Mapisarema 133

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1 Zvakanaka uye zvinofadza sei kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!

2 Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro, anoerera kundebvu, anoerera kundebvu dzaAroni, anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake.

3 Zvinoita sokuti dova reHerimoni riri kuwira pamusoro peGomo reZioni. Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha, ihwo upenyu husingaperi-peri.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

20 − 6 =