Nahumi 3

Ninevhe rine nhamo

1 Rine nhamo guta reropa, rizere nenhema, rizere nezvakapambwa, harigari risina varinotambudza!

2 Kurira kwetyava, utsvikitsviki hwamavhiri, mutsindo wamabhiza nomubvumo wokutinhira kwengoro!

3 Kumhanya kwavatasvi vamabhiza, kupenya kweminondo namapfumo anovaima! Vazhinji vakaurayiwa, mirwi yevakafa, mitumbi isingaverengeki, vanhu vachigumburwa nezvitunha.

4 Zvose izvi nokuda kwokuchiva kuzhinji kwechifeve, chinokwezvera, mukuru wouroyi, akatapa ndudzi noufeve hwake namarudzi avanhu nouroyi hwake.

5 “Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ndicharatidza ndudzi kushama kwako namadzimambo kunyadziswa kwako.

6 Ndichakukandidzira tsvina, ndichakuita akazvidzika uye ndichakuita chiseko.

7 Vose vachakuona vachakutiza uye vachati, ‘Ninevhe raparara, ndiani acharichema?’ Ndingawana kupi munhu angakunyaradza?”

8 Uri nani kupfuura Tebhesi here, rakavakwa paNairi, rakakomberedzwa nemvura? Rwizi ndirwo rwairidzivirira, mvura ruri rusvingo rwaro.

9 Etiopia neIjipiti ndizvo zvaiva simba rayo guru; Puti neRibhiya dzaiva pakati pavabatsiri vayo.

10 Kunyange zvakadaro yakatapwa ikaendeswa muutapwa. Vacheche varo vakaputsanyiwa kumavambo kwemigwagwa yose. Mijenya yakakandwa pamusoro pemachinda avo, uye vakuru vavo vakasungwa nengetani.

11 Newewo uchadhakwa; uchavanda ugotsvaka utiziro kubva kumuvengi wako.

12 Nhare dzako dzose dzafanana nemiti yemionde ine michero yokutanga yaibva; paanozunzwa, maonde anodonhera mumuromo momudyi.

13 Tarira mauto ako, vose vakadzi! Masuo enyika yako akazarurirwa kuvavengi vako; moto waparadza mazariro awo.

14 Cherai mvura kuitira kukombwa simbisai nhare dzenyu! Gadzirai ivhu, kanyai dhaka, mugadzire zvidhina zvenyu!

15 Moto uchakuparadzai imomo; munondo uchakuurayai, uye uchakuparadzai semhashu. Berekanai semhashu, muberekane sehwiza!

16 Makawedzera uwandu hwavatengesi venyu kusvikira vapfuura nyeredzi dzedenga kuwanda. Asi sehwiza, vanoparadza nyika vobhururuka vachienda.

17 Varindi venyu vakaita sehwiza, machinda enyu segundamusaira rehwiza dzinomhara pamadziro musi wakunotonhora, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, uye hapana anoziva kuti kupi.

18 Iwe mambo weAsiria, vafudzi vako vanotsumwaira; machinda ako anorara pasi kuti azorore. Vanhu vako vakapararira pamusoro pamakomo pasina angavaunganidza.

19 Hapana chingarapa ronda rako; kukuvara kwako kwakaipisisa. Mumwe nomumwe anonzwa nezveguhu rako anoombera maoko ake pakuwa kwako, nokuti ndianiko asina kunzwa utsinye hwako husina magumo?

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

5 × 2 =