Mapisarema 15

Pisarema raDhavhidhi.

1 Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene?

2 Iye anofamba asina chaanopomerwa uye anoita zvakarurama, anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake,

3 uye asina makuhwa parurimi rwake, asingaitiri wokwake zvakaipa uye asingatuki waagere naye,

4 anozvidza munhu akaipa asi anokudza vaya vanotya Jehovha, anochengeta mhiko yake kunyange kana zvichirwadza,

5 anokweretesa mari yake asingarevi mhindu uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva. Munhu anoita izvi haangatongozungunuswi.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

12 − 9 =