Isaya 3

Kutongwa pamusoro peJerusarema neJudha

1 Tarirai zvino, Ishe Jehovha Wamasimba Ose ava kuda kutora zvose rutsigiro nomudonzvo, kubva kuJerusarema neJudha; rutsigiro rwose rwezvokudya norutsigiro rwose rwemvura,

2 mhare nomurwi, mutongi nomuprofita, muvuki nomukuru,

3 mukuru wamakumi mashanu nomunhu anokudzwa, muchinda nomurume wemhizha, nomuvuki anoziva.

4 Ndichaita kuti majaya ave vabati vavo; vana vadiki ndivo vachavatonga.

5 Vanhu vachadzvinyirirana, munhu nomunhu, muvakidzani nomuvakidzani. Vadiki vachamukira vakuru, nounozvidza achamukira anokudzwa.

6 Murume achabata mumwe wavanun’una vake paimba yababa vake achiti, “Ndiwe une nguo, chiva mutungamiri wedu; iva mutariri wedutu roungwandangwanda uhu!”

7 Asi pazuva iro achadanidzira achiti, “Handigoni kugadzirisa zvinhu. Handina chokudya kana chokufuka mumba mangu; musandiita mutungamiri wavanhu.”

8 Jerusarema rozungunuka, Judha riri kuwa; mashoko avo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha, vachizvidza kuvapo kwake kunobwinya.

9 Zvinoonekwa pazviso zvavo zvinovapupurira; vanoburitsa chivi chavo pachena seSodhomu; havambochivanzi. Vane nhamo! Vanouyisa njodzi pamusoro pavo.

10 Udzai vakarurama kuti zvichavanakira, nokuti vachanakirwa nezvibereko zvamabasa avo.

11 Vane nhamo vakaipa! Njodzi yava kuda kuvawira! Vacharipirwa zvakabatwa namaoko avo.

12 Vadiki vanomanikidza vanhu vangu, vakadzi vanovatonga. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiri venyu vanokutsausai; vanokubvisai munzira.

13 Jehovha anotora nzvimbo yake muimba yokutonga; anosimuka kuti atonge vanhu.

14 Jehovha anopinda mukutonga vakuru navatungamiri vavanhu vake achiti, “Ndimi makaparadza munda wangu womuzambiringa; zvakapambwa zvinobva kuvarombo zviri mudzimba dzenyu.

15 Munoreveiko zvamunopwanya vanhu vangu, nokukuya zviso zvavarombo?” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose.

16 Jehovha anoti, “Vakadzi veZioni vanozvikudza, vanofamba vakamisa mitsipa yavo. Vachichonya nameso avo, nokufamba vachinzenzeta, vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo.

17 Naizvozvo Jehovha achauyisa maronda pamisoro yavakadzi veZioni; Jehovha achaitisa misoro yavo mhanza.”

18 Pazuva iro Jehovha achabvisa pazviziso zvamakumbo avo: mabhenguro, nezvishongo zvomusoro, nezvishongo zvomutsipa. zvinon’aima,

19 nemhete dzenzeve, nezvingetani zvomumaoko, namavhoiri

20 nezvishongo zvebvudzi, nezvingetani zvomuzviziso zvamakumbo, nemasikavha, namabhodhoro amafuta anonhuwira, namazango,

21 nemhete, noukomba hwemhino,

22 nenguo dzakanaka dzomutambo, nezvijasi, namakepesi namajasi nezvikwama,

23 nezvionioni, nenguo dzomucheka wakaisvonaka, nezvishongo namashaweri.

24 Pachinzvimbo chezvinonhuwira, pachava nokunhuwa; pachinzvimbo chesikavha, pachava netambo; pachinzvimbo chebvudzi rakashongedzwa zvakanaka, pachava nemhanza; pachinzvimbo chembatya dzakaisvonaka, pachava nechipfeko chesaga; pachinzvimbo chorunako, pachava nokupiswa.

25 Varume venyu vachafa nomunondo, varwi venyu vachafa muhondo.

26 Masuo eZioni achaungudza nokuchema; nokutambura kwavo, achagara pasi.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

2 + 3 =