Jobho 25

Bhiridhadhi

1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

2 “Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari; uye anosimbisa rugare kumusorosoro kudenga.

3 Mauto ake angaverengwa here? Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake?

4 Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari? Ko, munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?

5 Kunyange dai mwedzi ukasachena, uye nyeredzi dzikasava dzakachena pamberi pake,

6 ndoda munhu zvake, iro gonye zvaro, iye mwanakomana womunhu, anongova gonye zvaro!”

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

two × 5 =