Jobho 7

1 “Ko, munhu haabati zvakaoma panyika here? Ko, mazuva ake haana kuita soomushandi here?

2 Senhapwa inoshuva mimvuri yamadekwana, kana mubati akamirira kwazvo mubayiro wake,

3 saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo, uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri.

4 Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’ Usiku hunononoka, uye ndinoshandukashanduka kusvikira mambakwedza.

5 Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye nemhezi, ganda rangu rakatsemuka uye raora.

6 “Mazuva angu ari kukurumidza kufamba kukunda chokurukisa chomuruki, uye anosvika kumagumo asina tariro.

7 Rangarirai henyu, imi Mwari kuti upenyu hwangu hunongova mweya zvawo; meso angu haachazoonizve mufaro.

8 Ziso rinondiona zvino harichazondionizve; muchanditsvaka, asi handichazovapozve.

9 Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda, saizvozvo uyo anoburikira kubwiro haadzokizve.

10 Haachazouyi kumba kwakezve; nzvimbo yake haichazomuzivizve.

11 “Naizvozvo handinganyarari; ndichataura pakurwadza kwomweya wangu, ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu,

12 Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika, zvamunondiisa pasi pomurindi?

13 Pandinofunga, mubhedha wangu unondivaraidza, uye mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu,

14 kunyange zvino imi muchindityisidzira nezviroto nokundivhundutsa nezviratidzo,

15 zvokuti ndinosarudza kuti ndidzipwe ndife hangu, pachinzvimbo chomuviri wangu uno.

16 Ndinozvidza upenyu hwangu, handidi kurarama nokusingaperi. Ndiregei nokuti mazuva angu haana zvaanoreva.

17 “Munhu chiiko zvamunomukudza kudai, zvamunomurangarira zvakadai,

18 zvamunomunzvera mangwanani ose nokumuedza nguva dzose?

19 Hamusi kuzombotarirawo kudivi here, kana kumbondisiyawo ndakadaro kwechinguva?

20 Kana ndakatadza, ndakaiteiko kwamuri, imi mutariri wavanhu? Makaitireiko kuti ini ndive munhu wamunovavarira? Ko, ini ndava mutoro kwamuri here?

21 Nemhaka yeiko musingandikanganwiri mhaka dzangu nokundiregerera zvivi zvangu? Nokuti ndichavata muguruva nokukurumidza. Muchanditsvaka, asi handichazovipozve.”

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

9 − four =