Jobho 4

Erifazi

1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura achiti:

2 “Kana mumwe munhu akava neshoko newe, iwe uchashayiwa mwoyo murefu here? Asi ndiani angarega kutaura?

3 Funga kuti wakadzidzisa vazhinji sei, uye kuti wakasimbisa sei maoko asina simba.

4 Mashoko ako akatsigira vaya vakagumburwa; wakasimbisa mabvi akaneta.

5 Asi zvino nhamo yasvika kwauri, uye iwe waora mwoyo; inokurova, iwe ndokuvhunduka.

6 Ko, kutya kwako Mwari hakuzi chivimbo chako, uye nzira dzako dzakarurama tariro yako here?

7 “Rangarira iye zvino: Ndianiko, asina mhaka, akamboparadzwa? Ndokupiko kwakatongoparadzwa vakarurama?

8 Sezvandakaona, vaya vanodyara zvakaipa navaya vanokusha nhamo ndizvo zvavanokohwa.

9 Vanoparadzwa nokufema kwaMwari; vanoparara nokuputika kwehasha dzake.

10 Shumba dzingaomba nokunguruma, nyamba meno eshumba huru akaguduka.

11 Shumba inoparara nokuda kwokushaya nyama, uye vana veshumbakadzi vanopararira.

12 “Shoko rakauyiswa kwandiri muchivande, nzeve dzangu dzakanzwa zevezeve raro.

13 Pakati pokurota hope dzinovhundutsa usiku, hope huru padzinenge dzabata vanhu,

14 kutya nokudedera zvakandibata zvikaita kuti mapfupa angu ose abvunde.

15 Mweya wakapfuura pamberi pechiso changu, uye vhudzi romusoro wangu rikamira.

16 Wakamira, asi ndakatadza kuziva kuti chaiva chii. Chinhu chakamira pamberi pameso angu, uye ndakanzwa inzwi rakanyarara richiti:

17 “Ko, munhu anofa, angava akarurama kupfuura Mwari here? Ko, munhu angagona kuchena kukunda Muiti wake here?

18 Kana Mwari akasavimba navaranda vake, kana akakanganisa kutonga vatumwa vake,

19 zvikuru sei kuna avo vanogara mudzimba dzevhu, nheyo dzavo dziri muguruva, dzinopwanyiwa nyore kupfuura chipfukuto!

20 Dzinoputsanyiwa pakati pamambakwedza namadekwana; dzinoparara dzisingazoonekwi nokusingaperi.

21 Ko, mabote etende ravo haana kubviswa here kuti vagofa vasina njere?

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

two × 2 =