Jakobho 3

Kudzora Rurimi

1 Vazhinji venyu havafaniri kuva vadzidzisi, hama dzangu, nokuti munoziva kuti isu vanodzidzisa tichatongwa zvikuru.

2 Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose.

3 Patinoisa matomu mumiromo yamabhiza tichiaita kuti atiteerere, tinogona kudzora muviri wose wechipfuwo.

4 Kana kuti ngatitorei zvikepe somuenzaniso. Kunyange zvakakura sei uye zvichisundwa nemhepo ine simba, zvinofambiswa nechifambiso chiduku duku kwose kwose kunodiwa kuendwa nomuchairi.

5 Saizvozvo, rurimi mutezo muduku womuviri, asi runozvikudza zvikuru. Cherechedzai kukura kwesango rinopiswa nebari duku romoto.

6 Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena.

7 Marudzi ose emhuka, eshiri, ezvinokambaira uye nezvisikwa zvomugungwa zvinopingudzwa uye zvakambopingudzwa navanhu,

8 asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi. Ndirwo chinhu chakaipa chisingazorori, chizere nomuchetura unouraya.

9 Narwo tinorumbidza Ishe wedu naBaba vedu, uye narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari.

10 Mumuromo mumwe imomo munobuda kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hazvifaniri kudaro.

11 Ko, mvura yakanaka neinovava ingabuda mutsime rimwe chete here?

12 Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi kana muzambiringa maonde here? Kunyange tsime rinovava haringabudisi mvura yakanaka.

Mhando Mbiri dzoUchenjeri

13 Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri.

14 Asi kana muchipfimbika godo rinovava norukave mumwoyo yenyu, musazvikudza pamusoro pazvo kana muchiramba chokwadi.

15 “Kuchenjera” kwakadaro hakuburuki kuchibva kudenga asi ndokwenyika, hakuzi kwomweya, ndokwadhiabhori.

16 Nokuti pane godo norukave, ndipo pamunowana nyonganiso namabasa ose akaipa.

17 Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.

18 Vayananisi vanodyara murugare vanowana gohwo rokururama.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

1 × five =