Mapisarema 130

Rwiyo rworwendo.

1 Ndakadanidzira kwamuri Jehovha, ndiri pakadzika;

2 haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.

3 Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvangu, haiwa Jehovha, ndianiko aimira?

4 Asi kukanganwira kuri kwamuri; naizvozvo imi munotyiwa.

5 Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira, uye tariro yangu iri mushoko rake.

6 Mweya wangu unorindira Ishe kupfuura varindi vanomirira rungwanani.

7 Haiwa Israeri, isa tariro yako pana Jehovha, nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi uye kwaari kune dzikinuro izere.

8 Uye achadzikinura Israeri kubva pazvivi zvavo zvose.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

nine + 19 =