Mapisarema 141

Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri. Inzwai inzwi rangu pandinodana kwamuri.

2 Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuwira; kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana.

3 Isai murindi pamuromo wangu, imi Jehovha; chengetai mukova wemiromo yangu.

4 Mwoyo wangu ngaurege kukweverwa kune zvakaipa, kuti ndiitewo mabasa akaipa navanhu vanoita zvakaipa; ngandirege kudya zvinozipa zvavo.

5 Akarurama ngaandirove, ndidzo tsitsi; ngaanditsiure, ndiwo mafuta pamusoro wangu. Musoro wangu hauzorambi izvozvo. Asi munyengetero wangu unorwisa mabasa avaiti vezvakaipa nguva dzose.

6 Vatongi vavo vachakandwa kumawere, uye vakaipa vachadzidza kuti mashoko angu akanga akanaka kwazvo.

7 Ivo vachati, “Sezvinoita anorima achiparura pasi, saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weguva.”

8 Asi meso angu anotarira kwamuri, imi Ishe Jehovha; ndinotizira kwamuri, regai kundiisa kurufu.

9 Ndichengetei pamisungo yavakanditeya nayo, napaugombe hwakadzikwa navaiti vezvakaipa.

10 Vakaipa ngavawire mumimbure yavo, ini ndichipfuura napo norugare.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

twenty − thirteen =