Joere 3

Kutongwa kweNdudzi

1 “Mumazuva iwayo, napanguva iyoyo, kana ndichinge ndadzosa pfuma yeJudha neyeJerusarema,

2 ndichaunganidza ndudzi dzose ndigoenda nadzo kuMupata waJehoshafati. Ipapo ndichavatonga nokuda kwenhaka yangu, vanhu vangu vaIsraeri, nokuti vakaparadzira vanhu vangu pakati pendudzi, uye vakagovana nyika yangu.

3 Vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu, vakatsinhanisa vakomana nezvipfeve; vakatengesa vanasikana kuti vagotenga waini yokuti vanwe.

4 “Zvino ndakakutadzirai chiiko, imi Tire neSidhoni, nemi matunhu ose eFiristia? Muri kundiripira chimwe chinhu chandakaita here? Zvino kana muchindiripira, ini ndichadzosera zvamakaita pamisoro yenyu chaiyo nokukurumidza chaizvo.

5 Nokuti makatora sirivha negoridhe yangu, mukatakurawo midziyo yangu yakanakisisa mukandoiisa kutemberi dzenyu.

6 Makatengesa vanhu veJudha neveJerusarema kuvaGiriki kuti muvaendese kure.

7 “Tarirai, ini ndichavamutsa kubva kunzvimbo dzamakavatengesera, uye ndichadzosera pamisoro yenyu chaiyo zvamakaita.

8 Ndichatengesa vanakomana navanasikana venyu kuvanhu veJudha, uye vachavatengesa kuvaShebha, rudzi rwuri kure.” Jehovha ataura.

9 Paridzirai izvi kundudzi dzose: Gadzirirai hondo! Mutsai varwi! Varwi vose ngavaswedere pedyo varwise.

10 Pfurai mapadza enyu muaite minondo, uye mapanga okuchekerera miti muaite mapfumo. Asina simba ngaati, “Ndine simba!”

11 Uyai nokukurumidza, imi ndudzi dzose, kubva kumativi ose mugoungana ipapo. Haiwa Jehovha, burutsai varwi venyu.

12 “Ndudzi dzose ngadzimutswe, ngadziende kuMupata waJehoshafati, nokuti ipapo ndipo pandichatonga ndudzi dzose kumativi ose enyika.

13 Shandisai majeko enyu pakucheka, nokuti gohwo raibva. Uyai musvine mazambiringa netsoka dzenyu, nokuti chisviniro chazara, uye zvirongo zvopfachukira, uku ndiko, kukura kwakaita uipi hwavo.

14 Vazhinji zhinji, vazhinji zhinji, vari mumupata wokutonga. Nokuti zuva raJehovha rava pedyo mumupata wokutonga.

15 Zuva nomwedzi zvichasviba uye nyeredzi dzichadzima.

16 Jehovha achaomba paZioni, uye achatinhira ari muJerusarema; denga nenyika zvichadedera. Asi Jehovha achava utiziro hwavanhu vake, nhare yavanhu veIsraeri.

Maropafadzo aVanhu vaMwari

17 “Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha Mwari wenyu, ndinogara muZioni, gomo rangu dzvene. Jerusarema richava dzvene; Vatorwa havachazorirwisizve.

18 “Pazuva iroro makomo achachururuka waini itsva, uye zvikomo zvichaerera mukaka, hova dzose dzomuJudha dzichaerera mvura. Chitubu chichaerera chichibva muimba yaJehovha, uye chichadiridzira mupata wemiakasia.

19 Asi Ijipiti ichava dongo, Edhomu ichava gwenga risina basa, Nokuda kwokurwiswa kwakaitwa vanhu veJudha, vakateura ropa risina mhosva munyika yavo.

20 MuJudha muchagara vanhu nokusingaperi, uye nomuJerusarema kusvikira kumarudzi ose.

21 Mhosva yavo yeropa yandisina kuregerera, ndichairegerera, nokuti Jehovha anogara muZioni.”

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

4 × 5 =