1 VaKorinde 3

Pamusoro poKupesana muKereke

1 Hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi savanhu vomweya asi savanhu venyama, vacheche zvavo muna Kristu.

2 Ndakakupai mukaka, kwete zvokudya zvikukutu, nokuti makanga musingagoni kudya. Zvirokwazvo, hamusati mava kugona kudya nazvino.

3 Nokuti muchiri venyama. Nokuti sezvo pakati penyu pachine godo negakava, ko, hamuzi venyika here? Ko, hamuzi kufamba savanhuwo zvavo here?

4 Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe achiti, “Ini ndiri waAporo,” ko, hamuzi vanhuwo zvavo here?

5 Aporo chiiko? Uye Pauro chiiko? Varanda bedzi; vamakatenda kubudikidza navo mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe.

6 Ini ndakasima, Aporo akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa.

7 Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu.

8 Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake.

9 Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.

10 Nenyasha dzandakapiwa naMwari, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera, uye mumwewo ari kuvaka pamusoro payo. Asi mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro payo.

11 Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu.

12 Zvino kana munhu achivaka panheyo iyi achishandisa goridhe, kana sirivha kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga,

13 basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe.

14 Kana zvaakavaka zvikagara, iye achagamuchira mubayiro wake.

15 Kana zvikapiswa, iye acharasikirwa: asi iye pachake achaponeswa: asi souya abuda mumoto.

16 Ko, hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri?

17 Kana munhu achiparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nokuti temberi yaMwari itsvene, uye ndimi temberi yacho.

18 Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave “benzi” kuti ave akachenjera.

19 Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi pamberi paMwari. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Anobata vakachenjera pamano avo,”

20 uye zvakare, “Ishe anoziva kuti mifungo yavakachenjera haina maturo.”

21 Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anozvikudza pamusoro pavanhu! Zvinhu zvose ndezvenyu,

22 angava Pauro kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvazvino, kana zvinouya, zvose ndezvenyu,

23 uye muri vanhu vaKristu, uye Kristu ndewaMwari.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

three × one =