Dhuteronomi 1

VaIsraeri van

orayirwa kuti vabve paHorebhu

1 Aya ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsraeri vose murenje kumabvazuva kweJorodhani, mumupata weArabha wakatarisana neSufi, pakati peParani neToferi, Rabhani, Hazeroti neDhizahabhi.

2 (Zvinotora mazuva gumi nerimwe kubva paHorebhu kuenda kuKadheshi Bharinea nenzira yokuGomo reSeiri.)

3 Mugore ramakumi mana, nezuva rokutanga romwedzi wegumi nomumwe, Mozisi akazivisa vaIsraeri zvose izvo Jehovha akamurayira pamusoro pavo.

4 Izvi zvakaitika mushure mokunge akunda Sihoni mambo wavaAmori, akanga achitonga paHeshibhoni, uye paEdhirei akanga akunda Ogi mambo weBhashani, akanga achitonga muAshitaroti.

5 Mozisi akatanga kududzira murayiro uyu, vari nechokumabvazuva kweJorodhani munzvimbo yeMoabhu, achiti:

6 Jehovha Mwari wedu akataura kwatiri paHorebhu akati, “Magara nguva yakakwana pagomo rino.

7 Putsai musasa mugoenda kunyika yezvikomo yavaAmori; muende kumarudzi ose akavakidzana muArabha, mumakomo, nemuzasi mezvikomo zvokumadokero, nomuNegevhi uye kumahombekombe egungwa, nokunyika yavaKenani uye nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, irwo Yufuratesi.

8 Tarirai, ndakupai nyika iyi. Endaimo mundotora nyika iyo Jehovha akapika kuti achaipa kumadzibaba enyu, kuna Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, uye nokuzvizvarwa zvavo zvaizovatevera.”

Kugadzwa kwaVatungamiri

9 Panguva iyoyo ndakati kwamuri, “Mava mutoro unorema kwazvo kuti ndikutakurei ndiri ndoga.

10 Jehovha Mwari wenyu akawedzera kuwanda kwenyu zvokuti nhasi mawanda senyeredzi dzokudenga.

11 Jehovha Mwari wamadzibaba enyu, ngaakuwedzerei rune chiuru uye ngaakuropafadzei sezvaakavimbisa!

12 Asi ini ndingatakure seiko matambudziko enyu nemitoro yenyu uye nokupokana kwenyu ndiri ndoga?

13 Zvisarudzirei varume vakachenjera, vanonzwisisa uye vanokudzwa kubva kurudzi rumwe norumwe rwamarudzi enyu, ndingovagadza pamusoro penyu.”

14 Makandipindura muchiti, “Izvo zvamaronga kuti zviitwe zvakanaka.”

15 Ipapo ndakatora varume vaitungamirira marudzi enyu, varume vakachenjera uye vaikudzwa, ndikavagadza kuti vave vakuru pamusoro penyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi uye navatariri vamarudzi.

16 Zvino panguva iyoyo ndakarayira vatongi venyu, ndikati: Inzwai kupokana kuri pakati pehama dzenyu mugovatonga zvakanaka, ingava mhaka iri pakati pavaIsraeri voga kana pakati pomumwe wavo nomutorwa.

17 Musaita rusarura pakutonga; inzwai vose muduku kana mukuru zvakaenzanirana. Musatya munhu upi zvake, nokuti kutonga ndokwaMwari. Uyisai kwandiri mhaka yakanyanya kukuomerai, ndigoinzwa.

18 Uye panguva iyoyo ndakakurayirai zvose zvamaifanira kuita.

Vashori vanotumwa

19 Ipapo takasimuka kubva paHorebhu tikafamba takananga kunyika yamakomo yavaAmori tikapfuura nomurenje iro rose guru rinotyisa ramakaona, uye tikasvika paKadheshi Bharinea, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.

20 Ipapo ndakati kwamuri, “Masvika munyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.

21 Tarirai, Jehovha Mwari wenyu akupai nyika iyo. Kwirai munoitora, sezvamakaudzwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Musatya; musaora mwoyo.”

22 Ipapo imi mose makauya kwandiri mukati, “Ngatitumei varume vanofanotungamira kuti vatishorere nyika vagodzoka kuzotiudza pamusoro penzira yatingafamba nayo uye namaguta atichandosvika kwaari.”

23 Pfungwa iyoyo yakange yakandinakira; nokudaro ndakasarudza varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe.

24 Ivo vakabva vakaenda munyika yamakomo, vakasvika kumupata weEshikori vakaishora.

25 Vakatora mimwe yemichero yenyika iyoyo, vakauya nayo kwatiri, vakati, “Inyika yakanaka yatiri kupiwa naJehovha Mwari wedu.”

Vakamukira Jehovha

26 Asi makanga musingadi kuenda; mukamukira kurayira kwaJehovha Mwari wenyu.

27 Makanyunyuta muri mumatende enyu, mukati, “Jehovha anotivenga; naizvozvo akatibudisa muIjipiti kuti azotiisa mumaoko avaAmori kuti vatiparadze.

28 Tichaendepiko? Hama dzedu dzatiita kuti tiore mwoyo. Dzinoti, ‘Vanhu vacho vanotikunda pasimba napakureba; maguta acho makuru uye ane masvingo akareba zvokusvika kudenga. Takaona kunyange navaAnaki ikoko.’ ”

29 Ipapo ini ndakati kwamuri, “Musavhunduka; musavatya.

30 Jehovha Mwari wenyu, iye anokutungamirirai, achakurwirai, sezvaakakuitirai muIjipiti, pamberi penyu chaipo,

31 uye nomurenje. Imomo makaona kuti Jehovha Mwari wenyu akakutakurai sei, sezvinoita baba kana vachitakura mwanakomana wavo, nzira dzose dzamakafamba nadzo kudzamara muchisvika panzvimbo ino.”

32 Kunyange zvakadaro, hamuna kuvimba naJehovha Mwari wenyu,

33 iye akakutungamirirai parwendo rwenyu, uye mugore pamasikati kuti akutsvagirei nzvimbo dzokudzika matende enyu uye kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo.

34 Jehovha paakanzwa zvamakataura, akatsamwa akapika, achiti,

35 “Hakungavi nomunhu mumwe worudzi urwu achaona nyika yakanaka yandakapika ndichiti ndichaipa kumadzibaba enyu,

36 kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune achaiona, uye ndichamupa iye navana vake nyika yaakatsika netsoka dzake nokuti akateerera Jehovha nomwoyo wose.”

37 Nokuda kwenyu Jehovha akanditsamwira neniwo, akati, “Newewo hauchazoipindi.

38 Asi mutevedzeri wako, Joshua, mwanakomana waNuni, ndiye achapindamo.

39 Asi vaduku venyu avo vamakati vachatapwa, vana venyu vasati vaziva zvakanaka kubva pane zvakaipa ndivo vachapinda munyika iyi. Ndichaipa kwavari uye vachaitora.

40 Asi kana murimi, dzokai mufambe makananga kurenje nenzira yokuGungwa Dzvuku.”

41 Ipapo imi makapindura mukati, “Takatadzira Jehovha. Tichaenda tigondorwa, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.” Nokudaro makashonga mumwe nomumwe nhumbi dzokurwa, muchifunga kuti zvaiva nyore kukwira kunyika yamakomo.

42 Asi Jehovha akataura kwandiri, akati, “Vaudze kuti, ‘Musakwira kundorwa, nokuti handiendi nemi. Muchakundwa navavengi venyu.’ ”

43 Naizvozvo ndakakutaurirai, asi imi hamuna kuda kuteerera. Makamukira murayiro waJehovha uye mukuzvikudza kwenyu makafamba mukapinda munyika yamakomo.

44 VaAmori vakanga vagere mumakomo iwayo vakauya kuzokurwisai; vakakudzinganisai sezvinoita nyuchi uye vakakurovai kubva paSeiri kusvikira paHoma.

45 Makadzoka mukachema pamberi paJehovha, asi iye haana kuteerera kuchema kwenyu uye haana kurerekera nzeve yake kwamuri.

46 Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yose yamakagarapo.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

5 + 13 =