Ruka 10

Jesu anotuma vana Makumi Manomwe

1 Shure kwaizvozvo Ishe akagadza vamwe makumi manomwe akavatuma achiita vaviri vaviri pamberi pake kumaguta nokunzvimbo dzose kwaakanga achizoenda.

2 Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa.

3 Endai! Ndiri kukutumai samakwayana pakati pamapere.

4 Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; uye musakwazisa munhu panzira.

5 “Pamunopinda mumba, mutange kuti, ‘Rugare ngaruve muimba ino.’

6 Kana munhu worugare arimo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana zvikasadaro, ruchadzokera kwamuri.

7 Garai muimba iyoyo muchidya nokunwa zvose zvavanokupai nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake. Musapota-pota nedzimba.

8 “Pamunopinda muguta uye vakakugamuchirai, mudye zvose zvinoiswa pamberi penyu.

9 Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’

10 Asi pamunopinda muguta uye mukasagamuchirwa, muende munzira dzaro mugoti,

11 ‘Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinoripukuta nokuda kwenyu. Asi muzive izvi: Umambo hwaMwari hwaswedera.’

12 Ndinokuudzai kuti pazuva iro, Sodhomu richarerukirwa kwazvo kupfuura guta iroro.

13 “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakanga zvaitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendeuka kare, vakagara mumadota vakafuka masaga.

14 Asi Tire neSidhoni zvicharerukirwa pakutongwa kupfuura imi.

15 Uye iwe, Kaperinaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, uchaburuka kwakadzika.

16 “Anokunzwai imi, anondinzwa ini; uyo anokurambai imi, anondirambawo ini; asi uyo anondiramba, anoramba iye akandituma.”

17 Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro vakati, “Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.”

18 Akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa kubva kudenga semheni.

19 Ndakupai simba rokuti mutsike pamusoro penyoka nezvinyavada uye kuti mukunde simba rose romuvengi; hakuna chichakukuvadzai.

20 Kunyange zvakadaro hazvo, musafara nokuti mweya yakaipa inozviisa pasi penyu, asi farai kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.”

21 Panguva iyoyo Jesu azere nomufaro kubudikidza noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai, Baba, Ishe wokudenga nepasi, nokuti makavanzira vakachenjera navakadzidza zvinhu izvi, mukazvizarurira kuvacheche. Hongu, Baba nokuti zvakakufadzai.

22 “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna munhu anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwaBaba, uye hakuna munhu anoziva kuti Baba ndiani kunze kwoMwanakomana, uye naavo Mwanakomana vaanenge asarudza kuvazarurira.”

23 Ipapo akatendeukira kuvadzidzi vake vari voga akati, “Akaropafadzwa meso anoona zvamuoona,

24 nokuti ndinokuudzai kuti vaprofita vazhinji namadzimambo vaida kuona zvamunoona asi havana kuzviona, uye nokunzwa zvamunonzwa asi havana kuzvinzwa.”

Mufananidzo woMuSamaria Akanaka

25 Mumwe musi mududziri womurayiro akasimuka kuti aedze Jesu. Akati, “Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?”

26 Iye akapindura akati, “Pamurayiro pakanyorweiko? Unouverenga seiko?”

27 Akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose, uye nesimba rako rose nokufunga kwako kwose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ ”

28 Jesu akapindura akati, “Wapindura zvakanaka. Ita izvozvo ugorarama.”

29 Asi iye akanga achida kuzviruramisa, saka akabvunza Jesu akati, “Muvakidzani wangu ndianiko?”

30 Jesu akapindura akati, “Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa.

31 Zvakaitika kuti mumwe muprista akafambawo nenzira iyoyo, uye akati achiona munhu uyo, akamunyenyeredza.

32 Saizvozvowo, muRevhi, akati asvika panzvimbo iyoyo akamuona, akamunyenyeredzawo.

33 Asi muSamaria, aiva parwendo, akasvika pakanga pano munhu; uye akati achimuona, akamunzwira tsitsi.

34 Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta.

35 Fume mangwana akatora mari yesirivha akaipa kumuchengeti weimba yavaeni. Akati kwaari, ‘Muchengetei uye pandinodzoka, ndichakuripirai zvose zvamunenge mawedzera pane zvandakupai.’

36 “Ndianiko pavanhu vatatu ava waunofunga kuti akanga ari muvakidzani kuna iye akawira mumaoko amakororo?”

37 Mududziri womurayiro akati, “Uyo akamunzwira tsitsi.”

Jesu akati kwaari, “Enda undoita saizvozvo.”

Jesu anoshanyira Marita naMaria

38 Jesu navadzidzi vake pavakanga vachifamba, vakasvika pano mumwe musha; mumwe mukadzi ainzi Marita akamugamuchira mumba make.

39 Akanga ano munun’una wake ainzi Maria, uyo akagara patsoka dzaShe achiteerera kune zvaakanga achitaura.

40 Asi Marita akatadziswa kuteerera nokuda kwokugadzirira kwose kwaifanira kuitwa. Akauya kwaari akati, “Ishe hamuna hanya here kuti munun’una wangu andisiya ndichingoshanda ndoga? Muudzei kuti andibatsirewo!”

41 Ishe akapindura akati, “Marita, Marita, uri kufunganya nokugumburwa pamusoro pezvinhu zvizhinji,

42 asi pane chinhu chimwe chete chinodikanwa. Maria asarudza chinhu chiri nani, uye haazochitorerwi.”

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

eighteen − 17 =