Numeri 7

Zvipiriso zvokukumikidzwa kweTabhenakeri

1 Mozisi akati apedza kumisa tabhenakeri, akaizodza akaitsaura pamwe chete nemidziyo yayo yose. Akazodzawo nokutsaura aritari nemidziyo yayo yose.

2 Ipapo vatungamiri veIsraeri, vakuru vedzimba avo vakanga vari vatungamiri vamarudzi vari vatariri vavaya vakanga vaverengwa, vakapa zvipiriso.

3 Vakauyisa sezvipiriso zvavo pamberi paJehovha, ngoro nhanhatu dzakafukidzirwa nenzombe gumi nembiri, nzombe kubva kumutungamiriri mumwe nomumwe uye ngoro kubva kuvaviri vaviri. Izvi zvakaiswa pamberi petabhenakeri.

4 Jehovha akati kuna Mozisi,

5 “Gamuchira izvi kubva kwavari kuti zvigoshandiswa mubasa paTende Rokusangana. Uzvipe kuvaRevhi maererano nebasa romunhu mumwe nomumwe.”

6 Saka Mozisi akatora ngoro nenzombe akazvipa kuvaRevhi.

7 Akapa kuvaGerishoni ngoro mbiri nenzombe ina, maererano nezvaidiwa pabasa ravo,

8 uye akapa ngoro ina nenzombe tsere kuvaMerari, maererano nezvaidiwa pabasa ravo. Vose vakanga vachirayirwa naItamari mwanakomana waAroni, muprista.

9 Asi Mozisi haana kupa chinhu kuvanakomana vaKohati, nokuti vaifanira kutakura zvinhu zvitsvene pamapfudzi avo, iri ndiro raiva basa ravo.

10 Aritari yakati yazodzwa, vatungamiri vakauya nezvipiriso zvavo zvokukumikidzwa kwayo vakazviisa pamberi pearitari.

11 Nokuti Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Zuva rimwe nerimwe, mutungamiri mumwe chete anofanira kuuya nechipiriso chake chokukumikidza aritari.”

12 Nashoni mwanakomana waAminadhabhi worudzi rwaJudha, ndiye akauya nechipiriso chake pazuva rokutanga.

13 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatua, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema mashekeri makumi manomweb, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rimwe nerimwe rizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

14 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumic, rizere nezvinonhuwira;

15 hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete negwayana rimwe chete romukono wegore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;

16 nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;

17 uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaNashoni mwanakomana waAminadhabhi.

18 Pazuva rechipiri, Netaneri mwanakomana waZuari, mutungamiri waIsakari, akauya nechipiriso chake.

19 Chipiriso chaakauya nacho chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema makumi manomwe amashekeri, zvose zviri zviviri zvaiva zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo, maererano neshekeri renzvimbo tsvene;

20 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira;

21 hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono wegwayana regore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;

22 nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;

23 uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaNetaneri mwanakomana waZuari.

24 Pazuva rechitatu, Eriabhu mwanakomana waHeroni, mutungamiri wavanhu vokwaZebhuruni, akauya nechipiriso chake.

25 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chechivi;

26 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira;

27 hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono wegwayana regore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa;

28 nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;

29 uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaEriabhu mwanakomana waHeroni.

30 Pazuva rechina, Erizuri mwanakomana waShedheuri, mutungamiri wavanhu vokwaRubheni, akauya nechipiriso chake.

31 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

32 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira;

33 hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa;

34 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;

35 uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaErizuri mwanakomana waShedheuri.

36 Pazuva rechishanu, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai, mutungamiri wavanhu vokwaSimeoni akauya nechipiriso chake.

37 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yakanga ichirema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

38 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira,

39 hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete uye mukono wegwayana mumwe chete wegore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa;

40 nhongo imwe chete yechipiriso chechivi;

41 uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaSherumieri mwanakomana waZurishadhai.

42 Pazuva rechitanhatu, Eriasafi mwanakomana waDheueri, mutungamiri wavanhu vokwaGadhi, akauya nechipiriso chake.

43 Chipiriso chake chakanga chiri ndiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

44 dhishi rimwe chete regoridhe, rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira;

45 hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;

46 nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;

47 nenzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaEriasafi mwanakomana waDheueri.

48 Pazuva rechinomwe, Erishama mwanakomana waAmihudhi, mutungamiri wavanhu vokwaEfuremu, akauya nechipiriso chake.

49 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo,

50 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira;

51 hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete uye mukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;

52 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;

53 uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaErishama mwanakomana waAmihudhi.

54 Pazuva rorusere Gamarieri mwanakomana waPedhazuri, mutungamiri wavanhu vokwaManase akauya nechipiriso chake.

55 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

56 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira;

57 Hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa;

58 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;

59 uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaGamarieri mwanakomana waPedhazuri.

60 Pazuva repfumbamwe, Abhidhani mwanakomana waGidheoni mutungamiri wavanhu vokwaBhenjamini, akauya nechipiriso chake.

61 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo.

62 Ndiro yegoridhe imwe chete yairema mashekeri gumi, izere nezvinonhuwira;

63 hando yegoridhe imwe chete yairema mashekeri gumi, izere nezvinonhuwira; hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;

64 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi

65 uye nzombe mbiri makondohwe mashanu, nhongo dzembudzi shanu namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAbhidhani mwanakomana waGidheoni.

66 Pazuva regumi, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai, mutungamiriri wavanhu vokwaDhani, akauya nechipiriso.

67 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

68 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi rizere nezvinonhuwirira;

69 hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono mumwe chete wegwayana wegore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa;

70 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;

71 uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhiezeri mwanakomana waAmishadhai.

72 Pazuva regumi nerimwe, Pagieri mwanakomana waOkirani, mutungamiri wavanhu vokwaAsheri, akauya nechipiriso chake.

73 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

74 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwirira;

75 hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;

76 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;

77 uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaPagieri mwanakomana waOkirani.

78 Pazuva regumi namaviri, Ahira mwanakomana waEnani, mutungamiri wavanhu vokwaNafutari, akauya nechipiriso chake.

79 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe zvose zviri zviviri zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

80 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira;

81 hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete uye nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;

82 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;

83 uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhira mwanakomana waEnani.

84 Izvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvavatungamiri veIsraeri pakukumikidzwa kwearitari payakazodzwa; ndiro dzesirivha gumi nembiri, mbiya dzesirivha dzokusasa gumi nembiri namadhishi egoridhe gumi namaviri.

85 Ndiro imwe neimwe yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu uye mbiya imwe neimwe yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe. Pamwe chete madhishi esirivha airema zviuru zviviri namazana mana amashekerid, maererano neshekeri renzvimbo tsvene.

86 Madhishi egoridhe gumi namaviri akanga azere nezvinonhuwirira airema mashekeri zana namakumi mavirie.

87 Uwandu hwezvipfuwo zvechipiriso chinopiswa pamwe chete hwaiti hando duku gumi nembiri, makondohwe gumi namaviri namakondohwe maduku egore rimwe chete gumi namaviri, pamwe chete nechipiriso chavo chezviyo. Nhongo dzembudzi gumi nembiri dzakashandiswa pachipiriso chechivi.

88 Uwandu hwezvipfuwo zvechibayiro chokuwadzana pamwe chete hwaiti nzombe makumi maviri neina, makondohwe makumi matanhatu, nhongo dzembudzi makumi matanhatu namakondohwe maduku egore rimwe chete makumi matanhatu. Izvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvokukumikidzwa kwearitari shure kwokuzodzwa kwayo.

89 Mozisi akati apinda muTende Rokusangana kundotaura naJehovha, akanzwa inzwi richitaura naye richibva napakati pamakerubhi pamusoro pechifukidzo cheareka yeChipupuriro. Uye akataura naye.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

12 + eighteen =