Ruka 6

Ishe weSabata

1 Rimwe Sabata Jesu akanga achifamba nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakatanga kunonga hura dzezviyo, vachidzipukuta mumaoko avo vachidya tsanga dzacho.

2 Vamwe vavaFarisi vakati, “Seiko muchiita zvisingatenderwi nomusi weSabata?”

3 Jesu akavapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara, iye neshamwari dzake?

4 Akapinda mumba maMwari, akatora chingwa chakatsaurwa, akadya zvaingobvumirwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo chimwe kushamwari dzake.”

5 Ipapo akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”

6 Rimwezve Sabata akapinda musinagoge uye aidzidzisa, zvino pakanga pano murume akanga ano ruoko rwake rworudyi rwakanga rwakakokonyara.

7 VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata.

8 Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Saka iye akasimuka akamira ipapo.

9 Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?”

10 Akatarisa kwavari vose, ipapo akati kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukavandudzwa kwazvo.

11 Asi ivo vakatsamwa kwazvo vakatanga kutaurirana zvavangaita kuna Jesu.

Vapostori Gumi naVaviri

12 Nerimwe ramazuva iwayo, Jesu akabuda akaenda kugomo kuti andonyengetera, uye akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari.

13 Fume mangwana, akadana vadzidzi vake akasarudza gumi navaviri pakati pavo, avo vaakatumidza kuti vapostori:

14 Simoni (uyo waakatumidza kuti Petro), munun’una wake Andirea, Jakobho, Johani, Firipi, Bhatoromeo,

15 Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Simoni ainzi muZeroti,

16 Judhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Iskarioti, uyo akazova mupanduki.

Maropafadzo neNhamo

17 Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye vanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni,

18 vakanga vauya kuzomunzwa uye kuti vazoporeswa pahosha dzavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa,

19 uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari uye richivaporesa vose.

20 Akatarira kuvadzidzi vake, akati:

“Makaropafadzwa imi varombo,

nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.

21 Makaropafadzwa imi vane nzara zvino,

nokuti muchaguta. Makaropafadzwa imi vanochema zvino, nokuti muchaseka.

22 Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai,

vachikutsaurai uye vachikutukai, vachiramba zita renyu serakaipa,

nokuda kwoMwanakomana woMunhu.

23 “Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo.

24 “Asi mune nhamo imi vapfumi,

nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare.

25 Mune nhamo imi makaguta zvino,

nokuti muchanzwa nzara.

Mune nhamo imi vanoseka zvino,

Nokuti muchaungudza uye muchachema.

26 Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu,

nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro.

Idai vavengi venyu

27 “Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai,

28 ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai.

29 Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati.

30 Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke.

31 Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.

32 “Kana uchida vaya vanokuda, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange navatadzi vanoda avo vanovada.

33 Uye kana uchiita zvakanaka kuna vaya vakanaka kwauri, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanoita izvozvo.

34 Uye kana uchikweretesa kuna vaya vaunotarisira kuti vagodzora, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanokweretesa kuvatadzi, vachitarisira kuzodzoserwa zvakakwana.

35 Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana voWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa.

36 Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi.

Kutonga vamwe

37 “Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye imi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye imi muchazoregererwawo.

38 Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.”

39 Akavaudzawo mufananidzo uyu: “Bofu ringatungamirira bofu here? Havangawiri mugomba vose vari vaviri here?

40 Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, asi munhu wose anenge adzidziswa zvakakwana ndiye achaita somudzidzisi wake.

41 “Seiko uchitarisa rubanzu rwuri muziso rehama yako, asi usingatariri danda riri muziso rako pachako?

42 Ungareva seiko kuhama yako uchiti, ‘Hama, rega ndikubvise rubanzu rwuri muziso rako, asi, iwe pachako uchitadza kuona danda riri muziso rako?’ Iwe munyengeri, tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchaonesesa kuti ubvise rubanzu muziso rehama yako.

Muti nomuchero wawo

43 “Hakuna muti wakanaka unobereka muchero wakaipa, uye muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka.

44 Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havangatanhi maonde kubva mumakwenzi eminzwa, kana kutanha mazambiringa kubva parukato.

45 Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.

Muvaki Akachenjera noMuvaki Benzi

46 “Sei muchiti, ‘Ishe, Ishe,’ kwandiri asi musingaiti zvandinoreva?

47 Ndichakuratidzai zvakaita munhu anouya kwandiri anonzwa mashoko angu uye achiaita.

48 Akaita somunhu anovaka imba, akachera zvakadzika akavaka hwaro paruware. Mafashamu akati asvika, mafungu akarova imba iyo asi haana kugona kuizungunutsa, nokuti yakanga yakavakwa zvakanaka.

49 Asi munhu anonzwa mashoko angu akasaaita, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu asina kuchera hwaro. Mafungu paakangorova imba iyo, yakakoromoka uye kuparara kwayo kwakava kukuru.”

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

7 − 6 =