Isaya 20

Chiprofita pamusoro peIjipiti neEtiopia

1 Mugore rokusvika kwomutungamiri mukuru, kuAshidhodhi, atumwa naSarigoni mambo weAsiria, akairwisa uye akaitapa,

2 panguva iyoyo Jehovha akataura kubudikidza naIsaya mwanakomana waAmozi. Akati kwaari, “Bvisa nguo yesaga pamuviri wako neshangu mumakumbo mako.” Iye akaita saizvozvo, akafamba asina nguo uye asina shangu.

3 Ipapo Jehovha akati, “Sezvakaita Isaya muranda wangu akafamba asina nguo, uye asina shangu kwamakore matatu, sechiratidzo nechishamiso pamusoro peIjipiti neEtiopia,

4 saizvozvo mambo weAsiria achaenda navatapwa veIjipiti, navakadzingwa veEtiopia, vadiki navakuru, uye magaro ari panze, kuti chive chinyadzo kuIjipiti.

5 Avo vaivimba neEtiopia uye vaizvikudza neIjipiti vachatya uye vachanyadziswa.

6 Pazuva iro, vanhu vaigara pamhenderekedzo ino vachati, ‘Tarirai zvaitika kuna vaya vataivimba navo, vaya vataitizira kwavari kuti vatibatsire uye vatinunure kubva kuna mambo weAsiria! Zvino isu tichapunyuka sei?’ ”

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

twenty + twenty =