Mapisarema 6

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Sezvinoitwa kusheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, regai kundirayira pakutsamwa kwenyu, kana kundiranga muhasha dzenyu.

2 Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya; haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.

3 Mweya wangu uri kurwadziwa. Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?

4 Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira; ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

5 Hakuna anokurangarirai kana afa. Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?

6 Ndaneta nokugomera; ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose, ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.

7 Meso angu aneta nokuchema; haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.

8 Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa, nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.

9 Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha; Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.

10 Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhunduswa; vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

16 − eleven =