1 Petro 5

Vakuru naVaduku

1 Kuvakuru vari pakati penyu, ndinokumbira hangu somukuru pamwe chete nemi, nechapupu chamatambudziko aKristu, uye somumwewo achazogovana navo mukubwinya kuchazoratidzwa ndichiti:

2 Ivai vafudzi veboka raMwari riri pasi penyu, muchibata savatariri, musingazviiti nokuroveredzwa, asi nokuda kwokuti munoda, sezvinodikanwa naMwari kuti muve; musingakariri mari, asi muchishingaira pakushanda;

3 musingaremedzi vaya vakaiswa kwamuri, asi muve muenzaniso kuboka.

4 Uye mufudzi mukuru paachaonekwa, muchapiwa korona yokubwinya isingaori.

5 Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti,

“Mwari anodzivisa vanozvikudza

asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”

6 Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira.

7 Kandai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.

8 Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya.

9 Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo.

10 Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai.

11 Ngaave nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.

Mashoko Okupedzisira

12 Ndakakunyorerai muchidimbu ndi-chibatsirwa naSirasi hama yangu yakatendeka, ndichikukurudzirai uye ndichipupura kuti idzi ndidzo nyasha dzaMwari dzechokwadi. Mirai makasimba madziri.

13 Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwe chete nemi, inokukwazisai, uye mwanakomana wangu Mako anokukwazisaiwo.

14 Kwazisanai nokutsvodana kworudo. Rugare kwamuri mose muri muna Kristu.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

fourteen − 7 =