Jeremia 7

Zvitendero zvenhema hazvina maturo

1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha:

2 “Mira pasuo reimba yaJehovha, uparidzepo shoko iri rokuti: “ ‘Inzwai shoko raJehovha imi mose vanhu veJudha vanopinda napamasuo aya kuzonamata Jehovha.

3 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Shandurai nzira dzenyu namaitiro enyu, ndigokugarisai munzvimbo ino.

4 Musavimba namashoko anonyengedza muchiti, “Iyi ndiyo temberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha!”

5 Kana mukashandura chaizvoizvo nzira dzenyu namaitiro enyu mukaitirana zvakarurama,

6 kana mukasamanikidza vatorwa, nenherera kana chirikadzi uye mukasateura ropa risina mhosva panzvimbo ino, uye kana mukasatevera vamwe vamwari muchizvipinza munjodzi,

7 ipapo ndichakugarisai munzvimbo ino, munyika yandakapa madzitateguru enyu nokusingaperi-peri.

8 Asi tarirai, munovimba namashoko okunyengera asina maturo.

9 “Mungaba nokuuraya, nokuita upombwe nokupika nhema, muchipisira zvinonhuwira kuna Bhaari nokutevera vamwe vamwari vamusina kumboziva,

10 ndokuzouya zvino momira pamberi pangu muimba ino, iyo ine Zita rangu, muchiti, “Takasungunurwa,” makasunungurwa kuti muite izvi zvose zvinonyangadza here?

11 Ko, imba ino, inodanwa neZita rangu, yava bako ramakororo here? Asika, ndanga ndichizviona! ndizvo zvinotaura Jehovha.

12 “ ‘Chiendai zvino kunzvimbo iri muShiro pandakagarisa Zita rangu pakutanga mugoona zvandakuitirai nokuda kwezvakaipa zvavanhu vangu Israeri.

13 Pamakanga muchiita zvinhu zvose izvi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndakataura nemi ndataurazve asi hamuna kuteerera; ndakakudanai asi hamuna kupindura.

14 Naizvozvo, zvandakaitira Shiro ndizvo zvandichaita iye zvino kuimba inodanwa neZita rangu, iyo temberi yamunovimba nayo, nzvimbo yandakakupai imi namadzibaba enyu.

15 Ndichakubvisai pamberi pangu sezvandakaita kuhama dzenyu dzose, ivo vanhu vaEfuremu.’

16 “Naizvozvo iwe chirega kunyengeterera vanhu ava kana kupa chikumbiro chipi zvacho kana kuvareverera; usavakumbirira kwandiri, nokuti handingakunzwi.

17 Hauoni here zvavari kuita mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema?

18 Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, uye madzimai anokanya furawu ndokuitira Mambokadzi woKudenga makeke echingwa.

19 Asi ndini here wavanotsamwisa? ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko, hakuzi kuzvikuvadza pachavo here kuti vanyadziswe?

20 “Naizvozvo Ishe Jehovha anoti: Kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa pamusoro penzvimbo iyi, pamusoro pavanhu nezvipfuo, napamusoro pemiti yesango napamusoro pezvibereko zvevhu, uye zvichatsva zvikasadzimwa.

21 “ ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Endererai mberi, wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pamusoro pezvimwe zvibayiro mugodya nyama yacho pachenyu!

22 Nokuti pandakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti ndikataura navo, handina kungovapa mirayiro pamusoro pezvipiriso zvinopiswa nezvibayiro,

23 asi ndakavapa murayiro uyu wokuti nditeererei, uye ndichava Mwari wenyu nemi muchava vanhu vangu. Mufambe munzira dzose dzandakakurayirai, kuti zvigova zvakanaka kwamuri.

24 Asi havana kuteerera kana kurereka nzeve dzavo; asi vakatevera kutsauka kwoukukutu hwemwoyo yavo yakaipa. Vakadzokera shure vakasaenda mberi.

25 Kubvira panguva yakabuda madzitateguru enyu muIjipiti kusvikira zvino, zuva nezuva, ndakatuma varanda vangu vaprofita ndavatumazve.

26 Asi havana kunditeerera kana kuita hanya. Vaiva nemitsipa mikukutu uye vakaita zvakaipa kupfuura madzitateguru avo.’

27 “Pauchavataurira zvose izvi, havasi kuzokuteerera; pauchavadana, havasi kuzokupindura.

28 Naizvozvo iwe uti kwavari, ‘Urwu ndirwo rudzi rusina kuteerera Jehovha Mwari warwo kana kubvuma kurayirwa. Chokwadi chakaparara, hachisisipo pamiromo yavo.

29 Veurai bvudzi renyu mugorirasira kure; chemai muri pazvikomo zvisina miti, nokuti Jehovha akaramba uye akasiya rudzi urwu rwaakatsamwira.

Mupata woKuurayiwa kwaVanhu

30 “ ‘Vanhu veJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Vakamisa zvifananidzo zvavo zvinonyangadza mumba yakapiwa Zita rangu vakaisvibisa.

31 Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti muMupata waBheni Hinomi kuti vapise vanakomana navasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvarayira, chisina kumbopinda mupfungwa dzangu.

32 Saka chenjerai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, apo vanhu vasingazopadaidzi kuti Tofeti kana Mupata waBheni Hinomi, asi Mupata woKuurayiwa kwaVanhu, nokuti vachaviga vakafa muTofeti kusvikira pasisina nzvimbo.

33 Ipapo mitumbi yavanhu ava ichava zvokudya zveshiri dzedenga nemhuka dzenyika, uye hapazovi nomunhu angazvivhundutsira kuti zvibve.

34 Ndichaita kuti inzwi rokupembera nomufaro uye namanzwi avamwenga nechikomba mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema zvigume nokuti nyika ichava dongo.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

sixteen − 2 =