Johani 7

Jesu anoenda kuMutambo waMatumba

1 Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba muGarirea, asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaikoko vakanga vachitsvaka kumuuraya.

2 Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava pedyo,

3 vanun’una vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita.

4 Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo muchiita zvinhu izvi, chizviratidzai imi kunyika.”

5 Nokuti kunyange vanun’una vake chaivo vakanga vasingatendi kwaari.

6 Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu yakanaka haisati yasvika; asi kwamuri, nguva ipi zvayo yakangonaka.

7 Nyika haigoni kukuvengai, asi ini inondivenga nokuti ndinopupura kuti zvainoita zvakaipa.

8 Endai henyu imi kuMutambo. Ini handisati ndoenda kuMutambo uyu, nokuti nguva yakanaka kwandiri haisati yasvika.”

9 Akati areva izvi, akagara muGarirea.

10 Zvisinei hazvo, shure kwokuenda kwavanun’una vake kuMutambo, iye akazoendawo, kwete pachena, asi muchivande.

11 Zvino vaJudha vakamutsvaka uye vakabvunza paMutambo kuti, “Munhu uya aripiko?”

12 Vanhu vazhinji vaingozeverana nezvake kwose kwose. Vamwe vaiti, “Munhu akanaka,” vamwe vachiti, “Kwete, anonyengera vanhu.”

13 Asi kwakanga kusina munhu aitaura izvozvo pachena nokuda kwokutya vaJudha.

Jesu anodzidzisa paMutambo

14 Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwira kutemberi uye akatanga kudzidzisa.

15 VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, “Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?”

16 Jesu akapindura akati, “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma.

17 Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga.

18 Uyo anotaura zvake anoita izvozvo kuti azviwanire kukudzwa, asi uyo anoshandira kukudzwa kwaiye akamutuma ndiye munhu wechokwadi; hapana zvokunyengera paari.

19 Ko, Mozisi haana kukupai murayiro here? Asi hapana kana mumwe wenyu anochengeta murayiro. Seiko muchiedza kundiuraya?”

20 Vanhu vazhinji vakapindura vakati, “Une dhimoni iwe. Ndianiko anoda kukuuraya?”

21 Jesu akati kwavari, “Ndakaita chishamiso chimwe chete, asi imi mose muri kushamiswa nazvo.

22 Asi nokuda kwokuti Mozisi akakupai kudzingiswa (kunyange zvazvo kusina kubva kuna Mozisi, asi kumadzibaba enyu), imi munodzingisa mwana nomusi weSabata.

23 Zvino kana mwana achigona kudzingiswa nomusi weSabata kuti murayiro waMozisi urege kuputswa, seiko muchinditsamwira nokuda kwokuti ndaporesa munhu nomusi weSabata?

24 Regai kutonga nezvinoonekwa zvomunhu, asi tongai zvakarurama.”

Jesu ndiye Kristu here?

25 Panguva iyoyo vamwe vanhu veJerusarema vakatanga kubvunzana vachiti, “Ko, uyu haasiye munhu uya wavari kuedza kuuraya here?

26 Hoyu ari pano, ari kutaura zvake pachena, uye havatauri kana shoko kwaari. Ko, vakuru vatenderana kanhi kuti ndiye Kristu?

27 Asi tinoziva kunobva munhu uyu; Kristu paanouya, hakuna munhu achaziva kwaanobva.”

28 Ipapo Jesu, achiri kudzidzisa ari mutemberi, akadanidzira achiti, “Hongu, munondiziva, uye munoziva kwandinobva. Handisi pano nokuda kwangu, asi uyo akandituma ndiye wechokwadi. Imi hamumuzivi,

29 asi ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, uye ndiye akandituma.”

30 Ipapo vakaedza kumubata, asi hapana munhu akaisa ruoko paari, nokuti nguva yake yakanga ichigere kusvika.

31 Kunyange zvakadaro, vazhinji pakati pavanhu vakatenda kwaari. Vakati, “Kristu paanouya, achaita zviratidzo zvizhinji kupfuura murume uyu here?”

32 VaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachiita zevezeve rezvinhu zvakadai pamusoro pake. Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakatuma varindi vomutemberi kuti vandomusunga.

33 Jesu akati kwavari, “Ndinongova nemi kwechinguva chiduku, uye ipapo ndichazoenda kuna iye akandituma.

34 Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani; uye pandinenge ndiri, hamugoni kusvikapo.”

35 VaJudha vakataurirana vachiti, “Munhu uyu ari kuda kuenda kupiko kwatisingazomuwani? Achaenda here kuvanhu vedu vakapararira pakati pavaGiriki, agondodzidzisa vaGiriki?

36 Anga achireveiko paati, ‘Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani,’ uye ‘Pandinenge ndiri, imi hamugoni kusvikapo’?”

37 Pazuva rokupedzisira uye zuva guru roMutambo, Jesu akasimuka akadanidzira nenzwi guru achiti, “Kana pane munhu ane nyota, ngaauye kwandiri azonwa.

38 Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.”

39 Nokutaura uku, akanga achireva zvoMweya Mutsvene, uyo waizogamuchirwa navaya vanotenda kwaari. Nokuti Mweya wakanga usati wapiwa, sezvo Jesu akanga asati akudzwa.

40 Vakati vanzwa mashoko ake, vamwe vanhu vakati, “Zvirokwazvo murume uyu muprofita.”

41 Vamwe vakati, “Ndiye Kristu.”

Asi vamwe vakati, “Kristu angabva seiko kuGarirea?

42 Rugwaro harutauri here kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi uye nokuBheterehema, guta raigara Dhavhidhi?”

43 Nokudaro vanhu vakapesana nokuda kwaJesu.

44 Vamwe vakada kumubata, asi hapana akaisa ruoko paari.

Kusatenda kwaVatungamiri vavaJudha

45 Pakupedzisira varindi vetemberi vakadzokera kuvaprista vakuru nokuvaFarisi, vakavabvunza vakati, “Seiko musina kuuya naye kuno?”

46 Varindi vakati kwavari, “Hakuna munhu akatombotaura nenzira inoitwa nomurume uyu.”

47 VaFarisi vakati, “Munoreva kuti atokunyengerai nemiwo?

48 Pane mumwe wavatongi kana wavaFarisi ava kutenda kwaari here?

49 Kwete! Asi vanhu vazhinji ava vasingatongozivi murayiro, vakatukwa ava.”

50 Nikodhimo, uya akanga amboenda kuna Jesu uye akanga ari mumwe wavo, akati,

51 “Ko, murayiro wedu unopomera munhu mhosva asina kutanga ambonzwikwa kuti zvionekwe kuti ari kuitei here?”

52 Vakapindura vakati, “Newewo uri weGarireasu? Nzvera, uye uchaona kuti hakuna muprofita anobva kuGarirea.”

53 Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

16 − twelve =