Mapisarema 32

Pisarema raDhavhidhi neMasikiri.

1 Akaropafadzwa uyo akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake.

2 Akaropafadzwa munhu asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha, uye asina kunyengera mumwoyo make.

3 Pandakanyarara, mapfupa angu akarukutika nokuda kwokugomera kwangu zuva rose.

4 Nokuti masikati nousiku ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu; simba rangu rakasvetwa sezvinoita kupisa kwechirimo.Sera

5 Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri uye handina kuvanza chakaipa changu. Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,” uye makandiregerera mhosva yechivi changu.Sera

6 Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri muchiri kuwanikwa; zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira, haingasviki kwaari.

7 Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda; muchandidzivirira panhamo uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko.Sera

8 Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa zano uye ndichakurinda.

9 Rega kuva sebhiza kana sehesera, zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwa nomukaro kana namatomu, kana kuti hazvingauyi kwauri.

10 Wakaipa ana matambudziko mazhinji, asi rudo rusingaperi rwaJehovha runopoteredza munhu anovimba naye.

11 Farai muna Jehovha uye mufarisise, imi vakarurama; imbai, imi mose makarurama pamwoyo!

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

18 − seven =