1 Madzimambo 4

Machinda aSoromoni

1 Saka Mambo Soromoni akanga ari mambo weIsraeri yose.

2 Ava ndivo vaiva machinda ake:

Azaria mwanakomana waZadhoki aiva muprista;

3 Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo dzenyika;

4 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutungamiri wamauto;

Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista;

5 Azaria mwanakomana waNatani aiva mukuru wavatariri;

Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva muprista neshamwari yamambo;

6 Ahishari aiva mutariri womuzinda wamambo;

Adhoniramu, mwanakomana waAbhudha aiva mutariri wechibharo.

7 Soromoni aivawo namachinda gumi navaviri veIsraeri yose vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya. Mumwe nomumwe aifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe chete pagore.

8 Mazita avo aiti:

Bhenihuri, munyika yamakomo yaEfuremu;

9 Bhenidhekeri munyika yeMakazi, Shaaribhimu, Bheti Shemeshi neEroni Bhetihanani;

10 Bhenihesedhi muArubhoti (Soko nenyika yose yeHeferi dzaiva dzake).

11 Bheniabhinadhabhi, munyika yeNafoti Dhori (aiva awana mwanasikana waSoromoni);

12 Bhaana, mwanakomana waAhirudhi munyika yeTaanaki, Megidho nenyika yose yeBhetisheani iyo iri parutivi peZaretani, zasi kweJezireeri, kubva kuBhetisheani kusvika kuAbherimehora mhiri kweJokomeami;

13 Bheni-gebheri munyika yeRamoti Gireadhi (misha yaJairi, mwanakomana waManase munyika yeGireadhi yaiva yake, pamwe chete nedunhu reArigobhi munyika yeBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu aiva namasvingo ane masuo endarira);

14 Ahinadhabhi mwanakomana waIdho, munyika yeMahanaimi;

15 Ahimaazi, munyika yaNafutari (akanga awana Bhasemati mwanasikana waSoromoni);

16 Bhaana mwanakomana waHushai, munyika yaAsheri neAroti;

17 Jehoshafati mwanakomana waParua, munyika yaIsakari;

18 Shimei mwanakomana waEra, munyika yaBhenjamini;

19 Geheri mwanakomana waUri, munyika yeGireadhi (nyika yaSihoni mambo wavaAmori nenyika yaOgi mambo weBhashani). Ndiye aiva mubati oga mudunhu iri.

Migove yezuva nezuva yaSoromoni

20 Vanhu veJudha neIsraeri vakanga vakawanda sejecha ramahombekombe egungwa; vakadya, vakanwa uye vakafara.

21 Soromoni akanga ari mambo munyika dzose dzaibva kuYufuratesi kusvikira kunyika yavaFiristia, nokumuganhuwo weIjipiti. Nyika idzi dzakauya nomutero uye vakashandira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake.

22 Zvokudya zvomuzinda waSoromoni zvezuva nezuva zvaiva zviyero makumi matatua zvefurawa yakatsetseka nezviyero makumi matanhatub zvoupfu,

23 mombe gumi dzakakodzwa, nemombe makumi maviri dzokumafuro, makwai zana, pasingaverengerwi nondo, mhara, mhembwe nehuku dzakakodzwa.

24 Nokuti aitonga nyika dzose dziri kumadokero kwerwizi rweYufuratesi kubva kuTifisa kusvikira kuGaza, uye akava norugare kumativi ose.

25 Pamazuva oupenyu hwaSoromoni vaJudha navaIsraeri vaigara zvakanaka, kubvira kuDhani kusvikira kuBheerishebha, mumwe nomumwe pasi pomuti wake wamazambiringa nowamaonde.

26 Soromoni aivawo nezvidyiro zvamabhiza engoro dzake zviuru makumi mana navatasvi vamabhiza zviuru gumi nezviviri.

27 Vatariri vakatsvakira Mambo Soromoni navose vaiuya kuzodya naMambo Soromoni patafura yake zvokudya, mumwe nomumwe mumwedzi wake. Vakaona kuti hapana chaishayikwa.

28 Vakauyawo nebhari nouswa hwamabhiza engoro namamwewo mabhiza kunzvimbo dzezvaidiwa, mumwe nomumwe zvaakatarirwa.

Mukurumbira woUchenjeri hwaSoromoni

29 Mwari akapa Soromoni uchenjeri, nokunzwisisa kukuru sejecha rapamahombekombe egungwa.

30 Uchenjeri hwaSoromoni hwakanga hwakapfuura uchenjeri hwavanhu vose vokumabvazuva, nouchenjeri hwose hwokuIjipiti.

31 Akanga akachenjera kupfuura vamwe vose; akachenjera kupfuura Etani muEzirahi, Hemani, Karikori, naDharidha, vanakomana vaMahori. Mukurumbira wake wakapararira kunyika dzose dzakapoteredza.

32 Akataura zvirevo zviuru zvitatu, uye dzimbo dzake dzaikwana chiuru neshanu.

33 Akatsanangura makuriro emiti, kubvira kumusidhari weRebhanoni kusvikira kumihisopi inokura mumadziro. Akadzidzisawo pamusoro pemhuka, shiri, zvinokambaira nehove.

34 Vanhu vakauya vachibva kunyika dzose kuti vazonzwa uchenjeri hwaSoromoni; vakauya vachitumwa namadzimambo ose enyika akanga anzwa nezvouchenjeri hwake.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

twenty − 3 =