Isaya 6

Kutumwa kwaIsaya

1 Mugore rakafa Mambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira uye mupendero wenguo dzake wakazadza temberi.

2 Kumusoro kwake kwaiva neserafimi, imwe neimwe yaiva namapapiro matanhatu: namapapiro maviri, dzakafukidza uso hwadzo, namaviri dzakafukidza makumbo adzo, uye namaviri dzakanga dzichibhururuka.

3 Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti:

“Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose; nyika yose izere nokubwinya kwake.”

4 Nomutinhiro wamanzwi adzo, nheyo dzezvikumbaridzo zvakazungunuka uye temberi yakazadzwa noutsi.

5 Ipapo ndakachema ndichiti, “Ndine nhamo! Ndaparara! Nokuti ndiri munhu ane miromo ine tsvina uye ndigere pakati pavanhu vane miromo ine tsvina uye meso angu aona Mambo, Jehovha Wamasimba Ose.”

6 Ipapo imwe yesarafimi yakabhururukira kwandiri ine zimbe romoto muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato kubva paaritari.

7 Yakagunzva muromo wangu nawo ikati, “Tarira, zimbe iri ragunzva miromo yako; mhosva yako yabviswa uye chivi chako chadzikinurwa.”

8 Ipapo ndakanzwa inzwi raJehovha richiti, “Ndiani wandichatuma? Uye ndiani achatiendera?”

Ini ndakati, “Ndiri pano! Nditumei!”

9 Iye akati, “Enda undoudza vanhu ava uti,

“ ‘Munogara muchinzwa, asi hamumbonzwisisi; munogara muchiona, asi hamuonesesi.’

10 Ita kuti mwoyo yavanhu ava isindimare; ita kuti nzeve dzavo dzisanzwisise uye vatsinzine meso avo. Nokuti vangaona nameso avo, nokunzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakadzoka vakaporeswa.”

11 Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe, kusvikira riniko?” iye akapindura achiti,

“Kusvikira maguta ava matongo uye pasisina anogaramo, kusvikira dzimba dzasiyiwa dzisina vanhu, neminda yaparadzwa zvachose,

12 kusvikira Jehovha adzingira vanhu kure, uye nyika yasiyiwa zvachose.

13 Uye kunyange kukasara chegumi munyika, naichowo chichaparadzwa. Asi somuterabhiniti nomuouki zvichasara zvava zvigutsa pazvinotemwa, saizvozvo rudzi rutsvene ruchavawo sechigutsa munyika.”

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

four + 5 =