Ezekieri 15

Jerusarema, muzambiringa usina maturo

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, muti womuzambiringa uri nani kupfuura davi romuti zvawo musango neiko?

3 Ko, pane danda rakambotorwa pauri here kuti rigadziriswe chimwe chinhu chine basa? Ko, vanhu vangaita hoko nawo kuti vanhu vaturike zvinhupo here?

4 Uye shure kwokunge wakandwa mumoto sehuni uye moto ndokuupisa mativi ose ari maviri uye ndokusviba pakati, zvino uchabatsira chinhu here?

5 Kana wanga usingabatsiri chinhu uchiri wakakwana, uchagobatsireiko kana moto waupisa uye wasviba?

6 “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo ndakaisa miti yemizambiringa pakati pemiti yesango sehuni dzomoto, ndizvo zvandichaita kuvanhu vagere muJerusarema.

7 Ndicharinzira chiso changu kwavari kuti ndivarwise. Kunyange zvavo vakabuda mumoto, moto uchavaparadza. Uye pandinorinzira chiso changu kwavari kuti ndivarwise muchaziva kuti ndini Jehovha.

8 Ndichaparadza nyika nokuti vakanga vasina kutendeka, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

nineteen + 7 =