Mapisarema 29

Pisarema raDhavhidhi.

1 Ipai kuna Jehovha, imi mune simba ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba.

2 Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.

3 Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji. Mwari wokubwinya anotinhira, Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji.

4 Inzwi raJehovha rine simba; inzwi raJehovha rinokudzwa.

5 Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari, Jehovha anovhunavhuna misidhari yeRebhanoni.

6 Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru, neSirioni senzombe yenyati.

7 Inzwi raJehovha rinorova nokuvaima kwemheni.

8 Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga; Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi.

9 Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e. Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!”

10 Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura; Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi.

11 Jehovha anopa simba kuvanhu vake; Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

seventeen − fifteen =