Nehemia 5

Nehemia anobatsira Varombo

1 Zvino kwakava nokuchema kukuru kwavarume navakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha.

2 Nokuti vamwe vakati, “Isu navanakomana navanasikana vedu tiri vazhinji; kuti tidye uye kuti tigorarama, tinofanira kuwana zviyo.”

3 Vamwe vaiti, “Isu takaita minda yedu neminda yedu yemizambiringa uye nemisha yedu kuti zvive rubatso kuti tiwane zviyo panguva yenzara.”

4 Vamwezve vakati, “Takatozokwereta mari kuti tiripe mutero wamambo weminda yedu neminda yemizambiringa.

5 Kunyange tiri venyama imwe uye veropa savanhu venyika yedu uye kunyange vanakomana vedu vakangofanana nevavo, takaguma taisa vanakomana vedu navanasikana vedu kuutapwa. Vamwe vavanasikana vedu vakatotapwa kare, asi isu hatina simba, nokuti minda yedu neminda yemizambiringa yava yavamwe.”

6 Pandakanzwa kuchema kwavo kukuru nezvairehwa izvi, ndakatsamwa kwazvo.

7 Zvino ndakazvirangarira mupfungwa dzangu ipapo ndikatsiura vakuru navabati ndikati kwavari, “Imi muri kureva mhindu kuvanhu venyika yenyu!” Saka ndakavakoka kumusangano mukuru kuti ndivarayire

8 uye ndikati, “Napataigona napo takadzikinura hama dzedu dzechiJudha avo vakanga vatengeswa kuvahedheni. Zvino imi mava kutengesa hama dzenyu, kuti dzigotengeswazve kwatiri here?” Vakanyarara nokuti vakashayiwa chokutaura.

9 Saka ndakaenderera mberi ndikati, “Zvamunoita hazvina kunaka. Ko, hamaifanira kufamba mukutya Mwari wedu here kuti vavengi vedu vechihedheni varege kutishora.

10 Ini nehama dzangu uye navaranda vangu tiri kukweretesa vanhu mari nezviyo. Asi izvo zvokureva mhindu ngazvigume!

11 Vadzorerei minda yavo nokukurumidza, neminda yavo yemizambiringa, neyemiorivhi, nedzimba dzavo uyewo nemhindu yamunoripisa, chikamu chimwe chete muzana chemari, zviyo, newaini itsva uye namafuta.”

12 Ivo vakati, “Tichavadzorera. Uye hatichazorevi chimwe chinhuzve kubva kwavari. Tichaita sezvamareva.” Ipapo ndakadana vaprista ndikaita kuti vakuru navabati vaite mhiko kuti vagoita sezvavakanga vavimbisa.

13 Ndakazunzawo mikombero yenguo yangu ndikati, “Mwari ngaazunze saizvozvi kubva muimba yake nemidziyo yake, mumwe nomumwe asingachengeti vimbiso iyi. Naizvozvo, munhu akadai ngaazunzwe asara asina chinhu.” Ipapo ungano yose yakati, “Ameni,” uye vakarumbidza Jehovha. Uye vanhu vakaita sezvavakanga vavimbisa.

14 Pamusoro pezvo, kubva pagore ramakumi maviri raMambo Atazekisesi, pandakagadzwa somubati wavo munyika yaJudha, kusvikira pagore rake ramakore makumi matatu namaviri, makore gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvaipiwa kumubati.

15 Asi vabati vokutanga, avo vakanditangira, vairemedza vanhu uye vaitora kubva kwavari mashekeri makumi manaa esirivha, pamusoro pezvo vachitorazve zvokudya newaini. Kunyange vabatsiri vavo vairemedzawo vanhu. Asi ini handina kuita izvozvo nokuti ndaitya Mwari.

16 Panzvimbo yaizvozvo, ndakazvipira kuita basa iri rorusvingo. Varanda vangu vose vakanga vakaungana pabasa ipapo; hatina kutombotora minda ipi zvayo.

17 Pamusoro paizvozvo, vaJudha zana namakumi mashanu navabati, pamwe chete navaHeti vaibva kumarudzi akatikomberedza, vaidya patafura yangu.

18 Zuva rimwe nerimwe ndaigadzirirwa nzombe imwe, makwai akaisvonaka matanhatu nehuku, uye pagumi roga ramazuva ndaipiwa waini zhinji dzemhando dzose. Kunyange zvakadaro hazvo, handina kumbokumbira zvokudya zvomubati, nokuti mitoro yakanga yakatakudzwa vanhu ava yairema kwazvo.

19 Haiwa Mwari wangu, ndirangarirei henyu nenyasha, nokuda kwezvose zvandakaitira vanhu ava.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

four × four =