Mapisarema 143

Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu, ndinzwirei nyasha pakuchema kwangu; uyai mundisunungure nokutendeka uye nokururama kwenyu.

2 Musauyisa muranda wenyu mukutongwa, nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu.

3 Muvengi anondidzinganisa, anondipwanyira pasi; anondiita kuti ndigare murima savaya vakafa kare.

4 Saizvozvo mweya wangu unoziya mukati mangu; mwoyo wangu unovhundutswa mukati mangu.

5 Ndinorangarira mazuva akare kare; ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu.

6 Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma.Sera

7 Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura; mweya wangu woziya. Regai kundivanzira chiso chenyu nokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba.

8 Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi, nokuti ndinovimba nemi. Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo, nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.

9 Ndinunurei kubva kuvavengi vangu, imi Jehovha, nokuti ndinozvivanza mamuri.

10 Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu, nokuti muri Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.

11 Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu; ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu.

12 Nyaradzai vavengi vangu, murudo rwenyu rusingaperi; paradzai vavengi vangu vose, nokuti ndiri muranda wenyu.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

1 × four =