangu Amunoni kuti aende nesu.” Mambo akamubvunza akati, “Ko, iye anoendereiko, nemi?”

27 Asi Abhusaromu akavanyengetedza, saka akazotendera Amunoni navanakomana vose vamambo kuti vaende navo.

28 Abhusaromu akarayira vanhu vake akati, “Teererai! Kana Amunoni anwa waini zvokuti haachabviri nokufara uye ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amunoni,’ ibvai mamuuraya. Musatya. Handizini ndakurayirai here? Simbai mutsunge mwoyo.”

29 Saka vanhu vaAbhusaromu vakaita kuna Amunoni sokurayirwa kwavakanga vaitwa naAbhusaromu. Ipapo vana vose vamambo vakasimuka, vakatasva manyurusi avo vakatiza.

30 Vachiri munzira kudaro, shoko rakasvika kuna Dhavhidhi richiti, “Abhusaromu auraya vanakomana vose vamambo; hapana kana mumwe zvake asara.”

31 Mambo akasimuka, akabvarura nguo dzake akazvambarara pasi; ipapo varanda vake vose vakauya vaine nguo dzakabvaruka vakamira paari.

32 Asi Jonadhabhu mwanakomana waShimea, mukoma waDhavhidhi, akati, “Ishe wangu ngaarege kufunga kuti vauraya machinda ake ose; Amunoni oga ndiye afa. Izvi zvakagara zviri muurongwa hwaAbhusaromu kubvira musi wakabatwa chibharo hanzvadzi yake Tamari naAmunoni.

33 Naizvozvo zvino Ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya mwoyo neshoko rokuti vanakomana vose vamambo vafa. Amunoni oga ndiye afa.”

34 Panguva iyoyo, Abhusaromu akatiza. Zvino murume akanga amire akarinda akatarira kumusoro akaona vanhu vazhinji mumugwagwa nechokumavirirazuva kwake, vachiburuka norutivi rwegomo. Nharirire iyi yakaenda ikandoudza mambo kuti, “Ndiri kuona varume kunzira yeHoronaimu, kurutivi rwegomo.”

35 Jonadhabhu akati kuna Mambo, “Tarirai, vanakomana vamambo vasvika; zvaitika sokutaura kwomuranda wenyu.”

36 Akati achipedza kutaura, vanakomana vamambo vakabva vapinda, vachiungudza zvikuru. Zvino mambo pamwe chete navaranda vake vakachema neshungu kwazvo.

37 Abhusaromu akatiza akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihudhi, mambo weGeshuri. Asi mambo Dhavhidhi akachema pamusoro pomwanakomana wake mazuva ose.

38 Mushure mokunge Abhusaromu atiza akaenda kuGeshuri, akandogarako kwamakore matatu.

39 Uye mweya wamambo wakashuva kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti zvino akanga anyaradzwa pamusoro porufu rwaAmunoni.

2 Samueri 14

Abhusaromu anodzokera kuJerusarema

1 Zvino Joabhu mwanakoma waZeruya akaziva kuti mwoyo wamambo wakanga woshuva Abhusaromu.

2 Saka Joabhu akatuma munhu kuTekoa kuti andouya nomukadzi akanga akachenjera kubva ikoko. Akati kwaari, “Ita somunhu ari pakuchema. Upfeke nguo dzokuchema uye usazvizora mafuta. Uite somukadzi ava namazuva akawanda ari pakuchema vakafa.

3 Ipapo ugoenda kuna mambo undotaura mashoko aya kwaari.” Uye Joabhu akaisa mashoko mumuromo make.

4 Mukadzi akabva kuTekoa akati asvika kuna mambo, akawira pasi nechiso chake, kuri kupa rukudzo, akati, “Ndibatsireiwo, nhai mambo!”

5 Mambo akamubvunza akati, “Watambudzwa neiko?” Iye akati, “Zvirokwazvo ndiri chirikadzi; murume wangu akafa.

6 Zvino ini muranda wenyu ndakanga ndina vanakomana vaviri. Vakarwa vari vaviri musango, uye hapana aivapo kuti avarandutsire. Mumwe akarova mumwe uye akamuuraya.

7 Zvino mhuri yose yamukira murandakadzi wenyu. Vari kuti, ‘Tipei uyo akauraya munun’una wake, kuti timuuraye nokuda kwoupenyu hwomunun’una wake, kuti timuuraye nokuda kwoupenyu hwomunun’una wake waakauraya; kunyange tichizobvisa mudyi wenhaka zvakare.’ Saka vachadzima zimbe rangu rimwe ranga rasara, vakasasiyira murume wangu zita kana rudzi panyika.”

8 Mambo akati kumukadzi, “Enda hako kumba kwako, ini ndicharayira shoko pamusoro pako.”

9 Asi mukadzi weTekoa akati kwaari, “Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, uye mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva.”

10 Mambo akapindura akati, “Kana munhu akataura chinhu kwauri, uya naye kwandiri, haangozokunetsizve.”

11 Iye akati, “Naizvozvo mambo ngaataure naIshe Mwari wake kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, kuti mwanakomana wangu arege kuparadzwa.” Mambo akati, “NaJehovha mupenyu, hapana ruvhudzi rumwe rwomwanakomana wako ruchawira pasi.”

12 Ipapo mukadzi uya akati, “Tenderai muranda wenyu kuti ataure shoko kuna ishe mambo wangu.” Iye akati, “Taura hako.”

13 Mukadzi uya ndokuti, “Zvino seiko makarongera vanhu vaMwari zvakadai? Kana mambo vachitaura zvakadai, havazi kuzvipa mhosva here, nokuti mambo havana kudzosa mwanakomana uya akambenge adzingwa.

14 Semvura yadeukira pasi, isingazogoni kudyorerwa, saizvozvo tinofanira kufa. Asi Mwari haaurayi munhu; pachinzvimbo chaizvozvo anotoronga zano rokuti akadzingwa arege kuraswa zvachose naye.

15 “Zvino ini ndauya kuzotaura izvi kuna ishe mambo wangu nokuti vanhu vandityisidzira. Murandakadzi wenyu akafunga akati, ‘Rega ndinotaura namambo zvimwe vangaitira muranda wavo zvaanokumbira.

16 Zvimwe mambo vangabvuma kurwira murandakadzi wavo kubva paruoko rwomunhu anotsvaka kuparadza zvose ini nomwanakomana wangu kuti tirege kugara nhaka yatakapiwa naMwari.’

17 “Zvino murandakadzi wenyu anoti, ‘Ndinokumbira kuti shoko rashe mambo wangu rindinyaradze, nokuti ishe wangu mambo akafanana nomutumwa waMwari pakuziva zvakanaka nezvakaipa. Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi.’ ”

18 Ipapo mambo akati kumukadzi, “Usandivanzira hako shoko randichakubvunza.”

Mukadzi akati, “Ishe mambo wangu ngavataure havo.”

19 Mambo akabvunza akati, “Ko, ruoko rwaJoabhu harusi kubatsirana newe pazvinhu zvose izvi here?”

Mukadzi akapindura akati, “Noupenyu hwenyu, ishe wangu mambo, hapana munhu angatendeukira kurudyi kana kuruboshwe kubva pane zvinenge zvataurwa nashe mambo wangu. Ichokwadi, muranda wenyu Joabhu ndiye andirayira kuti ndiite izvi uye ndiye aisa mashoko ose aya mumuromo womurandakadzi wenyu.

20 Muranda wenyu Joabhu akaita izvi kuti ashandure mamiriro ezvinhu. Ishe wangu ano uchenjeri sohwomutumwa waMwari, anoziva zvose zvinoitika panyika.”

21 Mambo akati kuna Joabhu, “Zvakanaka chose, ndichaita saizvozvo. Chienda, unouya nejaya Abhusaromu.”

22 Joabhu akawira pasi nechiso chake achipa rukudzo, uye akaropafadza mambo. Joabhu akati, “Nhasi muranda wenyu aziva kuti awana nyasha pamberi penyu, ishe wangu mambo, nokuti mambo aita zvandakumbira ini muranda wake.”

23 Saka Joabhu akaenda kuGeshuri akandouya naAbhusaromu kuJerusarema.

24 Asi mambo akati, “Anofanira kuenda kuimba yake; haafaniri kuona chiso changu.” Saka Abhusaromu akaenda kumba kwake akasaona chiso chamambo.

25 MuIsraeri mose makanga musina murume airumbidzwa navanhu nokuda kworunako rwake saAbhusaromu. Kubva kumusoro wake kusvikira kutsoka dzake pakanga pasina panonzi apa pakaipa.

26 Pose paaigurira bvudzi rake, aigurira bvudzi rake nguva nenguva parainge rava kumuremera, airiyera, uye uremo hwaro hwaisvika mashekeri mazana maviria kana zvichierwa nechiereso chamambo.

27 Abhusaromu akaberekerwa vanakomana vatatu nomwanasikana mumwe chete. Zita romwanasikana rainzi Tamari, uye akanga ari mukadzi akanaka pachiso.

28 Abhusaromu akagara kwamakore maviri muJerusarema asina kumboona chiso chamambo.

29 Ipapo Abhusaromu akadana Joabhu kuti amutume kuna mambo, asi akaramba kuenda kwaari. Saka akatumazve shoko kechipiri, asi akaramba kuuya.

30 Ipapo akati kumuranda wake, “Onaka, munda waJoabhu wakaganhurana nowangu, uye ane bhari imomo. Enda unopisa.” Naizvozvo varanda vaAbhusaromu vakapisa munda.

31 Ipapo Joabhu akaenda kumba kwaAbhusaromu akandoti kwaari, “Ko, varanda vako vapisirei munda wangu?”

32 Abhusaromu akati kuna Joabhu, “Tarira ndatuma shoko kwauri ndikati, ‘Uya kuno kuti ndikutume kuna mambo unobvunza kuti, “Ko, zvino ndakabvirei hangu kuGeshuri?”’ Zvingadai zviri nani dai ndanga ndichiriko zvangu! Naizvozvo, ndinoda kuona chiso chamambo, uye kana ndine mhosva yechimwe chinhu, ngavandiuraye havo.”

33 Saka Joabhu akaenda kuna mambo akandotaura saizvozvo. Ipapo mambo akadana Abhusaromu, uye akauya akasvikokotamisa uso hwake pasi pamberi pamambo. Uye Mambo akatsvoda Abhusaromu.

2 Samueri 15

Abhusaromu anomukira

1 Mushure mechinguva, Abhusaromu akazvigadzirira ngoro yamabhiza navarume makumi mashanu kuti vamhanye mberi kwake.

2 Aimuka mangwanani achindomira parutivi rwenzira yainanga pasuo reguta. Paiti kana munhu akauya kuna mambo kuzotambirwa mhosva yake, Abhusaromu aimudana oti kwaari, “Ko, iwe uri weguta ripi?” Iye aipindura achiti, “Muranda wenyu anobva kuno rumwe rwamarudzi avaIsraeri.”

3 Ipapo Abhusaromu aizoti kwaari, “Tarira, mashoko ako akanaka uye ndeechokwadi, asi hapana mumiririri wamambo anganzwe nyaya yako.”

4 Uye Abhusaromu aizoti, “Dai vaindiita zvavo mutongi munyika muno! Zvaizoti munhu wose anenge ane chichemo kana nyaya aizouya kwandiri uye ndaizoona kuti aitirwa zvakarurama.”

5 Zvaizotizve, kana munhu akaswedera kwaari akamupfugamira, Abhusaromu aimutambanudzira ruoko rwake, omubata uye omutsvoda.

6 Abhusaromu aiitira izvi kuvaIsraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo, nokudaro akaita kuti varume vose vomuIsraeri vamude.

7 Mushure mamakore mana, Abhusaromu akati kuna mambo, “Nditenderei kuti ndiende kuHebhuroni ndinozadzisa mhiko yandakaita kuna Jehovha.

8 Muranda wenyu paakanga achigara paGeshuri muAramu, ndakaita mhiko iyi, ‘Kana Jehovha akandidzosera kuJerusarema, ndichamunamata ndiri muHebhuroni.’ ”

9 Mambo akati kwaari, “Enda norugare.” Iye akabva aenda kuHebhuroni.

10 Ipapo Abhusaromu akatuma nhume muchivande kumarudzi ose avaIsraeri kundoti kwavari, “Kana muchinge manzwa hwamanda yarira, ipapo daidzirai muchiti, ‘Abhusaromu ava mambo muHebhuroni.’ ” Varume mazana maviri vokuJerusarema vakanga vaperekedza Abhusaromu.

11 Vakanga vakokwa uye vakangoendawo vasina zvavaiziva, vasina zvavaiziva pamusoro pezvakanga zvarongwa.

12 Abhusaromu paakanga achipa zvipiriso akadanawo Ahitoperi muGironi, gurukota raDhavhidhi, kuti auye kubva kuGiro, guta raaigara. Ipapo urongwa hwokumukira mambo hwakabva hwasimba, uye vanhu vakatevera Abhusaromu vakaramba vachiwanda.

Dhavhidhi anotiza

13 Nhume yakauya uye ikaudza Dhavhidhi kuti, “Varume veIsraeri vatorwa mwoyo naAbhusaromu.”

14 Ipapo Dhavhidhi akati kumakurukota ake ose aiva naye muJerusarema, “Uyai! Ngatitizei, zvikasadaro tose hapana angapunyuka kubva kuna Abhusaromu. Tinofanira kubva pano izvozvi, kana tikasadaro angatibata akatiparadza uye akarwisa guta nomunondo.”

15 Makurukota amambo akapindura akati, “Varanda venyu vakazvipira kuita chipi nechipi chinenge chasarudzwa naishe mambo wedu.”

16 Mambo akaenda, imba yake vose vachimutevera; asi akasiya varongo vake gumi kuti vachengete muzinda wamambo.

17 Saka mambo akabuda akaenda, vanhu vose vakamutevera, uye vakandomira pane imwe nzvimbo yaiva chinhambwe.

18 Vanhu vake vose vakapfuura pamberi pake, pamwe chete navaKereti navaPereti vose, uye namazana matanhatu ose avaGiti avo vakanga vabva naye kuGati, vakafamba vachipfuura napamberi pamambo.

19 Mambo akati kuna Itai muGiti, “Ko, wauyireiwo nesu? Dzokera unogara naMambo Abhusaromu. Uri mutorwa iwe, wakadzingwa kumusha kwako.

20 Wakauya nezuro chaiye, zvino nhasi ndingaita kuti udzungaire nesu here, uye ini ndisingazivi chaiko kwandinoenda? Dzokera, uye tora hama dzako dzose. Ngoni nokutendeka ngazvive newe.”

21 Asi Itai akapindura mambo akati, “Ndinopika naJehovha mupenyu, uye ndinopika naishe wangu mambo mupenyu, pana ishe wangu mambo, kunyange zvikareva upenyu kana kufa, ipapo muranda wenyu ndipo paachava.”

22 Dhavhidhi akati kuna Itai, “Enda hako, famba.” Nokudaro Itai muGiti navanhu vake nemhuri dzose dzaiva naye vakafamba vachienda mberi.

23 Nyika yose yakachema kwazvo apo vanhu vose vakanga vachipfuura. Namambowo akayambuka mupata weKidhironi, uye vanhu vose vakafamba vakananga kurenje.

24 Zadhoki akanga aripowo, uye vaRevhi vose vakanga vanaye vakanga vakatakura areka yesungano yaMwari. Vakagadzika areka yaMwari pasi, Abhiatari akapa zvipiriso kusvikira vanhu vose vabuda muguta.

25 Ipapo mambo akati kuna Zadhoki, “Dzosera areka yaMwari muguta. Kana ndikawana nyasha pamberi paJehovha, achandidzosa uye achaita kuti ndione zvakare panzvimbo paanogara.

26 Asi kana iye akati, ‘Handifadzwi newe,’ zvose ndakazvigadzirira; ngaandiitire hake zvaanenge achida.”

27 Mambo akatizve kuna Zadhoki muprista, “Ko, hauzi muoni here? Dzokera muguta norugare, nomwanakomana wako Ahimaazi naJonatani mwanakomana waAbhiatari. Iwe naAbhiatari, endai navanakomana venyu.

28 Ini ndichandomira pamazambuko erenje kusvikira shoko rasvika kwandiri kubva kwamuri.”

29 Ipapo Zadhoki naAbhiatari vakatora areka yaMwari vakadzokera kuJerusarema vakandogarako.

30 Asi Dhavhidhi akaramba achikwira Gomo reMiorivhi, akaenda achichema: aiva akafukidza musoro wake asina shangu. Vanhu vose naivowo vakanga vakafukidza misoro yavo vachichema vachikwidza.

31 Zvino Dhavhidhi akaudzwa kuti, “Ahitoferi ndiye mumwe wavapanduki vana Abhusaromu.” Saka Dhavhidhi akanamata achiti, “Haiwa Jehovha, shandurai henyu mazano aAhitoferi kuti ave upenzi.”

32 Dhavhidhi paakasvika pamusoro, vanhu pavaisinamata Mwari vari, Hushai muAriki akanga akamumirira, nguo yake yakabvaruka uye ane guruva mumusoro.

33 Dhavhidhi akati kwaari, “Kana iwe ukaenda neni, uchava mutoro kwandiri.

34 Asi kana ukadzokera kuguta ukandoti kuna Abhusaromu, ‘Ini ndichava muranda wenyu, imi mambo; ndaiva muranda wababa venyu kare, asi zvino ndichava muranda wenyu,’ ipapo ungandibatsira kuti ukanganise zano raAhitoferi.

35 Vaprista Zadhoki naAbhiatari vanenge vasiri pamwe chete newe here? Iwe uvaudze zvose zvaunenge uchinzwa zvichirongwa mumuzinda wamambo.

36 Vana vavo vaviri, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki naJonatani mwanakomana waAbhiatari, varikowo. Uvatume kwandiri nezvose zvaunenge wanzwa.”

37 Saka shamwari yaDhavhidhi, Hushai, akasvika kuJerusarema Abhusaromu paakanga achipinda muguta.

2 Samueri 16

Dhavhidhi naZibha

1 Dhavhidhi akati afamba chinhambwe chiduku pamusoro pegomo, akaona Zibha, muranda waMefibhosheti akamumirira. Akanga ane mbongoro mbiri dzakanga dzakatakudzwa mazana maviri ezvingwa, nezana ramakeke amaonde nedende rewaini.

2 Mambo akabvunza Zibha akati, “Ko, wauyirei nezvinhu izvi?” Zibha akapindura akati, “Mbongoro ndedzeveimba yamambo kuti vatasve, zvingwa nemichero ndezvavarume kuti vadye, uye waini ndeyokupedza nyota yeavo vanga vaneta nokuda kwerenje.”

3 Mambo akabvunza akati, “Ko, muzukuru watenzi wako aripi?” Zibha akati kwaari, “Ari kugara muJerusarema, nokuti anoti iye, ‘Nhasi veimba yaIsraeri vachandidzorera umambo hwasekuru vangu.’ ”

4 Ipapo mambo akati kuna Zibha, “Tarira zvose zvanga zviri zvaMefibhosheti zvava zvako.” Zibha akati, “Ndinozvideredza. Dai ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu mambo.”

Shimei anotuka Dhavhidhi

5 Mambo Dhavhidhi paakanga ava kusvika kuBhahurimi, mumwe murume aibva kurudzi rumwe chete nemhuri yaSauro akabudamo. Zita rake ainzi Shimei mwanakomana waGera, uye aituka paaibuda.

6 Akapotsera mabwe kuna Dhavhidhi namakurukota ose amambo, kunyange zvazvo varwi vose navachengeti vake vakanga vari kurudyi nokuruboshe rwake.

7 Shimei akatuka achiti, “Ibva kuno, ibva kuno, iwe munhu weropa, munhu akaipa!

8 Jehovha akuripira ropa rose rawakadeura muimba yaSauro, uyo wawakatorera chigaro chokutonga. Jehovha apa ushe kumwanakomana wako Abhusaromu. Wasvika pakuparara nokuti uri munhu weropa!”

9 Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, “Ko, iyi imbwa yakafa ingatukirei ishe mambo wangu? Regai ndiende ndinodimura musoro wake.”

10 Asi mambo akati, “Ko, ini nemi takafanana pakudini, imi vanakomana vaZeruya? Ko, kana achituka nokuti Jehovha ati kwaari, ‘Tuka Dhavhidhi,’ ndiani angati, ‘Ko, unoitirei izvi?’ ”

11 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhishai namakorokota ake ose, “Mwana wangu, anova wenyama yangu chaiyo, ari kuda kundiuraya. Ko, kuzoti uyu zvake, muBhenjamini! Musiyei akadaro; regai atuke, nokuti Jehovha amutuma.

12 Zvichida Jehovha angaona kutambura kwangu uye zvimwe angandiripira zvakanaka nokuda kwokutukwa kwandiri kugamuchira nhasi.”

13 Ipapo Dhavhidhi navanhu vake vakaramba vachifamba nenzira, Shimei paakanga achifamba ari kuno rumwe rutivi rwegomo, achituka achingoenda achipotsera matombo kwaari achimupfumburira guruva.

14 Mambo navanhu vose vaiva naye vakasvika kwavaienda vaneta. Akazororapo.

Zano raHushai naAhitoferi

15 Panguva iyi, Abhusaromu navarume vose veIsraeri vakasvika muJerusarema, uye Ahitoferi aiva naye.

16 Zvino Hushai muAriki, shamwari yaDhavhidhi, akaenda kuna Abhusaromu akandoti kwaari, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Mambo ngaararame nokusingaperi!”

17 Abhusaromu akabvunza Hushai akati, “Urwu ndirwo rudo rwaunoratidza shamwari yako here? Sei usina kuenda neshamwari yako?”

18 Hushai akati kuna Abhusaromu, “Kwete, iye akasarudzwa naJehovha, navanhu ava uye navarume vose veIsraeri, ini ndichava wake, uye ndicharamba ndinaye.

19 Zvakarezve, ndingagoshandira aniko? Ko, handifaniri kushandira mwanakomana? Sezvandaishandira baba venyu, saizvozvo ndichakushandirai.”

20 Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, “Tipewo zano rako. Toita sei?”

21 Ahitoferi akapindura akati, “Vatai navarongo vababa venyu avo vakasiyiwa vakachengeta muzinda wamambo. Ipapo Israeri yose ichanzwa kuti mazviita chinhu chinonhuwa mumhuno dzababa venyu, uye maoko avanhu vose vanokutsigirai achasimbiswa.”

22 Ipapo vakamisira Abhusaromu tende pamusoro pedenga remba, uye akavata navarongo vababa vake vaIsraeri vose vachionai.

23 Zvino mumazuva iwayo zano raipiwa naAhitoferi raiita seromunhu anobvunza kuna Mwari. Ndizvozvo zvaifungwa naDhavhidhi pamwe chete naAbhusaromu pamusoro pamazano aipiwa naAhitoferi.

2 Samueri 17

1 Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, “Regai ndisarudze varume zviuru gumi nezviviri ndigosimuka usiku huno nditevere Dhavhidhi.

2 Uye ndichamurwisa achakaneta uye asina simba. Ndichamutyisidzira, uye ipapo vanhu vose vaanavo vachatiza. Ndichauraya mambo chete.

3 Ndichadzosera vanhu vose kwamuri. Kufa kwomunhu wamunotsvaka kuchareva kudzoka kwavose; ipapo vanhu vose vachava norugare.”

4 Shoko iri rakafadza Abhusaromu navakuru vose veIsraeri.

5 Asi Abhusaromu akati, “Danaiwo Hushai muAriki, kuti tigonzwa kuti anoti kudii.”

6 Hushai akati asvika kwaari, Abhusaromu akati, “Ahitoferi apa zano iri. Toita zvaareva here? Kana zvisizvo, tipewo pfungwa yako.”

7 Hushai akapindura Abhusaromu akati, “Zano ramapiwa naAhitoferi harina kunaka panguva ino.

8 Munoziva baba venyu navanhu vavo; varwi, uye vanotyisa kunge bere rabvutirwa vana varo. Pamusoro pezvo, baba venyu murwi ano ruzivo; havangavati namauto usiku.

9 Kunyange izvozvi vakavanda mubako kana pane imwe nzvimbo. Kana vakatanga kurwa navarwi venyu, ani naani anonzwa nezvazvo achati, ‘Pakati pavarwi vanotevera Abhusaromu paurayiwa vanhu.’

10 Ipapo kunyange murwi akashinga kwazvo, ane mwoyo wakaita soweshumba, achati rukutu nokutya, nokuti vaIsraeri vose vanoziva kuti baba venyu murwi uye kuti vose vavanavo vakashinga.

11 “Saka zano rangu nderiri: VaIsraeri vose, kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha, vakawanda sejecha rokumhenderekedzo dzegungwa, ngavaungane kwamuri, iyemi pachenyu muchivatungamirira kundorwa.

12 Ipapo tichavarwisa kwose kwavanenge vari, uye tichawira paari sedova rinowira pasi. Hakuna kana mumwe wavo zvake achasara ari mupenyu.

13 Kana akadzokera muguta, ipapo vaIsraeri vose vachauya namabote kuguta iroro, uye ticharizvuzvurudzira pasi kumupata kusvikira pasisina kunyange nechimedu charo chingawanikwa.”

14 Abhusaromu navarume vose veIsraeri vakati, “Zano raHushai muAriki riri nani pane raAhitoferi.” Nokuti Jehovha aida kukonesa zano rakanaka raAhitoferi kuitira kuti auyise njodzi pamusoro paAbhusaromu.

15 Ipapo Hushai akati kuna Zadhoki naAbhiatari, vaprista, “Ahitoferi arayira Abhusaromu navakuru veIsraeri kuti vaite ichi nechocho.

16 Zvino chituma shoko nokukurumidza uye uudze Dhavhidhi kuti, ‘Musavata pamazambuko omurenje usiku huno; yambukai musamborega, nokuti mambo navanhu vose vaanavo vangamedzwa.’ ”

17 Jonatani naAhimaazi vakanga vachigara paEni Rogeri uye mumwe murandakadzi ndiye aifanira kundovazivisa, uye ivo vachienda kundoudza Mambo Dhavhidhi, nokuti havazaifanira kuonekwa vachipinda muguta.

18 Asi mumwe mujaya akavaona ndokubva andoudza Abhusaromu. Saka vaviri ava vakabva nokukurumidza vakaenda kumba yomumwe murume aiva muBhahurimi. Akanga ane tsime muruvazhe, uye vakapinda mariri.

19 Mukadzi wake akatora chifukidzo akachiwaridza pamusoro pomuromo wetsime uye akayanika zviyo pamusoro pacho. Hakuna akaziva chinhu pamusoro pazvo.

20 Varume vokwaAbhusaromu vakati vasvika kumukadzi akanga ari pamba, vakabvunza vakati, “VanaAhimaazi naJonatani varipi?” Mukadzi akati kwavari, “Vayambuka rukova.” Varume vakatsvaka asi havana munhu wavakawana, saka vakadzokera kuJerusarema.

21 Shure kwokunge varume ava vaenda, vaviri vaya vakakwira vakabuda mutsime uye vakaenda kundozivisa Mambo Dhavhidhi izvozvo. Vakati kwaari, “Simukai izvozvi muyambuke rwizi urwu; Ahitoferi apa zano rokuti nerokuti pamusoro penyu.”

22 Saka Dhavhidhi navanhu vose vakanga vanaye vakasimuka vakayambuka Jorodhani. Kuchiedza, hapana akanga asara asati ayambuka Jorodhani.

23 Ahitoferi akati aona kuti zano rake rakanga risina kutevedzwa, akaisa chigaro pambongoro yake akaenda kumba kwake muguta rokwake. Akaronga zvose zveimba yake ndokubva azvisungirira. Saka akafa uye akavigwa muhwiro rababa vake.

24 Dhavhidhi akaenda kuMahanaimi, uye Abhusaromu akayambuka Jorodhani navarume vose veIsraeri.

25 Abhusaromu akanga agadza Amasa kuti ave mutungamiri wehondo pachinzvimbo chaJoabhu. Amasa akanga ari mwanakomana womumwe murume ainzi Jeteri, muIsraeri akanga awana Abhigairi, mwanasikana waNahashi uye ari munun’una waZeruya mai vaJoabhu.

26 VaIsraeri naAbhusaromu vakadzika misasa yavo munyika yeGireadhi.

27 Dhavhidhi akati asvika kuMahanaimi, Shobhi mwanakomana waNahashi aibva kuRabha ravaAmoni, naMakiri mwanakomana waAmieri weRo Dhebha, uye Bhazirai muGireadhi wokuRogerimi

28 vakauya nenhoo nembiya nemidziyo yevhu. Vakauyawo negorosi nebhari, upfu hwakatsetseka nezviyo zvakakangwa, nyimo nenyemba,

29 uchi namafuta, makwai uye noruomba rwaibva mumukaka wemhou, kuti Dhavhidhi navanhu vake vadye. Nokuti vakati, “Vanhu vava nenzara, vaneta uye vava nenyota murenje.”

2 Samueri 18

Kufa kwaAbhusaromu

1 Dhavhidhi akaunganidza varume vakanga vanaye uye akagadza pamusoro pavo vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana.

2 Dhavhidhi akatumira varwi achiita kudai: chetatu chavo chichitungamirirwa naJoabhu, chimwe chetatu chichitungamirirwa nomunun’una waJoabhu ainzi Abhishai mwanakomana waZeruya, uye chetatuzve chichitungamirirwa naItai muGiti. Mambo akataurira vanhu kuti, “Zvirokwazvo neni pachangu ndichafamba nemi.”

3 Asi vanhu vakati, “Imi hamufaniri kuenda; kana tikamanikidzirwa kutiza, havambovi nehanya nesu. Kunyange kana hafu yedu ikafa, havambovi nehanya; asi imi munokosha sesu tiri zviuru gumi. Zvingava nani zvino kuti imi mutitsigire muri muguta.”

4 Mambo akati, “Ndichaita zvose zvamunoona zvakakunakirai.” Saka mambo akamira parutivi rwesuo pakanga pachifamba varume vose vachibuda namapoka amazana neezviuru.

5 Mambo akarayira Joabhu, Abhishai naItai akati, “Munzwire henyu jaya nyasha, iye Abhusaromu nokuda kwangu.”

6 Varwi vakafamba vachipinda musango kuti vandorwa navaIsraeri, uye hondo yakarwiwa mudondo raEfuremu.

7 Imomo hondo yeIsraeri yakakundwa navanhu vaDhavhidhi, uye pakava nokufa kukuru zuva iroro, varume zviuru makumi maviri vakafa.

8 Kurwa kwakapararira panyika yose, uye dondo rakauraya vanhu vazhinji pazuva iro kukunda munondo.

9 Zvino zvakaitika kuti Abhusaromu akasangana navanhu vaDhavhidhi. Akanga akatasva hesera rake, uye hesera parakapinda napasi pamatavi makobvu omuti mukuru womuouki, musoro waAbhusaromu wakabatwa mumuti. Akasiyiwa akarembera mudenga, hesera raakanga akatasva rikaramba richienda.

10 Mumwe wavarume akati aona izvi, akati kuna Joabhu, “Ndaona Abhusaromu akarembera mumuti womuouki.”

11 Joabhu akati kumurume akanga amuudza izvozvo, “Watii? Wamuona? Seiko usina kumubayira pasi pakare ipapo? Ipapo ndingadai ndazokupa mashekeri gumia esirivha uye nebhanire romurwi.”

12 Asi murume uyu akati, “Kunyange dai chiuru chamashekerib chakanga chayerwa mumaoko angu, handaigona kusimudzira mwanakomana wamambo ruoko rwangu kuti ndimuuraye. Mambo akakurayirai imi naAbhishai uye naItai isu tichizvinzwa achiti, ‘Mudzivirire jaya Abhusaromu nokuda kwangu.’

13 Uye kana dai ndanga ndaisa upenyu hwangu panjodzi, uye hapana chakavanzika kuna mambo, imi maizomira kure neni.”

14 Joabhu akati, “Handinganonoki kudai nokuda kwako.” Saka akatora mapfumo matatu mumaoko ake akaanyudza mumwoyo maAbhusaromu, uye Abhusaromu achiri mupenyu mumuti womuouki.

15 Uye vatakuri venhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu gumi vakakomba Abhusaromu, vakamubaya uye vakamuuraya.

16 Ipapo Joabhu akaridza hwamanda, uye varwi vakarega kutevera vaIsraeri, nokuti Joabhu akavamisa.

17 Vakatora Abhusaromu vakamukanda mugomba guru raiva mudondo vakatutira murwi mukuru wamatombo pamusoro pake. Zvichakadaro, vaIsraeri vose vakatiza vakaenda kudzimba dzavo.

18 Panguva youpenyu hwake, Abhusaromu akanga atora mbiru akaimisa muMupata waMambo sechirangaridzo kwaari, nokuti akafunga akati, “Handina mwanakomana angayeuchidza vanhu zita rangu.” Akatumidza mbiru iyo zita rake, uye inonzi Mbiru Yokuyeuchidza Abhusaromu kusvikira nhasi.

Dhavhidhi anochema Abhusaromu

19 Zvino Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akati, “Regai ndimhanye neshoko kuna mambo rokuti Jehovha amurwira kubva muruoko rwavavengi vake.”

20 Joabhu akati, “Hausiwe unoenda neshoko nhasi. Ungaenda hako neshoko pane dzimwe nguva, asi haufaniri kuita izvozvo nhasi, nokuti mwanakomana wamambo afa.”

21 Ipapo Joabhu akati kumuEtiopia, “Chienda undoudza mambo zvawaona.” MuEtiopia akakotama pamberi paJoabhu uye akamhanya achibvapo.

22 Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhu, “Kunyange zvakadaro hazvo, ndapota regai ndimhanye nditevere muEtiopia.” Asi Joabhu akapindura akati, “Mwanakomana wangu, unodireiko kuenda? Hauna kana shoko richakupa mubayiro.”

23 Iye akati, “Kunyange zvakadaro hazvo, ndinoda kumhanya ini.” Saka Joabhu akati, “Mhanya!” Ipapo Ahimaazi akamhanya nomunzira yomubani akasiya muEtiopia.

24 Dhavhidhi paakanga agere pakati pamasuo maviri, murindi akakwira pamusoro pedenga resuo reparusvingo. Akati atarisa kunze, akaona murume achimhanya ari oga.

25 Murindi akadanidzira kuna mambo akamuzivisa izvozvo. Mambo akati, “Kana ari oga, anofanira kunge ane shoko rakanaka.” Uye murume akaramba achingoswedera.

26 Ipapo murindi akaonazve mumwe murume achimhanya, akadanidzira kumutariri wesuo akati, “Tarira mumwe ari kumhanya ari oga!” Mambo akati, “Anofanira kunge achiuyawo neshoko rakanaka.”

27 Murindi akati, “Ndinoona sokuti wokutanga anomhanya saAhimaazi mwanakomana waZadhoki.” Mambo akati, “Munhu akanaka iyeye. Ari kuuya namashoko akanaka.”

28 Ipapo Ahimaazi akadanidzira kuna mambo achiti, “Rugare!” Akakotama pamberi pamambo akatsikitsira uso hwake pasi akati, “Jehovha Mwari wenyu ngarumbidzwe! Akaisa kwamuri varume vakanga vachisimudzira maoko avo kuti varwe naishe wangu mambo.”

29 Mambo akabvunza akati, “Ko, jaya Abhusaromu mupenyu here?” Ahimaazi akati, “Ndakaona kunyongana kukuru panguva iyo Joabhu akanga oda kutuma muranda wamambo uye neni, muranda wenyu, asi handina kuziva kuti chaiva chii.”

30 Mambo akati, “Mira parutivi uye usabva pano.” Saka akasudurukira parutivi ndokumirapo.

31 Ipapo muEtiopia akasvika akati, “Ishe wangu mambo, inzwai mashoko akanaka! Jehovha akurwirai nhasi kuna vose vakakumukirai.”

32 Mambo akabvunza muEtiopia akati, “Ko, mujaya Abhusaromu mupenyu here?” MuEtiopia akapindura achiti, “Vavengi vashe wangu mambo navose vanokumukirai kuti vakukuvadzei ngavave sejaya iro.”

33 Mambo akadedera. Akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuo akachema. Paaifamba aiti, “Haiwa mwanakomana wangu Abhusaromu! Mwanakomana wangu, mwanakomana wangu Abhusaromu! Dai chete ndafa hangu ini pachinzvimbo chako! Haiwa Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu!”

2 Samueri 19

1 Joabhu akaudzwa kuti, “Mambo anochema nokuungudza nokuda kwaAbhusaromu.”

2 Uye kuhondo yose, kukunda kwezuva iro kwakashandurwa kukava kuchema, nokuti pazuva iro, mauto akazvinzwa zvichinzi, “Mambo anochema nokuda kwomwanakomana wake.”

3 Varume vakapinda muguta vachiverevedza savanhu vanoverevedza vachinyara nokuti vatiza kubva kuhondo.

4 Mambo akafukidza chiso chake akachema zvikuru achiti, “Haiwa mwanakomana wangu Abhusaromu! Haiwa Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu!”

5 Ipapo Joabhu akapinda mumba kuna mambo akati, “Nhasi manyadzisa vanhu vose, avo vachangoponesa upenyu hwenyu noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu uye noupenyu hwavakadzi venyu navarongo venyu.

6 Munoda avo vanokuvengai uye munovenga avo vanokudai. Mazviratidza pachena nhasi kuti vatungamiri vehondo navanhu vavo havarevi chinhu kwamuri. Ndinoona kuti maifarira kuti dai Abhusaromu ararama nhasi uye kuti dai tose zvedu tafa.

7 Zvino budai munokurudzira vanhu venyu. Ndinopika naJehovha kuti kana mukasabuda, hakuna munhu achasara nemi usiku huno. Zvichava zvakaipisisa kwamuri kupinda njodzi dzose dzakakuwirai kubva pauduku hwenyu kusvikira zvino.”

8 Saka mambo akasimuka akandoisa chigaro chake pasuo. Vanhu vakati vaudzwa kuti, “Mambo agere pasuo,” vose vakauya pamberi pake.

Dhavhidhi anodzokera kuJerusarema

Zvichakadaro, vaIsraeri vakanga vatizira kumisha yavo.

9 Mumarudzi ose avaIsraeri, vanhu vose vakanga vachikakavadzana vachiti, “Mambo akatisunungura kubva muruoko rwavaFiristia. Asi zvino atiza nyika nokuda kwaAbhusaromu;

10 uye Abhusaromu, uyo watakazodza kuti atitonge, afa muhondo. Saka munoregereiko kutaura nezvokudzosa mambo?”

11 Mambo Dhavhidhi akatuma shoko naZadhoki naAbhiatari, vaprista achiti, “Bvunzai vakuru veJudha kuti, ‘Seiko imi mava vokupedzisira kudzosa mambo kumuzinda wake, sezvo zvinotaurwa muIsraeri yose zvasvika pamba pake.

12 Imi muri hama dzangu, muri venyama yangu chaivo uye veropa rangu. Saka maitireiko vokupedzisira kudzosa mambo?’

13 Uye muti kuna Amasa, ‘Ko, iwe hauzi wenyama yangu uye weropa rangu here? Mwari ngaandirove, ngaarambe achidaro kwazvo, kana kubva zvino zvichienda mberi, iwe ukarega kuva mukuru wehondo yangu panzvimbo yaJoabhu.’ ”

14 Akabata mwoyo yavarume vose veJudha vakaita sokunge vaiva munhu mumwe. Vakatuma shoko kuna mambo vachiti, “Dzokai, imi navanhu venyu mose.” Ipapo mambo akadzoka akasvika paJorodhani.

15 Zvino vanhu veJudha vakanga vasvika kuGirigari kuti vaende kundosangana namambo uye kuti vagomuyambutsa Jorodhani.

16 Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini aibva kuBhahurimi, akakurumidza kuburuka navanhu veJudha kuti vandosangana naMambo Dhavhidhi.

17 Akanga ane vaBhenjamini vaisvika chiuru, pamwe chete naZibha, mutariri weimba yaSauro, uye navanakomana vake gumi navashanu navaranda vake makumi maviri. Vakamhanyira kuJorodhani uko kwakanga kwava namambo.

18 Vakayambuka rukova kuti vandotora veimba yamambo uye kuti vaite zvose zvaaida. Shimei mwanakomana waGera akati ayambuka Jorodhani, akawira pasi nechiso chake pamberi pamambo

19 akati kwaari, “Ishe wangu ngaarege kundipa mhaka. Regai henyu kurangarira kukanganisa kwakaitwa nomuranda wenyu pazuva rakabva ishe wangu mambo paJerusarema. Mambo ngaazvidzime mundangariro dzake.

20 Nokuti ini muranda wenyu ndinozviziva kuti ndakatadza, asi nhasi ndauya pano sowokutanga weimba yose yaJosefa kuti ndiburuke uye ndizosangana naishe wangu iye mambo.”

21 Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati, “Ko, Shimei haafaniri kuurayiwa nokuda kwaizvozvi here? Akatuka muzodziwa waJehovha.”

22 Dhavhidhi akapindura akati, “Ndineiko nemi, imi vanakomana vaZeruya zvokuti nhasi mava vavengi vangu! Pane munhu angafanira kufa muIsraeri nhasi here? Ko, handizivi here kuti nhasi ndiri mambo weIsraeri?”

23 Saka mambo akati kuna Shimei, “Haungafi.” Uye mambo akamuvimbisa nemhiko.

24 Mefibhosheti muzukuru waSauro, akaburukawo kundosangana namambo. Haana kuva nehanya netsoka dzake kana kuguririra ndebvu dzake kana kusuka nguo dzake kubvira pazuva rakasimuka mambo kusvikira pazuva raakadzoka ari mupenyu.

25 Paakasvika achibva kuJerusarema achindosongana namambo, mambo akamubvunza akati, “Wakaregereiko kuenda neni, Mefibhosheti?”

26 Iye akati, “Ishe wangu mambo, sezvo ini muranda wenyu ndiri chirema, ndakati, ‘Ndichaita kuti mbongoro yangu igadzikwe chigaro uye ndigoitaswa, kuti ndigoenda namambo.’ Asi Zibha muranda wangu akandipandukira.

27 Uye akandorevera nhema muranda wenyu kuna she wangu mambo. Ishe wangu mambo akaita somutumwa waMwari; saka itai henyu zvinokufadzai.

28 Zvizvarwa zvose zvasekuru vangu hazvifanirwi nechimwe chinhu asi rufu ruchibva kunashe wangu mambo, asi makapa muranda wenyu nzvimbo pakati paavo vanodya patafura yenyu. Saka ini ndine mvumo yeiko yokukumbirazve kuna mambo?”

29 Mambo akati kwaari, “Uchataurireiko zvakawanda? Ndinokurayira iwe naZibha kuti mugovane minda.”

30 Mefibhosheti akati kuna mambo, “Ngaatore hake zvinhu zvose, sezvo zvino ishe wangu mambo asvika kumusha ari mupenyu.”

31 Bhazirai muGireadhi akasvikawo achibva kuRogerimi kuti ayambuke Jorodhani namambo uye kuti amuperekedze panzira yake ikoko.

32 Zvino Bhazirai akanga akwegura kwazvo, ava namakore makumi masere. Iye akanga achiriritira mambo panguva yaakanga agere paMahanaimi, nokuti akanga ari munhu akapfuma kwazvo.

33 Mambo akati kuna Bhazirai, “Yambuka pamwe chete neni ugogara neni muJerusarema, uye ini ndichakuriritira.”

34 Asi Bhazirai akapindura mambo akati, “Makore manganiko andichararama, zvokuti ndingafanira kukwira kuJerusarema namambo?

35 Ndava namakore makumi masere. Ndichagona kuziva mutsauko pakati pechakanaka uye nechisina kunaka here? Ko, muranda wenyu achagona kuravira chaanodya nechaanonwa here? Ko, ndichagona kunzwa manzwi avarume navakadzi vanoimba here? Muranda wenyu achaitireiko kuti ave mumwe mutoro kuna she wangu mambo?

36 Muranda wenyu achayambuka Jorodhani namambo kwenhambwe pfupi, asi mambo anondipireiko mubayiro wakadai?

37 Regai muranda wenyu adzokere hake, kuti ndinofira muguta rangu pedyo nehwiro hwababa vangu namai vangu. Asi hoyu muranda wangu Kimihami. Ngaayambuke hake nashe iye mambo. Mumuitire henyu zvose zvinokufadzai.”

38 Mambo akati, “Kimihami achayambuka neni, uye ndichamuitira zvose zvinokufadza. Uye zvose zvaunoda kwandiri ndichakuitira.”

39 Saka vanhu vose vakayambuka Jorodhani, uye ipapo mambo akazoyambukawo. Mambo akatsvoda Bhazirai akamuropafadza, uye Bhazirai akadzokera kumba kwake.

40 Mambo akati ayambukira kuGirigari, Kimihami akayambuka naye. Mauto ose eJudha nehafu yavarwi veIsraeri vakanga vayambutsa mambo.

41 Uye varume vose veIsraeri vakauya kuna mambo uye vakati kwaari, “Hama dzedu, varume veJudha, vakabireiko mambo vakamuuyisa neimba yake mhiri kweJorodhani, pamwe chete navanhu vake vose?”

42 Varume vose veJudha vakapindura varume veIsraeri vachiti, “Takaita izvi nokuti mambo ihama yedu yapedyo. Seiko imi matsamwiswa nazvo? Tambodya here zvinhu zvamambo? Tambozvitorera kana chinhu chimwe chete here?”

43 Ipapo varume veIsraeri vakapindura varume veJudha vakati, “Tine migove gumi muna mambo; uye zvisiri izvozvo chete, Dhavhidhi ndowedu kukunda imi. Saka seiko imi muchitizvidza? Ko, hatizisu takatanga kutaura kuti mambo adzoke here?” Asi varume veJudha vakapindura nehasha kwazvo kupfuura varume veIsraeri.

2 Samueri 20

Shebha anomukira Dhavhidhi

1 Zvino nhubu yainzi Shebha mwanakomana waBhikiri, muBhenjamini, aivapowo. Akaridza hwamanda akadanidzira achiti, “Isu hatina mugove muna Dhavhidhi, hatina chikamu mumwanakomana waJese! Munhu wose ngaaende kutende rake, imi vaIsraeri!”

2 Saka varume vose veIsraeri vakasiya Dhavhidhi kuti vatevere Shebha mwanakomana waBhikiri. Asi varume veJudha vakagara namambo wavo kubva kuJorodhani kusvikira kuJerusarema.

3 Dhavhidhi akati adzokera kumuzinda wake muJerusarema, akatora varongo vake vaakanga asiya kuti vachengete muzinda akavaisa mumba vakachengetwa. Iye akavariritira asi haana kuvata navo. Vakanga vakapfigirwa kusvikira pazuva rokufa kwavo, vachirarama sechirikadzi.

4 Ipapo mambo akati kuna Amasa, “Dana varume veJudha vauye kwandiri pakati pamazuva matatu, uye newe uve pano.”

5 Asi Amasa akati aenda kundodana Judha, akatora nguva yakareba kupfuura yaakanga atarirwa namambo.

6 Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Zvino Sheba mwanakomana waBhikiri achatiitira zvakaipa kupfuura zvakaitwa naAbhusaromu. Tora varanda vatenzi wako umutevere, zvimwe angawana maguta akakomberedzwa uye akatipunyuka.”

7 Saka vanhu vaJoabhu uye vaKereti navaPereti nemhare dzose vakabuda vachitungamirirwa naAbhishai. Vakafamba vachibva kuJerusarema vachitevera Shebha mwanakomana waBhikiri.

8 Vakati vari padombo guru muGibheoni, Amasa akauya kuzosangana navo. Joabhu akanga akapfeka nguo yake yokurwa, uye pairi paiva nebhanire rakasungirwa pachiuno chake rine munondo waiva mumuhara wawo. Zvino akati achienda mberi, wakadonha kubva mumuhara wawo.

9 Joabhu akati kuna Amasa, “Wakadiniko, munun’una wangu?” Ipapo Joabhu akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi kuti amutsvode.

10 Amasa akanga asina kuona munondo waiva muruoko rwaJoabhu, uye Joabhu akaunyudza mudumbu make, uye ura hwake hukawira pasi. Asina kunge abayiwazve, Amasa akafa. Ipapo Joabhu nomunun’una wake vakatevera Shebha mwanakomana waBhikiri.

11 Mumwe wavanhu vaJoabhu akamira parutivi rwaAmasa akati, “Ani naani anoda Joabhu, uye ani naani ari waDhavhidhi, ngaatevere Joabhu!”

12 Amasa akavata achiumburuka muropa rake pakati pomugwagwa. Uye mumwe murume akaona kuti mauto ose aiuya achimira ipapo. Paakaona kuti munhu wose aisvika pana Amasa aimira, akamukweva kubva mumugwagwa akamuisa musango uye akakanda nguo pamusoro pake.

13 Shure kwokunge Amasa abviswa mumugwagwa, varume vose vakapfuurira mberi naJoabhu vachitevera Shebha mwanakomana waBhikiri.

14 Sheba akapfuura nomumarudzi ose aIsraeri kusvikira kuAbheri Bheti Maaka uye nomudunhu rose ravaBheri, avo vakaungana pamwe chete vakamutevera.

15 Vakauya vakamukomba paShebha muAbheri Bheti Maaka. Vakavaka rusvingo rwevhu rukasvika kuguta, uye rwakamira rwakatarisana nenhare dzokunze. Pavakanga vachiputsa rusvingo,

16 mukadzi akangwara akadanidzira ari muguta akati, “Inzwai! Inzwai! Taurirai Joabhu kuti auye pano kuti ndigotaura naye.”

17 Akaenda kwaari, iye akamubvunza akati, “Ndiwe Joabhu here?” Akapindura akati, “Ndini.” Mukadzi akati, “Teererai zvinoreva murandakadzi wenyu.” Iye akati, “Ndakateerera.”

18 Mukadzi akaenderera achiti, “Kare kare vaisimboti, ‘Tora mhinduro yako paAbheri,’ uye zvaipera ipapo.

19 Isu tiri vorugare navakatendeka muIsraeri. Uri kuedza kuparadza guta rinova ndiro mai muIsraeri. Seiko uchida kumedza nhaka yaJehovha?”

20 Joabhu akati, “Ngazvive kure neni! Ngazvive kure neni kuti ndimedze kana kuparadza!

21 Hazvina kudaro. Asi murume anonzi Shebha mwanakomana waBhikiri, anobva kunyika yamakomo yaEfuremu, ndiye akasimudza ruoko rwake kuti arwise mambo, kuti arwise Dhavhidhi. Uyai nomurume mumwe chete iyeye, ipapo ndichabva paguta.” Mukadzi akati kuna Joabhu, “Musoro wake uchakandwa kwauri naparusvingo.”

22 Ipapo mukadzi akaenda kuvanhu vose nezano rake, uye vakagura musoro waShebha mwanakomana waBhikiri vakaukanda kuna Joabhu. Saka Joabhu akaridza hwamanda, uye vanhu vake vakapararira vachibva paguta, mumwe nomumwe achidzokera kumba kwake. Uye Joabhu akadzokera kuna mambo muJerusarema.

23 Joabhu akanga ari mukuru wehondo yose yeIsraeri; Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari mukuru wavaKereti navaPareti;

24 Adhoniramu akanga ari mutaririri wavashandi vechibharo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi akanga ari munyori wenhoroondo,

25 Shevha akanga ari munyori; Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista;

26 uye Ira muJairi aiva muprista waDhavhidhi.

2 Samueri 21

VaGibheoni vanotsivirwa

1 Panguva yokutonga kwaDhavhidhi, kwakava nenzara makore matatu achiteverana; saka Dhavhidhi akatsvaka chiso chaJehovha. Jehovha akati, “Imhaka yaSauro neimba yake yeropa; imhaka yokuti akauraya vaGibheoni.”

2 Mambo akadana vaGibheoni akataura navo. (Zvino vaGibheoni vakanga vasiri vorudzi rwavaIsraeri asi vakanga vari vakasara vavaAmori; vakanga vapikirwa navaIsraeri kuti vasaurayiwe, asi Sauro mukushingaira kwake nokuda kwavaIsraeri navaJudha akaedza kuvaparadza.)

3 Dhavhidhi akabvunza vaGibheoni akati, “Ndingakuitirai chiiko? Ndingayananisa neiko kuitira kuti mugoropafadza nhaka yaJehovha?”

4 VaGibheoni vakamupindura vachiti, “Hatina kodzero yokureva sirivha negoridhe kuna Sauro kana kumhuri yake, uye hatina kodzero yokuuraya munhu muIsraeri.” Dhavhidhi akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”

5 Vakapindura mambo vakati, “Kana ari munhu akatiparadza uye akaita rangano yokuti tipere uye tishayiwe nzvimbo kupi zvako muIsraeri,

6 zvizvarwa zvake zvechirume zvinomwe ngazvipiwe kwatiri kuti zviurayiwe uye zviiswe pachena pamberi paJehovha paGibhea raSauro musanangurwa waJehovha.” Saka mambo akati, “Ndichavapa kwamuri.”

7 Mambo akararamisa Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kwemhiko pamberi paJehovha pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro.

8 Asi mambo akatora Arimoni naMefibhosheti, vanakomana vaviri vaRizipa mwanasikana waAya, waakanga aberekera Sauro, pamwe chete navanakomana vashanu vaMerabhi mwanasikana waSauro, waakanga aberekera Adhirieri mwanakomana waBhazirai muMehorati.

9 Akavaisa mumaoko avaGibheoni, ivo vakavasungirira pachikomo pamberi paJehovha. Vose vari vanomwe vakafa pamwe chete; vakaurayiwa panguva yokutanga kukohwa, pakutanga kwokukohwewa kwebhari.

10 Rizipa mwanasikana waAya akatora nguo yesaga akazviwaridzira pamusoro pedombo. Kubva pakutanga kwokukohwa kusvikira pakunaya kwemvura ichibva kudenga pamusoro pemitumbi yavo, haana kutendera shiri dzedenga kuti dzivabate masikati kana zvikara zvesango usiku.

11 Dhavhidhi akati ataurirwa zvakaitwa naRizipa, mwanasikana waAya, murongo waSauro,

12 akaenda akandotora mapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake kubva kuvagari veJabheshi Gireadhi. Vakanga vaatora muchivande kubva pachivara chapaBheti Shani, uko kwavakanga vaturikwa navaFiristia shure kwokunge vauraya Sauro paGiribhoa.

13 Dhavhidhi akauya namapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake kubva ikoko, uye mapfupa aavo vakanga vaurayiwa vakaiswa pachena akaunganidzwa.

14 Vakaviga mapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake muhwiro hwaKishi baba vaSauro, paZara muBhenjamini, uye vakaita zvose zvavakarayirwa namambo. Shure kwaizvozvo, Mwari akapindura munyengetero wokumiririra nyika.

Hondo navaFiristia

15 Kwakavazve nehondo pakati pavaFiristia navaIsraeri. Dhavhidhi akaburuka navanhu vake kundorwa navaFiristia, uye akaneta kwazvo.

16 Uye Ishi-Bhenoni, mumwe wezvizvarwa zvaRafa, aiva nomusoro wepfumo wairema mazana matatu amashekeria uye akapakata munondo mutsva, akati achauraya Dhavhidhi.

17 Asi Abhishai mwanakomana waZeruya akanunura Dhavhidhi; akabayira muFiristia pasi akamuuraya. Ipapo vanhu vaDhavhidhi vakapika kwaari vachiti, “Hamuchazomboendizve nesu kuhondo, kuitira kuti mwenje weIsraeri urege kuzodzimwa.”

18 Shure kwaizvozvo, kwakavazve nokurwa navaFiristia, paGobhi. Panguva iyoyo Sibhekai muHushati akauraya Safi, mumwe wezvizvarwa zvaRafa.

19 Pano kumwe kurwa navaFiristia paGobhi, Erihanani mwanakomana waJoare-Oregimi muBheterehema akauraya Goriati muGiti, akanga ane pfumo raiva nerwiriko rwakanga rwakaita setsvimbo yomuruki.

20 Pano kumwe kurwazve, kwakaitika paGati, pakanga pane hofori yomurume akanga ane minwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe uye zvigunwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvose zviri makumi maviri nezvina. Naiyewo akanga ari chizvarwa chaRafa.

21 Akati achishora Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea, munun’una waDhavhidhi, akamuuraya.

22 Ava vari vana vakanga vari zvizvarwa zvaRafa muGati, uye vakafa pamaoko aDhavhidhi navanhu vake.

2 Samueri 22

Rwiyo rwaDhavhidhi Rwokurumbidza

1 Dhavhidhi akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva muruoko rwavavengi vake vose nomuruoko rwaSauro.

2 Akati:

“Jehovha ndiye dombo rangu,

nhare yangu uye mununuri wangu;

3 Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari, nhoo yangu,

norunyanga rworuponeso rwangu.

Ndiye nhare yangu, utiziro hwangu nomuponesi wangu,

munondiponesa pavanhu vanoita nechisimba.

4 Ndinodana kuna Jehovha,

iye anofanira kurumbidzwa,

uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.

5 “Mafungu orufu akandikomba;

mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza.

6 Mabote eguva akandimonera;

misungo yorufu yakandivinga.

7 Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;

ndakadanidzira kuna Mwari wangu.

Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake.

8 “Nyika yakadedera uye ikazungunuka, nheyo dzokudenga dzakadengenyeka;

dzakadedera nokuti akanga atsamwa.

9 Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake;

moto unoparadza wakabuda mumuromo make,

mazimbe anopisa akapfutamo.

10 Akakamura matenga akaburuka pasi;

makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.

11 Akatasva makerubhi akabhururuka;

akabhururuka mudengadenga pamapapiro emhepo.

12 Akaita kuti rima rimupoteredze setende,

iwo makore matema emvura yokudenga.

13 Kubva pakupenya kwouripo hwake mabhanan’ana emheni akapenya.

14 Jehovha akatinhira ari kudenga;

inzwi roWokumusoro-soro rakanzwikazve.

15 Akapfura miseve akaparadzira vavengi,

mabhanan’ana emheni akavaparadza.

16 Mipata yegungwa yakaiswa pachena uye nheyo dzenyika dzakabudiswa pachena nokutuka kwaJehovha,

nokufema kwomweya nemhino dzake.

17 “Akatambanudza ruoko ari kudenga uye akandibata;

akandibudisa kubva pamvura yakadzika.

18 Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba, kubva kuvavengi,

vakanga vachindikurira pasimba.

19 Vakandivinga muzuva renjodzi yangu,

asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.

20 Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana;

akandinunura nokuti akanga achindifarira.

21 “Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu;

maererano nokuchena kwamaoko angu, akandipa mubayiro.

22 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha;

handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu.

23 Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;

handina kutsauka kubva pamitemo yake.

24 Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza.

25 Jehovha akandipa mubayiro maererano nokururama kwangu,

maererano nokuchema kwangu pamberi pake.

26 “Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu,

kune vasina chavanopomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,

27 kune vakachena munozviratidza makachena,

asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha.

28 Munoponesa vanozvininipisa,

asi meso enyu ari pamusoro pavanozvikudza kuti muvaderedze.

29 Imi muri mwenje wangu, Jehovha;

Jehovha anoshandura rima rangu kuti rive chiedza.

30 Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa nechikwata chavarwi;

naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.

31 “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo;

shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.

32 Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?

33 NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu.

34 Anoita tsoka dzangu setsoka dzenondo;

anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.

35 Anodzidzisa maoko angu kurwa;

maoko angu anowembura uta hwendarira.

36 Munondipa nhoo yenyu yokukunda,

munokotamira pasi kuti mundikurise.

37 Munotambanudza nzira pasi pangu,

kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutsauka.

38 “Ndakatevera vavengi vangu ndikavaparadza;

handina kudzoka kusvikira vaparadzwa.

39 Ndakavaparadza zvachose, uye havana kugona kumuka;

vakawira pasi petsoka dzangu.

40 Makandishongedza nesimba rokurwa. makaita kuti vadzivisi vangu vakotame patsoka dzangu.

41 Makaita kuti vavengi vangu vatize pakurwa, uye ndakaparadza vavengi vangu.

42 Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna munhu akavaponesa,

kunyange kuna Jehovha, asi haana kupindura.

43 Ndakavapwanya vakatsetseka seguruva renyika;

ndakavatswa uye ndikavatsika sedope riri munzira dzomumusha.

44 Makandinunura kubva pakurwisa kwavanhu vangu;

makandichengetedza somutungamiri wendudzi.

Vanhu vandakanga ndisingazivi vava pasi pangu.

45 Uye vatorwa vanouya kwandiri vachidedera, pavanongondinzwa vanonditeerera.

46 Vose vanoora mwoyo; vanouya vachidedera kubva panhare dzavo.

47 “Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe!

Ngaakudzwe Mwari, iye Dombo, Muponesi wangu!

48 Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu,

49 anondisunungura kubva kuvavengi vangu.

Imi makandikudza pamusoro pavavengi vangu;

kubva kuvanhu vanoita nechisimba, makandinunura.

50 Naizvozvo ndichakurumbidzai, imi Jehovha, pakati pendudzi;

ndicharumbidza zita renyu nenziyo.

51 Iye anopa mambo wake kukunda kukuru;

anoratidza unyoro hwake kumuzodziwa wake,

kuna Dhavhidhi nezvizvarwa zvake nokusingaperi.”