Esteri 10

Ukuru hwaModhekai

1 Mambo Zekisesi akadzika mutemo munyika yose, kusvika kumahombekombe egungwa.

2 Uye mabasa ake ose esimba noukuru nerondedzero youkuru hwaModhekai hwaakanga asimudzirwa namambo, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eMedhia nePezhia?

3 Modhekai muJudha aiva wechipiri kubva kuna Mambo Zekisesi, mukuru pakati pavaJudha, uye airemekedzwa zvikuru noruzhinji rwehama dzake dzechiJudha, nokuti akatsvakira vanhu vake zvakanaka uye akakumbirira vaJudha vose kuti vagare zvakanaka.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

twenty + 14 =