Mabasa aVapostori 2

Mweya Mutsvene unoburuka paPendekosti

1 Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete.

2 Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga uye kukazadza imba yose yavakanga vagere.

3 Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzikamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo.

4 Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya.

5 Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga.

6 Vakati vanzwa mutinhiro uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurumi rwake chairwo.

7 Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura?

8 Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo?

9 VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara Mesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia,

10 Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma

11 (zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!”

12 Vakakatyamara uye vakakanganisika, vakabvunzana vachiti, “Zvinoreveiko izvi?”

13 Kunyange zvakadaro, vamwe vakavaseka vakati, “Vanwa waini yakawanda.”

Petro anoparidzira Vazhinji

14 Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira, kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu.

15 Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai!

16 Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti,

17 “ ‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari,

‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose.

Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita,

majaya enyu achaona zviratidzo,

vatana venyu vacharota hope.

18 Kunyange napamusoro pavaranda vangu,

zvose varume navakadzi,

ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita.

19 Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro,

nezviratidzo panyika pasi,

ropa nomoto uye mhute youtsi.

20 Zuva richashanduka rikava rima,

uye mwedzi uchashanduka ukava ropa,

zuva guru raShe uye rinobwinya risati rasvika.

21 Uye ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.’

22 “Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu.

23 Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa.

24 Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate.

25 Dhavhidhi akataura nezvake achiti:

“ ‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose.

Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi,

handingatongozungunuswi.

26 Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa;

uyezve muviri wangu uchararama netariro,

27 nokuti imi hamuzondisiyi muguva,

uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.

28 Makandizivisa nzira dzoupenyu;

muchandizadza nomufaro pamberi penyu.’

29 “Hama, ndingakuudzai ndiine chokwadi kuti tateguru wedu Dhavhidhi akafa akavigwa, uye guva rake richiri pano kusvikira nhasi.

30 Asi akanga ari muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amuvimbisa nemhiko kuti aizogadza mumwe wezvizvarwa zvake pachigaro choushe.

31 Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora.

32 Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho.

33 Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino.

34 Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati:

“ ‘Ishe akati kuna She wangu:

“Gara kuruoko rwangu rworudyi

35 kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.”’

36 “Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”

37 Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?”

38 Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene.

39 Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.”

40 Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.”

41 Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo.

Kuwadzana kwaVatendi

42 Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.

43 Vanhu vose vakabatwa nokutya, uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapostori.

44 Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose.

45 Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakazvipa kuna ani naani aishayiwa.

46 Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka,

47 vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

13 + 14 =