Mako 4

Mufananidzo woMukushi

1 Jesu akatanga kudzidzisazve ari pagungwa. Vanhu vakanga vakaungana vakamukomberedza vari vazhinji zhinji zvokuti akabva apinda mugwa akagara mariri ari mugungwa, asi vanhu vose vari kumahombekombe.

2 Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, uye mukudzidzisa kwake akati,

3 “Teererai! Murimi akabuda kundokusha mbeu yake.

4 Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, uye shiri dzakasvika dzikadzidya.

5 Dzimwe dzakawira murukangarabwe, madzisina kuwana ivhu rakawanda. Dzakakurumidza kumera, nokuti ivhu rakanga riri shoma.

6 Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakapiswa nezuva, uye dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi.

7 Dzimwe dzakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura ikavhunga mbeu, nokudaro hadzina kubereka zvibereko.

8 Uye dzimwe dzakawira pavhu rakanaka. Dzakamera dzikakura uye dzikabereka kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu, kana kunyange zana.”

9 Ipapo Jesu akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”

10 Paakanga ava oga, vane gumi navaviri uye navamwe vakanga vakamukomberedza vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.

11 Akati kwavari, “Chakavanzika choumambo hwaMwari chakapiwa kwamuri. Asi kuna avo vari kunze, zvinhu zvose zvinotaurwa nemifananidzo

12 kuitira kuti,

“ ‘zvimwe vangaramba vachiona,

asi varege kuonesesa;

uye vachinzwa,

asi varege kunzwisisa;

kana kuti vangatendeuka

uye vakaregererwa!’ ”

13 Ipapo Jesu akati kwavari, “Hamunzwisisi mufananidzo uyu here? Munganzwisisa seiko mufananidzo upi zvawo?

14 Murimi anokusha shoko.

15 Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo.

16 Vamwe vakaita setsanga yakawira parukangarabwe, vanonzwa shoko uye nokukurumidza vorigamuchira nomufaro.

17 Asi sezvo vasina midzi, vanongotsungirira kwenguva pfupi. Panongosvika nhamo kana kutambudzwa nokuda kweshoko, vanokurumidza kuwa.

18 Uye vamwe, setsanga yakawira pakati peminzwa, vanonzwa shoko;

19 asi kufunganya nezvoupenyu huno, kunyengera kwoupfumi uye zvishuwo zvezvimwe zvinhu zvinopinda zvigovhunga shoko, zvichirishayisa zvibereko.

20 Vamwe vakaita setsanga yakawira pavhu rakanaka, vanonzwa shoko, vorigamuchira, uye vobereka zvibereko, kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu kana kunyange zana pane zvinenge zvakushwa.”

Mwenje paChigadziko

21 Akati kwavari, “Munouya nomwenje kuzouisa pasi pedengu here kana pasi pomubhedha? Handiti munouisa pachigadziko chawo here?

22 Nokuti hapana chakavigwa chisingazooneswi, uye hapana chakavanzika chisingazobudi pachena.

23 Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”

24 Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Nechiyero chamunoshandisa, muchayererwawo uye kunyange zvakawanda.

25 Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.”

Mufananidzo weTsanga Inomera

26 Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu.

27 Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei.

28 Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura.

29 Panongoibva zviyo, anozvicheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.”

Mufananidzo weMbeu yeMastadhi

30 Akatizve, “Umambo hwaMwari tingahufananidza neiko kana kuti tingaita mufananidzo upiko kuti tihutsanangure?

31 Hwakafanana netsanga yemastadhi, inova tsanga duku duku yaunodyara muvhu.

32 Asi kana yadyarwa, inokura uye igova muti mukuru kupfuura miti yose yomubindu, una matavi makuru zvokuti shiri dzedenga dzinogona kugara mumumvuri wawo.”

33 Nemimwe mifananidzo yakadai, Jesu akataura shoko kwavari, zvose zvavaigona kunzwisisa.

34 Haana kutaura chinhu chimwe kwavari asingashandisi mufananidzo. Asi paainge ari oga navadzidzi vake, aivatsanangurira zvose.

Jesu anonyaradza Dutu

35 Zuva iroro ava madekwana, akati kuvadzidzi vake, “Ngatiyambukirei kuno rumwe rutivi.”

36 Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye mugwa, sezvaakanga ari. Pakanga pane mamwewo magwa aaiva nawo.

37 Dutu rinotyisa rakauya, uye mafungu akarova igwa, zvokuti rakanga rava pedyo nokunyura.

38 Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?”

39 Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru.

40 Akati kuvadzidzi vake, “Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?”

41 Vakatya uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

12 − three =