Mapisarema 11

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndinovanda muna Jehovha. Mungareva seiko kwandiri muchiti, “Tizira kugomo rako seshiri.

2 Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo; vanogadzirira miseve yavo parukungiso, kuti vapfure vari murima, uyo akarurama pamwoyo.

3 Kana nheyo dzaparadzwa, akarurama angaiteiko?”

4 Jehovha ari mutemberi yake tsvene; Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga. Anocherechedza vanakomana vavanhu; meso ake anovaedza.

5 Jehovha anoedza vakarurama, asi vakaipa navanoda zvechisimba mweya wake unovavenga.

6 Pane vakaipa anonayisa mazimbe omoto nesafuri inopfuta; mhepo inopisa ndiwo uchava mugove wavo.

7 Nokuti Jehovha akarurama, anoda kururamisira; vanhu vakarurama vachaona chiso chake.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

fourteen − eight =