Mapisarema 149

1 Rumbidzai Jehovha. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake paungano yavatsvene.

2 Israeri ngavafarire Muiti wavo; vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo.

3 Ngavarumbidze zita rake vachitamba, uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira.

4 Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso.

5 Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake, uye vaimbe nomufaro vari panhoo dzavo.

6 Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo, nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo,

7 kuti vatsive pamusoro pendudzi, uye varange marudzi avanhu,

8 vasunge madzimambo avo nengetani, namakurukota avo nezvisungo zvamatare,

9 kuti vaite zvavakatongwa nazvo, zvakanyorwa pamusoro pavo. Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose. Rumbidzai Jehovha.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

six + 8 =