2 Samueri 23

Mashoko Okupedzisira aDhavhidhi

1 Aya ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi:

“Chirevo chaDhavhidhi mwanakomana waJese,

Chirevo chomurume akasimudzirwa noWokumusoro-soro,

murume akazodzwa naMwari waJakhobho, muimbi wenziyo waIsraeri:

2 “Mweya waJehovha wakataura kubudikidza neni;

shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.

3 Mwari waIsraeri akataura, Dombo raIsraeri akati kwandiri:

‘Kana munhu achitonga vanhu mukururama, kana achitonga mukutya Mwari,

4 akaita sechiedza chamangwanani pakubuda kwezuva mangwanani kusina makore,

sokujeka kwezuva shure kwokunaya kwemvura kunomeresa uswa kubva pasi.’

5 “Ko, imba yangu haisi yakadaro kuna Mwari here?

Nokuti akaita sungano isingaperi neni,

yakarongwa uye yakasimbiswa pazvinhu zvose.

Ko, haachazozadzisi ruponeso rwangu uye agondipa zvose zvandinoda here?

6 Asi vanhu vakaipa vacharasirwa parutivi seminzwa,

isingaunganidzwi noruoko.

7 Ani naani anobata minzwa anoshandisa mudziyo wesimbi kana rwiriko rwepfumo;

uye ichapiswa zvachose pairi ipapo.”

Varwi vane simba vaDhavhidhi

8 Aya ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi:

Joshebhi-Bhashebheti, muTakemoni, akanga ari mukuru waVatatu; akasimudza pfumo rake achirwa navarume mazana masere, akavauraya panguva imwe chete.

9 Aimutevera akanga ari Ereazari, mwanakomana waDhodhai muAhohi. Somumwe wavarume vatatu voumhare, akanga ana Dhavhidhi pavakashora vaFiristia vakanga vakaungana paPasi Dhamimi kuti vazorwa. Ipapo varume veIsraeri vakadzokera shure,

10 asi iye akamira akabaya vaFiristia kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwanamatira pamunondo. Jehovha akaita kuti vakunde kwazvo zuva iroro; uye varwi vakadzokera kuna Ereazari, asi kundokutunura nhumbi dzavakafa chete.

11 Aimutevera akanga ari Shama mwanakomana weAgi muHarari. VaFiristia vakati vaungana pamwe chete panzvimbo yakanga ine munda wakanga uzere nenyemba, varwi vavaIsraeri vakatiza pamberi pavo.

12 Asi Shama akanyatsomira pakati pomunda. Akaudzivirira akauraya vaFiristia, uye Jehovha akauyisa kukunda kukuru.

13 Panguva yokukohwa, vatatu pakati pavakuru makumi matatu vakaburuka kuna Dhavhidhi kubako reAdhurami, nguva iyoyo hondo yavaFiristia yakanga yakadzika misasa muMupata weRefaimi.

14 Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye hondo yavaFiristia yakanga iri paBheterehema.

15 Dhavhidhi akapanga mvura akati, “Haiwa, dai mumwe andiwanirawo mvura yokunwa patsime riri pedyo reBheterehema!”

16 Saka mhare nhatu dzakapinda napakati pavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaitakura vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa, akaidururira pasi kuna Jehovha.

17 Akati, “Ngazvive kure neni, Jehovha, kuti ndiite izvi! Ko, iri harisi ropa ravarume vakaendako vachiisa upenyu hwavo panjodzi here?” Uye Dhavhidhi akaramba kuinwa. Izvi ndizvo zvakaitwa nemhare nhatu.

18 Abhishai munun’una waJoabhu mwanakomana waZeruya akanga ari mukuru waVatatu. Akasimudza pfumo rake kuti arwe navarume mazana matatu, akavauraya, nokudaro akava nomukurumbira saVatatu.

19 Ko, haana kupiwa kuremekedzwa kukuru kupfuura vaya Vatatu here? Iye akazova mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengwa pakati pavo.

20 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari munhu woumhare aibva kuKabhuzeeri, akaita zvinhu zvikuru. Akauraya varume vaviri veMoabhu vakanga vari mhare. Akapindawo mugomba kuchitonhora kwazvo musi uyo, akauraya shumba imomo.

21 Uye akabaya muIjipita akanga ari hofori. Kunyange zvazvo muIjipita akanga ane pfumo muruoko rwake, Bhenaya akarwa naye netsvimbo. Akabvuta pfumo rakanga riri muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake.

22 Ndiwo akanga ari mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akanga ano mukurumbira sowavarume vaya vatatu voumhare.

23 Iye akaremekedzwa zvikuru kupinda ani zvake wavaye Makumi Matatu, asi akanga asina kuverengwa pakati pavaya vatatu. Uye Dhavhidhi akamugadza kuti ave mutariri wavarindi vake.

24 Pakati pavaya Makumi Matatu paiti:

Asaheri munun’una waJoabhu,

Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema,

25 Shama muHarodhi,

Erika muHarodhi,

26 Herezi muPariti,

Ira mwamakomana waIkeshi aibva kuTekoa,

27 Abhiezeri aibva kuAnatoti,

Mebhunai muHushati,

28 Zarimoni muAhohi,

Maharai muNetofati,

29 Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati,

Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBhenjamini,

30 Bhenaya muPiratoni,

Hidhai aibva kuhova dzeGaashi,

31 Abhi-Aribhoni muAribhati,

Azimavheti muBharuhumi,

32 Eriabha muShaaribhoni,

mwanakomana waJasheni,

Jonatani

33 mwanakomana waShama muHarari,

Ahiami mwanakomana waSharari muHarari,

34 Erifereti mwanakomana waAhasibhai muMaakati,

Eriamu mwanakomana waAhitoferi muGironi,

35 Heziro muKarimeri, Paarai muAribhiti,

36 Igari mwanakomana waNatani aibva kuZobha, mwanakomana waHagiri,

37 Zereki muAmoni,

Naharai muBheeroti, mutakuri wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya,

38 Ira muItiri,

Garebhi muItiri

39 naUria muHiti.

Vose vaiva makumi matatu navanomwe pamwe chete.

2 Samueri 24

Dhavhidhi anoverenga varume vokurwa

1 Kutsamwa kwaMwari kwakava pamusoro pavaIsraeri zvakare, uye akakurudzira Dhavhidhi achiti, “Enda undoverenga vaIsraeri navaJudha.”

2 Saka mambo akati kuna Joabhu navakuru vehondo vaiva naye, “Endai pakati pamarudzi ose avaIsraeri kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha mundonyora varume vokurwa, kuti ndizive kuti vangani varipo.”

3 Asi Joabhu akapindura mambo achiti, “Jehovha Mwari wenyu ngaawanze varwi kakapetwa kupfuura rune zana, uye meso ashe wangu mambo azvione. Asi ishe wangu mambo anodireiko kuita chinhu chakadai?”

4 Kunyange zvakadaro, shoko ramambo rakakunda raJoabhu navatungamiri vehondo; saka vakabva pamberi pamambo kuti vandonyora varume vokurwa muIsraeri.

5 Shure kwokuyambuka Jorodhani, vakadzika matende avo pedyo neAroeri, zasi kweguta riri mumupata, uye ipapo vakaenda napakati peGadhi nokuJazeri.

6 Vakaenda kuGireadhi nokudunhu reTahitimi Hodhishi, uye napaDhani Joani uye vakapoterera nokuSidhoni.

7 Ipapo vakaenda vakananga kunhare yeTire nokumaguta ose avaHivhi navaKenani. Pakupedzisira, vakaenda kuBheerishebha zasi kweJudha.

8 Mushure mokuenda kwavo munyika yose, vakadzoka kuJerusarema papera mwedzi mipfumbamwe namazuva makumi maviri.

9 Joabhu akazivisa uwandu hwavanhu kuna mambo akati: MuIsraeri makanga mune mazana masere ezviuru zvavarume vakanga vakasimba uye vaigona kubata munondo, uye muJudha maiva namazana mashanu ezviuru.

10 Hana yaDhavhidhi yakarova shure kwokuverenga kwake varume vokurwa, akati kuna Jehovha, “Ndatadza zvikuru pane zvandaita. Haiwa Jehovha, zvino ndinokukumbirai, bvisa mhaka yomuranda wenyu. Ndaita chinhu choupenzi kwazvo.”

11 Zvino Dhavhidhi akati achimuka mangwanani, shoko raJehovha rakasvika kuna Gadhi muprofita, muoni waDhavhidhi richiti,

12 “Enda undoudza Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kukupa zvinhu zvitatu. Sarudza chimwe chete chazvo kuti ndichiite pamusoro pako.’ ”

13 Saka Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Unoda kuti munyika yako muve nenzara kwamakore matatu here? Kana kuti mwedzi mitatu yokutiza kubva kuvavengi vako ivo vachikudzinganisa? Kana kuti mazuva matatu edenda munyika yako? Zvino funga pamusoro pazvo ugosarudza kuti ndingandopindura sei iye andituma.”

14 Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri pakutambudzika kukuru. Ngatiwirei hedu mumaoko aJehovha, nokuti ngoni dzake ihuru; asi musandirega ndichiwira mumaoko avanhu.”

15 Saka Jehovha akatuma denda pamusoro peIsraeri kubva mangwanani iwayo kusvikira panguva yakatarwa, uye vanhu zviuru makumi manomwe vakafa kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha.

16 Mutumwa akati atandavadza ruoko rwake kuti aparadze Jerusarema, Jehovha akazvidemba nokuda kwenjodzi iyi akati kumutumwa akanga achiparadza vanhu, “Zvaringana! Dzora ruoko rwako.” Mutumwa waJehovha ipapo akanga ava paburiro raArauna muJebhusi.

17 Dhavhidhi akati aona mutumwa akanga achiuraya vanhu, akati kuna Jehovha, “Ini ndini ndakatadza uye ndikaita zvakaipa. Ava vanongova havo makwai chete. Chiiko chavakaita? Ruoko rwenyu ngaruwire pamusoro pangu ini nemhuri yangu.”

Dhavhidhi anovaka Aritari

18 Pazuva iro Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Kwira undovakira Jehovha aritari paburiro raArauna muJebhusi.”

19 Saka Dhavhidhi akakwira sezvaakanga arayirwa naJehovha kubudikidza naGadhi.

20 Arauna akati atarisa akaona mambo navanhu vake vachiuya vakananga kwaari, akabuda akandokotamira pasi pamberi pamambo chiso chake chakatsikitsira pasi.

21 Arauna akati, “Seiko ishe wangu mambo auya kumuranda wake?” Dhavhidhi akapindura akati, “Kuzotenga buriro rako, kuti ndivakire Jehovha aritari, kuti denda riri pamusoro pavanhu rigume.”

22 Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ishe wangu mambo ngaatore zvose zvinomufadza agozvipira kuna Jehovha. Hedzi nzombe dzechibayiro chinopiswa, uye iyi mipuro namajoko enzombe kuti dzive huni.

23 Haiwa mambo, Arauna anopa zvose izvi kuna mambo.” Arauna akatizve kwaari, “Jehovha Mwari wenyu ngaakugamuchirei.”

24 Asi mambo akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kuzvitenga kwauri. Handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvibayiro zvinopiswa zvandisina kutenga.” Saka Dhavhidhi akatenga buriro uye nenzombe uye akazvipira makumi mashanu amashekeria esirivha.

25 Dhavhidhi akavakira Jehovha aritari ipapo uye akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. Ipapo Jehovha akapindura munyengetero wokukumbirira nyika, uye denda rikapera pamusoro peIsraeri.

1 Samueri 1

Kuberekwa kwaSamueri

1 Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimu, muZufi, wenyika yamakomo yaEfuremu, ainzi Erikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfuremu.

2 Aiva navakadzi vaviri; mumwe ainzi Hana mumwe achinzi Penina. Penina akanga ana vana asi Hana akanga asina.

3 Gore negore murume uyu aibuda achibva muguta rake kuti andonamata nokubayira zvibayiro kuna Jehovha Wamasimba Ose paShiro, Hofini naFinehasi, vanakomana vaEri, vari vaprista vaJehovha.

4 Nguva dzose zuva rokuti Erikana abayire chibayiro raiti kana rasvika, aipa migove yenyama kumukadzi wake Penina nokuvanakomana vake navanasikana vake vose.

5 Asi aipa Hana mugove wakapetwa kaviri nokuti aimuda, uye Jehovha akanga azarira chibereko chake.

6 Zvino nokuti Jehovha akanga azarira chibereko chake, muvengi wake Penina akaramba achingomudenha kuti amutsamwise.

7 Izvi zvakaitika gore negore. Nguva dzose Hana paaienda kuimba yaJehovha, muvengi wake aimudenha kusvikira achema obva atadza kudya.

8 Murume wake Erikana aibva ati kwaari, “Hana, uri kuchemei? Sei usingadyi? Wakasuwa neiko? Handikoshi here kwauri kudarika vanakomana gumi?”

9 Vakati vachangopedza kudya nokunwa muShiro, Hana akasimuka. Zvino Eri muprista akanga akagara pachigaro pamukova wetemberi yaJehovha.

10 Nokurwadziwa kwomwoyo, Hana akachema zvikuru akanamata kuna Jehovha.

11 Uye akaita mhiko achiti, “Jehovha Wamasimba Ose, dai mukangotarira bedzi pamusoro pokutambura kwomuranda wenyu mugondirangarira, mugorega kukanganwa muranda wenyu asi mumupe mwanakomana, ipapo ndichamupa kuna Jehovha kwamazuva ose oupenyu hwake, uye hakuna chisvo chichashandiswa pamusoro wake.”

12 Zvaakaramba achinamata kuna Jehovha, Eri akacherechedza muromo wake.

13 Hana akanga achinamata mumwoyo make uye miromo yake yakanga ichifamba asi inzwi rake rakanga risinganzwiki. Eri akafunga kuti akanga akadhakwa

14 uye akati kwaari, “Ucharamba uchidhakwa kusvika riniko? Siyana newaini yako.”

15 Hana akapindura akati, “Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi ane shungu pamweya. Ndanga ndisinganwi waini kana doro; ndanga ndichidurura mwoyo wangu kuna Jehovha.

16 Musatore muranda wenyu somukadzi akaipa; ndanga ndichinyengetera pano zvichibva mukushushikana nokutambudzika kwangu kukuru.”

17 Eri akapindura achiti, “Enda norugare, uye Mwari waIsraeri ngaakupe zvawakumbira kwaari.”

18 Akati, “Murandakadzi wenyu ngaawane nyasha pamberi penyu.” Ipapo akaenda hake akandodya, uye uso hwake hahuna kuzoramba hwakasuruvara.

19 Mangwanani omusi waitevera vakamuka vakanamata pamberi paJehovha vakadzokera kumusha kwavo kuRama. Erikana akasangana naHana mukadzi wake, Jehovha akamurangarira.

20 Naizvozvo nokufamba kwenguva, Hana akabata pamuviri akabereka mwana mukomana. Akamutumidza kuti Samueri, achiti, “Nokuti ndakamukumbira kuna Jehovha.”

Hana anokumikidza Samueri

21 Zvino murume uyu Erikana paakaenda nemhuri yake yose kundopa zvibayiro zvapagore kuna Jehovha nokundozadzisa mhiko yake,

22 Hana haana kuenda. Akati kumurume wake, “Mushure mokunge mukomana uyu ndamurumura, ndichamutora ndigomupa kuna Jehovha, uye achagara ikoko nguva dzose.”

23 Erikana murume wake akati kwaari, “Ita zvaunoona zvakakunakira. Gara pano kusvikira wamurumura; dai Jehovha asimbisa shoko rake bedzi.” Naizvozvo mukadzi uyu akagara kumba akarera mwanakomana wake kusvikira amurumura.

24 Mushure mokunge arumurwa, akatora mukomana uyu, ari mudiki sezvaaiva, pamwe chete nehando yamakore matatu neefaa youpfu hwakatsetseka nedende rewaini, uye akaenda naye kuimba yaJehovha kuShiro.

25 Vakati vauraya hando, vakaenda nomukomana kuna Eri,

26 uye Hana akati kwaari, “Zvirokwazvo noupenyu hwenyu ishe wangu, ndini mukadzi uya akamira parutivi penyu ndichinyengetera kuna Jehovha.

27 Ndakakumbira mwana uyu, uye Jehovha andipa zvandakamukumbira.

28 Saka iye zvino ndinomupa kuna Jehovha. Kwoupenyu hwake hwose achapiwa kuna Jehovha.” Uye akanamata Jehovha ipapo.

1 Samueri 2

Munyengetero waHana

1 Ipapo Hana akanyengetera achiti:

“Mwoyo wangu unofara muna Jehovha; muna Jehovha runyanga rwangu rwasimudzirwa kumusoro. Muromo wangu unotaura usingatyi pamusoro pavavengi vangu, nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.

2 “Hakuna mutsvene akaita saJehovha; hakuna mumwe kunze kwenyu;

hakuna Dombo rakaita saMwari wedu.

3 “Usaramba uchitaura uchizvikudza uye manyawi ngaarege kubuda mumuromo mako,

nokuti Jehovha ndiMwari anoziva, uye naye mabasa anoyerwa.

4 “Uta hwavarwi hwatyorwa, asi avo vakagumburwa vashongedzwa simba.

5 Avo vaiva vakaguta vakandoshandira zvokudya zvavo,

asi avo vaiva nenzara havachanzwi nzara zvakare.

Uyo aiva asingabereki abereka vana vanomwe,

asi iye akanga ana vana vazhinji oshayiwa simba.

6 “Jehovha ndiye anouraya uye ndiye anoraramisa;

anodzikisa kuguva uye anomutsawo.

7 Jehovha ndiye anopa urombo uye noupfumi;

uye anoninipisa uye anosimudzira.

8 Anosimudza varombo kubva paguruva uye anosimudza vanoshaya kubva padurunhuru ramadota;

anovagarisa namachinda uye anovaita kuti vagare nhaka yechigaro choumambo chokukudzwa.

“Nokuti nheyo dzenyika ndedzaJehovha, pamusoro padzo akamisa nyika.

9 Acharinda tsoka dzavatsvene vake, asi vakaipa vachanyaradzwa murima.

“Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.

10 Avo vanopikisa Jehovha vachaparadzwa. Achavatinhirira ari kudenga;

Jehovha achatonga magumo enyika.

“Achapa simba kuna mambo wake, uye achasimudzira runyanga rwomuzodziwa wake.”

11 Zvino Erikana akaenda kumusha kwake kuRama,

asi mukomana akashumira pamberi paJehovha ari pasi paEri muprista.

Vanakomana vaEri vakanga vakaipa

12 Vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaipa; vakanga vasina hanya naJehovha.

13 Zvino yakanga iri tsika yavaprista kuvanhu kuti munhu paaibayira chibayiro uye nyama ichiri kubikwa, muranda womuprista aiuya neforogo ine zvibayiso zvitatu muruoko rwake.

14 Aiinyudza mugango, kana muhadyana, kana mugate kana mupoto, ipapo muprista ozvitorera chero zvainge zvabudiswa neforogo. Aya ndiwo mabatiro avaiita nawo vaIsraeri vose vaiuya kuShiro.

15 Asi, kunyange mafuta asati atsva, muranda womuprista aiuya achiti kumurume aibayira chibayiro, “Ipa muprista nyama yokugocha; haasi kuzogamuchira nyama yakabikwa kubva kwauri, asi mbishi chete.”

16 Kana murume uya aiti kwaari, “Rega mafuta ambotanga atsva uye iwe ugozotora chero zvaunoda,” uye muranda aibva apindura achiti, “Kwete, ndipe kuno zvino; kana ukasandipa ndichaitora nechisimba.”

17 Ichi chivi chamajaya aya chaiva chakakura kwazvo pamberi paJehovha, nokuti vaizvidza chipo chaJehovha.

18 Asi Samueri aishumira pamberi paJehovha, mukomana aive akapfeka efodhi yomucheka.

19 Gore rimwe nerimwe, mai vake vaimuitira nguo diki uye vaienda nayo kwaari pavaienda nomurume wavo kundopa chibayiro chegore.

20 Eri aibva aropafadza Erikana nomukadzi wake achiti, “Jehovha ngaakupe vana nomukadzi uyu kuti vatore nzvimbo youyo waakakumbira uye akamupa kuna Jehovha.” Ipapo vaibva vaenda kumusha kwavo.

21 Zvino Jehovha akava nenyasha kuna Hana; akabata pamuviri akabereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Zvichakadaro, mukomana uyu Samueri akakura ari pamberi paJehovha.

22 Zvino Eri, uyo akanga akwegura kwazvo, akanzwa zvose zvaiitwa navanakomana vake kuvaIsraeri vose zvokuti vairara namadzimai aishumira pasuo reTende Rokusangana.

23 Saka akati kwavari, “Sei muchiita zvinhu zvakadai? Ndinonzwa navanhu vose pamusoro pezviito zvenyu zvakaipa izvi.

24 Kwete, vana vangu; harisi shoko rakanaka randinonzwa richipararira pakati pavanhu vaJehovha.

25 Kana munhu akatadzira mumwe munhu, Mwari angamumiririre, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndiani angamumiririre?” Kunyange zvakadaro, vanakomana vake havana kuteerera kutsiura kwababa vavo, nokuti kwaiva kuda kwaJehovha kuti avauraye.

26 Zvino mukomana uyu Samueri akaramba achikura pamumhu uye napakudiwa naJehovha navanhu.

Chiprofita pamusoro peimba yaEri

27 Zvino munhu waMwari akauya kuna Eri akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Handina kuzviratidza pachena kuimba yababa vako here pavaiva muIjipiti pasi paFaro?

28 Ndakasarudza baba vako kubva kumarudzi ose aIsraeri kuti vave muprista wangu, kuti vakwire kuaritari yangu, kundopisa zvinonhuwira, uye kuti vapfeke efodhi pamberi pangu. Ndakapawo imba yababa vako zvose zvipiriso zvaipiswa navaIsraeri.

29 Sei muchizvidza chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakarayira mumba mangu? Sei muchikudza vanakomana venyu kudarika ini nokuzvi kudza pachenyu nezvikamu zvakanakisisa zvezvipiriso zvose zvinopiwa navanhu vangu veIsraeri?’

30 “Naizvozvo Jehovha, Mwari weIsraeri, anoti, ‘Ndakavimbisa kuti imba yako neimba yababa vako dzichashumira pamberi pangu nokusingaperi.’ Asi zvino Jehovha anoti, ‘Ngazvive kure neni! Avo vanondikudza ndichavakudza, asi avo vanondizvidza vachadzikisiswa.

31 Nguva iri kuuya yandichagura simba rako nesimba reimba yababa vako, zvokuti hakuchazovi nomutana mumhuri yako

32 uye uchaona kutambudzika muimba yangu. Kunyange zvazvo zvakanaka zvichizoitirwa Israeri, mumhuri yako hamuzofi makava nomutana.

33 Mumwe nomumwe wenyu wandisingabvisi paaritari yangu achasiyiwa kuti apofumadze meso enyu nemisodzi uye kuti arwadzise mwoyo yenyu, uye zvizvarwa zvako zvose zvichafa zvichine simba.

34 “ ‘Uye zvichaitika kuvanakomana vako vaviri, Hofini naFinehasi zvichava chiratidzo kwauri, vachafa vose zuva rimwe chete.

35 Ndichazvimutsira muprista akatendeka, achaita zvinoenderana nezviri mumwoyo mangu nomundangariro dzangu. Ndichamisa imba yake zvakasimba, uye achashumira pamberi pomuzodziwa wangu nguva dzose.

36 Ipapo wose achasara mumhuri yako achauya agokotama pamberi pake kuti apuwe mari yesirivha nechimedu chechingwa agokumbirisa achiti, “Dondipaiwo rimwe basa rouprista kuti ndingowana zvokudya.” ’ ”

1 Samueri 3

Jehovha anodana Samueri

1 Mukomana uyu Samueri aishumira pamberi paJehovha ari pasi paEri. Mumazuva iwayo shoko raJehovha rakanga risinganzwiki-nzwiki, kwakanga kusina zviratidzo zvizhinji.

2 Rimwe zuva usiku, Eri akanga akavata panzvimbo yake yamazuva ose, uye meso ake akanga oonera madzerere, asisagoni kuona zvakanaka.

3 Mwenje waMwari wakanga usati wadzimwa, uye Samueri akanga akarara pasi mutemberi yaJehovha, maiva neareka yaMwari.

4 Ipapo Jehovha akadana Samueri. Samueri akadavira achiti, “Ndiri pano.”

5 Akamhanya kuna Eri akasvikoti, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Eri akati, “Handina kukudana; dzokera unorara.” Saka akaenda akanorara.

6 Jehovha akadana zvakare achiti, “Samueri!” Uye Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Eri akati, “Mwanakomana wangu, handina kukudana; dzokera unorara.”

7 Zvino Samueri akanga asati aziva Jehovha. Shoko raJehovha rakanga risati razarurirwa kwaari.

8 Jehovha akadana Samueri kechitatu, uye Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaona kuti Jehovha akanga achidana mukomana uyu.

9 Saka Eri akaudza Samueri kuti, “Enda unorara pasi, kana akakudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu akateerera.’ ” Saka Samueri akaenda akandorara pasi, panzvimbo yake.

10 Jehovha akauya akamirapo, akadana sapanguva dzimwe dzose achiti, “Samueri! Samueri!” Ipapo Samueri akati, “Taurai, nokuti muranda wenyu akateerera.”

11 Zvino Jehovha akati kuna Samueri, “Tarira, ndava kuda kuita chimwe chinhu muIsraeri chichaita kuti nzeve dzavose vanochinzwa dziunge.

12 Panguva iyoyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake kubva kumavambo kusvika kumagumo.

13 Nokuti ndakamuudza kuti ndichatonga mhuri yake nokusingaperi nokuda kwechivi chaaiziva pamusoro pacho, vanakomana vake vakazvigadzirira kutukwa asi iye haana kuvadzora.

14 Naizvozvo ndakatsidza kuimba yaEri ndichiti, ‘Mhosva yeimba yaEri haingayananisirwi nechibayiro kana nechipo.’ ”

15 Samueri akarara kusvika mangwanani uye akazozarura misuo yeimba yaJehovha. Akatya kuudza Eri chiratidzo chake,

16 asi Eri akamudana akati, “Samueri, mwanakomana wangu.” Samueri akapindura akati, “Ndiri pano.”

17 Eri akabvunza akati, “Wakaudzweiko naJehovha? Usandivanzira hako. Mwari ngaakurange zvakanyanya kana ukandivanzira kana chinhu chimwe zvacho chaakakuudza.”

18 Saka Samueri akamuudza zvose, akasamuvanzira chinhu. Ipapo Eri akati, “NdiJehovha, regai aite zvaanoona zvakanaka.”

19 Samueri akakura uye Jehovha aiva naye, uye iye haana kurega kunyange shoko rake rimwe chete richiwira pasi.

20 Uye Israeri yose kubva kuDhani kusvika kuBheerishebha vakaziva kuti Samueri akanga asimbiswa somuprofita waJehovha.

21 Jehovha akaramba achionekwa paShiro, uye ipapo akazviratidza kuna Samueri kubudikidza neshoko rake.

1 Samueri 4

VaFiristia vanopamba Areka

1 Uye shoko raSamueri rakasvika kuIsraeri yose. Zvino vaIsraeri vakaenda kundorwa navaFiristia. VaIsraeri vakaungana paEbhenezeri, vaFiristia vakavaka misasa yavo paAfeki.

2 VaFiristia vakagadzirira varwi vavo kuti vandosangana neIsraeri, uye hondo payakanga yava kupararira, Israeri yakakundwa navaFiristia, vakauraya varume zviuru zvina zvavo pavairwira.

3 Varwi pavakadzoka kumusasa, vakuru veIsraeri vakabvunza vakati, “Sei Jehovha aita kuti tikundwe nhasi pamberi pavaFiristia? Ngatitorei areka yesungano yaJehovha kubva kuShiro, kuti igoenda nesu uye igotiponesa kubva muruoko rwavavengi vedu.”

4 Naizvozvo vanhu vakatuma varume kuShiro, uye vakadzosa areka yaJehovha Wamasimba Ose uye agere pachigaro choushe pakati pamakerubhi. Zvino vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vaivapo neareka yesungano yaMwari.

5 Areka yesungano yaJehovha payakauya mumusasa, Israeri yose yakapururudza uye vakaita ruzha rukuru zvokuti pasi pakatinhira.

6 Pavakanzwa mheremhere, vaFiristia vakabvunza vakati, “Mheremhere iri mumusasa wavaHebheru ndeyei?” Vakati vazvinzwa kuti areka yaJehovha yakanga yauya mumusasa,

7 vaFiristia vakatya. Vakati, “Mwari asvika mumusasa. Tava munhamo! Hapana chinhu chakadai seichi chati chamboitika.

8 Tine nhamo! Ndianiko achatirwira pamaoko avamwari ava vane simba? Ndivo vamwari vakarova vaIjipita namarudzi ose amatambudziko mugwenga.

9 Simbai vaFiristia! Ivai varume, mukasadaro muchava varanda vavaHebheru sezvavakanga vakaita kwamuri. Ivai varume, uye murwe!”

10 Saka vaFiristia vakarwa, vaIsraeri vakakundwa uye munhu wose akatiza achidzokera kutende rake. Pakava nokuurayiwa kukuru; Israeri yakarasikirwa navarwi vetsoka zviuru makumi matatu.

11 Areka yaJehovha yakapambwa uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vakafa.

Kufa kwaEri

12 Zuva rimwe chetero, mumwe murume weBhenjamini akamhanya achibva kuhondo akaenda kuShiro, nguo dzake dzakabvaruka uye ane guruva pamusoro wake.

13 Paakasvikako, Eri akanga akagara pachigaro chake parutivi rwenzira, akangotarisa, nokuti mwoyo wake waityira areka yaJehovha. Murume uyu paakapinda muguta akataura zvakanga zvaitika, guta rose rakachema.

14 Eri akanzwa kuchema akandobvunza achiti, “Mheremhere iyi yose ndeyeiko?” Murume uyu akachimbidza kuenda kuna Eri,

15 akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namasere okuberekwa uye meso ava norutara zvokuti akanga asisaoni.

16 Akati kuna Eri, “Ndiri kubva kuhondo izvozvi; ndatotizako nhasi chaiye.” Eri akabvunza akati, “Chiiko chaitika mwanakomana wangu?”

17 Murume akauya neshoko akapindura achiti, “Israeri yatiza vaFiristia, uye hondo yarasikirwa zvikuru. Uyewo vanakomana venyu vaviri Hofini naFinehasi vafa, uye areka yaMwari yapambwa.”

18 Paakataura nezveareka yaMwari, Eri akawa negotsi kubva pachigaro chake parutivi rwesuo. Mutsipa wake wakatyoka akabva afa nokuti aiva murume akanga akwegura uye ari mukobvu. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi mana.

19 Muroora wake, mukadzi waFinehasi, akanga ane pamuviri ava pedyo nokuda kubatsirwa. Paakanzwa nhau idzi dzokuti areka yaJehovha yakanga yapambwa uye kuti vatezvara vake nomurume wake vakanga vafa, akarwadziwa napamuviri akabereka mwana, asi akakurirwa namarwadzo ake pakusununguka.

20 Paakanga ava kufa madzimai aimubatsira akati, “Usaora mwoyo wabatsirwa nomwana mukomana.” Asi haana kumbopindura kana kuzviteerera.

21 Akatumidza mukomana uyu kuti Ikabhodhi, achiti, “Kubwinya kwabva muIsraeri,” nokuda kwokutorwa kweareka yaMwari uye nokufa kwatezvara vake nomurume wake.

22 Akati, “Kubwinya kwabva muIsraeri, nokuti areka yaMwari yapambwa.”

1 Samueri 5

Areka muAshidhodhi nomuEkironi

1 Mushure mokunge vaFiristia vapamba areka yaMwari, vakaitora kubva kuEbhenezeri vakaenda nayo kuAshidhodhi.

2 Ipapo vakatakura areka vakapinda nayo mutemberi yaDhagoni vakaiisa parutivi rwaDhagoni.

3 Vanhu veAshidhodhi pavakamuka mangwananingwanani zuva raitevera, wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Vakatora Dhagoni vakamudzosera panzvimbo yake.

4 Asi mangwanani aitevera pavakamuka wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Musoro wake namaoko zvakanga zvadimbuka zvisisipo uye zviri pasi pachikumbaridzo chomukova, muviri wake bedzi ndiwo wakanga wangosara.

5 Ndokusaka kusvika nanhasi kusina vaprista vaDhagoni kana vamwewo zvavo vanopinda mutemberi yaDhagoni paAshidhodhi vanotsika pachikumbaridzo chomukova.

6 Ruoko rwaMwari rwakatambudza zvikuru vanhu veAshidhodhi nenzvimbo dzakaikomberedza; akauyisa kuparadzwa pamusoro pavo uye akavarova namamota.

7 Vanhu veAshidhodhi pavakaona zvakanga zvichiitika vakati, “Areka yaMwari weIsraeri haifaniri kugara pano nesu nokuti ruoko rwake rwatitambudza zvikuru isu naDhagoni mwari wedu.”

8 Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakavabvunza vachiti, “Toitei neareka yaMwari weIsraeri?” Vakapindura vachiti, “Itai kuti areka yaMwari weIsraeri iendeswe kuGati.” Saka vakabvisa areka yaMwari weIsraeri.

9 Asi mushure mokunge vaibvisa, ruoko rwaMwari rwakarwisana neguta iroro, uye akarivhundutsa nokuvhundutsa kukuru. Akarova vanhu veguta iroro, vakuru navadiki, namamota.

10 Saka vakaendesa areka yaMwari kuEkironi. Areka yaMwari payakanga yava kupinda muEkironi, vanhu veEkironi vakadanidzira, vachiti, “Vauyisa areka yaMwari weIsraeri kuti vatiuraye isu navanhu vedu.”

11 Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakati, “Dzoserai areka yaMwari weIsraeri kwakare, regai idzokere kunzvimbo kwayo, nokuti ichatiuraya isu navanhu vedu.” Nokuti rufu rwakanga rwazadza guta nokuvhunduka; ruoko rwaMwari rwakanga rwaritambudza zvikuru.

12 Avo vasina kufa vakarohwa namamota uye kuchema kweguta kwakakwira kudenga.

1 Samueri 6

Areka inodzoserwa kuIsraeri

1 Areka yaJehovha yakati yava nemwedzi minomwe iri munyika yavaFiristia,

2 vaFiristia vakadana vaprista navavuki vakati, “Toitei neareka yaJehovha? Tiudzei kuti toidzosera sei kunzvimbo yayo.”

3 Vakapindura vachiti, “Kana muchidzosera areka yamwari weIsraeri, musaidzosera isina chinhu, asi edzai nepamunogona kumutumira chipiriso chemhosva. Ipapo muchaporeswa, uye muchaziva kuti sei ruoko rwake rusina kubviswa pamusoro penyu.”

4 VaFiristia vakabvunza vakati, “Chipiriso chemhosva chatinofanira kumutumira ndecheiko?” Vakapindura vachiti, “Mamota mashanu egoridhe nembeva shanu dzegoridhe, zvichienderana nouwandu hwavatongi vavaFiristia, nokuti nedenda rimwe chetero akakurovai imi navatongi venyu.

5 Itai zviumbwa zvamamota nembeva dzacho, izvo zviri kuparadza nyika, uye mugopa kukudzwa kuna Mwari weIsraeri. Zvikada achasimudza ruoko rwake kubva pamuri napana vamwari venyu nenyika yenyu.

6 Sei muchiomesa mwoyo yenyu sezvakaitwa navaIjipita naFaro? Paakavabata nehasha, havana kubudisa vaIsraeri here kuti vaende?

7 “Naizvozvo torai mugadzirire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinomwisa uye dzisina kumbosungwa pajoko. Sungai mhou pangoro, asi torai mhuru dzadzo mugodzipfigira muchirugu.

8 Torai areka yaJehovha mugoiisa pangoro, uye mubhokisi parutivi payo isai zviumbwa zvegoridhe zvamuri kutumirako kwaari sechipo chemhosva. Mugoituma iende,

9 asi, murambe makaitarisa. Kana ikakwidza kuenda kunyika yayo, kwakadziva kuBhetishemeshi, zvoreva kuti Jehovha ndiye anenge auyisa njodzi pamusoro pedu. Asi kana ikarega, ipapo tichaziva kuti harusi ruoko rwake rwakatirova uye kuti zvakangotiwirawo.”

10 Saka vakaita izvi. Vakatora mhou mbiri dzakadai vakadzisungirira pangoro uye vakapfigira mhuru dzadzo muchirugu.

11 Vakaisa areka yaJehovha pangoro pamwe chete nebhokisi rakanga rine mbeva dzegoridhe nezviumbwa zvamamota.

12 Ipapo mhou dzakakwidza kuenda Bhetishemeshi, dzakati tande nenzira uye dzichikuma nzira yose; hadzina kutendeukira kurudyi kana kuruboshwe. Vatongi vavaFiristia vakadzitevera kusvikira kumuganhu weBhetishemeshi.

13 Zvino vanhu veBhetishemeshi vakanga vachikohwa gorosi ravo mumupata, uye pavakasimudza misoro yavo vakaona areka, uye vakafara nokuiona.

14 Ngoro yakauya kumunda waJoshua weBhetishemeshi uye ipapo yakamira parutivi rwedombo guru. Vanhu vakatematema mapuranga engoro uye vakabayira mhou idzi sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha.

15 VaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, pamwe chete nebhokisi raiva nezviumbwa zvegoridhe, vakazvigadzika padombo guru. Musi iwoyo vanhu veBhetishemeshi vakapa zvipiriso zvinopiswa vakabayira zvibayiro kuna Jehovha.

16 Vatongi vashanu vavaFiristia vakaona zvose izvi vakadzokera kuEkironi musi iwoyo.

17 Aya ndiwo mamota egoridhe akatumirwa navaFiristia sechipiriso chemhosva kuna Jehovha, rimwe kuAshidhodhi, rimwe kuGaza, rimwe kuAshikeroni, rimwe kuGati nerimwe kuEkironi.

18 Uye uwandu hwembeva dzegoridhe hwaienderana nouwandu hwamaguta avaFiristia akanga ari avatongi vashanu, maguta aiva namasvingo nemisha yawo yomumaruwa. Dombo guru ravakagadzika areka yaJehovha, riripo nanhasi sechapupu mumunda waJoshua weBhetishemeshi.

19 Asi Mwari akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, akauraya vanhu makumi manomwe vavo nokuti vakanga vadongorera mukati meareka yaJehovha. Vanhu vakachema nokuti Jehovha akanga auraya vanhu nokuuraya kukuru,

20 uye varume veBhetishemeshi vakabvunza vachiti, “Ndiani angamira pamberi paJehovha, Mwari uyu mutsvene? Areka iyi ichaenda kuna ani ichibva pano?”

21 Ipapo vakatumira nhume kuvanhu veKiriati Jearimi vachiti, “VaFiristia vadzosa areka yaJehovha. Dzikai kuno muzoitora kuti muende nayo kwenyu.”

1 Samueri 7

1 Saka varume veKiriati Jearimi vakauya vakatora areka yaJehovha. Vakaiendesa kuimba yaAbhinadhabhi pachikomo uye vakatsaura Ereazari mwanakomana wake kuti achengete areka yaJehovha.

Samueri anokurira vaFiristia paMizipa

2 Areka yakaramba iri paKiriati Jearimi kwenguva yakareba kwazvo, makore makumi maviri pamwe chete, uye vanhu vose veIsraeri vakachema uye vakatsvaka Jehovha.

3 Ipapo Samueri akati kuimba yeIsraeri, “Kana muchidzokera kuna Jehovha nemwoyo yenyu yose, zvino chibvisai pakati penyu vamwari vavatorwa navaAshitoreti mugozvikumikidza kuna Jehovha uye mumushumire iye bedzi, uye achakudzikinurai kubva muruoko rwavaFiristia.”

4 Saka vaIsraeri vakarasa vose vaBhaari vavo navaAshitoreti, vakashumira Jehovha chete.

5 Ipapo Samueri akati, “Unganidzai Israeri yose paMizipa uye ndichakukumbirirai kuna Jehovha.”

6 Vakati vaungana paMizipa, vakachera mvura vakaidururira pamberi paJehovha. Nomusi iwoyo vakatsanya ipapo vakareurura vachiti, “Takatadzira Jehovha.” Uye Samueri akava mutungamiriri weIsraeri yose paMizipa.

7 VaFiristia vakati vanzwa kuti Israeri yakanga yaungana paMizipa, vatungamiri vavaFiristia vakauya kuzovarwisa. Zvino vaIsraeri vakati vazvinzwa, vakatya nokuda kwavaFiristia.

8 Vakati kuna Samueri, “Musarega henyu kuramba muchidanidzira kuna Jehovha Mwari nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFiristia.”

9 Ipapo Samueri akatora gwayana rainwa akaribayira sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha. Akachema kuna Jehovha pamusoro peIsraeri, Jehovha akamupindura.

10 Samueri paakanga achibayira chipiriso chinopiswa, vaFiristia vakaswedera pedyo kuti varwise Israeri. Asi zuva iroro Jehovha akatinhira nokutinhira kukuru pamberi pavaFiristia akavavhundutsa zvokuti vakakundwa pamberi pavaIsraeri.

11 Varume veIsraeri vakachimbidza kubuda muMizipa vakadzingirira vaFiristia, vakavauraya munzira kusvikira kunzvimbo iri zasi kweBhetikari.

12 Ipapo Samueri akatora dombo akarimisa pakati peMizipa neSheni. Akaritumidza kuti Ebhenezeri akati, “Jehovha akatibatsira kusvikira pano.”

13 Saka vaFiristia vakakurirwa uye havana kuzorwisa nyika yavaIsraeri zvakare. Uye ruoko rwaJehovha rwakarwa navaFiristia mazuva ose aSamueri.

14 Maguta anobva kuEkironi kusvikira kuGati akanga apambwa navaFiristia kubva kuIsraeri akadzorerwa kwairi, uye Israeri yakasunungura rimwe dunhu rayo kubva muruoko rwavaFiristia. Uye pakazova norunyararo pakati peIsraeri navaAmori.

15 Samueri akaramba ari mutongi weIsraeri kwoupenyu hwake hwose.

16 Gore negore aitenderera kubva kuBheteri achienda kuGirigari nokuMizipa, achitonga Israeri munzvimbo dzose idzodzo.

17 Asi aipota achidzokera kuRama, kwaiva nomusha wake, uye ikokowo akatonga Israeri. Uye akavakira Jehovha aritari ikoko.

1 Samueri 8

VaIsraeri vanokumbira Mambo

1 Samueri akati akwegura, akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi veIsraeri.

2 Zita redangwe rake rainzi Joere uye zita rowechipiri rainzi Abhia, uye vaishanda vari paBheerishebha.

3 Asi vanakomana vake vakatsaukira kupfuma yakaipa, vakatambira fufuro, vakasaruramisira pakutonga.

4 Saka vakuru vose veIsraeri vakaungana pamwe chete vakauya kuna Samueri paRama.

5 Vakati kwaari, “Makwegura, uye vana venyu havafambi munzira dzenyu; naizvozvo gadzai mambo kuti atitungamirire, sezvakaita mamwe marudzi ose.”

6 Asi pavakati, “Tipei mambo kuti atitungamirire,” izvi hazvina kufadza Samueri; saka akanyengetera kuna Jehovha.

7 Uye Jehovha akamuudza kuti: “Teerera zvose zvinotaura vanhu kwauri; havana kuramba iwe, asi varamba ini samambo wavo.

8 Sezvavakaita kubva pazuva randakavabuditsa muIjipiti kusvikira nhasi, vachindisiya uye vachishumira vamwe vamwari, ndizvo zvavari kuita nokwauri.

9 Zvino, teerera zvavanotaura; asi uvayambire zvakasimba uye uvazivise zvichaitwa namambo achavatonga.”

10 Samueri akataura mashoko ose aJehovha kuvanhu vakanga vachimukumbira mambo.

11 Akati, “Izvi ndizvo zvichaitwa neachakutongai: Achatora vanakomana venyu agoita kuti vashande nengoro dzake dzehondo namabhiza, uye vachamhanya vari mberi kwengoro dzake.

12 Vamwe vavo achavaita vatungamiri vezviuru navatungamiri vamakumi mashanu, uye achaita kuti vamwe varime minda yake pamwe chete nokuikohwa, uye achaita kuti vamwe vagadzire zvombo zvehondo nemidziyo yengoro dzake.

13 Achatora vanasikana venyu kuti vave vagadziri vamafuta anonhuhwira navabiki vezvokudya navabiki vechingwa.

14 Achatora minda yenyu yakaisvonaka neminda yemizambiringa neminda yemiorivhi agozvipa kuvatariri vake.

15 Achatora chegumi chembeu dzenyu namazambiringa enyu agozvipa kumachinda ake nevanomushandira.

16 Varandarume venyu navarandakadzi venyu nemombe dzenyu dzakaisvonaka nembongoro achazvitora kuti azvishandise pamabasa ake.

17 Achatora chegumi chamakwai enyu, uye imi pachenyu muchava nhapwa dzake.

18 Zuva iroro parichasvika muchachema kwazvo nokuda kwamambo iyeye wamazvisarudzira, uye Jehovha haazokupindurai pazuva iroro.”

19 Asi vanhu vakaramba kuteerera Samueri. Vakati, “Kwete! Tinoda mambo kuti atitonge.

20 Ipapo tichava sedzimwe nyika dzose, tiina mambo anotitungamirira nokutiendera pamberi achitirwira hondo dzedu.”

21 Samueri akati anzwa zvose zvakanga zvataurwa navanhu, akandozvitaura zvakare pamberi paJehovha.

22 Jehovha akapindura achiti, “Vateerere uye uvape mambo.” Ipapo Samueri akati kuvarume veIsraeri, “Munhu wose ngaadzokere kuguta rake.”