2 Madzimambo 2

Eria anoenda kuDenga

1 Jehovha paakanga ava kuda kutora Eria nechinyamupupuri kuti amuendese kudenga, Eria naErisha vakanga vari munzira vachibva kuGirigari.

2 Eria akati kuna Erisha, “Gara pano, nokuti Jehovha andituma kuBheteri.” Asi Erisha akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwenyu, handingakusiyei.” Naizvozvo vakadzika kuBheteri.

3 Boka ravaprofita vapaBheteri rakauya kuna Erisha vakamubvunza vakati, “Unoziva here kuti Jehovha ari kuzokutorera tenzi wako nhasi?” Erisha akavapindura akati, “Hongu, ndinozviziva, regai henyu kuzvitaura.”

4 Ipapo Eria akatizve kwaari, “Gara pano, Erisha; nokuti Jehovha andituma kuJeriko.” Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, handingakusiyei.” Naizvozvo vakaenda kuJeriko.

5 Boka ravaprofita vapaJeriko rakakwira kuna Erisha vakamubvunza vakati, “Unoziva here kuti Jehovha ari kuzokutorera tenzi wako nhasi?” Iye akavapindura akati, “Hongu, ndinozviziva, regai henyu kuzvitaura.”

6 Ipapo Eria akatizve kwaari, “Gara pano; nokuti Jehovha andituma kuJorodhani.” Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwenyu, handikusiyei. Saka vakafamba vose vari vaviri.

7 Boka ravaprofita, ravarume makumi mashanu, rakaenda rikandomira nechokure, vakatarisana napanzvimbo pakanga pamire Eria naErisha paJorodhani.

8 Eria akatora jasi rake akaripeta akarova mvura naro, mvura ikaparadzana, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe, ivo vaviri vakayambuka napakaoma.

9 Vakati vayambuka, Eria akati kuna Erisha, “Nditaurire, unoda kuti ndikuitirei ndisati ndatorwa kubva kwauri?” Erisha akapindura akati “Ndipei migove miviri yomweya wenyu.”

10 Eria akati, “Wakumbira chinhu chakaoma, asi kana ukandiona ndichitorwa kubva kwauri, uchaupiwa, asi kana zvisina kudaro, haungaupiwi.

11 Zvino pavakanga vachifamba, vachitaurirana, pakarepo ngoro yomoto namabhiza omoto zvakaonekwa zvikaparadzanisa vaviri ava, Eria akaenda kudenga muchinyamupupuri.

12 Uye Erisha akazviona akadanidzira nenzwi guru akati, “Baba vangu! Baba vangu! Ngoro navarume vamabhiza veIsraeri!” Zvino Erisha haana kuzomuonazve. Ipapo akabata nguo dzake akadzibvarura napakati.

13 Akanonga jasi rakanga rawira pasi, richibva kuna Eria akadzokera kundomira pamahombekombe eJorodhani.

14 Ipapo akatora jasi raEria rakanga rawa kubva paari akarova mvura naro akati, “Zvino Jehovha Mwari waEria aripiko?” Paakarova mvura, yakaparadzana, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe, iye ndokubva ayambuka achienda mhiri.

15 Boka ravaprofita vapaJeriko, avo vakanga vakatarisa, vakati, “Mweya waEria wagara pamusoro paErisha.” Uye vakaenda kundosangana naye vakakotamira pasi pamberi pake.

16 Vakati, “Tarirai, isu varanda venyu tine varume vesimba makumi mashanu. Ngavaende vandotsvaka tenzi wenyu. Zvimwe Mweya waJehovha wamusimudza ukandomugarisa pamusoro perimwe gomo kana mune mumwe mupata.” Erisha akavapindura akati, “Kwete, musavatuma.”

17 Asi vakaramba vachimugombedzera kusvikira anyara kwazvo kuti avarambidze. Saka akati, “Vatumei henyu.” Saka vakatuma varume makumi mashanu vakandomutsvaka kwamazuva matatu asi havana kumuwana.

18 Pavakadzokera kuna Erisha, kwaaigara muJeriko, akati kwavari, “Handina kukuudzai here kuti musaenda?”

Mvura inonatswa

19 Varume vomuguta vakati kuna Erisha, “Tarirai, tenzi wedu, guta iri riri pakanaka, asi sezvamunoona henyu, mvura yacho yakaipa uye nyika yacho haina zvibereko.”

20 Iye akati, “Ndivigirei ndiro itsva uye muise munyu mairi.” Naizvozvo vakamuvigira ndiro yacho.

21 Ipapo akaenda kuchitubu akakanda munyu imomo achiti, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndanatsa mvura iyi. Haichazokonzeri rufuzve kana kushayisa nyika zvibereko.’ ”

22 Saka mvura yakaramba yakanaka kusvikira nhasi sezvakanga zvarehwa neshoko rakataurwa naErisha.

23 Achibva ipapo, Erisha akaenda kuBheteri. Paakanga achifamba mumugwagwa, vamwe vechidiki vakabuda muguta vakamusveeredza, vakati kwaari, “Kwira, iwe nyamhanza!”

24 Akacheuka, akavatarisa uye akadana chituko pamusoro pavo muzita raJehovha. Ipapo maperekadzi akabuda musango akaparadza vechidiki vana makumi mana navaviri.

25 Uye akaenda muGomo reKarimeri, uye achibva ikoko akadzokera kuSamaria.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

20 − 16 =