1 Petro 3

Vakadzi naVarume

1 Saizvozvo nemiwo vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu kuiitira kuti, kana mumwe wavo asingatendi shoko, angadzorwa namafambiro avakadzi vavo pasina shoko rarehwa,

2 pavanoona kuchena nokuremekedzwa kwoupenyu hwenyu.

3 Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nokushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka.

4 Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori kwounyoro nokwomweya wakapfava, kunova ndiko kunokosha pamberi paMwari.

5 Nokuti vaizvishongedza saizvozvi vakadzi vatsvene vakare avo vaiisa tariro yavo muna Mwari. Vakanga vachizviisa pasi pavarume vavo chaivo,

6 saSara, akateerera Abhurahama akamuti ishe wake. Muri vanasikana vake kana muchiita zvakanaka uye musingapi kutya nzvimbo.

7 Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu.

Kutambudzika nokuda kwoKuita Zvakanaka

8 Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise.

9 Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.

10 Nokuti,

“Uyo anoda upenyu

nokuona mazuva akanaka

anofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa,

nemiromo yake pakutaura zvinonyengera.

11 Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka;

anofanira kutsvaka rugare agorutevera.

12 Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama,

uye nzeve dzake dzakateerera

kumunyengetero wavo,

asi chiso chaShe chakanangana navaya

vanoita zvakaipa.”

13 Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka?

14 Asi kunyange dai mungatambudzika nokuda kwezvakanaka, makaropafadzwa imi. “Murege kutya zvavanotya ivo; musavhundutswa.”

15 Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza,

16 muchichengeta hana yakachena, kuitira kuti vaya vanotaura zvakaipa pamusoro pamafambiro enyu akanaka muna Kristu vanyadziswe pakureva kwavo.

17 Zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakanaka pano kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakaipa.

18 Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya,

19 nawo akaendawo akandoparidza kumweya yakanga iri mutorongo

20 yakaramba kuteerera kare Mwari paakanga akamirira nomwoyo murefu mumazuva aNoa, areka payakanga ichiri kuvakwa. Mairi, vanhu vashoma bedzi, ivo vasere, vakaponeswa nemvura,

21 uye mvura iyi inofananidzira rubhabhatidzo runokuponesaiwo zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari. Inokuponesai nokumuka kwaJesu Kristu,

22 iye akapinda mudenga uye ari kuruoko rworudyi rwaMwari, vatumwa namasimba noushe zviri pasi pake.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

20 − five =