Ezira 1

Sirasi anobatsira vakatapwa kuti vadzokere kunyika yavo

1 Mugore rokutanga raSirasi mambo wePezhia, shoko raJehovha rakataurwa nomuromo waJeremia kuti rizadziswe, Jehovha akamutsa mwoyo waSirasi mambo wePezhia, kuti aite chiziviso munyika yake yose uye akaita kuti chinyorwe chichiti:

2 “Zvanzi naSirasi mambo wePezhia, ‘Jehovha, Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwapanyika uye akandigadza kuti ndimuvakire temberi paJerusarema muJudha.

3 Ani naani wavanhu vake ari pakati penyu, Mwari wake ngaave naye, uye regai aende zvake kuJerusarema kuJudha andovaka temberi yaJehovha, Mwari waIsraeri, iye Mwari anogara muJerusarema.

4 Zvino vanhu vagere panzvimbo ipi neipi zvayo pagere vakasara vanofanira kumupa sirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye vagomupa zvipo zvavanozvidira zvetemberi yaMwari muJerusarema.’ ”

5 Ipapo vakuru vedzimba veJudha neveBhenjamini, navaprista uye navaRevhi, vose avo vakanga vamutswa mwoyo naMwari, vakagadzirira kuenda kundovaka imba yaJehovha muJerusarema.

6 Vavakidzani vavo vose vakavabatsira nemidziyo yesirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye nezvipo zvinokosha, kuwedzera pamusoro pezvipo zvokuzvidira.

7 Pamusoro pezvo, Mambo Sirasi akaburitsa midziyo yomutemberi yaJehovha, iyo yakanga yatorwa kubva kuJerusarema naNebhukadhinezari uye akanga aiisa mutemberi yamwari wake.

8 Sirasi mambo wePezhia akarayira kuti ibudiswe naMitiredhati muchengeti wepfuma, uyo akaiverenga achiipa kuna Sheshibhazari muchinda weJudha.

9 Uku ndiko kuwanda kwayakanga yakaita: ndiro dzegoridhe dzaiva makumi matatu; ndiro dzesirivha dzaiva chiuru;

10 pani dzesirivha dzaiva makumi maviri namapfumbamwe; mbiya dzegoridhe dzaiva makumi matatu; mbiya dzesirivha dzakafanana-fanana dzaiva mazana mana negumi; uye mimwewo midziyo yaiva chiuru.

11 Yose pamwe chete, midziyo yegoridhe neyesirivha yaiva zviuru zvishanu namazana mana. Sheshibhazari akaendesa izvi zvose panguva iyo vatapwa vakabva kuBhabhironi vachienda kuJerusarema.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

two + eight =