Johani 2

Jesu anoshandura Mvura ichiva Waini

1 Pazuva rechitatu muchato wokuwana wakaitwa paKana yomuGarirea. Mai vaJesu vaivapo,

2 uye Jesu navadzidzi vake vakanga vakokwawo kumuchato uyu.

3 Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachina waini.”

4 Jesu akapindura akati, “Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi? Nguva yangu haisati yakwana.”

5 Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.”

6 Pakare ipapo pakanga pana makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana.

7 Jesu akati kuvaranda, “Zadzai makate nemvura.” Saka vakaazadza kusvikira pamuromo.

8 Ipapo akavaudza akati, “Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo.”

Vakaita saizvozvo.

9 Uye mukuru womutambo akaravira mvura yakanga yashandurwa ikava waini. Haana kuziva kwayakanga yabva, kunyange zvazvo varanda vakanga vachera mvura vaiziva havo. Ipapo akadana chikomba parutivi

10 akati, “Munhu wose anotanga kubudisa waini inonaka chose, zvino shure kwokunge vanhu vakakokwa vambonwa kwazvo, ipapo anozobudisa isinganaki; asi iwe wapa yakaisvonaka kusvikira zvino.”

11 Ichi chiratidzo chokutanga, Jesu akachiita paKana yomuGarirea. Nokudaro akaratidza kubwinya kwake, uye vadzidzi vake vakatenda kwaari.

Jesu anonatsa Temberi

12 Shure kwaizvozvo akaburuka akaenda kuKapenaume namai vake, navanun’una vake uye navadzidzi vake. Vakagara ikoko kwamazuva mashoma.

13 Pasika yavaJudha yakati yava pedyo, Jesu akakwira kuJerusarema.

14 Muzvivanze zvetemberi akawana vanhu vachitengesa mombe, makwai nenjiva, uye vamwe vakanga vagere patafura vachitsinhanha mari.

15 Saka akaruka tyava yerwodzi, akadzinga vose kubva panzvimbo yetemberi, zvose makwai nemombe; akarasa kwose kwose mari yavakanga vachitsinhana, uye akapidigura tafura dzavo.

16 Akati kuna avo vakanga vachitengesa njiva, “Budisai zvinhu izvi muno! Hamufaniri kushandura imba yababa vangu muchiita musika wokutengeserana!”

17 Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.”

18 Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Ungatipa chiratidzo chipi chingatiradza pachena kuti unoita zvinhu izvi zvose nesimba ripi?”

19 Jesu akavapindura akati, “Paradzai temberi iyi, uye ini ndichaivakazve mumazuva matatu.”

20 VaJudha vakapindura vakati, “Zvakatora makore makumi mana namatanhatu kuti temberi iyi ivakwe, uye iwe uchaimutsa mumazuva matatu?”

21 Asi temberi yaaireva waiva muviri wake.

22 Shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira zvaakanga ambotaura. Ipapo vakatenda Magwaro namashoko akanga ataurwa naJesu.

23 Zvino paakanga ari muJerusarema paMutambo wePasika, vanhu vazhinji vakaona zviratidzo zvaakanga achiita uye vakatenda muzita rake.

24 Asi Jesu haana kuvimba navo, nokuti aiziva vanhu vose.

25 Akanga asingatsvaki uchapupu hwomunhu pamusoro pomunhu nokuti akanga achiziva zvakanga zviri mumunhu.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

3 + 12 =